RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 4/8 p. 17
  • Kuona Zvinotyisa, Kachiedza Ketariro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuona Zvinotyisa, Kachiedza Ketariro
  • Mukai!—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rakagara Rataurei Nezvekudengenyeka Kwenyika Kukuru?
    Dzimwe Nyaya
  • Kudengenyeka Kwepasi, Uprofita hweBhaibheri, Uye Iwe
    Mukai!—2002
  • 1. Kudengenyeka Kwenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kupfuurira Kurarama
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 4/8 p. 17

Kuona Zvinotyisa, Kachiedza Ketariro

“MUNZVIMBO YOSE YAKANGA YAKANDIPOTEREDZA ZVIVAKO ZVAKANGA ZVICHIZUNGUZIKA ZVINE MASIMBA UYE MARIMI OMOTO AKANGA ACHIKWIRA MUMHEPO AKAITA MISEVE. PANDAIMHANYA, VANHU KWOSE KWOSE VAKANGA VACHICHEMA, VACHINYENGETERA, UYE VAKANGA VACHIDA KUBATSIRWA. NDAKAFUNGA KUTI NYIKA YAKANGA YOGUMA.”—G. R., AKAPONA PAKUDENGENYEKA KWEPASI.

GORE negore kudengenyeka kunosvika mamiriyoni kunoitika pasi pano pasina kugadzikana. Zvechokwadi, kwakawanda hakutombonzwiki.a Kunyange zvakadaro, paavhareji, kudengenyeka kunenge 140 pagore kunenge kwakakura zvokuti kunogona kutaurwa kuti “kwakasimba,” “kwakakura,” kana kuti “kwakakurisa.” Kubvira kare, kudengenyeka kwakadai kwakakonzera kufa kwemamiriyoni uye kuparadzwa kwezvinhu kusingatauriki.

Kudengenyeka kunokonzerawo kurwadziwa mupfungwa kune vaya vanopona. Somuenzaniso, pashure pokunge kudengenyeka kuviri kwaparadza El Salvador mukutanga kwa2001, mukuru mukuru wedare rinopa mazano ane chokuita noutano hwepfungwa kubazi routano renyika iyi akati: “Vanhu vari kuva nezvinetso zvepfungwa zvinosanganisira kusuruvara, kuora mwoyo uye kutsamwa.” Hazvishamisi kuti vashandi vezvoutano muEl Salvador vakashuma kuwedzera kwe73 kubva muzana panhamba yevarwere vanorwara nokuora mwoyo uye kufunganya. Chokwadi, ongororo dzinoratidza kuti pakati pezvinhu zvinodiwa nevaya vari mumisasa yokuyamura, kudiwa kwokutarisirwa utano hwepfungwa kuri panhamba yechipiri kuchitevera kudiwa kwemvura kuri panhamba yokutanga.

Asi nyaya yokudengenyeka inosanganisira zvinopfuura kufa, kuparara kwezvinhu uye kushayiwa tariro. Muzviitiko zvakawanda, njodzi idzi dzakakurudzira vanhu kuratidza mutsa uye kuzvipira kunoshamisa. Zvechokwadi, vamwe vakashanda siku nesikati vachigadzira zvivako zvakanga zvaparadzwa uye vachibatsira vanhu vakanga vakavhiringidzwa upenyu hwavo. Kachiedza ketariro yakadaro kakaonekwa kunyange zvinhu pazvakanga zvakaita manyama amire nerongo, sezvatichaona.

[Mashoko Omuzasi]

a Izvi zvinosanganisira kudengenyeka kuduku-duku, zviuru zvakwo zvinoitika zuva rimwe nerimwe.

[Mufananidzo uri papeji 17]

MuAthens, Greece, baba vari kufara kuti mwanasikana wavo ane makore mashanu anunurwa

[Kwazvakatorwa]

AP Photos/Dimitri Messinis

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe