Kuratidzwa Kworudo—Basa Rokuyamura Rinotora Nguva Refu
RICHARD VARA, mupepeti agara nebasa weHouston Chronicle haakurumidzi kugutsikana, asi gore rakapera ndizvo zvakaitika. “Handisati ndamboona zvakadaro!” akadaro. “Handigoni kuzvibvuma.” Manzwiro ake ndiwo akaitawo Lee P. Brown, meya weHouston, Texas, U.S.A. Akati: “Ndinoshuva kuti dai munhu wose ari muHouston aona zvamaita. Ndashaya kana romuromo.” Vaitaura nezvechii? Mupepeti wenhau nameya vakanga vachitaura nezvebasa rokuyamura rakanga raitwa neZvapupu zvaJehovha muHouston. Basa iri raisanganisirei? Nei raifanira kuitwa? Uye chii chakaita kuti riomese vanhu mate mukanwa? Ngationei zvakaitika kubva pokutanga.
Mafashamo Akaipisisa
Mukutanga kwaJune 2001, dutu rinotyisa, rakapiwa zita rokuti Allison, rakaparadza nzvimbo yakati sandarara yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweTexas. Pakupedzisira, musi weChishanu, June 8, mumaawa 24, dutu reAllison rakanayisa mapopoma emvura inonyudza kusvika mita imwe muHouston—guta rechina pakukura renyika yacho.a Pasina nguva refu, mvura yaikwira yakapinda muzvitoro, mahofisi, nemakumi ezviuru zvedzimba. Migwagwa yomuguta racho yakava nzizi dzinoshinyira ichifukidza motokari nemazirori akanga atizwa. Mvura yakakwirira yakaita kuti motokari dzokudzima moto nedzimwe dzokununura dzitadze kufamba mumimwe migwagwa yacho yakanga yazara mvura. Zvikopokopo nemotokari hombe dzehondo zvakauya kuzonunura vanhu.
Pakupedzisira, apo denga rakazochena musi woMuvhuro, June 11, zvakava pachena kuti dutu reAllison rakanga rauraya vanhu uye kuparadza zvinhu. Vanhu makumi maviri nevaviri vakanga varasikirwa noupenyu hwavo, kubatanidza vaviri veZvapupu zvaJehovha: Jeffrey Green, mukuru muungano yechiKristu, pamwe naamainini vake, Frieda Willis.b Uyewo, dzimba dzinokwana 70 000 dzakanga dzaparadzwa, zvichiita kuti mafashamo aya ave akaipisisa pane akamboitika munzvimbo huru inogara vanhu vakawanda. Chaizvoizvo, nokukonzera kwayakaita kuparadza zvinhu zvingangosvika mari inokwana mabhiriyoni mashanu emadhora [mabhiriyoni Z$275], dutu reAllison rakava iro rakaparadza zvinhu zvakawandisa munhoroondo yeUnited States.
Mafashamo Evazvipiri
Vanhu vakanga vari kudedera. Mumwe mushandi wokununura akati: “Mibhedha yavo yakanga yakatota. Kapeti yavo yakanga yakatota. Mifananidzo yavo neyevana vavo yakanga yaparara.” Vazhinji paZvapupu zvaJehovha zvinopfuura 16 000 zvomuHouston vakarasikirwa. Dzimba dzoUmambo sere nemazana edzimba dzeZvapupu dzakaparadzwa. Dzimwe dzedzimba idzi dzakanga dzakazara nemvura yakanga yakakwirira nemasendimita anoverengeka; dzimwe dzakanga dzakazara mvura kusvika padenga. Pamwe chete, ungano dzinopfuura 80 dzeZvapupu zvaJehovha dzakavhiringwa. Asi vanhu ava havana kusiyiwa kuti vazvionere. Mumazuva mashoma mamwe mafashamo—asi pari zvino evazvipiri—akauya kuzovabatsira. Zvakaitika sei izvozvo?
Mvura yemafashamo isati yambotanga kudzikira, vakuru vechiKristu veungano dzeZvapupu zvaJehovha muHouston vakatanga kuita basa. “Takafonera uye kushanyira hama dzedu nehanzvadzi,” akadaro mumwe mukuru. “Takabva taongorora zvakanga zvaparadzwa, uye pakazosvika musi woMuvhuro, June 11, takanga tanyora mushumo wakazara wairatidza vakanga varasikirwa nezvinhu, kuwanda kwedzimba dzakanga dzaparadzwa, uye mwero wokuparadza kwacho. Izvi zvakatumirwa kumuzinda weZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn, New York.” Papera mazuva mashoma, bazi reZvapupu zvaJehovha romuUnited States rakaumba dare rokuyamura rehama sere dzevakuru vechiKristu vomuHouston ndokupa mari yokuyamura. Dare iri raizoita basa rei? Rokubatsira vakanga vawirwa nenjodzi kuti vagadzikane uyewo kugadziridza dzimba dzeZvapupu dzakanga dzaparadzwa—dzimba dzinopfuura 700!
‘Tingaita sei basa guru iri?’ dzakadaro nhengo dzeDare Rokuyamura romuHouston reZvapupu zvaJehovha ra2001 rakanga richangoumbwa. Vakashanda maawa akawanda manheru vachiedza kuronga maitiro okutanga uye vakakoka ungano dzinopfuura 160 dzomuHouston kuti dzibatsire. “Vakauya vacho vakanga vakawanda,” akadaro sachigaro wedare racho. “Zvapupu zvinopfuura 11 000 zvakazvipira kupa nguva yazvo, simba, uye unyanzvi pasina kuripwa.”
Vazvipiri Vanobvisa Chakuvhe
Mazuva mashoma mafashamo acho apera, vazvipiri vakaenda kundoshanda mudzimba dzevanhu vakanga vawirwa nedambudziko, vachibvisa makapeti akanga ati chakwata, uriri hwakanga hwaparara, midhuri yashatiswa, makabhineti akanga amwira mvura, madhoo akanga akokonyara, nezvimwe zvose zvakanga zvazara mvura dzomuchimbuzi. “Takanga tisingangofungi nezvokugadzira dzimba dzehama dzedu,” akadaro mumwe muzvipiri, “asiwo taifunga nezvokuchengetedza utano hwavo.” Sezvo chakuvhe chine muchetura chaizokurumidza kumera mumidhuri nomumakabhineti, dzimba dzacho dzaida kutanga kuiswa mishonga yokuuraya utachiona zvakasimba.
Kuti zvidzidze kuti zvingaita sei basa racho zvisina ngozi, Zvapupu zvakawanda zvakakumbira kurovedzwa neFederal Emergency Management Agency (FEMA), sangano rehurumende rinonyanya kubata nezvenjodzi dzinoitika. Pashure peizvi, Chapupu chimwe nechimwe chakarovedzwa neFEMA chakatora vazvipiri gumi kuenda kuimba yakanga yakanganisika, kwavakadzidziswa kuti vangaisa sei mushonga muimba yacho zvakarurama. Zuva raizotevera mumwe nomumwe wevane gumi vaya vakanga vachangorovedzwa aizotora vamwe gumi oenda navo. “Mumazuva mashoma,” akatsanangura kudaro mumwe muzvipiri, “nhamba yevanhu vakanga vave kuziva basa iri yakawanda kusvika kumazana anoverengeka.” Chakuvhe chakanga chichiwanda hachina kugona kukurira vazvipiri vakaramba vachiwedzera! Vari pamudyandigere nevana vakanga vari pazororo rechikoro vakashanda masikati. Usiku, vamwe vazvipiri vairisimudzira. Mumavhiki matanhatu dzimba dzose dzakanga dzakanganiswa dzeZvapupu zvaJehovha dzakanga dzachena uye dzisisina ngozi.
