Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kuva Neserura Here?
“Ndinonzwa ndisina kuchengeteka zvikuru uye handitani kugumbuka kana ndisina kufamba neserura.”—Akiko.a
MASERURA ari kuramba achikurumbira munyika dzakawanda. Anotakurika. Shamwari dzako nevabereki vanogona kutaura newe chero nguva, chero kwauri—uye iwe unogonawo kudaro. Dzimwe mhando dzinoita kuti mugone kutumirana mashoko mapfupi, “inova nzira itsva yavapo kune vechiduku kuti vapedze havi yavo yokukurukura,” inodaro The Times yokuLondon. Panotova nedzimwe serura dzokuti unogona kuona Indaneti nadzo, dzichiita kuti uone nzvimbo dzeIndaneti uye utumire tsamba inoenda nekombiyuta.
Zvichida une yako, kana kuti uri kuronga kuva nayo. Chero zvazviri, ungafunga nezvetsumo yokuti: “Hapana muchero usina masvisvinwa.” Serura ingava ine zvainobatsira. Zvisinei, ungada kufunga zvimwe zvayakaipira, nokuti kana ukasarudza kutenga yako, kuziva zvakazara zvainovhiringidza kuchakubatsira kuti uishandise noungwaru.
‘Verenga Kuti Inodya Marii’
Jesu akataura mashoko okuchenjera okuti munhu anofanira ku“verenga zvinodiwa” asati atanga basa rinokosha. (Ruka 14:28) Izvozvo zvingashandiswa kumaserura here? Chaizvo. Ichokwadi kuti ungagona kutenga foni yacho nemari shoma kwazvo kana kuti unogona kungoipiwa. Asi, sezvakawanikwa naHenna ane makore 17, “mari yaunoshandisa inogona kungoerekana yawandisa.” Panogona kunge painewo zvinoita kuti ude kuenderana nefoni dzine zvokushandisa zvitsva uye kutenga mhando dzinodhura. Saka, Hiroshi anoti: “Ndinomboita kamwe kabasa keparutivi ndochengeta mari kuti nditenge mhando itsva gore roga roga.” Vechiduku vakawanda vanoita izvozvo.b
Kunyange kana vabereki vako vakabvuma kukubhadharira mari yacho, unotofanirawo kufunga nezvokuwanda kwayo. Mushumiri wechiKristu anofambira muJapan anoti: “Vamwe vanaamai vari kuita mabasa okuwedzera kuti vangobhadhara mari inoshandiswa nemwana wavo paserura, dzimwe nguva zvinenge zvisina kufanira kuti mwana wacho ave nayo.” Chokwadi iwe haungadi kuomesera vabereki vako zvakadaro!
“Inopambadza Nguva”
Vakawanda vanotanga kushandisa foni yacho zvine mwero vanozoona kuti inopedza nguva yavo yakawanda kupfuura zvavaifungira—uye zvinhu zvinokosha zvavanenge vachiita zvichisarira shure. Mika aiwanzopedza nguva yakawanda nemhuri yake vachidya manheru. “Iye zvino,” anodaro, “kana tapedza kudya tinoenda kumakamuri edu tiine [maserura] edu.”
“Mumwe pavatatu vachiri kuyaruka vane makore anobva pa16 kusvika pa20 anofarira kutumirana mashoko nefoni kupfuura dzimwe nzira dzose dzokukurukurirana nezvinhu zvakanyorwa,” rinodaro The Guardian rokuLondon. Kutumirana mashoko kungasadya mari yako yakawanda pane kuita zvokukurukurirana, asi kunokupedzera nguva pakunyora mashoko acho. Mieko anobvuma kuti: “Kana mumwe munhu akatumira mashoko okuti ‘newewo urare zvakanaka,’ ndinopindura kuti ‘rara zvakanaka.’ Ipapo, tinotanga kutumirana mashoko kweawa yose. Tinenge tichitaura zvisina nebasa rose.”
Vakawanda vanoshandisa maserura vangashamiswa kudai vaizombowana nguva yokusanganisa nguva yose yavanopedzera vachishandisa foni yavo mumwedzi mumwe chete. Mumwe musikana ane makore 19 anonzi Teija anobvuma kuti: “Kune vanhu vakawanda, serura inopambadza nguva pane kuichengeta.” Kunyange kana mamiriro ako ezvinhu achida kuti uve nayo, zvinokosha kuti usapambadze nguva kana uchiishandisa.
Mumwe musikana wechiKristu wechiduku anonzi Marja anoti: “Pamagungano echiKristu vechiduku vakawanda vanoramba vachitumirana mashoko enhando nevamwe. Zvinowanzoitika!” Zvakadaro zvakaonekwa kuti zviri kuitwa nevamwe vechiduku vanenge vari mubasa romumunda. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti vatenge nguva yokuita zvinhu zvokunamata. (VaEfeso 5:16) Zvinosuruvarisa chaizvo kana nguva inokosha kudaro ichitorerwa nzvimbo nokukurukurirana nefoni!
Kukurukurirana Pasina Anoziva
Marie anotaura nezvomumwe musungo achiti: “Sezvo foni yacho ichisvikira kumuridzi wayo, kwete mumba, pane ngozi yokuti vabereki vatadze kuziva vanhu vari kukurukura nevana vavo kunyange kuziva kuti vari kutaura pafoni here kana kuti havasi.” Saka vamwe vechiduku vanobva vashandisa serura kuti vagone kukurukurirana nevakomana kana vasikana pasina anoziva. Vamwe vakarega kungwarira, vasingavi nehanya nezvinhu zvavaizoita kana vachikurukura nevamwe. Vanodaro sei?
“Kutumirana mashoko nefoni kunoreva kuti hapana anogona kudzora zviri kuitwa [nevechiduku],” rinodaro The Daily Telegraph rokuLondon. Kusaona uye kusanzwa mumwe munhu wacho kunokuvhiringidza. “Vamwe vanofunga kuti mashoko okutumira inzira isiri yokuita zvokukurukura,” anodaro Timo. “Mumashoko okutumira vamwe vanganyora zvinhu zvavanoziva kuti zvakaoma kuti vazvitaure vakatarisana.”
Apo Keiko, musikana wechiKristu ane makore 17 akatanga kushandisa serura, akaudza shamwari dzake dzakawanda nhamba yake. Nenguva isipi akatanga kutumirana mashoko zuva nezuva nomumwe mukomana womuungano yake. Keiko anoti: “Pakutanga taingotaura zvinhu zvemazuva ose, asi takabva tatanga kuudzana nhamo dzedu. Takava mukanyika kedu nokushandisa kwataita serura dzedu.”
Zvinofadza kuti akabatsirwa nevabereki vake uye nevakuru vechiKristu zvinhu zvisati zvanyanyoipa. Iye zvino anobvuma kuti: “Kunyange zvazvo vabereki vangu vakanga vandinyevera kazhinji vasati vandipa foni kuti ndisatumirana mashoko nevakomana, ndaingomutumira zuva roga roga. Yakanga isiri nzira yakanaka yokushandisa nayo foni.”c
Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tive nehana yakanaka.’ (1 Petro 3:16) Kuita kudaro kunoreva kuti paunoshandisa serura, unofanira kuva nechokwadi chokuti, sezvinotaurwa naKoichi, “unofanira kuva munhu asina chokunyara nacho,” kunyange kana mumwe munhu akaona mashoko amunotumirana kana kunzwa pamunokurukura. Gara uchiziva kuti hapana chakavanzika kuna Baba vedu vokudenga. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Hapana chisikwa chaasingaoni [iye Mwari], asi zvinhu zvose zvakafukuka uye zviri pachena mumaziso ake iye watinozvidavirira kwaari.” (VaHebheru 4:13) Ko zvino iwe ungadirei kuita ushamwari hwepachivande ihwohwo?
