Kubhejera—Mutambo Wepasi Pose Unokwezva
JOHN, akakurira muScotland, aiva netariro yokuhwina rotari. “Ndaitenga tikiti rerotari vhiki yoga yoga,” anodaro. “Raindidyira mari shoma, asi tikiti iroro raindipa tariro yokuwana zvose zvandaida.”
Kazushige, anogara muJapan, aida mujaho wemabhiza. “Kubhejera kunhandare yemabhiza ndiine shamwari dzangu kwainakidza chaizvo, uye dzimwe nguva ndaihwina mazakwatira emari,” anoyeuka kudaro.
“Bingo wakanga uri mutambo wandaifarira,” anodaro Linda, anogara kuAustralia. “Muitiro uyu waindidyira inenge US$30 [Z$1 650] pasvondo, asi ndaida mufaro wokuhwina.”
John, Kazushige, naLinda vaiona kubhejera sechinhu chinovaraidza chisingakuvadzi. Mazana emamiriyoni evanhu pasi pose anoona nenzira iyoyo. Kutsvakurudza ruzivo kweGallup kwakaitwa muna 1999 kwakaratidza kuti zvikamu zviviri kubva muzvitatu zvevanhu vokuAmerica zvinobvumirana nokubhejera. Muna 1998, vanobhejera vokuAmerica vakapedza mari inenge mabhiriyoni US$50 [Z$2 750] pakubhejera kunobvumirwa nomutemo—kupfuura yavakapedzera pakupinda mumabhaisikopo, kutenga nziyo, kuona mitambo, kuenda kumapaki anovaraidza, uye pamitambo yemavhidhiyo zvakabatanidzwa.
Maererano nokuongorora kuchangobva kuitwa, mugore rimwe, vanhu vokuAustralia vanopfuura 80 kubva muzana vakabheja kanopfuura kamwe, vanosvika 40 kubva muzana vakabheja vhiki yoga yoga. Paavhareji, vakuru munyika iyoyo vakapedza mari inopfuura US$400 [Z$22 000] pagore vachibhejera, mari inopeta kaviri yakapedzerwa nevokuEurope nokuAmerica, zvichiita kuti vanhu vokuAustralia vave ivo vanobhejera zvikuru pasi pose.
Vanhu vakawanda vokuJapan vakapindwa muropa nepachinko, uye vanopedzera mabhiriyoni emadhora pagore vachitamba mutambo wacho. MuBrazil, mari inopfuura mabhiriyoni US$4 [Z$220] inopedzwa gore roga roga mukubhejera, yakawanda yacho ichitenga matikiti erotari. Asi havasi vanhu vokuBrazil bedzi vanoda rotari. Magazini inonzi Public Gaming International munguva ichangopfuura yakafungidzira kuti pane “marotari 306 munyika 102.” Zvechokwadi kubhejera mutambo wepasi pose unokwezva—mutambo unokwezva, vamwe vanodaro, unounza zvinobatsira zvakawanda.
Sharon Sharp, mumiririri wePublic Gaming Research Institute anoti muUnited States kubvira muna 1964 kusvika muna 1999, mari yakawanikwa mumarotari “yaisanganisira inenge mabhiriyoni US$125 [Z$6 875] yemari yebhajeti yehurumende, yakawanda yemari iyi ichiuya kubvira muna 1993.” Yakawanda yemari iyi yaida kushandiswa nokuda kwezvirongwa zvokudzidzisa voruzhinji, mapaki ehurumende, uye kuvandudzwa kwenzvimbo dzezvemitambo. Zvokubhejera zvinopinzawo vakawanda mabasa muAustralia bedzi, zvinopinza vanhu vanenge 100 000 mumabhizimisi anodarika 7 000.
Nokudaro, vanotsigira kubhejera vanoti mukuwedzera pakupa zvinovaraidza, kubhejera kunobvumirwa nomutemo kunounza mabasa, mutero, uye kunobatsira upfumi hwenyika hwave kuderera.
Saka vanhu vakawanda vanobvunza kuti, ‘Ko pane chakaipa nokubhejera here?’ Mhinduro yomubvunzo uyu, inokurukurwa munyaya dzinotevera, ingangochinja maonero aunoita kubhejera.
[Mufananidzo uri papeji 3]
John
[Mufananidzo uri papeji 3]
Kazushige
[Mufananidzo uri papeji 3]
Linda