Muzinda Mukuru Mumwe uye Mimwe Midiki Minomwe
Panguva iyi, dare rokuyamura rakatenga matani ezvimwe zvokuvakisa. Asi zvaizochengeterwa kupi? “Apo maneja weimwe kambani akaziva zvataida,” akarondedzera kudaro mutauriri wedare rokuyamura, “akatipa imba yokuchengetera zvinhu kuti tishandise—yaiva nouriri hwakakura masikweya mita 5 000—pasina muripo!” Kunze kwokuchengeta zvinhu zvokuvakisa chete, imba yacho yakashandiswawo sehofisi. Pasina nguva refu, yakava muzinda wokutarisira zvinhu zvokuyamura, apo vazvipiri vanenge 200 kusvika 300 vaishanda masikati, usiku, nomukupera kwevhiki.
Sezvo dzimba dzakanga dzaparadzwa dzakanga dzakapararira munzvimbo huru, mizinda, kana kuti nzvimbo dzomumatunhu dzokuyamura, dzakaumbwa paDzimba dzoUmambo nomwe. Pakupera kwevhiki muzinda mumwe nomumwe wakanga wakazara nevazvipiri. (Ona bhokisi rakanzi “Muzinda Webasa.”) Vakawanda vavo vakanga vamboshanda vose vachivaka Dzimba dzoUmambo mudunhu racho. Chaizvoizvo, vazvipiri vane unyanzvi hwokuvaka vakabva kuMatare Okuvaka Omunharaunda muArkansas, Louisiana, Oklahoma, neTexas akabatsira.c Mumuzinda mumwe nomumwe, nyanzvi dzokuveza, vanopenda, vanogadzira pombi, uye vamwe vashandi vane unyanzvi vakatungamirira uye vakadzidzisa vamwe.—Ona bhokisi rakanzi “Purogiramu Dzokudzidzisa.”
Kuronga uye Kuchengeta Mashoko Pakombiyuta
Vazvipiri vacho vakavaka vachitevedza purani yaiva nematanho manomwe. Zvinhu zvokuvakisa zvakaunzwa kumisha yacho muzvikamu zvina, uye basa rokugadziridza pamusha mumwe nomumwe rakanga rakarongwa kuitwa mukupera kwevhiki kutatu. Nokuita kudaro, basa rose rokuyamura raizopedza inenge mwedzi mitanhatu.
Kuti urongwa hwacho hushande, dare racho rakaumba madhipatimendi 22, kusanganisira rinoona maitirwe ebasa, kutenga, kuwana pokugara, uye kutakura zvinhu. Madhipatimendi ose aibatsirwa nemashoko akanga achengetwa pakombiyuta nevazvipiri vacho. Basa rokugadziridza risati ratanga, vazvipiri vakapedza mazuva gumi vachinyora mashoko. “Kwakanga kuri kunyora mashoko kwemwero mukuru,” wakadaro mushumo wenhau. Zvisinei, pavakapedza kunyora, muunganidzwa wemashoko anobatsira wakanga wavapo. Nokungodzvanya bhatani rekombiyuta, muunganidzwa wemashoko wacho wairatidza nguva yaigona kuwanikwa vazvipiri vanopfuura 11 000, unyanzvi hwavo, uye kuti vangawanikwa sei. Nokumwe kudzvanya zvekare, wairatidza zvaida kugadzirwa, matsamba epamutemo aidiwa, uye mamwe mashoko edzimba dzakaparadzwa. Muunganidzwa wemashoko uyu wakasvika pakuzivikanwa so“musimboti webasa rokuyamura.”
Vakashamiswa Zvikuru uye Vakafara
Misha yakanga isina chakuvhe uye yakanga yaoma yakashanyirwa nevazvipiri vane unyanzvi hwokuvaka dzimba kuti vaone zvinhu zvaidiwa kuti zvigadzirwe. “Vazvipiri ava vaiongorora zvaidiwa kunyange kusvika kunhamba yezvipikiri,” akadaro mutauriri wacho. “Takanga tisingadi kutambisa mari ipi neipi kana zvinhu zvakapiwa.” Panguva iyoyo, vamwe vazvipiri vakawana matsamba anovabvumira kuvaka kubva kuvakuru vakuru veguta.
Izvozvo zvapera, mhuri dzakawirwa nenjodzi dzaidanwa kwaichengeterwa zvinhu kuti dzisarudze pazvinhu zvakanga zviripo, makapeti, makabhineti, mataira epauriri, nezvimwe zvinhu kuti vatsive zvavakanga varasikirwa nazvo. Vakawirwa nemafashamo aya vakashamiswa zvikuru uye kakawanda vakachema pavakaona zvavakanga vapiwa. Vakawanawo mazano kubva kuvazvipiri vane unyanzvi munhau dzeinishuwarenzi uye mitemo yehurumende. Ipapo, pairongwa nguva yokugadzira dzimba dzacho, uye pazuva chairo apo vavaki vaida zvokuvakisa, vaizvipira kutyaira vaienda nezvinhu zvacho. Mumwe asiri Chapupu ane imba yakaparara yakanga iri kugadzirwa akaudza mudzimai wake ari Chapupu kuti: “Vaunonamata navo vanoshamisa. Chimwe chikwata chinobva, uye chimwe chinosvika. Vanoshanda semasvosve!”
Kugadzirwa kwezvinokosha kwakatora kupera kwevhiki kutatu pamusha mumwe nomumwe. “Zvisinei, pane dzimwe nguva, zvaitora vhiki shanu kana kunyange sere,” akadaro sachigaro wedare racho. Apo madziro akabviswa mudzimba dzakanga dzaparara, kakawanda vazvipiri vacho vakawana zvimwe zvakanga zvagara zvakakanganisika, uye vakanga vasingaisi zvitsva vasati vagadzira zvakanga zvakakanganisika izvozvo. Imwe nyanzvi yokugadzira yakati: “Dzimwe nguva taiwana kuti midhuri yakanga yakadyiwa nomujuru, saka taitanga tauraya mujuru wacho. Kakawanda taigadziridza mbiru dzemba yacho kuti zvinake. Takasiya dzimba dzacho dzave mumamiriro akanaka.” Mumwe akawirwa nemafashamo aya akaratidza manzwire evaridzi vedzimba vakawanda paakaudza mumwe mushanyi nomufaro kuti: “Imba yangu yave nani kupfuura zvayakanga yakaita pandakaitenga!”
Zvokudya Zvaigadzirwa Nechimbichimbi
Kuti vazvipiri vakawanda ava vawanirwe zvokudya, boka reZvapupu rakachinja imba yokuchengetera zvinhu iri kumashure kweImba yoUmambo kuva nzvimbo yokugadzirira zvokudya nokuzviendesa kwazvaidiwa. Zvapupu munyika yacho yose zvakapa mafiriji, mafiriza, michina yokugeza ndiro, zvitofu, nemimwe midziyo yomukicheni. Mugovera mumwe nomumwe neSvondo, vabiki 11 nevamwe vazvipiri 200 vaigadzira zviuru zvezvokudya pamuzinda uyu. Muzvipiri aitarisira kicheni iyi akati: “Tave tichigadzira zvokudya zvezvirongwa zvokuvaka Dzimba dzoUmambo kwemakore 19, asi basa iri ranga rakakura zvatisina kumbofungidzira.”
Zvokudya zvacho zvairongedzwa mumidziyo 120 mihombe. Iyoyi yaiiswa mumotokari 60 dzainge dzakamirira, dzaiendesa kudya kwacho mumizinda yose nenzvimbo yokutarisira kufamba kwebasa. Zvichakadaro, boka rimwe nerimwe raishanda kugadzira dzimba raituma muzvipiri mumwe kumuzinda kunotora kudya kweboka rose. Vazvipiri vacho vaidya zvokudya zvavo mudzimba uye vaibva vadzokera kubasa pakarepo.
