Bhokisi Remibvunzo
◼ Kana vaviri vachida kuchatira muImba yoUmambo, ndezvipi zvavanofanira kukurukura nevakuru?
Michato inorongwa maererano nezvinotaurwa neBhaibheri inoita kuti Jehovha akudzwe. Izvi zvinonyanya kuva zvechokwadi kana toreva nezvemichato inoitirwa paImba yoUmambo, sezvo zvinoitirwa ipapo zviine zvazvinoita pamaonerwo anoitwa sangano redu. Kuitira kuti ‘zvinhu zvose zviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka,’ zvakakodzera kuti vakuru vakurukure zvinhu zvine chokuita nomuchato nevari kuda kuchatira paImba yavo yoUmambo.—1 VaK. 14:40.
Vaviri vanoda kuchatira muImba yoUmambo vanofanira kunyora tsamba kudare rebasa reungano inoshandisa imba yacho. Vanofanira kutumira tsamba yavo pachine nguva uye inofanira kuratidza musi nenguva zvavanoda kushandisa imba yacho. Vanofanira kuziva kuti vakuru havazochinji purogiramu yemisangano kuitira kuti pave nomuchato. Uyewo vaviri vacho vanofanira kunge vaine tsika dzakanaka, vachirarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri uye nemitemo yaJehovha yakarurama.
Kuti vave nechokwadi chokuti muchato wacho uchaita kuti Mwari wedu anoremekedzwa akudzwe, vaviri vacho vanofanira kukurukura urongwa hwomuchato nedare rebasa vasati vasarudza zvokuita. Kunyange zvazvo vakuru vasingazoedzi kumanikidza vari kuda kuchata kuti vaite zvavanenge vachida ivo, kana pari kurongwa chero chinhu chinomutsa mibvunzo, vaviri vacho vanofanira kuita maererano nezvinenge zvakumbirwa nevakuru. Mimhanzi inosarudzwa mumaKingdom Melodies kana kuti iri mubhuku redu renziyo ndiyo chete ingashandiswa. Chero kushongedza Imba yoUmambo kana kurongwazve kwezvigaro kungaitwa kunofanirawo kutenderwa nevakuru. Kana mifananidzo nevhidhiyo zvichizotorwa, izvi hazvifaniri kukanganisa kuremekedzwa kwechiitiko chacho. Vakuru vangabvumira kuti vadzidzire zvavachazoita paImba yoUmambo chero bedzi zvisingazodzonyongedzi zvimwe zvakarongwa neungano. Hapana makadhi okukoka anofanira kuiswa pachikwangwani chemashoko. Zvisinei, vakuru vangaita kuti pave nechiziviso chipfupi paMusangano Webasa kuti ungano izive nezvomuchato uchaitirwa paImba yoUmambo.
Kunyange zvazvo usiri mutemo kuti vaperekedzi vose vanofanira kunge vakabhabhatidzwa, zvingasava zvakakodzera kuti pavaperekedzi pave nevanhu vane mararamiro anopesana zvikuru nezvakanyorwa muBhaibheri kana kuti vane maitiro anoita kuti vanenge varipo vave nemibvunzo. Muchato wacho unofanira kuitiswa nomukuru akagadzwa soMuchatisi. Mukuru anofanira kupa hurukuro yacho. Vakuru vadzidzisi vanokwanisa veShoko raMwari, saka ndivo vanonyatsokwanisa kubudisa pachena mirayiro yeMagwaro inoshanda pachiitiko ichi chinokosha.—1 Tim. 3:2.
Sezvo muchato wacho uchizoratidzawo maonerwo achaitwa mukuru achapa hurukuro yacho, iyewo anofanira kufanoziviswa zvakarongwa kuzoitwa pamuchato wacho. Anofanira kuonana nevaviri vacho kuti azive nezvetsika dzavo pavaipfimbana; vaviri vacho vanofanira kumubudira pachena uye kuva vakatendeseka. Murume kana mukadzi akanga akamboroora kana kuroorwa, anofanira kuratidza kuti maererano neMagwaro uye mutemo, akasununguka kuroora kana kuroorwa. (Mat. 19:9) Izvi zvinosanganisira kuratidza mukuru wacho gwaro rokurambana kwacho.
Kana vaviri vacho vakataura vakasununguka uye vachishandira pamwe nevakuru, muchato wacho uchafadza vose.—Zvir. 15:22; VaH. 13:17.