RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 6/1 pp. 28-31
  • Ndakatsigirwa Mumiedzo Inotyisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakatsigirwa Mumiedzo Inotyisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurererwa muchiJudha
  • Kutanga Kwemiedzo
  • Muedzo Wangu Wakaipisisa
  • Nguva Yokusununguka
  • Kupukunyuka muAuschwitz
  • Kupukunyuka Mumimwe Misasa
  • Kusunungurwa uye Upenyu Pashure
  • Ndakabatsirwa Nokuvimba naMwari
    Mukai!—2002
  • Takararama Paitonga Vadzvanyiriri, Tichibatsirwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Chandinoda Zvikuru—Kuramba Ndakavimbika
    Mukai!—2000
  • Ndakadzidza Kuvimba naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 6/1 pp. 28-31

Ndakatsigirwa Mumiedzo Inotyisa

YAKATAURWA NAÉVA JOSEFSSON

Boka redu duku rakanga raungana muruwa rweÚjpest rweBudapest, Hungary, nokuda kwemusangano mupfupi tisati tapinda muushumiri hwechiKristu. Makanga muri muna 1939, nokukurumidza Hondo Yenyika II isati yavamba, uye basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha rakanga rarambidzwa muHungary. Avo vaigoverana mukudzidzisa Bhaibheri pachena mumazuva iwayo vaiwanzosungwa.

SEZVAYAKANGA iri nguva yangu yokutanga kugoverana mubasa iri, ndinofanira kuve ndakaratidzika sendaitya zvishoma uye ndisina kugadzikana. Hama yakura yechiKristu yakatendeukira kwandiri ndokuti: “Éva, haufaniri kumbotya. Kubatira Jehovha ndiko rukudzo rukurusa runogona kuva nemunhu.” Mashoko iwayo okurangarira uye anosimbisa akabetsera kunditsigira mumiedzo inotyisa yakawanda.

Kurererwa muchiJudha

Ndakanga ndiri mwana mukurusa mumhuri yechiJudha yevana vashanu. Amai vakanga vasingagutswi nechiJudha, uye vakatanga kunzvera mamwe marudzidziso. Uku ndiko kusangana kwavakaita naErzsébet Slézinger, mumwe mukadzi wechiJudha akanga achitsvakawo chokwadi cheBhaibheri. Erzsébet akaita kuti Amai vaonane neZvapupu zvaJehovha, uye somugumisiro, ndakavawo anofarira zvikuru dzidziso dzeBhaibheri. Nokukurumidza ndakatanga kugoverana nevamwe zvandakanga ndadzidza.

Pandakasvika makore 18 muzhizha ra1941, ndakaratidzira kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari kupfurikidza nokubhabhatidzwa muRwizi rwaDanube. Amai vakabhabhatidzwa panguva imwe cheteyo, asi Baba havana kugoverana kutenda kwedu kwechiKristu kwakanga kuchangobva kuwanwa. Nokukurumidza pashure pokubhabhatidzwa kwangu, ndakaronga kupayona, ndiko kuti, kugoverana muushumiri nguva yakazara. Ndaifanira kuwana bhasikoro, naizvozvo ndakatanga kushanda murabhoritari yefekitari hombe yemicheka.

Kutanga Kwemiedzo

VaNazi vakanga vava kudzora Hungary, uye fekitari mandaishanda yakanga yava kutarisirwa nevaGermany. Rimwe zuva vashandi vose vakadanwa kuti vauye pamberi pevatarisiri kuti vapike mhiko yekuvimbika kuvaNazi. Takaudzwa kuti kukundikana kuita izvi kwaizova nemigumisiro yakakomba. Mukati momutambo mataifanira kurumbidza Hitler, ndakamira noruremekedzo asi handina kuita chiito chaidikanwa. Ndakadanirwa muhofisi zuva iroro chairo, ndakapiwa muhoro wangu, uye ndakadzingwa. Sezvo basa rakanga richinetsa kuwana, ndakanetseka kuti chii chaizoitika kugadziriro dzangu dzokupayona. Zuva rakatevera racho, zvisinei, ndakawana basa idzva rakanga richitova nomubhadharo uri nani.

Zvino chishuvo changu chokupayona chaigona kuitika. Ndakashanda nemapiyona anoverengeka, uye wokupedzisira wangu ainzi Juliska Asztalos. Taishandisa Bhaibheri redu bedzi muushumiri, tisina mabhuku okugovera. Pataiwana vanhu vaifarira, taiita shanyo dzedzokerero uye taivakweretesa mabhuku.

Kakawanda, Juliska neni taifanira kuchinja ndima yataishanda. Iyi yaiva mhaka yokuti mupristi, paakaziva kuti taishanyira ‘makwai ake,’ aizivisa muchechi kuti kana Zvapupu zvaJehovha zvikavashanyira, vaifanira kuzvisuma kwaari kana kuti kumapurisa. Apo vanhu vane ushamwari vaitiudza nezvechiziviso chakadaro, taitamira kune imwe ndima.

Rimwe zuva Juliska neni takashanyira mumwe mukomana akaratidza kufarira. Takaita rangano yeshanyo yedzokerero kuti tizomukweretesa chimwe chinhu chokurava. Asi patakadzoka, mapurisa akanga aripo, uye takasungwa ndokuendeswa kukamba yemapurisa muDunavecse. Mukomana wacho akanga ashandiswa semusungo wekutibata. Patakasvika pakamba yemapurisa, takaona mupristi aripo uye takaziva kuti iyewo akanga achibatanidzwa.

Muedzo Wangu Wakaipisisa

Ikoko pakamba yemapurisa, bvudzi rangu rose rakagerwa, uye ndaifanira kumira ndiri mushutu pamberi pemapurisa anenge gumi nemaviri. Vakandibvunzurudza, vachida kuziva kuti mutungamiriri wedu muHungary akanga ari ani. Ndakatsanangura kuti takanga tisina mutungamiriri kunze kwaJesu Kristu. Ipapo vakandirova neutsinye netsvimbo dzavo, asi handina kutengesa hama dzangu dzechiKristu.

Pashure pezvo, vakasunga tsoka dzangu pamwe chete ndokuisa maoko angu pamusoro wangu uye vakaasungawo pamwe chete. Ipapo, mumwe pashure pomumwe, vakandibata chibharo, vose kunze kwemupurisa mumwe. Ndakanga ndakasungwa zvakasimba kwazvo zvokuti ndakanga ndichine mavanga mumaoko angu makore matatu gare gare. Ndakabatwa noutsinye kwazvo zvokuti ndakachengetwa muimba yepasi kwemavhiki maviri kutozosvikira maronda akanga akaipisisa zvikuru apora zvishoma.

Nguva Yokusununguka

Gare gare ndakaendeswa kujeri muNagykanizsa, uko kwakanga kune Zvapupu zvaJehovha zvakawanda. Makore maviri emufaro akatevera pasinei zvapo nokuiswa kwedu mujeri. Taiita misangano yedu yose pachivande, uye taishanda nenzira yakati fananei neungano. Takanga tinewo mikana yakawanda yekukupupura kusina kurongwa. Makanga muri mujeri rino mandakasangana naOlga Slézinger, mukoma chaiye waErzsébet Slézinger, mukadzi akanga asuma chokwadi cheBhaibheri kuna amai vangu neni.

Pakasvika 1944 vaNazi vaiva muHungary vakanga vatsunga kuparadza vaJudha vemuHungary, kunyange sezvavakanga vavauraya zvakarongeka mudzimwe nzvimbo dzavaidzora. Rimwe zuva vakavinga Olga neni. Takatutirwa muchitima chaishandiswa kutakura mombe, uye pashure perwendo rwakaoma zvikuru nomuCzechoslovakia, takasvika kwataienda kumaodzanyemba kwePoland—musasa worufu Auschwitz.

Kupukunyuka muAuschwitz

Ndainzwa ndakachengeteka pandaiva naOlga. Aigona kuva anosetsa kunyange mumamiriro ezvinhu aitambudza. Patakasvika muAuschwitz, takamira pamberi paDr. Mengele aiva nomukurumbira wakaipa, uyo akanga ane basa rekuparadzanisa vatsva vaisvika vakanga vasina kukodzera basa vachibva muavo vakanga vakasimba. Vokutanga vaiendeswa kumakamuri egasi. Parakanga rava jana redu, Mengele akabvunza Olga kuti, “Une makore mangani?”

Noushingi, uye nekakuseka mumaziso ake, akapindura kuti, “20.” Chaizvoizvo akanga ane makore anopeta iwayo nekaviri. Asi Mengele akaseka ndokumurega achienda kurutivi rwokurudyi uye nokudaro akararama.

Vasungwa vose muAuschwitz vaiiswa zviratidzo pachipfeko chavo chomujeri—vaJudha vakanga vane Nyeredzi yaDhavhidhi, uye Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvine chigamba chepepuru. Pavakanga vachida kusonera Nyeredzi yaDhavhidhi pambatya dzedu, takatsanangura kuti takanga tiri Zvapupu zvaJehovha uye taida chigamba chepepuru. Izvi zvaisava nemhaka yokuti tainyadziswa nokuva kwedu vaJudha, asi zvino takanga tava Zvapupu zvaJehovha. Vakaedza kutimanikidza kuti tigamuchire chiratidzo chechiJudha kupfurikidza nokutikava nokutirova. Asi takaramba takasimba kutozosvikira vatibvuma seZvapupu zvaJehovha.

Pakupedzisira, ndakasangana nemunun’una wangu Elvira, akanga ari muduku kwandiri nemakore matatu. Mhuri yedu yose yevanomwe yakanga yaendeswa kuAuschwitz. Elvira bedzi neni takanga tatenderwa setakakodzera basa. Baba, Amai, uye vamwe vanun’una vedu vatatu vakafira mumakamuri egasi. Panguva iyoyo Elvira akanga asiri Chapupu, uye takanga tisingagari murutivi rumwe chete rwemusasa. Akapukunyuka, akatamira kuUnited States, akava Chapupu muPittsburgh, Pennsylvania, uye gare gare akafira ikoko muna 1973.

Kupukunyuka Mumimwe Misasa

Muchando cha1944/45, vaGermany vakasarudza kubva muAuschwitz, sezvo vaRussia vakanga vava kusvika. Naizvozvo takatamisirwa kuBergen-Belsen kurutivi rwekuchamhembe kweGermany. Tichangosvika, Olga neni takatumirwa kuBraunschweig. Kuno taifanira kubetsera kubvisa urangwanda pashure pekubhomba kukuru kwakanga kwaitwa nemauto eMubatanidzwa. Olga neni takakurukura nhau yacho. Sezvatakanga tisina chokwadi kana kuita basa iri kwaizoputsa kusatora rutivi kwedu, tose tiri vaviri takasarudza kusagoverana mariri.

Chisarudzo chedu chakaparira nyongano yakati. Takarohwa nezvamboko zvematehwe ndokuendeswa kuboka ravaurayi. Takapiwa miniti imwe yokufungazve nhau yacho, uye takaudzwa kuti kana tikasachinja ndangariro dzedu, taizopfurwa. Takataura kuti takanga tisingadi nguva yekufunga pamusoro pazvo nokuti takanga tatosarudza. Zvisinei, sezvo mutungamiriri wemusasa akanga asipo uye ndiye bedzi akanga ane chiremera chekurayira kuuraya, kuurawa kwedu kwaifanira kunonotswa.

Munguvayi takamanikidzwa kumira muchivanze chemusasa muswere wose wezuva. Varwi vaviri vane zvombo, vaitsiviwa maawa maviri oga oga, vaitirinda. Hatina kupiwa zvokudya zvipi nezvipi, uye takatambura zvinotyisa nechando, sezvamakanga muri muna February. Vhiki rekubatwa kwakadai rakapfuura, asi mutungamiriri wacho haana kuuya. Naizvozvo takaiswa shure kwerori, uye zvakatishamisa ndezvokuti, takazviwana tadzoka muBergen-Belsen.

Kusvika panguva iyoyo Olga neni takanga tava mumugariro unotyisa zvikuru. Ndakanga ndarasikirwa nevhudzi rangu rakawanda uye ndakanga ndine fivha yakanyanya. Zvaida nhamburiko huru zvikuru kuti ndishande zvishoma. Muto wekabichi waisava nechinhu nechidimbu chiduku chechingwa zuva rimwe nerimwe zvakanga zvisina kukwana. Asi zvakanga zviri madikanwa kuti tishande nokuti avo vaisagona vaipfurwa. Hanzvadzi dzechiGermany dzaishanda neni mukicheni dzakandibetsera kuwana kuzorora kwakati. Paiuya varindiri vainzvera, hanzvadzi dzaindiyambira, naizvozvo ndaigona kumira pabhenji rekushandira, ndichiratidzika sendaishanda zvakaoma.

Rimwe zuva Olga akanga asimborina simba rokuenda kwaaishandira, uye pashure pezvo hatina kuzombomuona. Ndakarasikirwa neshamwari yakanga yakashinga uye muperekedzi, uyo akanga andibetsera zvikuru mumwedzi iyoyo yakaoma mumisasa. Semuteveri akazodzwa waIshe wedu Jesu Kristu, anofanira kuva akagamuchira nokukurumidza mubayiro wake wokudenga.—Zvakazarurwa 14:13.

Kusunungurwa uye Upenyu Pashure

Pakaguma hondo muna May 1945 uye rusununguko rwakauya, ndakanga ndisisina simba kwazvo zvokuti ndakanga ndisingagoni kufara kuti joko revadzvinyiriri pakupedzisira rakanga raparadzwa; uyewo ndaisagona kukumbanira vadziviriri vakanga vachiendesa vakasunungurwa kunyika dzakanga dzichida kuvagamuchira. Ndakaramba ndiri muchipatara kwemwedzi mitatu kuti ndiwanezve simba. Pashure pezvo ndakaendeswa kuSweden, wakava musha wangu mutsva. Pakarepo, ndakaonana nehama dzangu dzechiKristu nehanzvadzi uye pashure penguva yakati ndakagamuchira pfuma inokosha yeushumiri hwemumunda.

Muna 1949, ndakaroorwa naLennart Josefsson, uyo akanga ashanda semutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha kwemakore. Iyewo akanga aiswa mujeri mukati meHondo Yenyika II semugumisiro wekuchengeta kutenda kwake. Takatanga upenyu hwedu pamwe chete semapiyona musi wa1 September 1949, uye takagoverwa kushanda mutaundi reBorås. Mumakore edu okutanga ikoko, nguva dzose taiitisa fundo dzeBhaibheri gumi vanhu vanofarira vhiki imwe neimwe. Takava nomufaro wokuona ungano muBorås dzichiva nhatu mumakore mapfumbamwe, uye zvino mune shanu.

Handina kukwanisa kuramba ndiri piyona kwenguva yakareba nemhaka yokuti muna 1950 takava vabereki vomwanasikana, uye makore maviri gare gare, mwanakomana. Nokudaro ndakava neropafadzo inofadza yekudzidzisa vana vedu chokwadi chinokosha icho hama inodiwa muHungary yakandidzidzisa pandaingova nemakore 16 bedzi, kuti: “Kubatira Jehovha ndiko rukudzo rukurusa runogona kuva nemunhu.”

Ndichitarira shure muupenyu hwangu, ndinoziva kuti ndakazviwanira uchokwadi hwemashoko ezvakanyorwa nemudzidzi Jakobho paaitiyeuchidza nezvekutsungirira kwaJobho: “Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:11) Kunyange zvazvo iniwo ndakatambura miedzo inotyisa, ndakaropafadzwa zvikuru nevana vaviri, vakwanyina vavo, uye vazukuru vatanhatu—vose vari vanamati vaJehovha. Kunze kwezvo, ndine vana nevazukuru vomudzimu vakawanda zvikuru, vamwe vavo vari kubatira semapiyona uye vafundisi. Zvino tariro yangu huru ndeyekusangana nevanodiwa vakarara murufu ndokuvambundira pavanomuka vachibva mumakuva avo echirangaridzo.—Johane 5:28, 29.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ndiri muushumiri muSweden pashure peHondo Yenyika II

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ndine murume wangu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe