Pashure Pokuputika
NOMUNYORI WEMUKAI! MUECUADOR
NOVEMBER 20, 2002, raiva zuva raiyevedza muguta reEcuador reRiobamba. Denga raiva rakati je-e, uye tumakore tuchena twakanga twakamwararira mudenga. Makomo akapoteredza anoputika akanga akafukidzwa nechando akanga akanaka zvokukodzera kutorwa mifananidzo yemapositikadhi. Vanhu 124 000 vaigara ikoko, anenge mamita 2 700 nechapamusoro muMakomo eAndes, vachiita zvinhu zvavo zvezuva nezuva, vasingambofungiri kuti nzvimbo iyi yairatidza runyararo yakanga yava kuda kuputika zvine simba. Nenguva isipi, mumasikati akadzikama, kuputika kwaivhara nzeve kwakaitika! Mafafitera nouriri zvakatanga kundengendeka. Gore rinotyisa raikura nokukurumidza kuita sehohwa, rakatanga kuumbika.
Mumaminitsi gumi kumwe kuputika kwechipiri kwakaitika, kuchiteverwa nokundengendeka kwaiva nesimba kwakaputsa mafafitera uye kukakwejenura misuo. Gore remoto waimonereka noutsi—iro raidarika rokutanga pakukura—rakabva ravapo. Kuputika kwakatevedzana nokuvaima kwemoto zvakatevera.
José nomudzimai wake, Ana—vose Zvapupu zvaJehovha—vose vave nemakore ari kuma60 vaigara mamita 400 kubva pakaputikira gomo racho. Vakapunzikira pasi nesimba rokuputika kwacho. Ana akanga akamira pedyo negonhi remberi parakakwejenurwa rikaroverwa kumadziro. Vaviri ava vakanga vogwagwadza nokutya pavakati vamhanyire shure kwemba yavo, denga remba yavo rakatanga kuvawira. Sezvineiwo vakakwanisa kubudamo ndokuenda kuchivanze chiduku chaiva seri, uko vakambundirana ndokutanga kunyengetera. Zvinofadza ndezvokuti maminitsi 15 gare gare, mwanakomana wavo akauya nemotokari ndokuvaendesa kwakachengeteka.
Havasi vose vasina kukuvara. Vanhu vakavhunduka pashure pokuputika. Mhomho yevanhu yakati panda netsoka. Mukati mokuchema nokushevedzera, vamwe vaitsvedza uye vachiwira pasi paiva nemabhodhoro aingova pose pose munzira. Motokari, mabhazi, uye marori zvaibuda muguta racho zvichimhanya zvisingaiti, vamwe vaityaira vachienda kusiko mumigwagwa inoenda divi rimwe! Vakawanda vakatiza kuzvikoro zvavo kana mabasa havana kuziva kuti vamwe vomumhuri dzavo vaiva kupi kana kuti chii chakanga chaitika kwavari, kwemaawa aida kusvika 24.
Chii chakanga chakonzera mhirizhonga yose iyi? Moto wakabva panzvimbo inochengeterwa zvombo yepasi pevhu pamuzinda wemauto wepedyo ndiwo wakakonzera kuputika kukuru kunotevedzana, magirinedhi, uye mota dzehondo uye pfuti dzinokanda mabhomba. Kuputika kwacho zvakwaienderera mberi, motokari dzemapurisa dzakazivisa negudzanzwi kuti vanhu vose vaifanira kubuda muguta racho voenda chinhambwe chingasvika makiromita 15.
Nenguva isipi muRiobamba makanga musisina munhu. Zviuru zvevagari vemo zvakazadza nzira yokunze kweguta racho, zviri pamwe chete zvichitonhorwa nemhepo yousiku—vakawanda vasina majasi kana mabhachi. Pashure pemaawa akawanda kuputika kwacho kwakatanga kuderera. Vamanikidzwa nechando chaitonhora kuda kuita mazaya echando, vagari vemo vakatanga kufamba vachidzokera kuguta racho nokungwarira. Mangwanani akatevera, kwachena, vakawanda vakaona kuti mafafitera, magonhi, matenga edzimba, uye midhuri yedzimba dzavo zvakanga zvakuvara kwazvo. Imwe mhuri yakawana magirazi akaita sebanga, abairira mumatiresi yomubhedha womuimba yokurara. Vamwe vakawana zvidimbu zvezvombo mumba uye pedyo nemisha yavo.
Mishumo yokutanga yakazivisa kuti vanomwe vakanga vafa, 538 vakanga vakuvara, uye misha 18 000 yakanga yakuvadzwa. PaZvapupu zvaJehovha 950 zviri munzvimbo yacho, hapana akanga afa, kunyange zvazvo vaviri vakanga varapwa maronda akakomba.
Kubatsira Vaitambura
Mangwanani pashure pokuputika kwacho, vakuru vomunharaunda iyoyo veZvapupu zvaJehovha vakatanga kushanyira hama dzavo dzechiKristu kuti vaone kuti zvinhu zvakanga zvavafambira sei. Gare gare zuva iroro mushumiri anofambira weZvapupu zvaJehovha akasangana nevakuru 13 vomunzvimbo iyoyo neveungano dzaiva pedyo kuti vaone zvinhu nevanhu vainge vakuvadzwa. Akakurudzira vakuru kunyaradza nokukurudzira mumudzimu vakanga vapona vacho. Kupinda misangano yechiKristu, kunyange mumamiriro akaoma akadaro ezvinhu, kwaikosha! (VaHebheru 10:24, 25) Saka, ungano dzomunzvimbo iyi dzakaita misangano yadzo papurogiramu yadzo yenguva dzose manheru pashure penjodzi yacho.
Musi weChina neChishanu, mashoko ane udzame emisha yakanga yakuvadzwa yeZvapupu zvaJehovha akaunganidzwa pamwe chete ndokutumirwa kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha romunzvimbo iyoyo muGuayaquil. Mashoko acho akataura nezvokudiwa kwechimbichimbi kwokuvhara mazana emafafitera akanga aputsika kuitira kudzivirira vagari vacho pachando. Mumaawa mashomanana, hofisi yebazi yakanga yatenga mapurasitiki akawanda akaita semagirazi, zvokunamisa, uye zvipikiri zvinoroverwa mukongiri, kuitira kugadzirisa zvenguva pfupi.
Rori raiva nezvinhu rakabva kuhofisi yebazi rakasvika na9:00 mangwanani oMugovera. Zvikwata zvevarume nevakadzi zvakanga zvatova pabasa kubatsira vamwe vazvo Zvapupu kubvisa magirazi akapwanyika mumisha yazvo kuitira kuti mapurasitiki atange kuiswa. Imba yoUmambo yomunzvimbo yacho ndiyo yakava nzvimbo yokurongera basa. Zviratidzo zvakatarwa pasi kuitira kuyera mapurasitiki acho nokukurumidza. Pachishandiswa zvakanga zvayerwa neverimwe boka rokuyamura, urefu hwakakodzera hwemapurasitiki hwakachekwa ndokuendeswa kuzvikwata zvainge zvakamirira kuaisa panzvimbo yawo.
José, ambotaurwa, anoti: “Patakasvika kumba masikati pashure pokuputika kwacho, hama dzakanga dzatovako dzichibvisa ungwandangwanda. Musi woMugovera mumwe muvakidzani wangu akauya ndokutaura nezvebasa rakaisvonaka rokuiswa kwemapurasitiki paimba yangu, uye akandibvunza kuti, ‘Zvose izvi zvakudyira mari yakawanda sei?’” Muvakidzani wacho akashamisika kuziva kuti ndakanga ndaitirwa pachena!
NoMugovera manheru, vanenge vazvipiri 200 vomuungano dzomunzvimbo yacho vakanga vatoisa mafafitera emisha 91 yeZvapupu. Vakawanda vaisava Zvapupu vakabatsirwa. Pepanhau romunharaunda iyoyo rakabudisa mufananidzo womusha wakavakwa neZvapupu richitaura kuti mumwe chete bedzi pavagari vasere vomusha wacho ndiye aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Kutsigira Mupfungwa Kunopiwa
Kuputika uku kwakakonzera kushushikana kwepfungwa zvikuru sezvingatarisirwa. Kuti Zvapupu zvomunzvimbo iyoyo zvinyaradzwe, musangano unokosha wakarongwa kuitwa Muvhuro, November 25, na5:00 manheru. Vamiririri vehofisi yebazi romunzvimbo yacho vakatumwa kunouitisa. Nokuti paive pasina magetsi, musangano wacho waisagona kuitwa kwanyanya kusviba. Sezvo nguva yacho yaiita seisina kunakira vakawanda, zvaingotarisirwa kuti musangano wacho waizopindwa nevanhu vanenge 600. Asi, boka revanhu 1 421, iro raisanganisira vavakidzani vaisava Zvapupu, rakazadza Imba yeMagungano yeRiobamba! Rugwaro rwakanyanya kukurukurwa mupurogiramu yacho rwaiva Pisarema 4:8 runoti: “Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.” Vose vaivapo vakaratidza kuonga kukuru purogiramu yacho yainyaradza mukunamata.
Mazana emagazini yeMukai! yaiti “Ngwavaira Dzomusikirwo—Kubetsera Mwana Wako Kugonana Nadzo” (July 8, 1996) akapiwa vabereki pamugumo wepurogiramu yacho. Imwe ndima yenyaya yacho inoti:
“Federal Emergency Management Agency (FEMA) yokuUnited States inotsinhira kuti nokukurumidza pashure pengwavaira, vana vanowanzotya kuti (1) vachasiyiwa vari voga, (2) vachaparadzaniswa nemhuri, (3) chiitiko chacho chichaitikazve, uye (4) mumwe munhu achakuvadzwa kana kuti kuurawa.” Zvichitsamira panyaya iyi, vabereki vakakurudzirwa izvi:
1. Kuedza kuchengeta mhuri iri pamwe chete.
2. Kuwana nguva yokutsanangura mamiriro acho ezvinhu zvakadzikama.
3. Kukurudzira vana kutaura.
4. Kubatanidzawo vana mumabasa okuchenesa.
Mamwe makopi akanga asara eMukai! yacho akapiwa vavakidzani nevadzidzi veBhaibheri.
Vhiki nhatu pashure pokuputika kwacho, zvinhu zvakatengwa kuti misha igadziriswe zvechigarire, kusanganisira kuiswa kwemafafitera matsva, sirin’i, uye matenga edzimba. Muvhiki nhatu dzakatevera, mabasa aya akanga apera, kusanganisira kugadziriswa kweDzimba dzoUmambo mbiri. Vakawanda vakataura mashoko okutenda urongwa uhwu hworudo.
Njodzi dzakasiyana-siyana dzakawanda ‘mumazuva ano okupedzisira.’ (2 Timoti 3:1-5) Zvisinei, kutsigirana kunoita Zvapupu zvaJehovha uye kwazvinoita vavakidzani vazvo kunopupurira chokwadi chesimba rechiKristu chechokwadi. José akataura zvazviri chaizvo paakati: “Sangano raJehovha harinonoki kutipa ruyamuro patinoda kuyamurwa.”
[Mifananidzo iri papeji 15]
Zvapupu zvinenge 200 zvakazvipira kuchenesa. Mafafitera matsva aiyerwa, ochekwa oiswa. Pakaiswa mamwezve matenga