Kudengenyeka Kwepasi, Uprofita hweBhaibheri, Uye Iwe
ASATI afa, Jesu akafanotaura zviitiko uye mamiriro ezvinhu zvaizopa uchapupu hwokuti nyika ino yapinda mu“kuguma kwegadziriro yezvinhu.” Akati nguva iyoyo yaizoratidzwa nezvinhu zvakadai senhenda, kuperevedza kwezvokudya, uye hondo dzinotyisa. Akataurawo nezvo“kudengenyeka kwepasi kukuru” kwaizoitika “munzvimbo nenzvimbo.” (Mateu 24:3, 7; Ruka 21:10, 11) Jesu akanga achitaura nezvezuva redu here?
Vakawanda vanoti aiwa. Vanotaura kuti nhamba yokudengenyeka kwepasi haina kunyanya kuwedzera mumakumi emakore apfuura. Chaizvoizvo, U.S. National Earthquake Information Center inoshuma kuti kudengenyeka kwepasi kwakasvika 7,0 pachikero “hakuna kumbonyanya kuwedzera” muzana remakore rechi20 rose.a
Zvisinei, ona kuti kuzadzika kwouprofita hwaJesu hakurevi kuti nhamba kana kuti simba zvokudengenyeka kwepasi zvinofanira kuwedzera. Zvakangotaurwa naJesu ndezvokuti kwaizova nokudengenyeka kwepasi kukuru munzvimbo nenzvimbo. Uyezve, akati zviitiko izvi zvaizoratidza “kutanga kwemarwadzo enhamo.” (Mateu 24:8) Nhamo inoyerwa, kwete nenhamba yokudengenyeka kwepasi kana kuti nezvinoratidzwa pachikero cheRichter, asi nemigumisiro yakunova nayo pavanhu.
Zvechokwadi kudengenyeka kwepasi kwakonzera nhamo yakakura muzuva redu. Chaizvoizvo, muzana remakore rechi20, mamiriyoni akaurayiwa kana kuti kusiyiwa asina misha nenjodzi idzi. Vanamazvikokota vanoti kufa kwakawanda kungadai kwakadziviswa. “Munyika dzichiri kubudirira,” inodaro BBC News, “mitemo yezvokuvaka inowanzoonekwa seisinganyanyi kukosha pane dzimba dzakachipa dzinovakwa nokukurumidza kuitira kuti vafambirane nezvinodiwa zvokuwedzera kwemadhorobha.” Achitaura nezvedzimwe njodzi mbiri dzakaitika munguva ichangopfuura, Ben Wisner, mazvikokota mune zvenjodzi dzinoitika mumaguta, anoti: “Kwaisava kudengenyeka kwepasi kwakauraya vanhu ava. Zvaisanganisira kukanganisa kwevanhu, kusava nehanya, uori, uye makaro.”
Hungu, dzimwe nguva udyire hwevanhu uye kuregeredza ndizvo zvinoita kuti kudengenyeka kwepasi kuve kwakaipisisa. Zvinofadza kuti zvinhu zvakadaro zvinobudiswa pachena mune humwe uprofita hweBhaibheri hune chokuita ne“mazuva okupedzisira” enyika ino. Munguva iyoyo, Bhaibheri rinoti, vanhu vaizova “vane udyire, vanoda mari,” uye “vane utsinye.” (2 Timoti 3:1-5, The Amplified Bible) Pamwe chete nemashoko aJesu maererano nokuguma kwenyika ino, uprofita uhwu hunopa uchapupu hwakajeka hwokuti tava pedyo nenguva apo Mwari achaunza zororo pavanhu vari kutambura nezvinhu zvose zvinokonzera kurwadziwa nokutambura mazuva ano—kusanganisira kudengenyeka kwepasi kukuru.—Pisarema 37:11.
Unoda kudzidza zvakawanda nezvetariro iyi yomuBhaibheri here? Onana neZvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako, kana kuti nyora tsamba kukero yakakodzera pane dziri papeji 5.
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanoti mishumo ipi neipi yokuwedzera munhamba yokudengenyeka kwepasi inongova nyaya yokufambira mberi muunyanzvi hwokugadzira zvinhu, hunoita kuti zviitiko zvakawanda zvizivikanwe nemichina.