Iva Nomuganhu
Kana uri kuronga kuwana serura, wadii watanga waongorora mamiriro ako ezvinhu nokungwarira kuti uone kana uchiida chaizvoizvo? Kurukura nyaya yacho nevabereki vako. Vamwe vanonzwa sezvaiitwa nowechiduku Jenna, anoti: “Serura mutoro mukuru wokuti vechiduku vakawanda havakwanisi kuutakura.”
Kunyange kana ukasarudza kuva nefoni yakadaro, zvinokosha kuti uishandise zvine mwero. Sei? Iva nemiganhu yakanaka. Somuenzaniso, deredza zviri pairi zvaunoshandisa kana kuti nguva nemari zvaunopedzera pafoni. Sezvo makambani emafoni akawanda achipa pepa rinoratidza kushandisa kwawakaita foni, ungada kuongorora bhiri racho nevabereki vako nguva nenguva. Vamwe vanoona zvichishanda kuti vave nefoni yavanogara vabhadhara mari kuti vaderedze kuishandisa kwavanoita.
Uyewo, nyatsofungisisa kuti unotambira foni rini uye sei. Iva nemitemo yacho pachako ine musoro. Shinji anotsanangura kuti: “Ndinovhura mashoko andinotumirwa nefoni kamwe pazuva, uye kakawanda ndinopindura kana mashoko acho achikosha bedzi. Izvi zvakabva zvaita kuti shamwari dzirege kunditumira mashoko asina musoro. Kana pane chinetso chikuru chaicho, vanondifonera.” Zvinotokosha zvikuru, sarudza vanhu vaunokurukura navo. Ngwarira vanhu vaunopa nhamba yefoni yako. Ingoita zvaunoita pakusarudza shamwari dzakanaka dzokutamba nadzo.—1 VaKorinde 15:33.
Bhaibheri rinoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho, . . . nguva yokunyarara, nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:1, 7) Saka, pane nguva yokuti serura ‘inyararewo.’ Misangano yedu yechiKristu noushumiri ndidzo ‘nguva dzakagadzwa’ kuti tinamate Mwari, kwete kushandisa foni. Mamaneja emaresitorendi neemafirimu kakawanda anoda kuti vanopinda muzvimbo idzodzo vasashandisa maserura. Tinoteerera zvikumbiro zvakadaro. Zvechokwadi Changamire wechisiko chose anotofanira kuremekedzwawo!
Kana vasiri kutarisira kugamuchira foni inokosha, vakawanda vanosarudza kudzima foni yavo, kana kuti vanoiita kuti isarira kana vari kuita zvimwe zvinhu zvinokosha. Vamwe vanoisa foni yavo pavasingagoni kuitora nyore. Hachisi chokwadi here kuti akawanda emashoko anogona kuzoonekwa pane imwe nguva?
Kana ukasarudza kuva neserura, shinga kuti uidzore pane kuti ikudzore. Zvakajeka kuti unofanira kugara wakangwarira uye kuita kuti zvinhu zvaunokoshesa zviende nenhanho dzazvo. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” (VaFiripi 4:5) Kana ukasarudza kuva neserura, edza nepaunogona napo pose kuratidza kunzwisisa kwako nenzira yaunoishandisa nayo.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
b Kuti uone panokurukurwa nezvemabasa okuita wapedza chikoro, tapota ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti—Chii Chisina Kururama Nokuita Mari?” iri mumagazini yeMukai! yaOctober 8, 1997.
c Kugara muchikurukura kana kutumirana mashoko nomukomana kana musikana nefoni kungagona kunzi kudanana. Tapota ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti—Chii Chakaipa Nokutaurirana?” iri mumagazini yeMukai! yaSeptember 8, 1992.
[Mifananidzo iri papeji 18]
Vamwe vechiduku vanoita ushamwari husingazivikanwi nevamwe vachishandisa serura