Kudzidzisa—Kugutsikana uye Mufaro Unovapo
“Chii chinoita kuti ndirambe ndiri mudzidzisi? Kunyange zvazvo kudzidzisa kunganetsa uye kunetesa, kuona vana vose vachinakidzwa nokudzidza uye kuona kufambira mberi kwavo ndizvo zvinondikurudzira kuti ndirambe ndichidzidzisa.”—Leemarys, mudzidzisi wokuNew York City.
PASINEI nezvinonetsa, zvinodzosera shure, uye zvinoodza mwoyo zvose, mamiriyoni evadzidzisi pasi pose anotsungirira mubasa rawo raakasarudza. Uye chii chinokurudzira vadzidzi vane zviuru zvakawanda kuti vaedze nepavanogona napo kuva vadzidzisi ivo vachiziva kuti vangasaremekedzwa zvakanaka nevamwe? Chii chinoita kuti varambe vachidzidzisa?
Inna, mudzidzisi wokuRussia akatsanangura kuti: “Zvinofadza chaizvo kuona vanhu vawakambodzidzisa vave vanhu vakuru, kuvanzwa vachitaura kuti zvinhu zvawakavadzidzisa zvakaratidza kuti zvinokosha. Zvinokurudzira chaizvo pavanotaura kuti vane ndangariro dzakanaka dzemakore avakapedza newe.”
Giuliano, mudzidzisi ane mashoko ambotaurwa munyaya dzapfuura, akati: “Chimwe chinogutsa zvikuru kuziva kuti wakabudirira pakukurudzira kuda chimwe chidzidzo kuvana vechikoro. Somuenzaniso, pandakapedza kutsanangura imwe nhau yezvakaitika, vamwe vadzidzi vakati: ‘Rambai muchitaura. Tiudzei zvimwe!’ Uku kungotaura kunogona kuita kuti mangwanani anga achifinha anakidze nokuti unoona kuti waita kuti vana vanzwe neimwe nzira yavanga vasati vanzwa nayo. Zvinofadza kuona zviso zvavo zvichinyemwerera nokuti vanzwisisa chidzidzo.
Elena, mudzidzisi muItaly, akati: “Ndinodavira kuti kugutsikana kunowanikwa kakawanda muzvinhu zviduku zvezuva nezuva, mukubudirira kuduku kwevana, pane kuti vakunde pakare pakarepo, zvinova zvisingawanzoitika.”
Connie, wokuAustralia ari mukuvamba kwemakore ake okuma30 akati: “Zvinogutsa chaizvo apo mudzidzi wawakadzidzisa anotora nguva kuti anyore tsamba inoratidza kuonga kumubatsira kwawaiita.”
Oscar, wokuMendoza, kuArgentina, akataura zvakafanana kuti: “Zvinoita kuti ndinzwe kuti zvinokosha apo vadzidzi vangu vanosangana neni mumugwagwa kana kumwewo voratidza kuonga nokuda kwezvandakavadzidzisa.” Angel, wokuMadrid, kuSpain, akati: “Chokwadi, nokupira kwandakaita chimwe chikamu choupenyu hwangu kubasa iri rinonakidza asi rakaoma, chinondigutsa kuona vechiduku vandakadzidzisa vachiva varume nevakadzi kwavo, zvichikonzerwa nokuti pane zvandakaitawo.”
Leemarys, ane mashoko ataurwa kwokutanga-tanga, akati: “Ndinofunga kuti vadzidzisi vanhu vanokosha chaizvo. Takati siyanei nevamwe nokuti tinotora mutoro wakakura kudai. Asi kana ukabatsira vamwe vanhu—vangava vari vana gumi kana mumwe zvake—waita basa rako, uye izvi zvinofadza kwazvo. Unozviita nomufaro.”
Wakaonga Vadzidzisi Vako Here?
Iwe, somudzidzi kana kuti mubereki, wakamboonga mudzidzisi nokuda kwenguva, kuedza kwake, uye kufarira kwaakaratidza here? Kana kunyange kutumira kadhi kana tsamba yokuonga? Arthur, wokuNairobi, kuKenya, akataura chokwadi paakati: “Vadzidzisi vanofara kana vachirumbidzwawo. Hurumende, vabereki, uye vadzidzi vanofanira kuvaremekedza kwazvo nokuda kwebasa ravo.”
Munyori nomudzidzisi LouAnne Johnson akanyora kuti: “Patsamba yose yandinogamuchira ichishora mudzidzisi, ndinogamuchira dzimwe zana dzinomurumbidza, zvinova zvinosimbisa zvandinofunga kuti kune vadzidzisi vakanaka vakawanda kupfuura vakaipa.” Zvinoshamisa kuti vanhu vakawanda vanotohaya mutikitivha kuti “avabatsire kutsvaka mudzidzisi wavo wekare. Vanhu vanoda kuwana vadzidzisi vavo uye vovatenda.”
Vadzidzisi ndivo vanoteya nheyo yedzidzo yomunhu. Kunyange vanapurofesa vari pamayunivhesiti akakurumbira kwazvo vakatodzidziswa nomumwe mudzidzisi akapedza nguva nokuedza kwake kuti akurudzire uye kusakurira kuda kwavo dzidzo, zivo nenzwisiso. Arthur, womuNairobi, anoti: “Vakuru vakuru vose vari mumabasa ehurumende nemakambani vanhu vakatombodzidziswa nomudzidzisi muupenyu hwavo.”
Tinofanira kuonga chaizvo vakadzi nevarume vakaita kuti tide kufarira, vakaita kuti mwoyo yedu nepfungwa zviite manyukunyuku, vakatiratidza kuti tingapedza sei nyota yedu yezivo nenzwisiso!
Tinofanira kuonga zvikuru kwazvo Mudzidzisi Mukuru, Jehovha Mwari, akafuridzira mashoko aZvirevo 2:1-6 okuti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye unopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenjere.”
Ona shoko rokuti “kana” kuti rinowanika katatu mumashoko iwayo anotokonya pfungwa. Fungidzira kuti, kana tichida kubvuma kudaro, tinogona “kuwana zivo yaMwari”! Chokwadi iyoyo ndiyo dzidzo inopfuura dzose.
[Bhokisi riri papeji 13]
Mubereki Anofara
Tsamba inotevera yakagamuchirwa nomumwe mudzidzisi womuNew York City:
“Ndinoda kukutendai nomwoyo wangu wose uye nomweya wangu wose nokuda kwezvamakaitira vana vangu. Nokutarisira kwenyu, mutsa, uye unyanzvi, makavabatsira kuti vabudirire kwazvo kupfuura zvandinofunga kuti vaizomboita kudai makanga musipo. Makandiita kuti ndidade kwazvo nevana vangu—zvinhu zvandisingafi ndakakanganwa. Nemwoyo wose, S. B.”
Unoziva mudzidzisi waunogona kukurudzira here?
[Mufananidzo uri papeji 12]
‘Zvinofadza kuona zviso zvevadzidzi zvichinyemwerera nokuti vanzwisisa chidzidzo.’—GIULIANO, ITALY
[Mifananidzo iri papeji 13]
‘Zvinogutsa chaizvo apo mudzidzi anotora nguva yake kuti anyore tsamba yokuonga.’—CONNIE, AUSTRALIA