Basa Rinopera!
Pakupedzisira, muna April 2002, vazvipiri 11 700 vakapedza rimwe rebasa rokuyamura renguva yakareba zvikuru rati ramboitwa neZvapupu zvaJehovha. Vazvipiri vacho vakapedza maawa 1 000 000 uye vakavakazve dzimba dzinokwana 723. Mumwe akawirwa nemafashamo akataura akamiririra vamwe vose paakataura ane misodzi yomufaro mumeso ake kuti: “Ndinoonga Jehovha uye vazvipiri nokubatsira kwose kwavaita. Kuva mumwe wehama dzakadaro kunonyaradza zvikuru!”
[Mashoko Omuzasi]
a Maguta eNew York, Los Angeles, neChicago ane vanhu vakawanda kudarika vomuHouston. Nzvimbo inogara vanhu yeHouston ine vanhu 3 500 000 uye yakakura kupfuura nyika yokuMiddle East yeLebanon.
b Shamwari dzaJeffrey naFrieda dzinokwana 1 300 dzakauya kumariro acho. Kutsigira kwakadaro kwakanyaradza zvikuru Abigail—mudzimai waJeffrey uye mukoma waFrieda.
c Matare Okuvaka Omunharaunda anowanzoita basa rokuvaka nzvimbo dzokuunganira dzeZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 15]
MUZINDA WEBASA
Nhasi musi woMugovera, nguva dzava 7 mangwanani, pamuzinda wechina nechokumusoro kwakadziva kumabvazuva kweHouston. Vachitaura, kuseka, kudzvuta kofi, uye kudya madhonanzi, vazvipiri vanosonganira paImba yoUmambo. Vamwe vatyaira mazana emakiromita kubva kumaguta kwavanogara kuti vauye kuno. Asi nenguva dza7:30 mangwanani, kukurukurirana uku kunoti mhoo, uye mutariri wemuzinda uyu anotanga hurukuro yemashoko eBhaibheri. Anozivisawo kuti Chidzidzo cheNharireyomurindi chichaitwa musi weSvondo nenguva dza7:30 mangwanani, vazvipiri vasati vaenda kumabasa avo, uye anokurudzira vose kubatanidzwa muchidzidzo chacho nokupindura muchiRungu kana chiSpanish. Anovaudza nezvekwaziso yabva kumuzinda wepasi pose weZvapupu zvaJehovha, inobva yagamuchirwa nokuombera kwenguva refu.
Mutariri wemuzinda wacho anopa mashoko ezvave zvichiitika pakuyamura uye anotenda vazvipiri nemhaka yokuda kwavo kubatsira. Anobvunza kuti: “Nhasi pane asingazivi zvokuita kana kwokuenda here?” Hapana maoko anosimudzwa. “Tinoda kudya kangani?” Maoko ose anosimudzwa nokukurumidza, uye vanhu vanoti bvuu kuseka. Pakupedzisira, munyengetero unopiwa, uye vazvipiri 250—varume, vakadzi, vakuru nevaduku—vava munzira kuenda, vagadzirira rimwe zuva rokuita basa rakaoma.
Izvi zvinoitikawo pamimwe mizinda mitanhatu uye panzvimbo inochengeterwa zvinhu. Munguva iyoyo, vamwe vazvipiri vari kushanda mukicheni yokugovera vose zvokudya vatori mubishi rokukonzonga mapoto—nokuti nhasi zuva parinozorova nhongonya vazvipiri vanopfuura 2 000 vane nzara muHouston yose vanenge vagadzirira kudya!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16]
PUROGIRAMU DZOKUDZIDZISA
Panguva yaiitwa basa rokuyamura, vazvipiri vane unyanzvi vakadzidzisa vazvipiri vakanga vasina unyanzvi kuti vaite mamwe mabasa. Vamwe vakadzidziswa kuisa mishonga yokuuraya utachiona mudzimba. Vamwe vakadzidza kuisa midhuri nemakabhineti. Vamwewo vakadzidza kupurasita nokupenda. Zvidzidzo izvi zveSkilled-Workers Seminars zvakarekodwa pavhidhiyo, uye mavhidhiyo acho akashandiswa pamizinda kudzidzisa vamwe vazvipiri. “Muzvidzidzo zvose izvi,” akadaro mumwe aiva nhengo yedare rokuyamura, “taiva nechokwadi chokuti basa rokugadzira riri kuitwa nderepamusoro.”
[Mufananidzo]
Nyanzvi dzokuvaka dziri kuitisa zvidzidzo
[Bhokisi riri papeji 18]
“BASA RAMWARI CHAIRO”
“Makambani einishuwarenzi anoti njodzi dzinoitika dzoga mabasa aMwari,” yakadaro imwe nhengo yedare raiyamura vakawirwa nenjodzi. “Zvisinei,” akawedzera kudaro, “vazvipiri vakashanda pano kwemwedzi yose iyi ndivo basa raMwari chairo. Hama dzedu dzinoshamisa zvechokwadi!” Panguva yebasa rokuyamura iri, vazvipiri 2 500 kana kudarika vaiuya kuzoshanda pakupera kwevhiki. Sachigaro wedare racho akati: “Vazvipiri ivavo vasingabhadharwi vakasiya urongwa hwavo hwokuenda kuzororo, vakachinja zvirongwa zvemhuri dzavo, uye vakamborega kuita zvimwe zvavanoda kuti vabatsire pabasa guru rokuyamura rati ramboitwa neZvapupu zvaJehovha.”
Basa rokuyamura rakatora nguva refu iri raida kuzvipira. Mumwe muzvipiri akaita basa iri kubva pakutanga kusvika rapera akanga aine basa rake raitora maawa 50 pavhiki. Asi, akapedza maawa 40 vhiki imwe neimwe achiita basa rokuyamura. “Jehovha akandipa simba racho,” akadaro. “Vanhu vandinoziva vanondibvunza kuti, ‘Unobhadharwa here?’ Ndinovaudza kuti, ‘Hamungandibhadhari mari yakakwana kuti ndiite basa iri.’” Pakupera kwevhiki, yapedza vhiki rose iri kubasa kwayo, imwe mhuri inobva kuLouisiana yaityaira makiromita 800 kuenda nokudzoka kunobatsira nebasa rokuyamura. Vazhinji vaishanda kubva zuva richibuda kusvika richinyura, zvadaro vodzokera kumba. Vamwe vazvipiri 30 vane unyanzvi hwebasa, avo vaityaira kwemaawa manomwe kusvika kugumi pakuenda chete, vakati: “Zvakakosha kuti tidaro.” Mumwe muzvipiri wechidzimai aipedza basa rake na3:30 masikati kwava kushanda pamuzinda wokuyamura kusvika na10 dzousiku. Aibatsirawo pakupera kwevhiki. “Ndinonzwa kugutsikana,” akadaro.
Zvechokwadi, ava uye vamwe vazvipiri vose vakanga vachida kubatsira nemhaka yokuva norudo nehama—chiratidzo chevaKristu vechokwadi. (Johani 13:35) Pashure pokushanyira muzinda wokuyamura, meya weHouston akaguma ataura neboka reZvapupu kuti: “Munobvuma kuita zvatinonzi naMwari tiite. Muri kuita maererano nezvamunodavira.”
[Mufananidzo uri papeji 14, 15]
Mvura dzemafashamo dzinozara muHouston, June 9, 2001
[Kwazvakatorwa]
© Houston Chronicle
[Mufananidzo uri papeji 15]
Migwagwa inova nzizi
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mvura yakapinda mudzimba
[Mifananidzo iri papeji 17]
Vamwe vezviuru zveZvapupu zvakashanda sevazvipiri
[Mufananidzo uri papeji 18]
Boka raishanda mukicheni rakagadzira zvokudya zvinopfuura 250 000!
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 13]
NOAA