RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 8/8 pp. 13-15
  • Rubatsiro Runowanikwa Kwose Kwose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rubatsiro Runowanikwa Kwose Kwose
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzvipira Kunorondedzerwa
  • Vazvipiri Vari Kuwedzera asi Vachiri Kudiwa
  • Kuratidzwa Kworudo—Basa Rokuyamura Rinotora Nguva Refu
    Mukai!—2002
  • Kunzwa Uchida Kubatsira Kunounza Zvikomborero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Vazvipiri Vari Pabasa
    Mukai!—2001
  • “Ngatiitirei Vose Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 8/8 pp. 13-15

Rubatsiro Runowanikwa Kwose Kwose

BAXTER, mudzidzi womuchikoro chesekondari ane makore 15, anopedza misi yeMugovera masikati nenzira inofadza. Anoshanyira boka revanhu vakwegura, achiridza mimhanzi uye achiimba pamwe chete navo pamusha wavo unochengeterwa vakura. “Anosetsa, uye anofadza vagari vepo,” anodaro mudzidzisi waBaxter. Lucille, ane makore 78, anoitawo mutsa wakadaro. Anogovera zvokudya vanoshayiwa uye anoshanyira varwere vomuchipatara vakasurukirwa. Shamwari yaLucille inoti: “Kana pane zvinodiwa uye kana achigona kubatsira, anobatsira.”

Kuzvipira Kunorondedzerwa

Maonero aya oupenyu okuti—‘Ivapo panenge pachidiwa rubatsiro’—anofarirwa nevanhu vakawanda munyika yose. Vanobatsira panzvimbo dzokuvaka uye mumahofisi, mafekitari, mumisha inotarisira vakwegura nevanenge varwarisa, misasa yevapoteri, misha yevasina pokugara, madhipatimendi emoto, nzvimbo dzinobatsira vanoshushikana, nzvimbo dzinochengeterwa mhuka dzakarasika uye dzisingachadiwi, nokumwewo. Vanenge vari kwose kwose! Vanoshandisa unyanzvi hwavo pamabasa anobvira pakubatsira vamwe kuvaka imba kusvikira pazvirongwa zvokuunganidza mari uye kubvira pakutarisira vacheche vakasiyiwa kusvikira pakunyaradza vari kurwarisa. Ivo vazvipiri—vanhu vanoita zvinobatsira upenyu hwevanhu vanoshayiwa.

Basa rokuzvipira rave richirondedzerwa se“pfungwa yakaisvonaka inoratidzwa nechiito.” Rinosanganisira zvinhu zvakadai sokuzvipira zvizere kuchimwe chinhu, pfungwa yokurega zvimwe zvinhu, kusabhadharwa, uye kuratidza kuda kushandira vamwe. “Basa rokuzvipira,” vanodaro vamwe vazvipiri vaviri vaita basa iri kwenguva refu, “kuzvipa: nguva yedu, maoko edu netsoka, pfungwa dzedu, mano edu okubatsira mumwe munhu, unyanzvi hwedu hwokugadzirisa zvinetso, uye ruzivo rwedu rwounyanzvi.” Zvinofadza kuti kupa kwakadaro kunobatsirawo vazvipiri vacho pachavo.—Ona bhokisi rakanzi “Vazvipiri Vanobatsirikawo.”

Vazvipiri Vari Kuwedzera asi Vachiri Kudiwa

MuUnited States, zvinofungidzirwa kuti vanhu mamiriyoni 100 vanoita basa rokuzvipira—uye nhamba yavo iri kuwedzera. “Sangano redu riri kuramba richikura nokukurumidza zvikuru,” Kathleen Behrens, mutungamiriri wesangano revazvipiri rinonzi New York Cares, akaudza Mukai! munguva ichangopfuura. “Gore rapera chete, takava nevazvipiri vatsva vanopfuura 5 000 vakapinda mupurogiramu yedu.” Masangano evazvipiri okuEurope ari kukurawo saizvozvo. Somuenzaniso, muFrance, nhamba yevazvipiri yave ichiwedzera ne6 muzana gore roga roga kwemakore makumi maviri adarika. Zvisinei, vamwe vazvipiri vachiri kudiwa. Kusiyana neizvi, United Nations Volunteers (sangano reUN rinoona nezvevazvipiri) inoti tichitarisa munyika yose, “vazvipiri vakawanda vari kutodiwa kwazvo nhasi kupfuura kare.” Mumwe mukuru mukuru wemiziyamu anoti: “Vazvipiri vanokosha kuti miziyamu yedu irambe ichishanda.”

