“Zuva Ratakafara Zvikuru Muupenyu Hwedu”
MUCHATO chiitiko chinofadza. Vakawanda vakati: “Ndiro raiva zuva ratakafara zvikuru muupenyu hwedu.” Asi rinogonawo kuva zuva rinonetsa zvikuru. Kunetseka uye kurukutika kunoita musikana nomukomana vari kuchata uye mhuri dzavo kunogona kuva kwakanyanya nemhaka yezvisarudzo zvose, uye kugadzirira kwose kunenge kuchida kuitwa uyewo vanhu vakawanda avo vachati vachange vachisangana navo musi iwoyo.
Zuva romuchato rinotanga nzira itsva yokurarama kwevaviri ava. Asi havasivo chete vanobatanidzwa. Sezvo kuroora kwomwanakomana kana kuroorwa kwomwanasikana kana hanzvadzi kakawanda kacho kuchireva kuti mudikani uyu ava kuenda kunotanga imba yake oga, kakawanda mhuri inofara uye kusuwa panguva imwe chete.
Zvinoitwa pamuchato zvinosiyana munyika nenyika, uye hazvibviri kukurukura zvose munyaya dzino. Nyaya idzi dzichakurukura zvava kunyanya kuitwa kunyika dzokuMadokero uye kune dzimwewo kwazvave kuitwa. Ikoko, kuchata kunogona kuva kunodhura zvikuru. Vamwe vanoshandisa mari yakati wandei pazuva romuchato, kusanganisira kuhaya imba kana resitorendi yokuitira muchato nemabiko. Zvinofungidzirwa kuti muItaly muchato uri pakati nepakati unodya mari inopfuura US$10 000 (Z$550 000.) MuJapan, kufanana nedzimwewo nzvimbo, mari yacho inogona kutova yakawanda pane iyi. Kazhinji vachati havabhadhari mari iyi. Vabereki vavo ndivo vanobhadhara.
Michato ibhizimisi rinopa mari yakawanda. Makambani akawanda anotaura nezvomuchato “wakanakisisa,” unenge uine zvose. Vemakambani ava vanoti “iri izuva ramunofara zvikuru muupenyu hwenyu!” Vanobva vataura zvinhu zvakasiyana-siyana zvavanoda kukuitira zvavanoti “zvinofanira” kuvapo kuti zuva renyu guru rive “rakanakisisa.” Panogona kuva nemakadhi okukoka vanhu, gauni “rinokunda mamwe ose,” magauni evaperekedzi vomusikana uye mabhachi kana masutu evaperekedzi vomukomana. Kunewo maruva, mizvambarara yemotokari, zvichida kuresitorendi kunonodyira vanhu, mutori wemifananidzo, bhendi, nezvimwe zvinhu. Zvinhu zvose zvinodiwa nevachati, uyewo mari inodiwa yacho yokushandisa, zvinogona kuita kuti vanababa vakawanda vasagadzikana.
Munzvimbo dzakasiyana-siyana vanhu vanonyanya kuda kutevedzera tsika. Pane nzira yagara iripo iyo zvinhu zvose zvinofanira kuitwa nayo, uye vachati vanenge vachitarisirwa kuti vachabvuma kuita izvi. Hungu, pane zvinhu zvakawanda zvokuyeuka, asi hapana nguva yakakwana yokuti zvose zvirongwe.
Izvi zvinoita kuti ude kuchata here kana kuti zvinoita kuti utye? Chero ingava mhinduro yako, kana ukafunga zvose zvinofanira kuitwa pamuchato, pane mibvunzo yakati kuti inomuka. Kuchata kunorevei mazuva ano? Zvose izvi zvinofanira kuvapo here kuti munhu anzi achata “zvakanaka”? Zvinetso zvakasiyana-siyana zvokugadzirira nezvomupfungwa zvinovapo zvingagadziriswa sei?
Pasinei nezvose zvinonetsa izvi, vakawanda vakakwanisa kuchata uye kufara pachinoitika chacho. Zvakaitika kwavari zvingabatsira vamwe vari kugadzirira chinoitika chakadaro. Uyewo, pane zvinotaurwa neBhaibheri zvingabatsira pakugadzirira muchato, kuitira kuti zuva racho rizonakidza, uye rifadze vanhu vose.