Kuona Zvinotyisa, Kachiedza Ketariro
“MUNZVIMBO YOSE YAKANGA YAKANDIPOTEREDZA ZVIVAKO ZVAKANGA ZVICHIZUNGUZIKA ZVINE MASIMBA UYE MARIMI OMOTO AKANGA ACHIKWIRA MUMHEPO AKAITA MISEVE. PANDAIMHANYA, VANHU KWOSE KWOSE VAKANGA VACHICHEMA, VACHINYENGETERA, UYE VAKANGA VACHIDA KUBATSIRWA. NDAKAFUNGA KUTI NYIKA YAKANGA YOGUMA.”—G. R., AKAPONA PAKUDENGENYEKA KWEPASI.
GORE negore kudengenyeka kunosvika mamiriyoni kunoitika pasi pano pasina kugadzikana. Zvechokwadi, kwakawanda hakutombonzwiki.a Kunyange zvakadaro, paavhareji, kudengenyeka kunenge 140 pagore kunenge kwakakura zvokuti kunogona kutaurwa kuti “kwakasimba,” “kwakakura,” kana kuti “kwakakurisa.” Kubvira kare, kudengenyeka kwakadai kwakakonzera kufa kwemamiriyoni uye kuparadzwa kwezvinhu kusingatauriki.
Kudengenyeka kunokonzerawo kurwadziwa mupfungwa kune vaya vanopona. Somuenzaniso, pashure pokunge kudengenyeka kuviri kwaparadza El Salvador mukutanga kwa2001, mukuru mukuru wedare rinopa mazano ane chokuita noutano hwepfungwa kubazi routano renyika iyi akati: “Vanhu vari kuva nezvinetso zvepfungwa zvinosanganisira kusuruvara, kuora mwoyo uye kutsamwa.” Hazvishamisi kuti vashandi vezvoutano muEl Salvador vakashuma kuwedzera kwe73 kubva muzana panhamba yevarwere vanorwara nokuora mwoyo uye kufunganya. Chokwadi, ongororo dzinoratidza kuti pakati pezvinhu zvinodiwa nevaya vari mumisasa yokuyamura, kudiwa kwokutarisirwa utano hwepfungwa kuri panhamba yechipiri kuchitevera kudiwa kwemvura kuri panhamba yokutanga.
Asi nyaya yokudengenyeka inosanganisira zvinopfuura kufa, kuparara kwezvinhu uye kushayiwa tariro. Muzviitiko zvakawanda, njodzi idzi dzakakurudzira vanhu kuratidza mutsa uye kuzvipira kunoshamisa. Zvechokwadi, vamwe vakashanda siku nesikati vachigadzira zvivako zvakanga zvaparadzwa uye vachibatsira vanhu vakanga vakavhiringidzwa upenyu hwavo. Kachiedza ketariro yakadaro kakaonekwa kunyange zvinhu pazvakanga zvakaita manyama amire nerongo, sezvatichaona.
[Mashoko Omuzasi]
a Izvi zvinosanganisira kudengenyeka kuduku-duku, zviuru zvakwo zvinoitika zuva rimwe nerimwe.
[Mufananidzo uri papeji 17]
MuAthens, Greece, baba vari kufara kuti mwanasikana wavo ane makore mashanu anunurwa
[Kwazvakatorwa]
AP Photos/Dimitri Messinis