Ndakabatsirwa Nokuvimba naMwari
YAKATAURWA NARACHEL SACKSIONI-LEVEE
MUPURISA PAAKARAMBA ACHINDIROVA KUMESO NOKUTI NDAKANGA NDARAMBA KUGADZIRA MAPATSI EMABHOMBA ENAZI, MUMWE WAKE AKATI KWAARI: “ZVIRI NANI KUREGA ZVAKO. VA‘BIBELFORSCHER’ (VADZIDZI VEBHAIBHERI) IVAVO VANOBVUMA KUROHWA KUSVIKIRA VAFA PAMUSANA PAMWARI WAVO.”
IZVI zvakaitika muna December 1944 muBeendorff, musasa wechibharo wevakadzi waiva pedyo nemigodhi yomunyu kuchamhembe kweGermany. Regai nditsanangure masvikire andakaita ikoko uye maponere andakaita mwedzi yokupera kweHondo Yenyika II.
Ndakaberekerwa mumhuri yechiJudha muAmsterdam, kuNetherlands, muna 1908, ndini wechipiri pavasikana vatatu. Baba vangu vainatsurudza madhaimani, sezvaiitwa nevaJudha vakawanda muAmsterdam Hondo Yenyika II isati yatanga. Vakafa pandaiva nemakore 12, uye zvadaro Sekuru vakauya kuzogara nesu. Sekuru vaiva muJudha akazvipira, saka vakava nechokwadi chokuti tarerwa maererano netsika dzechiJudha.
Ndichitevera tsoka dzaBaba, ndakadzidza basa rokunatsurudza madhaimani, uye muna 1930 ndakaroorwa newandaishanda naye. Takava nevana vaviri—Silvain, mukomana aiva akachangamuka, uye aishereketa, naCarry, kasikana kakanaka, kakanyarara. Sezvineiwo, muchato wedu hauna kumbogara. Muna 1938, nguva pfupi tarambana, ndakaroorwa naLouis Sacksioni, ainatsurudzawo madhaimani. Muna February 1940, Johanna, mwanasikana wedu akaberekwa.
Kunyange Louis aiva muJudha, haana kuita maererano nechitendero chake. Saka takanga tisingachapembereri mitambo yechiJudha yaimbondinakidza pandaiva mwana. Zvechokwadi ndainzwa kuti pane chandaishayiwa, asi mumwoyo mangu ndakapfuurira kudavira Mwari.
Kuchinja Chitendero
Pakuvamba muna 1940, gore rakatanga vanhu vokuGermany kutonga Netherlands, mumwe mukadzi akasvika pasuo redu ndokutaura neni nezveBhaibheri. Handina kunzwisisa zvakawanda pane zvaaitaura, asi ndaibvuma mabhuku aaindipa pose paaiuya. Zvisinei, zvaaisiya ndaisazviverenga nokuti ndakanga ndisingambodi zvinhu zvine chokuita naJesu. Ndakanga ndadzidziswa kuti aiva muJudha akapanduka.
Zvino rimwe zuva, mumwe murume akasvika pasuo rangu. Ndakamubvunza mibvunzo yakadai seiyi “Nei Mwari asina kusika vamwe vanhu pashure pokutadza kwaAdhamu naEvha? Nei kuine kutambura kwakawanda kwazvo? Nei vanhu vachivengana uye vachirwa hondo?” Akandivimbisa kuti kana ndaizoshivirira, aizopindura mibvunzo yangu neBhaibheri. Saka chidzidzo cheBhaibheri chepamusha chakarongwa.
Kunyange zvakadaro, ndakaramba pfungwa yokuti Jesu aiva Mesiya. Asi ndadaro, pashure pokunyengetera nezvenyaya yacho, ndakatanga kuverenga uprofita hune chokuita naMesiya muBhaibheri, ndichihuona neimwe pfungwa. (Pisarema 22:7, 8, 18; Isaya 53:1-12) Jehovha akandigonesa kuona kuti uprofita ihwohwo hwakazadzika pana Jesu. Murume wangu akanga asina basa nezvandaidzidza, asi haana kundivhiringidza pandakava mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Kuvanda—Asi Tichingoparidza
Nguva yaitongwa Netherlands neGermany yaiva yakandiomera. Handaingova muJudha chete, mumwe wevaiiswa mumisasa yevasungwa nevanhu vokuGermany, asiwo ndaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, sangano rechitendero raiedza kutsakatiswa nevaNazi. Asi ndakaramba ndichishingaira, ndichiita avhareji yemaawa 60 pamwedzi ndichiudza vamwe nezvetariro yangu itsva yechiKristu yandakanga ndichangowana.—Mateu 24:14.
Humwe usiku muna December 1942, murume wangu haana kudzoka kumba kubva kubasa. Zvakazozivikanwa kuti akanga asungwa kubasa kusanganisira nevamwe vake vaaishanda navo. Handina kuzomuonazve. Vamwe vangu vari Zvapupu vakandikurudzira kuvanda nevana vangu. Ndakakwanisa kugara nehanzvadzi yechiKristu kune rimwe divi reAmsterdam. Nemhaka yokuti zvaiva nengozi chaizvo kuti isu vanhu vana tigare panzvimbo imwe, ndaifanira kusiya vana vangu vaine vamwe vanhu.
Ndaiwanzopona nepaburi retsono. Mamwe manheru mumwe weZvapupu akanga achindiendesa nebhasikoro kunzvimbo itsva yokuvanda. Zvisinei, mwenje webhasikoro rake wakanga usingashandi, uye mapurisa maviri echiDutch akabva atimisa. Vakandivheneka nemwenje yavo kumeso ndokuona kuti ndaiva muJudha. Sezvineiwo, vakangoti: “Rambai muchifamba nokukurumidza—asi netsoka.”
Kusungwa uye Kuiswa Mujeri
Mamwe mangwanani muna May 1944 pandakanga ndoda kutanga ushumiri, ndakasungwa—kwete kusungirwa kuva Chapupu asi kuti ndaiva muJudha. Ndakaendeswa kujeri muAmsterdam, kwandakagara mazuva gumi. Zvadaro ndakaendeswa nechitima pamwe nevamwe vaJudha kumusasa weWesterbork, kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweNetherlands. Kubva ipapo, vaJudha vakaendeswa kuGermany.
MuWesterbork ndakasangana nomuramu wangu nomwanakomana wake, avo vakanga vasungwawo. Ndini ndaingova Chapupu pavaJudha vacho, uye ndaigara ndichinyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire. Mazuva maviri gare gare ini nomuramu wangu nomwanakomana wake, takagara muchitima chemombe chakanga choda kuenda kuAuschwitz kana kuti kuSobibor, misasa yokuurayira kuPoland. Nenguva isipi, zita rangu rakashevedzwa, uye ndakaendeswa mune chimwe chitima—chitima chinongokwidzwawo vanhu vose.
Mukati maiva nevandaimboshanda navo mubasa remadhaimani. Vashandi vanenge zana vokumadhaimani vakaendeswa kuBergen-Belsen divi rokuchamhembe kweGermany. Ndakazoziva pava paya kuti basa rangu rakanga raponesa upenyu hwangu, nokuti vaJudha vaiendeswa kuAuschwitz neSobibor kazhinji kacho vaingonosvikoiswa mudzimba dzine gasi rinouraya. Ndozvakaitika kumurume wangu nevamwe vevana vangu vaviri, uye dzimwe hama. Zvisinei, panguva iyoyo, handina kuziva chakanga chaitika kwavari.
MuBergen-Belsen isu vagadziri vemadhaimani takagariswa mumabharaki edu toga. Kuti tisakuvadzwe zvanza zvedu nebasa iri rinokosha, taisabvumirwa kuita rimwe basa. Ndini ndaingova Chapupu chete muboka redu, uye ndaitaura noushingi kuvamwe vangu vechiJudha nezvokutenda kwangu kutsva. Zvisinei, vaindiona somunhu akapanduka, sezvaiitwa muapostora Pauro muzana remakore rokutanga.
Ndakanga ndisina Bhaibheri, uye ndaiva neshungu neshoko raMwari. Mumwe chiremba wechiJudha aiva mumusasa akanga anaro, uye akandipa rake pandakamupa zvimedu zvishomanana zvechingwa nemajarini. Ndakapedza mwedzi minomwe neiri ‘boka raigadzira madhaimani’ muBergen-Belsen. Taibatwa zvakati nakei, zvakaita kuti vamwe vasungwa vechiJudha vatiitire shanje. Zvisinei, pakupedzisira, zvakazoitika ndezvokuti pakanga pasisina madhaimani okuti tishande paari. Saka musi waDecember 5, 1944, isu vakadzi vechiJudha vanenge 70 takaendeswa kumusasa wechibharo kuBeendorff.
Kuramba Kugadzira Zvombo
Mumigodhi yaiva pedyo nemisasa, anenge mamita 400 pasi, vasungwa vakapiwa basa rokugadzira mapatsi emabhomba. Pandakaramba kuita basa iri, ndakarohwa kashoma asi zvakaomarara. (Isaya 2:4) Mupurisa wacho akatyisidzira achiti zvaitova nani kuti mangwana acho ndinge ndagadzirira kutanga basa.
Mangwanani acho handina kuenda kunodaidzirwa mazita, ndakasara mumabharaki. Chokwadi ndakafunga kuti ndaizopfurwa, saka ndakanyengetera kuti Jehovha aizondipa mubayiro wokutenda kwangu. Ndakaramba ndichidzokorora pisarema reBhaibheri rinoti: “Ndakavimba naMwari, handingatyi; vanhu vangandiiteiko?”—Pisarema 56:11.
Ndakatsvakwa mumabharaki, ndokubudiswa. Ndipo pandakabva ndaramba ndichirohwa nomumwe mupurisa achibvunza kuti: “Ndiani asingakubvumiri kushanda?” Nguva yose ndaiti ndiMwari. Ndipo paakazoudzwa nomumwe mupurisa kuti: “Zviri nani kurega zvako. VaBibelforschera ivavo vanobvuma kurohwa kusvikira vafa pamusana paMwari wavo.” Mashoko ake akandisimbisa kwazvo.
Sezvo basa rokuchenesa zvimbuzi raipiwa sechirango uye raiva basa raisemesa zvikuru pane ose, ndakazvipira kuriita. Ndakafara kuita basa iroro nokuti raiva basa randaigona kuita hana yangu yakasununguka. Mamwe mangwanani mupurisa mukuru womusasa, aityiwa nevanhu vose akasvika pandaiva. Akamira pamberi pangu ndokuti: “Saka ndiwe muJudha uya asingadi kushanda nhai?”
“Muri kuona kuti ndiri kushanda,” ndakadaro.
“Asi hausi kuzoshandira zvehondo, handizvo here?”
“Kwete,” ndakapindura. “Mwari haadi izvozvo.”
“Asi unenge usiri kuuraya, handizvo here?”
Ndakatsanangura kuti ndikagadzirawo zvombo, ndinenge ndichikuvadza hana yangu yechiKristu.
Akatora mutsvairo wangu ndokuti: “Ndinogona kukuuraya neichi, unofunga kuti ndingatadza kuzviita here?”
“Hungu zvinoita,” ndakapindura kudaro, “asi mutsvairo hauna kugadzirirwa izvozvo. Pfuti ndiyo yakagadzirirwa izvozvo.”
Takakurukura nezvaJesu kuti aiva muJudha uye nezvokuti kunyange zvazvo ndaiva muJudha, ndakanga ndava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Paakabva ipapo, vamwe vasungwa vakauya kwandiri, vashamiswa noushingi hwandakava nahwo hwokutaura nomupurisa mukuru womusasa ndakadzikama. Ndakavaudza kuti hwaisava ushingi hwangu asi kuti Mwari wangu akanga andipa simba rokuita kudaro.
Kupukunyuka Kupera Kwehondo
Pakasvika mauto Omubatanidzwa muBeendorff, musi waApril 10, 1945, taifanira kumirira kudanwa mazita kuratidza kuti tiripo muchivanze unenge muswere wose. Pashure pacho, isu vakadzi vanenge 150 takatutirwa muzvitima zvemombe, tisina zvokudya kana mvura. Zvitima zvacho zvakasimuka kuenda kwatakanga tisingazivi, uye kwemazuva akati taimonereka nemairwiwa hondo. Vamwe vasungwa vakadzvinya vamwe kuti vawane nzvimbo muchitima, uye zvakaguma zvaita kuti vakadzi vakawanda vakuvare mupfungwa. Kuvimba kwangu naJehovha ndiko kwakaita kuti ndirambe ndichitsungirira.
Rimwe zuva chitima chakamira pedyo nomusasa wevarume, uye takabvumirwa kubuda. Vashomanana vedu takapiwa migomo kuti tinochera mvura pamusasa wacho. Pandakasvika papombi, ndakatanga ndadutira mvura zviya zvokudutira ndokuzozadza mugomo wangu. Pandakadzoka vakadzi vakamhanyira kwandiri kunge mhuka dzomusango. Mvura yose yaiva mumugomo yakarasika. VaSS (nhengo dzepamusoro-soro dzeboka remapurisa aHitler) vakangomira ipapo vachiseka. Mazuva gumi nerimwe pava paya, takaguma tasvika kuEidelstedt, musasa waiva mumusha weHamburg. Vanenge hafu muboka redu vakanga vafa nemhaka yokuipa kworwendo rwacho.
Rimwe zuva ndiri muEidelstedt, ndaiverengera zvangu Bhaibheri vakadzi vashomanana. Ipapo, mukuru womusasa akamira pahwindo. Takatya kwazvo nokuti Bhaibheri ibhuku rairambidzwa mumusasa uyu. Mukuru mukuru wacho akapinda, ndokutora Bhaibheri ndokuti: “Saka iri iBhaibheri, he-e?” Ndakatura befu paakaridzorera achiti: “Kana mumwe mukadzi akafa, munofanira kuverenga zvinonzwika zvimwe zviri mariri.”
Kubatanidzwazve Nezvimwe Zvapupu
Pashure pokunge tasunungurwa mazuva 14 gare gare, sangano reRed Cross rakatiendesa kune chimwe chikoro pedyo neMalmö, kuSweden. Ikoko, takaiswa kwedu toga kwenguva yakati. Ndakakumbira mumwe aititarisira kuti azivise Zvapupu zvaJehovha kuti ndaiva mumusasa wevapoteri. Mazuva mashomanana gare gare, zita rangu rakashevedzwa. Pandakaudza mukadzi wacho kuti ndaiva Chapupu, akatanga kusvimha misodzi. Aivawo Chapupu! Shungu dzake dzaserera, akandiudza kuti Zvapupu zvokuSweden zvave zvichinyengeterera hama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu dzaiva mumisasa yevasungwa yeNazi.
Kubvira ipapo, imwe hanzvadzi yaiuya nekofi uye nechimwe chinhu chinotapira chokuseredzera zuva roga roga. Ndabva pamusasa wevapoteri, ndakaendeswa kunzvimbo yaiva pedyo neGöteborg. Ikoko Zvapupu zvakanyatsoronga noungwaru mamwe masikati okundiunganira. Kunyange ndakanga ndisingazvinzwisisi, zvainyevenutsa mwoyo kukomberedzwazve nehama dzangu nehanzvadzi.
Ndiri muGöteborg, ndakatambira tsamba yaibva kune chimwe Chapupu chokuAmsterdam chichindiudza kuti vana vangu Silvain naCarry uye hama dzangu dzose vakasungwa uye havana kuzombodzoka. Mwanasikana wangu Johanna nekanun’una kangu kadiki ndivo vakanga vapona chete. Nguva pfupi yapfuura ndakaona zita remwanakomana neremwanasikana wangu mubhuku remazita evaJudha vakaurayiwa negasi muAuschwitz neSobibor.
Hondo Yapera
Ndadzoka muAmsterdam, uye ndabatanidzwazve naJohanna, uyo aiva nemakore mashanu, ndakabva ndangotangazve ushumiri. Dzimwe nguva ndaisangana nevaya vaimbova nhengo dzeNSB, bato reDutch National-Socialist Movement, bato rezvematongerwe enyika rakanga rakabatana nevanhu vokuGermany. Ivava vakabatsira mukuuraya inenge mhuri yangu yose. Ndaifanira kukunda pfungwa dzoruvengo kuitira kuti ndivaparidzire mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Ndakaramba ndichifunga kuti Jehovha ndiye anoona mwoyo uye ndiye mutongi wezvose, kwete ini. Uye izvi zvakaita kuti ndikomborerwe kwazvo!
Ndakatanga kudzidza Bhaibheri nomumwe mukadzi aiva nomurume akanga ari mujeri nemhaka yokushanda pamwe chete nevaNazi. Pandaikwira masitepisi kuenda kuimba yavo, ndainzwa vavakidzani vachiti: “Tarisai! MuJudha uya ari kushanyira vanhu veNSB zvekare.” Asi pasinei nokushorwa kukuru kwaibva kumurume wake aiva mujeri aivenga vaJudha, mukadzi uyu nevanasikana vake vatatu vose vakava Zvapupu zvaJehovha.
Zvakatondifadza ndezvokuti mwanasikana wangu Johanna akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha gare gare. Ini naye takatamira kunzvimbo yaidiwa vazivisi voUmambo zvikuru. Takawana zvikomborero zvakawanda zvokumudzimu. Iye zvino ndinogara muguta duku kumaodzanyemba kweNetherlands, kwandinoita basa rokuparidza pamwe neungano kakawanda sezvandinogona. Ndichitarira shure, ndinogona kungoti handina kumbobvira ndanzwa kuti ndasiyiwa naJehovha. Ndinogaronzwa kuti Jehovha noMwanakomana wake anodiwa, Jesu, vaneni, kunyange munguva dzakaomesesa.
Muhondo, ndakafirwa nomurume wangu, vana vangu vaviri, uye vemhuri yangu vakawanda. Zvisinei, tariro yangu ndeyokuvaonazve munguva pfupi ichauya munyika itsva yaMwari. Pandinenge ndiri ndoga uye ndichifunga zvandakasangana nazvo kare, ndinozadzwa nomufaro uye kuonga mashoko omunyori wepisarema anoti: “Mutumwa waJehovha unokomberedza vanomutya, nokuvarwira.”—Pisarema 34:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita iro Zvapupu zvaJehovha zvaizikanwa naro muGermany.
[Mufananidzo uri papeji 24]
VaJudha vachiendeswa kuGermany kubva mumusasa weWesterbork
[Kwazvakatorwa]
Herinneringscentrum kamp Westerbork
[Mufananidzo uri papeji 25]
[Mufananidzo uri papeji 26]
Tiri kwedu toga muSweden
[Mufananidzo uri papeji 26]
Chitupa changu chandakashandisa kwenguva pfupi pakudzokerazve kunyika yangu
[Mufananidzo uri papeji 27]
Nhasi nomwanasikana wangu Johanna