RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/13 p. 2
  • Bhokisi Remubvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remubvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Ndinofanira Kuva Neserura Here?
    Mukai!—2002
  • Kupupura Norunhare Kunobudirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvokutumira Mameseji?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 4/13 p. 2

Bhokisi Remubvunzo

◼ Mazano api emuBhaibheri angatibatsira pakushandisa foni dzeserura patinenge tiri pamisangano yechiKristu uye muushumiri?

“Chinhu Chimwe Nechimwe Chine Nguva Yakatarwa.” (Mup. 3:1): Foni dzeserura dzinoita kuti vanhu vagone kutumirana mameseji uye kukurukura chero nguva. Asiwo pane dzimwe nguva dzokuti vaKristu havadi kuvhiringidzwa nefoni dzavo. Somuenzaniso, nguva yatinoita misangano yedu ndeyokunamata Jehovha, kugamuchira mirayiridzo yokunamata, uye kukurudzirana. (Dheut. 31:12; Pis. 22:22; VaR. 1:11, 12) Hazvingaiti here kuti tidzime mafoni edu kana tasvika pamisangano, uye tozoverenga mameseji edu kana tabva? Kana tichityira kuti pane zvingangoitika zvinoda kuti tisadzima foni, tinofanira kuita kuti isazorira ichikanganisa vamwe.

“Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwemashoko Akanaka.” (1 VaK. 9:23): Dzimwe nguva pane zvikonzero zvakanaka zvokushandisa foni muushumiri. Somuenzaniso, hama iri kutungamirira boka muushumiri ingafonera vaya vari kushanda mune dzimwe nzvimbo mundima iyoyo. Dzimwe nguva vaparidzi vangafonera munhu anofarira kana kuti mudzidzi weBhaibheri vasati vamushanyira, kunyanya kana achigara kure nekwavari. Kana tiine foni, tinofanira kungwarira kuti isatikanganisa patinenge tichitaura nasaimba. (2 VaK. 6:3) Patinenge tichimirira vamwe, tadii kufunga nezveushumiri uye vatiri kushanda navo, pane kufonera shamwari kana kuti kudzitumira mameseji?

Fungawo Vamwe. (1 VaK. 10:24; VaF. 2:4): Hatidi kunonoka kumusangano webasa remumunda tiine pfungwa yokuti tichafonera kana kutumira mumwe munhu meseji, kuti tizive kuri kuparidzwa neboka. Kana tikanonoka kusvika, kazhinji boka richafanira kurongwazve. Ichokwadi kuti pane zvimwe zvatisingagoni kuchinja zvingaita kuti tinonoke pano neapo. Zvisinei, kana tikagara tichikurumidza kusvika, tinoratidza kuti tiri kufunga nezvourongwa hwaJehovha, nezvehama iri kutungamirira, uyewo vamwe vaparidzi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe