RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 2/8 pp. 18-20
  • Kufarira Kuita Zvemashiripiti—Kwakaipirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarira Kuita Zvemashiripiti—Kwakaipirei?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukwezva Kunoita Zvemashiripiti
  • Maonero Anoita Mwari Zvemashiripiti
  • Kusunungurwa Pakuita Zvemashiripiti
  • Usarwa Uri Woga
  • Pane Chakaipa Here Nekuvaraidzwa Nezvinhu Zvemidzimu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Madhemoni Ariko Chaizvoizvo Here?
    Mukai!—1998
  • Dziviriro Chaiyoiyo Inobvira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kuita Zvemidzimu Kwakaipa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 2/8 pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Kufarira Kuita Zvemashiripiti—Kwakaipirei?

VACHIRI kuyaruka vanofarira zvemashiripiti chaizvoizvo here? Rimwe boka revaongorori rakaedza kuti rizive izvozvo nokubvunza vadzidzi muzvikoro 115 zvepuraimari nezvesekondari. Ongororo yacho yakabudisa mashoko aya anoratidza zvazviri: Vanodarika hafu yevakabvunzwa (54 kubva muzana) vakati vanofarira zvemashiripiti uye zvemasimba asingaoneki, nepo chikamu chimwe kubva muzvina (26 kubva muzana) vakati “vanozvifarira zvikuru.”

Vaongorori vepaYunivhesiti yeAlaska paAnchorage vakanyora kuti: “Nyaya dzomumapepanhau nomumagazini dzinotaura nezvokuwedzera kwesangano remabasa ousatani . . . dzakawedzera mumakore achangopfuura.” Nyanzvi dzinoti kune uchapupu hwakati kuti husiri hwokunyepa hunotsigira kupararira kwakaita kunamata Satani pakati pepwere. Kunyange zvakadaro, hapana mubvunzo kuti vechiduku vakawanda vanofarira zvinhu zvine chokuita nokunamata Satani uye zvemashiripiti, kunyange kana kufarira kwacho kuri kwokungoitawo.

‘Chii chinokuvadza pakufarira kuita zvemashiripiti?’ dzimwe pwere dzingabvunza kudaro. Kupindura izvozvo, ngationgorore dzimwe nzira idzo pwere dzinobatanidzwa nadzo mukufarira zvemashiripiti.

Kukwezva Kunoita Zvemashiripiti

Imwe nyaya muU.S.News & World Report inoti “nhasi vana uye vachiri kuyaruka vanogona kuwana kana kuona mashoko akawanda nemifananidzo zvinokangaidza—kazhinji zvichivhiringidza—zvingadai zvaisafungidzirwa kuti zvingaitika kunyange makore 20 adarika.” Kuda kuziva kunoita kuti pwere dzakawanda dzide kuverenga mabhuku uye magazini, kuona mavhidhiyo, kana kuvhura nzvimbo dzeIndaneti dzinoratidza zvinhu zvemashiripiti.

Maererano neNhau dzeBBC dzepaIndaneti, purogiramu dzeTV dzinoratidza zvouroyi uye zvipoko “dzinonzi dzinokurudzira kufarira zvouroyi pakati pevana.” Dzimwe nziyo dzomutinhimira wakanyanyisa dzinoratidzawo mashoko anosimudzira chisimba kana kuti zvechidhimoni. Munyori wechikamu chomupepanhau anonzi Tom Harpur akanyora mupepanhau rokuToronto rinonzi The Sunday Star kuti: “Ndinofanira kunyevera zvakasimba pamusoro pezviri kuitika [mune zvemimhanzi]. . . . Handisati ndamboona zvinhu zvakaipa zvakadaro. Nziyo dzacho dzakazara noupengo, kusvikirwa, madhimoni, kudeura ropa, kutuka, chisimba chose, kusanganisira kubata chibharo, kuzvicheka-cheka, umhondi, uye kuzviuraya. Rufu uye kuparadza, zviprofita zvokuparara kwenyika, kurambwa kwezvakanaka zvose uye kudiwa kwezvose zvakashata uye zvakaipa—ndizvo zviri munziyo dzacho.”

Kuteerera nziyo dzakadaro kunoita kuti munhu aite muitiro wokuzviparadza here? Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika mune chimwe chiitiko—imwe pwere yemakore 14 muUnited States yakabaya amai vayo kusvika vafa ndokubva yazozviurayawo. Madziro ekamuri rake akanga akanamirwa mifananidzo yevaimbi venziyo dzine mutinhimira wakanyanyisa. Baba vake vakazokumbira vachiti: “Udzai vabereki kuti vangwarire nziyo dzinoteererwa nevana vavo.” Vakati vhiki imwe mwanakomana wavo asati auraya amai vake, airamba achiimba imwe nziyo yerock inotaura “nezveropa uye kuuraya amai vako.”

Kwozotiwo kune mitambo yokuedzesera, imwe yacho inoitwa kuti vatambi vaite basa revaroyi nevamwe vanoita zvemashiripiti. Mitambo yacho yakawanda inoratidza chisimba choudhimoni.a

Kunyange zvakadaro, sangano rinotsvakurudza ruzivo rinonzi Mediascope rinoshuma kuti: “Ongororo dzinoratidza kuti kufarira nziyo dzomutinhimira wakanyanyisa kungava chiratidzo chinooneka chokuzviparadzanisa, kushandisa zvinodhaka, kuvhiringika kwepfungwa, kuda kuzviuraya . . . kana kuti miitiro ine ngozi panguva yokuyaruka, asi nziyo handidzo dzinokonzera kuita uku. Zvinofungidzirwa kuti vachiri kuyaruka vari kutotambura nezvinetso izvi vangakwezvwa nemimhanzi yomutinhimira wakanyanyisa, nokuti mashoko adzo anotaura zvinovanetsa chaizvo.”

Vatsvakurudzi voruzivo vangasabvumirana vose pangozi dzokuteerera nziyo dzaSatani. Asi kuona mavhidhiyo, kuteerera nziyo, kana kutamba mitambo inosimudzira chisimba kana kuti kuzviparadza zvingasakuvadza here? Zvisinei, kuvaKristu kufarira zvemashiripiti kunoisa pangozi huru.

Maonero Anoita Mwari Zvemashiripiti

Pana 1 VaKorinde 10:20, muapostora Pauro akanyevera vaKristu kuti: “Handidi kuti muve vanogoverana nemadhimoni.” Madhimoni anombova chii, uye nei zvine ngozi kwazvo kuva nechokuita nawo? Zvichitaurwa pasina kupoterera, madhimoni akambenge ari ngirozi dzinova dzakazosarudza kutevera Satani Dhiyabhorosi. Satani zvinoreva kuti “Mudzivisi” uye Dhiyabhorosi zvinoreva kuti “Mucheri.” Maererano neBhaibheri, aimbova mwanakomana waMwari uyu aimbova ngirozi akazviita mudzivisi uye mucheri nokusarudza kupandukira Mwari. Nokufamba kwenguva, akanyengedza dzimwe ngirozi kubatana naye mukupandukira kwake. Saka dzakabatana naye idzi dzakava madhimoni.—Genesi 3:1-15; 6:1-4; Judha 6.

Jesu akati Satani ndiye “mutongi wenyika ino.” (Johani 12:31) Satani nemadhimoni ake ‘vakatsamwa kwazvo’ pamusoro pokuparadzwa kwavo kuri kuuya. (Zvakazarurwa 12:9-12) Hazvishamisi kuti vaya vakava nechokuita nemadhimoni vakaona kuti ane utsinye kwazvo. Mumwe mukadzi wokuSuriname akakurira mumhuri yaiita zvemidzimu akazvionera oga zvinoitwa nemadhimoni “kunakidzwa nokurwadzisa vasingadi kuita zvaanoda.”b Saka kuva nechokuita nezvisikwa zvomudzimu izvi zvine utsinye munzira ipi neipi kune ngozi zvikuru!

Nokuda kwechikonzero ichi, Mwari akarayira vanhu vake vekare, vaIsraeri, kutambira kure nemiitiro yose yemashiripiti. “Vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha,” inonyevera kudaro Dheuteronomio 18:10-12. VaKristu vakanyeverwawo kuti “vanoita zvemidzimu” vachaparadzwa naMwari. (Zvakazarurwa 21:8) Kunyange kufarira kuita zvemashiripiti kunoshorwa naMwari. “Musabata chinhu chisina kuchena,” rinorayira kudaro Bhaibheri.—2 VaKorinde 6:17.

Kusunungurwa Pakuita Zvemashiripiti

Wakaita chikanganiso chokufarira kuita zvemashiripiti here? Saka funga zvakaitika muguta romuzana remakore rokutanga reEfeso. Vakawanda imomo “vaiita zvemashiripiti.” Asi vamwe vakaororwa nemabasa esimba akaitwa nomuapostora Pauro achibatsirwa nomudzimu mutsvene. Zvakaguma nei? “Vakawanda veavo vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pevanhu vose. Uye vakaverenga pamwe mutengo wao vakawana kuti aikosha masirivha ane zviuru makumi mashanu. Nokudaro shoko raJehovha rakaramba richikura nesimba uye richipararira.”—Mabasa 19:11-20.

Izvi zvinotiudzei? Kuti kana munhu achida kusunungurwa pamadhimoni, anofanira kuparadza zvinhu zvose zvine chokuita nokunamata Satani! Izvi zvinosanganisira mabhuku ose, magazini, makadhi, mabhuku enyambo, mavhidhiyo, mazango (zvinhu zvinopfekwa “kuzvidzivirira”), uye zvinhu zvine chokuita nemadhimoni zvinotorwa paIndaneti. (Dheuteronomio 7:25, 26) Rasa chinhu chipi nechipi chingashandiswa pakushopera, semabhora anoshandiswa kufembera kana kuti makadhi eOuija. Uyewo, rasa nziyo kana kuti mavhidhiyo ane mashoko okunamata Satani.

Zvinoda ushingi uye kutsunga kutora matanho okusatya akadaro. Asi kubatsirwa kwauchaitwa kuchava kukuru. Mumwe mukadzi wechiKristu anonzi Jeanc akatenga mutambo wekombiyuta waiita sousingakuvadzi pakutanga. Sezvaaitamba mutambo wacho chikamu nechikamu, akaona kuti zvimwe zvaiva mumutambo uyu zvaiva nechokuita nemidzimu. Pasina nguva refu akatanga kuvhumuka achiita madzikirira! “Ndakamuka pakati pousiku,” anodaro Jean, “ndokuparadza maCD omutambo wacho.” Zvakaguma nei? “Kubvira ipapo handina chakazondinetsa.”

Kana ukaratidza kutsunga kwechokwadi kuti usununguke, uchabudirira. Yeuka kutsunga kwakaratidzwa naJesu apo Dhiyabhorosi akaedza kumunyengedza kuti amunamate. “Jesu akati kwaari: ‘Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’” Ipapo Dhiyabhorosi akamusiya.”—Mateu 4:8-11.

Usarwa Uri Woga

Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti vaKristu vose ‘vanorwa, nemasimba emidzimu yakaipa iri munzvimbo dzomumatenga.’ (VaEfeso 6:12) Asi usaedza kurwisa Satani nemadhimoni ake uri woga. Batsirwa nevabereki vako vanotya Mwari uye vakuru vari muungano yako yechiKristu. Zvingaita kuti usanzwa zvakanaka kana ukazvireurura, asi zvingaguma nokugamuchira kwako rutsigiro rwaunoda.—Jakobho 5:14, 15.

Yeukawo kuti Bhaibheri rinoti: “Dzivisai Dhiyabhorosi, uye achakutizai. Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:7, 8) Hungu, unotsigirwa naJehovha Mwari! Achakubatsira kuti usununguke pamusungo wokuita zvemashiripiti.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Pane Ngozi Ipi Neipi Mumitambo Yokuedzesera Here?,” muMukai! yaSeptember 8, 1999.

b Ona nyaya inoti “Kubvisa Joko Rokutenda Midzimu” muimwe magazini yedu inonzi Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1987, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

c Zita rakachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Paradza zvinhu zvose zvine chokuita nokunamata Satani

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ngwaririra nzvimbo dzeIndaneti dzinosimudzira kuita zvemidzimu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe