RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/02 p. 7
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remubvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Ndinofanira Kuva Neserura Here?
    Mukai!—2002
  • Ndakapindwa Muropa Nezvigadzirwa Zvemagetsi Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndakapindwa Muropa Nezvinhu Zvemagetsi Zvinofambisa Mashoko Here?
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 7/02 p. 7

Bhokisi Remibvunzo

◼ Tinofanira kuyeukei pakushandisa nhare dzeserura uye mapeja?

Zvishandiswa zvakadaro zvinogona kuita kuti titaure nevamwe kunenge kunzvimbo dzose dzatingave tiri. Kunyange izvi zvichibatsira, tinofanira kungwarira kuti kushandiswa kwenhare dzeserura nemapeja panguva dzisina kukodzera kusativhiringidza muushumiri hwedu kana kuti pamisangano yechiKristu. Izvi zvingaitika sei?

Chimbofungai zvaizoguma zvaitika kudai nhare yedu yeserura kana kuti peja yairira panguva yatinenge tiri muushumiri hwomumunda tichitotaura nasaimba. Saimba angafunga kuti kudini? Taizomusiya achiti kudini kana taizomira kuti timbodavira runhare? Zvechokwadi hataizoda kuita chimwe chinhu chinovhiringidza pakuteerera shoko roUmambo. (2 VaK. 6:3) Saka kana tine nhare yeserura kana peja, tinofanira kuidzima kuti isativhiringidza isu kana vamwe patinenge tiri muushumiri hwomumunda.

Zvakadini nepaya patinenge takamirira nepo vamwe vari kutaura nasaimba? Kana tatsaura nguva yebasa romumunda, hatifaniri kuramba tichifunga nezvaro here? Nemhaka yokuremekedza basa redu dzvene, tapota tarisirai zvinhu zvenyu pachenyu zvisingakoshi kana kuti zvamunofarira pane imwe nguva. (VaR. 12:7) Chokwadi, izvi hazvingatitadzisi kushandisa runhare kuti tipe humwezve uchapupu kana kuti kuridza runhare tichironga kuita kudaro.

Tinofanira kungwarira zvikuru nezvokushandisa nhare dzeserura patinenge tichityaira, sezvo kumwe kuongorora kuchiratidza kuti kuita kudaro kunowedzera zvikuru mikana yokuita tsaona. Tinofanira kunyatsochengeta mitemo ipi neipi inorambidza kushandiswa kwenhare dzeserura patinenge tichityaira.

Tinouya kumisangano yechiKristu, magungano, uye kokorodzano kuzonamata Jehovha uye kuti tidzidziswe naye. Kuonga utsvene hwenguva idzi hakufaniri kutiita kuti tidzime nhare dzeserura nemapeja here kuitira kuti zvisatitsausa isu kana vamwe? Kana pane chinhu chinoda kuti tichigadzirise nokukurumidza, tinofanira kuchigadzirisa tiri kunze kwenzvimbo inoitirwa misangano. Kana kuti tinofanira kutarisira zvinhu zvedu pachedu kana zvokubasa pane imwe nguva isiri iya yakasarudzwa nokuda kwokunamata.—1 VaK. 10:24.

Kushandisa kwatinoita nhare dzedu dzeserura kana kuti zvimwe zvishandiswa ngakuratidze nguva dzose kuti tine hanya nevamwe uye tinoonga zvikuru zvinhu zvomudzimu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe