RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 2/8 p. 17
  • Simba Rokunyemwerera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Simba Rokunyemwerera
  • Mukai!—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Nyemwerera Zvinokubatsira!
    Mukai!—2000
  • Kunyemwerera Kunobatsira
    Mukai!—2017
  • Chidzidzo 5
    Zvandinodzidza muBhaibheri
  • Zvese Zvakabva Pakunyemwerera!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 2/8 p. 17

Simba Rokunyemwerera

KUNYANGE zvazvo kuchingoitika nguva duku, unogona kukuyeuka kwoupenyu hwako hwose. Kunokosha kwazvo, asi hapana munhu murombo zvokutadza kukuita kana akapfuma zvokuti haakudi. Tiri kutaura nezvokuita sei? Kunyemwerera.

Kunyemwerera kunovapo nokufamba kwetsandanyama kunoita kuti meso ajeke uye makaperera muromo munokwirira kumusoro zvishoma zvichiratidza kugutsikana. Vhiki shomanana mwana azvarwa, anonyemwerera, uye chokwadi izvi zvinofadza vabereki vatsva ava vanenge vachifara. Kunyemwerera kwokutanga uku kunozivikanwa sokunyemwerera kunongoerekana kwaitika. Nyanzvi dzinotsanangura kuti kunyemwerera kworudzi urwu kunovapo kakawanda apo munhu anenge achirota uye kunoita sokune chokuita nemanzwiro omunhu uye zvinenge zvichiitika mupfungwa dzomunhu. Kunyange kana tava vanhu vakuru, kunyemwerera kunongoerekana kwaitika uku kunogona kungoitika kana tapedza kudya kana kuti tiri kuteerera mimhanzi.

Zvisinei, kubva pazera remavhiki matanhatu, mwana anonyemwerera kana aona chiso kana kunzwa inzwi. Kunyemwerera vanhu—kunoitika uchiziva—kunotifadza, tingave tiri vana kana vakuru. Zvinonzi kunyemwerera kwakadaro kunobatsira zvakanaka utano hwedu. Maererano nenyanzvi dzezvematauriro Mirtha Manno naRubén Delauro, vane kiriniki yevanhu vanodzidza kuzvibatsira inonzi Smiling and Health, kungonyemwerera pachakwo kunonyandura tsinga inoenda kuchimwe chikamu chouropi. Chikamu chouropi ichi chinobva chabudisa makemikari omuuropi anoita kuti tinzwe zvakanaka.

Chimwe chikonzero chokunyemwerera ndechokubatsira kwakunoita vamwe. Kunyemwerera kwechokwadi kunoratidza manzwiro edu pasina chikonzero chokutaura, kungava kunyemwerera kwokukwazisa, kwokunzwira tsitsi, kana kwokukurudzira. Nguva nenguva, kungotarira pakunyemwerera kwomwana kunofadza pamufananidzo kunogona kuita kuti tinyemwerere.

Kunyemwererwa kunogona kuita kuti tinzwe takazorodzwa uye kugona kurarama zviri nani nokuora mwoyo kana zvimwe zvinetso. Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.” (Zvirevo 3:27) Chokwadi, nokungoita izvi, tinogona kuzvibatsira uye kubatsira vamwe. Wadii kuedza kugoveranawo nevamwe chipo ichi chinokosha—kunyemwerera kwoushamwari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe