Kufamba Nendege Kuchakanaka Here?
NDEGE huru ina dzapambwa. Ndege ina dzadonha. Kudhiriswa kwezvivako zvinozivikanwa zvikuru. Mufananidzo wendege yorudzi rwe767 ichirovera pane imwe nhurikidzwa yeTwin Towers, uchiratidzwa kakawanda paterevhizheni.
Kurwisa kwakaitika musi waSeptember 11, 2001 kwakatipinza munguva inotyisa zvikuru yokurwisa kwemagandanga. Ndege dzakatanga kushandiswa kuparadza, uye ndege dzakabva dzatanga kushandiswa kupisa zvivako.
Izvi zvakaguma nokuvapo kwevanhu vanotya kufamba nendege: Vaya vaisimbonzwa vakachengeteka iye zvino vava kudedera vachitya kuti mamwe magandanga angarwisa. Uyezve, dzimwe njodzi dzendege dzisina chokuita nemagandanga pashure paSeptember 11 dzakawedzera kutya kukwira ndege kwevakawanda.
Chokwadi, kufamba nendege chinhu chinonakidza chisingakwanisi kuitwa nemamiriyoni evanhu pasi pose. Zvisinei, kune vamwe, kufamba nendege ndiko kwavanoita nguva dzose. Kune vaya vane mabasa anoda kuti vafambe zvakanyanya, vanotofanira kukwira ndege. Kazhinji mamishinari echiKristu uye vamwe vashumiri vanofanira kufamba nendege madaro marefu kuenda uye kubva kumabasa avo. Kunyange kuvanhu varombo, ndege ndiyo chete ingashandiswa pakufamba kana munhu achinge arwarisa. Uye zviuru zvevatekenyi vendege uye vashandi vemo vanorarama nokufamba nendege.
Vazhinji vevanhu vanofamba nendege ava, zvichida hana dziri mumaoko, vanofanira kudzikamisa madzimai, varume uye vana vavo vasati vabva pamba. Uye nemhaka yokuti kusimuka kwaiita ndege kare kwaiva kwakanaka asi iye zvino zvasiyana, vafambi vanoshaya kuti kufamba nendege kuchakanaka here.
Kuti ipindure vanhu vanonetseka zvakadaro, Mukai! yakabvunza vanamazvikokota munyaya dzokurinda, vashandi vepanhandare dzendege, vakuru vakuru vendege, nevashandi vanogadzirisa ndege. Vanoita sevakabvumirana pachinhu ichi: Kunyange zvazvo kufamba nendege kwaramba kuri nzira yokufamba isina ngozi zvakanyanya, matambudziko matsva anoda kuti patorwe matanho matsva okuwedzera kuchengeteka kwevanhu vanofamba nzendo.
Nyaya dzinotevera dzichakurukura matambudziko aripo uye zvaunokwanisa kuita iwe pachako kuti uve akachengeteka uye ufambe nyore paunenge uri mundege.