Kufarira Kuchengeteka
KUFAMBA nendege inenge iri mudenga nemakiromita 11 kunogona kutyisa chaizvo kune vamwe vanhu. Zvinoita sezvinopesana nemitemo yakasikwa iripo. Sezvo pava nemitemo mitsva yokufamba muchadenga uye sezvo kufamba nendege kwava nyore pane kare, mukana wokuti munhu ari kumhanya zvikuru nendege asangane netsaona muduku zvikuru. Zvisinei, apo neapo, chimwe chakashata chinoitika chinotiyeuchidza kuti tsaona dzinogona kuitika.
Kukunda Kutya
Pasinei nechokwadi ichocho, kubvira makare kare, munhu agara achida zvokufamba muchadenga. Makore chiuru Kristu asati auya, mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Haiwa, dai ndaiva nemapapiro senjiva. Ndaibhururuka, ndikandozorora.” (Pisarema 55:6) Sezvatoratidzwa, ruzivo rwokugadzira zvinhu rwemazuva ano rwakaita kuti kufamba nendege kuve imwe yenzira dzakanaka zvikuru dzokufamba nadzo. Aiwa, ine njodzi dzayo. Pasi pano hapana chinhu chisina ngozi zvachose kana chinogona kuzivikanwa mafambiro achichaita.
Izvi zvakakosha kuyeuka kana zvichitiomera kufunga zvakanaka kana mumwe munhu ari kutyaira. Vamwe vanhu vanoita sevanofunga kuti, ‘Kana ndirini ndiri kutungamirira, zvinhu zvakaipa zvingasanyanya kuitika.’ Kana ichocho chiri chokwadi, zvingaomera vanhu vakadaro paya pavanenge vasingakwanisi kana kuti vasina mukana wokutungamirira. Kufamba nendege ndicho chimwe chazvo.
Pasinei nokuedza kuita kuti kufamba nendege kusava nengozi, hapana munhu anofanira kuvarairwa. Vose vanobatanidzwa pakufamba nendege vanogona kushandira pamwe kuti vadzivise njodzi. Kunyange zvakadaro, vakuru vakuru vanonyevera kuti pane zvimwe zvingangoitika. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinotaura zvine musoro chichiti: “Munhu akachangamuka anoona njodzi mberi obva atora matanho okuzvidzivirira.” (Zvirevo 22:3, New Living Translation) Kuchenjera kuziva kuti chimwe chinhu chisina kunaka chingangoitika kwava kufana kugadzirira. Kuti uone zvinhu sezvazviri, yeuka kuti kufamba nendege kunoda kuti iwe pachako uite chimwe chinhu kuti uzvidzivirire mune mamwe mamiriro ezvinhu.
Vaya vanogara vachifamba nendege vanogona kunge vari nani pakuzvidzivirira mumamiriro ezvinhu akadaro. Izvi imhaka yokuti vanogara vachifamba nendege vajairana nenhandare uye ndege kudarika vamwe. Unogona kujairawo uye kudzikama kana ukatevera matanho ari nyore kunzwisisa ari mumabhokisi munyaya ino.
Kufamba-famba Pasina Kutya
Nepo nzvimbo dzokuongorora vafambi dzichiita basa rinokosha, vamwe vafambi—kunyanya vaya vanenge vanonoka kwavari kuenda—vanoita sevanofunga kuti hadzina basa. Uchiziva kuti pane kuchengeteka kwakawedzerwa pane dzimwe nhandare dzendege, ungada kuita zvinotevera kuti udarike zviri nyore.
◼ Kurumidza kusvika. Kana ukaronga kusvika panhandare yendege pachine nguva, unogona kufamba usiri kumhanya-mhanya, kuzorora, kwava kurega kunetseka izvo zvinogona kukonzerwa nokunonotswa.
◼ Paunenge uchisarudza ndege, tsvaka iya inoshandiswa nevanhu vemabhizimisi. Vanoziva mafambiro, vanenge vaine zvinhu zvishoma uye vanoda kufamba nokukurumidza.
◼ Usati wadarika nepamukova une muchina unoona zvinhu zvesimbi, bvisa zvinhu zvaunofunga kuti zvinokwanisa kuridza aramu yacho. Izvi zvinosanganisira makiyi, mari dzesimbi, zvishongo uye maserura. Zvipe kumurindi paunenge wava kugadzirira kupinda nepamukova wacho.
◼ Isa mabhegi uye zvimwe zvitakurwa zvakarara pamabhandi anofamba anenge achiendesa zvinhu; kana munhu anenge achiongorora zvinhu izvi neX-ray akaona zvinhu zvakaita katundu, angada kuti uzvibudise mubhegi kana kuti uzviise zvekare pamabhandi anofamba aya.
◼ Fanoudza murindi zvinhu zvipi nezvipi zvaunenge unazvo zvaunofunga kuti zvinokwanisa kuridza aramu, zvakadai sechimwe chiridzwa chesirivha chawakapiwa nambuya vako. Kana akagutsikana netsananguro yaunopa yechinhu ichi, murindi angasaramba achiti unofanira kuchivhura. Kana uri kumhanyisana nenguva zvakaipa, gara waburitsa chinhu chacho uye mupe aite chokuona nemaziso.
◼ Kana aramu ikarira, usavhunduka asi tsanangura nokukurumidza. Kana murindi achiziva kuti aramu yaridzwa nechimwe chinhu uye kana achishanda nomumwe wake, anokwanisa kuti utaure naiyeye.
◼ Chimwe chinogona kukutadzisa kukwira ndege yawanga uchida ndechokutaura musere maererano nokupambwa kwendege kana kuti mabhomba ari mundege. Kuwedzera pakusechwa zvakaomarara nevarindi vepanhandare yendege, unogona kusungiswa.
Famba Zvakanaka!
Zvinoita here kuti usarudze ndege isina ngozi? Hungu zvinoita. Pasinei nokuti unosarudza kukwira ndege ipi, mikana yokuti uchasvika usina chakuwana mizhinji chaizvo. Kana usina chokwadi nazvo, tsvaka mamwe mashoko maererano nokufamba kwendege dzekambani iyoyo yauri kuda kufamba nayo. Yeuka kuti pasinei netsaona, kufamba nendege kuchiri kunzi inzira yakanaka zvikuru yokufamba nayo nzendo.
Asi panguva ino, tinogona kutarira mberi kunguva—mukutonga kwaMwari pasi pano—yokuchengeteka, uye kuvimbana. Mumhuri yevanhu vanotya Mwari, ine rugare, panenge pasisina nzvimbo yevanoisa upenyu hwevamwe pangozi. Vanhu “vachava vakachengeteka vari murugare pasina ngozi.”—Zvirevo 1:33, Holy Bible—Contemporary English Version.a
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uone imwe nyaya yakafanana neiyi, ona nyaya inoti “Ndege Dzakachengeteka Zvakadini?” muMukai!, yaMarch 8, 1999.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10, 11]
MAMWE MAZANO PAKUFAMBA KWAKANAKA
Famba nendege dzisingamiri-miri munzira. Tsaona zhinji dzinoitika pakusimuka, pakuenda muchadenga, pakudzika kana pakumhara kwendege. Kukwira ndege isingamiri-miri munzira kunoderedza mikana yokuti zvingaparira tsaona izvi zviitike.
Sarudza ndege huru. Ndege dzinotakura vanhu vanodarika 30 kazhinji dzinogadzirwa uye kubvumirwa kushandiswa pachishandiswa mitemo yakaomarara inodzora kufamba kwadzo kudarika ndege duku. Uyewo, kuri kuti paitika tsaona yakaipisisa, ndege huru dzine mukana uri nani wokuti vanhu vapone.
Nyatsoteerera zvinotaurwa musati masimuka. Kunyange zvazvo mashoko acho achiita seanoramba achidzokororwa, nzvimbo dzine pokubuda napo kana zvinhu zvashata dzinogona kusiyana zvichienderana nendege uye chigaro chaunenge uri.
Usaisa zvinhu zvinorema nechepamusoro pako panoiswa zvinhu. Nzvimbo dzinoiswa zvinhu nechepamusoro dzingasakwanisa kutakura zvinhu zvinorema panoitika mabhambu mumhepo, naizvozvo kana wakatakura chinhu chinganetsa kuisa munzvimbo iyi, chiendese kune zvimwe zvinhu zvinorema pachine nguva.
Ramba wakasunga bhandi rako paunenge wakagara pasi. Kuramba wakasunga bhandi rako paunenge wakagara pasi kunowedzera kukudzivirira kana ndege ikaerekana yarova bhambu mumhepo.
Teerera zvinotaurwa nevashandi vomundege. Chikonzero chikuru chokuva nevashandi vomundege ndechokuti muve vakachengeteka, naizvozvo kana mumwe wavo akakuudza zvokuita, ita izvozvo wozobvunza mibvunzo pashure.
Usatakura zvinhu zvinokuvadza. Pane zvinhu zvakawanda zvinokuvadza zvisingabvumirwi, asi kushandisa pfungwa kunofanira kukuudza kuti usatakura peturu, makemikari anodya zvinhu, magasi anokachidza uye zvimwe zvinhu zvakadaro mundege kunze kwokuti zvabvumirwa nevaridzi vendege uye zvaiswa mumudziyo wakakodzera.
Usanyanya kunwa. Doro ripi neripi raunonwa richakukanganisa zvikuru mumhepo pane kana uri pasi. Kunwa zvine mwero ndiko kwakanaka zvisinei nokuti uri mudenga here kana kuti pasi.
Gara wakachangamuka. Kunyange zvisinganyanyi kuitika, kana zvikaitika kuti zvinhu zvashata, zvakadai sokuudzwa kuti kurumidzai kubuda, unofanira kuteerera mirayiridzo yevashandi vomundege nevatekenyi vendege wobuda mundege nokukurumidza sezvaunokwanisa.
[Kwazvakatorwa]
Kubva ku: AirSafe.com
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 12]
KUBATSIRA MHURI YAKO KUTI ISANYANYA KUNETSEKA
Kana uchifamba rwendo, heano mazano okuti ubatsire mhuri yako kuti isanyanya kunetseka.
Taura nemhuri yako. Usati wavamba rwendo rwako, iva nenguva yaunopedza uchikurukura nevadiwa vako kuchengeteka kwako uye kwavo. Tsanangura zvinhu zvitsva zvine chokuita nokuchengeteka zvakaitwa uye kuti izvi zvinorevei kana uri kufamba rwendo.
Rega vataure zvinovanetsa. Rega vomumhuri yako vataure zvavanonetsekana nazvo. Vanokuda uye vanoda kuti ufambe zvakanaka. Nyatsoteerera pasina kufungira, uchibvuma kutya kwose kwavanoita.
Vaudze nechivimbo. Taura nezvokuti masangano akasiyana-siyana ari kuedza sei kudzivisa kumwe kurwisa kungaitwa nemagandanga. Izvi zvinosanganisira kuchengetedza kwakawedzera panhandare dzendege uyewo mundege macho. Mukana wokuti chimwe chinhu chakaipa chiitike paunenge uri mundege muduku zvikuru.
Ramba uchivaudza kwauri. Vavimbise kuti uchavaridzira runhare kana wasvika kwauri kuenda. Ramba uchiridza runhare kumba paunenge usipo. Zvakakoshawo kuti mhuri yako izive kuti ingataura newe sei kana zvinhu zvashata.
[Kwazvakatorwa]
Zvakatorwa paWeb site yeUnited Behavorial Health
[Mifananidzo iri papeji 10]
Iva nechido chokushandira pamwe nevashandi vanoongorora zvinhu