Hungu, zvinoita sokuti mashoko acho anozvipokanidza. Kunyange zvazvo vatungamiriri vakawanda, mamaneja, uye vatarisiri vanoshanda nevazvipiri vachifunga kuti vanhu vakadaro “vanokosha zvikuru,” basa rakawanda revazvipiri harimboonekwi. Kuti ritange kuchinja mamiriro ezvinhu iwayo, Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose rakasarudza gore ra2001 senguva yokunyanya kufunga nezvevashandi vanozvipira. Bhokisi rakanzi “Gore Revazvipiri Pasi Pose” rinotsanangura dzimwe vavariro idzo UN inotarisira kuita.

Panguva ino, zvinhu zviri kuchinja mumabasa okuzvipira zvichiita kuti zvinhu zviomere vanozvipira uye vaya vanotungamirira basa ravo. Kunyange zvakadaro, kuchine vanhu vakawanda munyika yose vanoda kubatsira vamwe. Chii chinovakurudzira kuti vadaro? Chii chavanoita? Uye vangaitei paupenyu hwako?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]

Vazvipiri Vanobatsirikawo

“Kuedza kubatsira vamwe kwakaunza mubayiro wakakura, unokosha, unofadza zvikuru kupfuura zvandingadai ndakawana nokuramba ndichiisa pfungwa dzangu dzose pabhizimisi rangu,” anodaro Michael, muzvipiri asiri wenguva yakazara. Michael haasi oga anonzwa saizvozvo. Sharon Capeling-Alakija, mutarisiri mukuru weVazvipiri veSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, anoti: “Munyika yose vanhu . . . vanozvipira vanonyatsoziva kuti vanobatsirika sei nokuzvipira.” Dr. Douglas M. Lawson, nyanzvi mumabasa okuzvipira, anobvuma kuti vaongorori vakawana kuti “kakawanda kacho pamaawa mashoma okuzvipira, zvine chokuita noutano hwomunhu uye kugadzikana kwepfungwa zvinovandudzika zvokuti zvakasvika pakunzi ‘Mufaro Womuzvipiri.’” Uye “mufaro womuzvipiri” wacho hausi wenguva pfupi. Vaongorori paYunivhesiti yeCornell muUnited States vakaongorora boka revanhu kwemakore anopfuura 30 uye vakawana kuti “vaya vanozvipira vaifara uye vaiva vakagwinya pane vaya vasingazvipiri.” Zvinofadza kuti Bhaibheri rinoti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35; Zvirevo 11:25.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 15]

Gore Revazvipiri Pasi Pose

Musi waNovember 20, 1997, General Assembly yeSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose yakazivisa gore ra2001 se“Gore Revazvipiri Pasi Pose,” (IYV 2001). Maererano neUN, kune vavariro ina dzichaitwa mugore racho.

Kunyanya Kukoshesa Hurumende dziri kukurudzirwa kuti dzinyanye kukoshesa vazvipiri nokuziva zvavanenge vaita uye kuzvinyora pasi uye kupa mibayiro yemabasa makuru anenge aitwa nevazvipiri.

Mitemo Inosimudzira Kuzvipira Nyika dziri kukurudzirwa kusimudzira kuzvipira, somuenzaniso, nokubvuma basa rokuzvipira panzvimbo pebasa rechiuto kana kuti kubvisa mimwe mitero yakati.

Kufambiswa Kwemashoko Vanobudisa nhau vari kukumbirwa kubatsira zvikuru kubudisa nyaya dzokubudirira kwebasa revazvipiri. Somugumisiro, zvirongwa zvakadaro zvinogona kudzokororwa, “zvichibvisa kudiwa kwokuti vanhu vapedze nguva vachirongazve zvirongwa zvakadaro.”

Kusimudzira Masangano evazvipiri ari kukurudzirwa kuronga kuratidzira kuitira kuti azivise voruzhinji nezvokubatsirwa kuri kuitwa nzanga nemabasa evazvipiri.

UN inotarisira kuti IYV 2001 ichaguma nezvikumbiro zvakawanda zvemabasa evazvipiri, nevanhu vakawanda vanozvipira, uye nemari yakawanda uye zvinhu zvakawanda zvokuti masangano evazvipiri atarisire zvinodiwa zvenzanga zviri kuwedzera. Hurumende dzinokwana 123 dzakabatana kutsigira chisarudzo cheUN.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe