Kuita Zvemidzimu Kwakaipa Here?
Kubvira Barbaraa achiri mudiki aiona zviratidzo uye ainzwa manzwi, zvichiita kuti afunge kuti hama dzake dzakafa dziri kutaura naye. Iye nomurume wake Joachim vaiverenga mabhuku anotaura zvemidzimu uye vakanga vava nyanzvi dzokufembera vachishandisa makasa. Makasa acho airatidza kuti vachawana mari yakawanda mubhizimisi ravo uye ndizvo zvakazoitika. Rimwe zuva makasa avo akavanyevera kuti pamba pavo paizouya vanhu vanotyisa uye akavanyeverawo zvavaizofanira kuita kuti vazvidzivirire.
KUNYANGE zvazvo kuita zvemidzimu kuchionekwa sekwechinyakare, vanhu vakawanda vachiri kuzvifarira. Munyika yose vakawanda vanopfeka matumwa, mazango uye vanoenda kumasvikiro nokumaprofita kuti vatsvake raki uye vadzivirirwe pangozi. Magazini yokuGermany inonzi Focus, munyaya yayo yaiti “Laptop and Lucifer,” yakati: “Indaneti iri kukurudzira vanhu kuti vanyanye kufarira zvemidzimu.”
Wanga uchiziva here kuti Bhaibheri rinotaurawo nezvemidzimu? Zvarinotaura panyaya iyi zvingakushamisa.
Zvinotaurwa neBhaibheri Panyaya Yokuita Zvemidzimu
Mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari waiti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . munhu anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.” (Dheuteronomio 18:10-12) Nei Jehovha airambidza zvakasimba nyaya yokuita zvemidzimu?
Sezvataona mumuenzaniso waBarbara, vanhu vakawanda vanotenda kuti vapenyu vanogona kutaura nevakafa uyewo kuti mashoko anotaurwa nemidzimu anobva kune vakafa. Zvavanotenda izvi zvinobva padzidziso yezvitendero zvakawanda yokuti kana munhu afa anoramba achirarama ari kunyikadzimu. Asi Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Rinotsanangura vakafa sevanhu vakarara zvokusatomborota, vasingazivi kuti kunze kuri kuitikei.b (Mateu 9:18, 24; Johani 11:11-14) Kana zvakadaro, ungabvunza kuti, Chii chinenge chichiitika vanhu pavanoona kana kunzwa zvinhu zvine chokuita nemidzimu? Vanenge vachitaura nani?
Kukurukurirana neMidzimu
Nhoroondo dziri muEvhangeri dzinoratidza kuti Jesu akambotaura nemidzimu paaiva pasi pano. Mako 1:23, 24 inoti: “Mudzimu usina kuchena” wakaudza Jesu kuti, “Ndinonyatsoziva kuti ndimi ani.” Hapana mubvunzo kuti midzimu yakaipa inokuzivawo. Asi unoziva here kuti midzimu yakaipa ndivanaani?
Mwari asati asika vanhu, akasika ngirozi dzakawanda. (Jobho 38:4-7) Ngirozi dzakakwirira kupfuura vanhu. (VaHebheru 2:6, 7) Dzine simba guru, dzakachenjera zvikuru uye dzakasikirwa kuti dziite kuda kwaMwari. Munyori wepisarema akaimba kuti: “Rumbidzai Jehovha, haiwa imi ngirozi dzake, dzine simba guru, dzinoita zvaanotaura.”—Pisarema 103:20.
Bhaibheri rinoratidza kuti dzimwe ngirozi dzakaita zvisingadiwi naMwari padzakatanga kuwirirana nevanhu. Dzaizviitirei? Ngirozi yakatanga kuita izvi yakanyengera Adhamu naEvha ichibva yaita kuti vapandukire Mwari wavo akavasika. Saka yakabva yazviita Satani Dhiyabhorosi, zvinoreva kuti mucheri uye mupikisi waMwari.—Genesisi 3:1-6.
Dzimwewo ngirozi ‘dzakazosiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera’ kudenga, dzikachinja miviri yadzo kuti ive yevanhu uye dzikatanga kugara nevakadzi vakanaka panyika. (Judha 6; Genesisi 6:1, 2) Ngirozi idzi dzakapanduka nemazivana adzo dzaishungurudza vanhu zvokuti “nyika yakazara nechisimba.” Zvimwe unoziva nhoroondo yeBhaibheri inoratidza kuti Mwari akaparadza sei vanhu ivavo vakaipa uye vane chisimba achishandisa Mafashamo emunguva yaNoa.—Genesisi 6:3, 4, 11-13.
Mafashamo akamanikidza ngirozi dzakaipa kuti dzisiye miviri yevanhu ndokudzokera kudenga. Asi Musiki haana kuzodzitendera kuti dzidzokere ‘kunzvimbo yadzaimbogara.’ Asi akadzideredza akadziisa munzvimbo yadzaisazombobuda ingafananidzwa ‘nemakomba erima guru.’ (2 Petro 2:4, 5) Bhaibheri rinoti ngirozi dzakapanduka dzinonzi “madhimoni.” (Jakobho 2:19) Ndidzo dzinoita kuti vanhu vaite zvemidzimu.
Madhimoni Anodei?
Chinangwa chemadhimoni paanotaura nevanhu ndechokuvatsausa kuti vasanamata Jehovha, Mwari wechokwadi. Mashura nezviratidzo zvinoitwa nevanoita zvemidzimu ndezvokungoda kutadzisa vanhu kuti vawane zivo yechokwadi nezvaMwari uye kuti vatadze kuva noukama naye.
Zvimwe zvinodiwa nemadhimoni tinozviona pane zvakaitwa nomukuru wawo Satani paaiedza Jesu. Satani akati aizopa Jesu “umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo.” Aidei kuna Jesu? Akati, “Wira pasi wongondinamata kamwe chete.” Satani nemadhimoni ake vanongoda kunamatwa chete. Asi Jesu akaramba pfungwa yokupandukira Mwari uye kusiya kunamata kwechokwadi.—Mateu 4:8-10.
Mazuva ano midzimu yakaipa haiwanzotauri nevanhu seizvi. Asi inoedza kunyengera nezvinhu zvinoita sezvisina kuipa, zvakaita sehakata, matumwa, mazango uye makadhi emakasa. Usanyengerwa nezvinhu zvakadaro! Zvinhu izvi hazvisizvo nzira yokuziva nayo zviri kunyikadzimu. Midzimu yakaipa inoita kuti vanhu vanakidzwe nokuita zvemidzimu kuti ivanyengere nechinangwa chokuvatsausa pakunamata Jehovha. Kana izvi zvisina kubudirira, midzimu yakaipa inowanzotambudza nokuvhiringidza upenyu hwevaya vanenge vachiita zvemidzimu. Kana ichikutambudza, ungaita sei kuti uzvisunungure pairi?
Zvatingaita Kuti Tikunde Midzimu Yakaipa
Usambozvinyengera, midzimu iyi inotaura nevanhu vavengi vaMwari, vakangomirira kuparadzwa. (Judha 6) Midzimu iyi vanyengeri nevarevi venhema, vanonyepera kuva vanhu vakafa. Unganzwa sei kana ukaziva kuti munhu waunofunga kuti ishamwari yako munyengeri, anongoda kukutsausa pane zvakakunakira? Ungaita sei kana ukaziva kuti wanga uchishamwaridzana paIndaneti nomunhu anoshungurudza vana mune zvepabonde asi usingazivi kuti ndozvaari? Kudyidzana nemadhimoni kune ngozi kutopfuura ipapo. Unofanira kuita zvose zvaunogona kuti usiyane nokudyidzana nawo. Ungazviita sei?
Vamwe vaigara kuEfeso pavakaziva zvinodzidziswa neMagwaro nezvemidzimu, vakaona kuti vaifanira kupisa mabhuku avo ezvemashiripiti, kunyange zvazvo aidhura chaizvo. “Vakaapisa pamberi pevanhu vose.” (Mabasa 19:19, 20) Mazuva ano zvinhu zvine chokuita nemidzimu zvinosanganisira mabhuku, zvinoshandiswa pakufembera, mazango, nezvimwe zvakadaro. Asiwo pane zvimwe zvinowanikwa muzvinhu zvakadai semakombiyuta, materevhizheni uye maredhiyo. Siyana nezvinhu chero zvipi hazvo zvingaita kuti utange kuita zvemidzimu.
Chimbofunga nezvemurume nomukadzi vataurwa pakutanga kwenyaya ino. Makadhi avaishandisa pakufembera akavanyevera kuti pamba pavo paizouya vanhu vane ngozi asi vaisafanira kuteerera kana kubvuma chero chii zvacho chavaizotaura. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha, Connie naGudrun, pavakasvika pamba pavo vachiti vaida kuvaudza mashoko akanaka nezvaMwari, Joachim naBarbara vakasarudza kuteerera. Sezvineiwo vakazoguma vakurukura zvine chokuita nemidzimu uye Connie naGudrun vakanyatsotsanangura zvinotaurwa neMagwaro panyaya iyi. Vakaronga kuti vagare vachidzidza Bhaibheri.
Joachim naBarbara vakabva varega zvachose kudyidzana nemadhimoni. Zvapupu zvakavatsanangurira kuti madhimoni aisazofara nazvo. Sezvavakanga vaudzwa, Joachim naBarbara vakatanga kurwiswa zvinotyisa nemadhimoni. Kwenguva yakati, vaingogara vakabatira ura mumaoko kana hwava usiku kuzosvikira vatamira kune imwe imba. Vaviri ava pavaioneswa chitsvuku seizvi, vaigara vachivimba nemashoko ari pana VaFiripi 4:13 okuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nokuda kwaiye anondipa simba.” Jehovha akakomborera zvavakasarudza uye madhimoni akazosiyana navo. Pari zvino Joachim naBarbara vari kunakidzwa nokunamata Mwari wechokwadi, Jehovha.
Magwaro anokurudzira vose vanoda kukomborerwa naJehovha kuti: “Zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai. Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:7, 8) Kana iwe uchida, Jehovha Mwari achakubatsira kuti usununguke pakunetswa nemadhimoni. Joachim naBarbara pavanofunga nezvekusunungurwa kwavakaita pazvinhu zvine chokuita nemidzimu, vanonyatsobvumirana nemashoko ari pana Pisarema 121:2 okuti: “Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha.”
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.
b Kuti unzwe zvakawanda nezvemamiriro ezvinhu evakafa, ona chitsauko 6 chinoti “Vakafa Vari Kupi?,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
Kuita zvemidzimu kunoita kuti vanhu vasava noukama hwakanaka naMwari
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
“Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—JAKOBHO 4:8