RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g17 nha. 1 pp. 8-9
  • Kunyemwerera Kunobatsira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyemwerera Kunobatsira
  • Mukai!—2017
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “KWAINDIWEDZERA SIMBA”
  • Nyemwerera Zvinokubatsira!
    Mukai!—2000
  • Simba Rokunyemwerera
    Mukai!—2003
  • Chidzidzo 5
    Zvandinodzidza muBhaibheri
  • Kushandisa Dzimwe Nhengo Dzomuviri uye Zvaunoita Chiso Chako
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Mukai!—2017
g17 nha. 1 pp. 8-9
Vanhu vari kunyemwerera

Kunyemwerera Kunobatsira

UNONZWA sei kana mumwe munhu akakunyemwerera? Kakawanda kacho unotangawo kunyemwerera uye unonzwa kufara. Mumwe munhu watisingazivi kana shamwari dzedu vakangonyemwerera zvichibva pasi pemwoyo, tinobva tangonzwawo kuda kunyemwerera. Mumwe mudzimai anonzi Magdalena akati: “Murume wangu Georg paaiva mupenyu, aigara achinyemwerera. Pataisanganidzana maziso, ndaingonzwa kakusununguka.”

Kunyemwerera kunoratidza kuti munhu ari kufara. Imwe nyaya yakabudiswa nesangano reAssociation for Psychological Science mumagazini yavo inonzi Observer yakati “zvinoita sekuti kunyemwerera kungori matiri.” Yakatiwo kunyange vana vachangozvarwa vanokwanisa “kunyatsosiyanisa chiso chemunhu ari kufara neasiri. Kuona mumwe munhu achinyemwerera kunotibatsira kuziva zvimwe zvinhu uye kunotochinjawo mafungiro edu.”

Vaongorori vepaHarvard University kuUnited States vakamboongorora kuti chii chinoitika kana vashandi vepachipatara vakanyemwerera varwere. Vashandi pavainyemwerera “vachiratidza kusununguka, kuva nerudo uye kunzwira tsitsi,” varwere vaibvawo vafara uye utano hwavo hwaibva hwatowedzera kuita nani. Asi pavairatidza kuti havasi kufara, varwere vaibva vasungika uye vaitowedzera kurwara.

Kunyemwerera kunobatsirawo iwe pachako. Ongororo dzinoratidza kuti kunyemwerera kunoita kuti uwedzere kufara uye kuva nechivimbo, wopedzisira usingachanyanyi kuzvidya mwoyo. Zvinhu izvi hazviwanzoitiki kumunhu anogara akasunga chiso.

“KWAINDIWEDZERA SIMBA”

Magdalena ambotaurwa, aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pairwiwa yeHondo yeNyika Yechipiri, iye nevamwe vemumba mavo vakaendeswa kumusasa wevasungwa kuRavensbrück kuGermany, nemhaka yekuti vakaramba kuita zvaidiwa nevaNazi. Akati, “Dzimwe nguva magadhi aitirambidza kutaura nevamwe vasungwa. Asi vakanga vasingakwanisi kutirambidza kunyemwerera. Kungoona amai vangu nasisi vachinyemwerera kwaindipa simba uye kwakaita kuti ndirambe ndichitsungirira.”

Matambudziko aunosangana nawo anogona kuita kuti ufunge kuti hapana chingaita kuti unyemwerere. Asi yeuka kuti zvatinofunga ndizvo zvinozoita kuti tikwanise kunyemwerera kana kuti titadze. (Zvirevo 15:15; VaFiripi 4:8, 9) Saka kunyange zvinhu zvichioma muupenyu wadii kubvisa pfungwa pazvinhu izvozvo, woedza kufunga zvinhu zvakanaka?a Kunyengetera uye kuverenga Bhaibheri kwakaita kuti vakawanda vawane zvinhu zvakanaka zvokufunga nezvazvo. (Mateu 5:3; VaFiripi 4:6, 7) MuBhaibheri mune mashoko akawanda anoratidza “mufaro.” Wadii kuti zuva rimwe nerimwe uverenge peji imwe chete kana kuti maviri? Zvimwe uchaona kuti uchapedzisira wava munhu anogara achinyemwerera.

Usamirira kuti vamwe vatange kukunyemwerera. Tanga iwe; itawo kuti mumwe munhu afare nekumunyemwerera. Ziva kuti kunyemwerera chipo chatakapiwa naMwari uye kunobatsira iwe nevamwe vanokuona uchinyemwerera.

a Verenga nyaya yakanzi “Do You Have ‘a Feast Constantly’?” iri muMukai! yeChirungu yaNovember 2013.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe