Dziviriro Chaiyoiyo Inobvira Here?
MUNYORI wenyaya Ralph Waldo Emerson akambozivisa, kuti: “Vanhu vasingazivi vanodavira mhanza . . . Vanhu vakasimba vanodavira chisakiso nomuuyo.” Hungu, munhu anoisa kutenda musimba rezvitumwa zvamashiripiti namazango emhanza anopa kudzorwa kwoupenyu hwake kumasimba asingaoneki. Iye anoramba kuva nomufungo nomurangariro ndokutera kurutyo rusina mufungo, rwokutenda mashura.
Bhaibheri, zvisinei, rinogona kusunungura munhu murutyo rwakadaro. Rinoratidza kuti zvitumwa namazango hazvina simba. Seiko? Eya, mukuwirirana neThe New Encyclopædia Britannica, “zvitumwa zvinofungwa kuva zvinowana simba mubatano yazvo [pakati pezvimwe zvinhu] namasimba omusikirwo.” Aya masimba angava ‘midzimu yavakafa’ kana kuti ‘simba remhanza.’ Asi Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti vakafa “havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Nokudaro, hakuna midzimu yavakafa inogona kubetsera kana kuti kukuvadza vapenyu; uyewo hakuna simba ripi neripi risingaoneki rakafanana nemhanza rinogona kukushandira.
Munguva dzeBhaibheri, Mwari akashurikidza avo vaimusiya, avo vaikanganwa gomo rake dzvene, “imi munogadzirira [mwari weMhanza, NW] tafura, nokudirira [mwari weJambwa, NW] waini yakavhenganiswa.” Panzvimbo pokuwana dziviriro, varevereri ivavo vemhanza vakaparadzwa. “Ndichakutenderai muurawe nomunondo,” akadaro Jehovha Mwari.—Isaya 65:11, 12.
Kupfurikidza nokushandisa mashiripiti, rudzi rwakare rweBhabhironi nenzira yakafanana rwakaisa kutenda mudziviriro yamasimba amanenji. Asi Bhabhironi rakatambura ngwavaira kunyanguvezvo. “Pfuurira nokushinha kwako nouroyi hwako hunotyisa,” akadenha kudaro muporofita Isaya. “Zvimwe unogona kuwana betsero kwazviri . . . Asi aiwa! pasinei zvapo namazano ako akawanda hauna simba.” (Isaya 47:12, 13, The New English Bible) Pashure penguva yakati rudzi irworwo rwakaguma kuvapo chose chose. Kutenda mumashiripiti kwakanga kwabvumikisa kuva kusina maturo. Nenzira yakafanana, hakuna chitumwa kana kuti zango ramashiripiti zvinogona kuita chinhu chipi nechipi kukubetsera kana kuti kukudzivirira.
Chimiro Chokunamata Zvidhori
Zvisinei, vamwe vangasaona kuvadziko mukutakura chinoonekera, gumbo rembira, kana kuti menduru yorudzidziso. Izvozvi hazvisati zvichingova hazvo zvishongo zvisingakuvadzi here? Kwete mukuwirirana neBhaibheri. Rinotaura kuti zvinhu zvamashiripiti hazvisati zvichikuvadza chose chose.
Kushandiswa kwezvitumwa chimiro chokunamata zvidhori—chimwe chinhu chinoshurikidzwa zvakajeka muShoko raMwari. (Eksodho 20:4, 5) Chokwadi, munhu angasarangarira kuti ari kunamata chitumwa nenzira yakananga. Asi hakuratidziri here chimiro chendangariro chokuremekedza, chokunamata kumasimba amashiripiti asingaoneki kana munhu achingova zvake nacho? Uye hakusati kuri chokwadi here kuti ngwariro yokunamata (zvakadai sokutsvoda) inowanzopiwa kumazango amene? Bva Bhaibheri, pana 1 Johane 5:21 (NW), rinopa zano maKristu, kuti: “Zvidzivirirei mumene pazvidhori.” Ikoku hakungabatanidzi here zvinhu zvinorangarirwa samazango kana kuti zvitumwa?
Musungo Wamashiripiti
Kupfurikidza nokushandiswa kwezvitumwa, vazhinji vanobatwawo mumusungo kupfurikidza namashiripiti. Chokwadi, vamwe vangatakura chinoonekera kana kuti chinhu chamashiripiti nokuda kwetsika kupfuura nokuda kwokupwiswa. Asi sezvo kutamba nemhombwe kungatungamirira kukubata AIDS, kutamba namashiripiti kungavawo nemiuyo ine ngwavaira. Kwakanga kuri nechikonzero chakanaka kuti Mwari akarambidza vaIsraeri kushandisa mashiripiti, kuuka, uye kufembera. “Munhu ari wose anoita zvinhu izvozvi ndichimwe chinhu chinonyangadza kuna Jehovha,” rinonyevera kudaro Bhaibheri.—Dheuteronomio 18:10-14, NW.
Neiko pane ichi chirambidzo chakakomba? Nemhaka yokuti masimba asingaoneki anotsigira miitiro yakadaro haisati iri midzimu yavakafa kana kuti simba remhanza asi ndiSatani Dhiabhorosi namadhemoni ake.a Uye kushandiswa kwezvitumwa kwakabatanidzwa zvakananga nokunamata madhemoni. Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words rinoti: “Muuroyi, kushandiswa kwemirimo, ingave isina simba kana kuti ine simba, kwaiwanzoperekedzwa namadetembedzo neteterero kumasimba amashiripiti, negadziriro yamazango akasiana-siana, zvitumwa, zvichingodaro.”
Munhu ane zango ramashiripiti naizvozvo anoshandisa midzimu. Iye anopinda mungozi yokupinzwa mupesvedzero yakaipa noudzori zva“mwari wetsika ino yezvinhu”—Satani Dhiabhorosi. (2 VaKorinte 4:4, NW) Nechikonzero chakanaka, ipapoka, Bhaibheri rinotiraira kudzivisa zvimiro zvose zvokushandisa midzimu.—VaGaratia 5:19-21.
Kudambura Ngetani Dzokutenda Mashura
The World Book Encyclopedia kunyanguvezvo inoti: “Kutenda mashura zvimwe kuchava norutivi muupenyu chero bedzi vanhu vachityana uye vasina chokwadi pamusoro penguva yemberi.” Asi Zvapupu zvaJehovha zviri kubetsera vakawanda kuzvisunungura vamene mukutenda mashura kunokuvadza. Mumwe mukadzi kuSouth Africa anoyeuka, kuti: “Ndaitambudzwa nemidzimu yakaipa, uye imba yangu yakanga yakazara nomuti wokundidzivirira pairi.” Zvapupu zvaJehovha zvakamubetsera kuona ngozi dzokutamba namashiripiti. Kuita kwake? “Ndakatanga kurasa chinhu chiri chose chandaiva nacho chakanga chakabatanidzwa noudhemoni,” iye anodaro. “Utano hwangu hwakavandudzika. Ndakatsaurira upenyu hwangu kuti ndibatire Jehovha uye ndakabhapatidzwa.” Zvino akasununguka pakutenda mashura nokushandisa midzimu.
Rangarirawo n’anga yeNigeria yaivhenganisa kushandisa midzimu nokuporesa kwayo. Kazhinji kazhinji ichishandisa tyisidziro nokutuka, yaiwanzodzinga Zvapupu zvaJehovha mumusha mayo pazvaishanya. Pane imwe nguva yakatogadzirira chikamu chaicho, yakataura madetembedzo pachiri, uye yakachifuridzira muchiso meChapupu! “Mumazuva manomwe uchava wafa!” iyo yakazhamba kudaro. Mazuva manomwe gare gare Chapupu chacho chakadzokera, chichiparira n’anga kukurumidza kubuda panze, ichidavira kuti iyo yakanga yaona chipoko! Mashiripiti ayo zvino aratidzirwa seasina maturo, yakabvuma fundo yeBhaibheri uye pakupedzisira yakava Chapupu iyo imene.
Iwewo unogona kusunungurwa mungetani dzorutyo nokutenda mashura. Sezvinobvumwa, ikoku kungasava kuri nyore. Zvichida iwe wakurira mutsika umo kushandiswa kwezvitumwa namazango kunozivikanwa navose. MaKristu muEfeso yakare akatarisana nedenho yakadaro. Aigara mutsika yaipesvedzerwa zvakasimba nokushandisa midzimu. Chii chaakaita apo akadzidza zvokwadi yeShoko raMwari? Bhaibheri rinoti: “Navamwe vazhinji vaiita un’anga, vakaunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivheri ane zviuru zvine makumi mashanu.”—Mabasa 19:19.
Kuwana Dziviriro yaMwari
Kana ukazvibvisira umene zvisaririra zvose zvamashiripiti, hausati uchizosiiwa usina dziviriro here? Mukupesana, “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.” (Pisarema 46:1) Dziviriro yaMwari ichaoneka zvikurukuru apo anoparadza tsika ino yakaipa yezvinhu. “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo, asi kuchengeta vanhu vasina kururama nokuda kwezuva rorutongeso kuti vaparadzwe.”—2 Petro 2:9, NW; enzanisa nePisarema 37:40.
Munguva ino, ‘nguva nechinoitika chisingadei kuoneka zvinotiwira tose.’ (Muparidzi 9:11) Mwari haapikiri kuti vabatiri vake vachararama upenyu “hwakadzivirirwa namazango” kana kuti kuti achavadzivirira pakuvadziko yose yomunhu oga. Kunyanguvezvo, iye anopikira kudzivirira umudzimu hwedu noukama hwedu naye. (Pisarema 91:1-9) Seiko? Kutanga, iye anotipa mitemo nenheyo zvinogona kutibetsera nokutidzivirira papesvedzero inoshatisa yaSatani. (Isaya 48:17) Kupfurikidza nokuwana kwedu zivo yenzira dzaJehovha, ‘mano okufunga amene achatichengeta, nzwisiso imene ichatitaviridza’—somuenzaniso, pamibato isingabetseri kana kuti inokuvadza.—Zvirevo 2:11.
Imwe nzira Mwari anotidzivirira nayo iri kupfurikidza nokugovera “simba rinopfuura romuzvarirwo” munguva yomuedzo. (2 VaKorinte 4:7, NW) Uye apo migariro inotyisidzira kukunda muKristu, Iye anopa “rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose” kuti rudzivirire mwoyo namasimba endangariro. (VaFiripi 4:7, NW) Hungu, muKristu akashongedzerwa ku“mira nesimba mukurwisana namazano aDhiabhorosi.”—VaEfeso 6:11-13, NW.
Unogona sei kuwana dziviriro yakadaro? Vamba kupfurikidza nokupinza zivo yaJehovha neyoMwanakomana wake, Jesu Kristu. (Johane 17:3) Zvapupu zvaJehovha zvinogona kuita zvakawanda kukubetsera muna ikoku. Sezvo unosakurira ukama hwoushamwari naJehovha, uchavamba kuwana dziviriro yake yomutsa. Mwari anoti, sezvatinorava paPisarema 91:14: “Zvaakandida, ndichamurwira; ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu.”
Zvamazvirokwazvo, kana wakatendeka kwaari, Mwari achakukomborera pakupedzisira noupenyu husingaperi munyika itsva iri kuuya. Jehovha anovimbisa pamusoro paavo vanorarama panguva iyoyo, kuti: “Hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.” (Mika 4:4) Hosha norufu hazvisati zvichizovapo. (Zvakazarurwa 21:4) Kunyange zvino, kunyanguvezvo, unogona kufarikanya mwero wakati wechengeteko—kana ukasakurira ukama hwapedyo naJehovha. Kufanana nowezvamapisarema, uchakwanisa kuti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, wakaita kudenga napasi.”—Pisarema 121:2.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko, ona bhurocha rinonzi Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here? rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mufananidzo uri papeji 6]
MaKristu muEfeso akarasa chinhu chiri chose chaiva nechokuita namashiripiti
[Mufananidzo uri papeji 7]
MuUmambo hwaMwari, rutyo harusati ruchizovamo