RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 3/8 pp. 19-21
  • Ndinofanira Kuona Mavhidhiyo Emimhanzi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kuona Mavhidhiyo Emimhanzi Here?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzvimbo Dzine Ngozi
  • Kuzvichengetedza
  • Mavhidhiyo Emimhanzi—Ndingasarudza Sei Akanaka?
    Mukai!—2003
  • Nziyo Dzinogona Kundikuvadza Zvomenemene Here?
    Mukai!—1993
  • Simba Remimhanzi
    Mukai!—1999
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 3/8 pp. 19-21

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanira Kuona Mavhidhiyo Emimhanzi Here?

“Mavhidhiyo emimhanzi akanaka chaizvo. Mamwe acho akaita kunge tumabhaisikopo tudiki. Anorondedzera nyaya, uye ndinoyemura magadzirirwo awo.”—Casey.

“Inzira yakanaka yokuwana nayo mimhanzi mitsva. Anokuita kuti uwane dzinopfuura makumi mana dzenziyo dziri kupisa. Uyewo mavhidhiyo emimhanzi anogona kuva zvokutaura nezvazvo zvakanaka.”—Josh.

“Udzame huri muvhidhiyo hunokosha kwandiri—anondiratidza kuti ndiani ari kuimba, akapfeka chii, uye kuti anotamba sei. Zvose izvi zvinobatana kuti zvijekese zvinorehwa nemashoko acho.”—Kimberly.

“Ndinoda kuona zvichaimbwa nezvikwata zvokuimba zvandinofarira iye zvino. Ndinofarira zvidobi zvavanoita. Uye mamwe mavhidhiyo anosetsa. Asi unofanira kungwarira.”—Sam.

ZVICHIDA iwewo unonakidzwa nokuona mavhidhiyo emimhanzi. Paakatanga kuonekwa paterevhizheni, aingogadzirwawo zviya zvokusashandisa mari yakawanda. Asi apo mavhidhiyo emimhanzi akaratidza kuti ane remangwana uye kuti akaita kuti marekodzi anyanye kutengwa, akakurumidza kuvandudzwa magadzirirwo. Nhasi chinhu chinokosha chezvemimhanzi uye akaratidza kuva akakurumbira zvikuru kune vechiduku. Mune dzimwe nyika mune zviteshi zveTV zvinongovapo kuti zviratidze mavhidhiyo emimhanzi chete!

Asi nei vechiduku vakadai saSam, ane mashoko anotaurwa pano, vachiti zvinoda kungwarira? Zvingava kuti mamwe mavhidhiyo emimhanzi angakukanganisa—pamwe kukanganisa mafungiro ako netsika kana kunyange kukanganisa ukama hwako noMusiki wako here? Mubvunzo wakadaro ungaita sounoda kunyanya kuomesa zvinhu. Asi funga izvi, Dai wainge uchienda kugungwa kana kunyanza kunoshambira ukaona chiratidzo chaiti zvine ngozi kushambira ipapo, kunenge kuri kuchenjera kusateerera nyevero yakadaro here? Kana. Saka zvino, kunenge kuri kuchenjera kwauri kufunga nezvedzimwe nyevero dzine chokuita nemavhidhiyo emimhanzi.

Nzvimbo Dzine Ngozi

Unofanira kubvuma chokwadi chokuti zvaunoona nokunzwa zvinogona kukuchinja! Bhaibheri rinotiudza kuti mambo waIsraeri wokutanga, Sauro, akashandisa mimhanzi zvinobatsira—kunyevenutsa manzwiro ake. (1 Samueri 16:14-23) Mimhanzi ingava nezvayakaipirawo here? Bhuku rinonzi Rock and Roll—Its History and Stylistic Development rinotaura pfungwa iyi: “Munhu haangati inoita zvose. Kana tichibvuma kuti mumhanzi werock wakakonzera zvinhu zvakanaka (sezvawakaita), tinofanirawo kubvuma kuti une zvakaipa zvawakakonzera (sezvawakaita). Munhu anotaura kuti ‘Ndinoteerera mimhanzi asi haina zvainondiita’ ibenzi kana kuti haazivi zvaari.”

Bhaibheri rinoramba richitaura nezvokushandura kunoita ziso mafungiro edu nemanzwiro. (Zvirevo 27:20; 1 Johani 2:16) Saka nokuwedzera mifananidzo yakawanda mumavhidhiyo emimhanzi, vanogadzira mavhidhiyo vanowedzera zvikuru kuchinja kunoita mimhanzi iyoyo kune vanoiteerera. Zvinhu zvorudzii zvinowanzobudiswa?

Maererano nokumwe kunzvera, mavhidhiyo erock anosvika 57 kubva muzana ane zviito zvechisimba. Anosvika 76 kubva muzana anosanganisira kuratidzwa kwezviito zvepabonde. Kumwe kuongorora kuchangobva kuitwa kwakaratidza kuti zvikamu 75 kubva muzana zvemavhidhiyo anorondedzera kanyaya aisanganisirawo mifananidzo inoratidza zvepabonde, uye anopfuura hafu aisanganisira chisimba, kakawanda chichiitirwa vakadzi. Saka, kuona mavhidhiyo akadaro kungakukuvadza chaizvoizvo here? Rimwe bhuku rinoti “zvidzidzo zvokuongorora zvakawana kuti kuona mavhidhiyo emimhanzi kungava nezvakunoita pamafungiro evachiri kuyaruka pamusoro pengozi yokupinda mune zvepabonde zvine ngozi vachiri vaduku.” Uye hapana marambiro kuti sezvo vaimbi vachiedza kuratidza zvinhu zvakanyanyisa kupfuura vakavatangira uye nevezera ravo, mavhidhiyo emimhanzi ari kuramba achiva noudzame hwakanyanyisa muzvinoratidzwa.

Imwe nyanzvi mune zvedzidzo yakati: “Vakawanda vanoti zvavanonzwa—nezvavanoona, vachibatsirwa nemavhidhiyo emimhanzi—hazvina kusiyana nemimhanzi ine zvainoita yevakararama kare . . . Asi zvinoita sokuti kusaremekedza kwegurumwandira revaimbi vanhasi kunosanganisira unzenza uye urombe sezvinhu zvinogamuchirika zvokuwedzera nazvo kutengwa kwemarekodzi.” Uye magazini yeChicago inotaura nezvevaya vanoda kutarira chimwe chiteshi chemavhidhiyo emimhanzi: “Vanoratidzwa mitorododo yemimhanzi ine zvinonyadzisira.”

Magazini yeChicago inotsanangurawo vhidhiyo yemimhanzi iyo “jaya rakagara pakaunda muresitorendi rakarembedza musoro waro shure zvakanyanya. Zvinhu zvakawanda zvitsvuku kunge ropa zvinooneka pamutsipa waro uye musoro wacho unowira pasi.” Imwezve vhidhiyo inonzi yakaratidza murume aibvisa mbatya dzake zvechisimba, akabva abvisawo nyama yake netsandanyama. Zvimwe zvinhu zvinorovesa hana zvakaratidzwawo.

Asi vamwe vangaramba izvi, vachiti mavhidhiyo ari kutaurwa pano akanyanyisa uye kuti mavhidhiyo mazhinji haana kunyanya kuipa zvakadaro. Vamwe vangatokaka nharo kuti havaoni mavhidhiyo emimhanzi achirovesa hana kana kuti akashata. Asi izvozvo hazvingaratidzi here kuti hana dzevanhu ivavo dzakapedzisira dzisisarovi nokuda kwokuona mavhidhiyo akadaro kakawanda? Casey, jaya rine mashoko ataurwa kwokutanga, anobvuma kuti: “Kana usina muganhu pane zvaunotarira, zvaimbova zvakashata pakutanga zvinopedzisira zvajairika. Usingaoni kuti ndozvauri kuita, unotarira zvinoti darikei izvozvo wongogamuchira nyore nyore zviya zvaimbokurovesa nehana.”

Zvii zvingazoitika? Mano ako okugona kuita zvisarudzo kwazvo zvetsika anogona kukanganiswa zvikuru. Nemhaka yokuti pfungwa dzedu dzinogona kushandurwa nyore nyore kuita zvakaipa, Bhaibheri rinotikurudzira kuti “chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.” (Zvirevo 3:21; 5:2) Chimwe chakashata chinozovapo kukanganisika kwoukama hwako naJehovha Mwari. Handizvo here kuti ndicho chinhu chauinacho chinokosha zvikuru? Saka unofanira kuchengetedza ushamwari ihwohwo nokutora matanho okudzivisa varaidzo isina kururama yorudzi rwose. Ungaita sei izvozvi?

Kuzvichengetedza

Kutanga, bvumawo kuti zvakashata kutarisa zvinhu zvinoshorwa zvakajeka neBhaibheri. (Pisarema 11:5; VaGaratiya 5:19-21; Zvakazarurwa 21:8) Apo vhidhiyo inorumbidza zvinhu ‘zvisingakodzeri vanhu vatsvene,’ unofanira kutsunga kurega kuzviona. (VaEfeso 5:3, 4) Chokwadi, kuchinja chiteshi chacho—kana kuvhara TV yacho—kungasava nyore kana vhidhiyo inonakidza ichirira. Ungatofanira kunyengetera sezvakaita munyori wepisarema akanyora kuti: “Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo.”—Pisarema 119:37.

Ungaregera kuona mavhidhiyo anorovesa hana seatatsanangura kwokutanga. Zvisinei, mamwe mavhidhiyo anoita seakanaka. Kuratidzwa kwezvepabonde kunogona kungova kushoma. Mashoko acho nezvinoratidzwa zvinogona kunge zvakanyatsorongwa kuitira kufambisira mberi imwe pfungwa inopesana nezvinodiwa naMwari pasina kana kutaura kana kuratidza zvepabonde zvichinyatsoitwa. Kunyange zvakadaro, kana uchinzwa uine mhosva yokuona kwawakaita imwe vhidhiyo, zvichida haina kunaka uye inopesana nechiKristu mune imwe nzira. Saka zvino ungasarudza sei zvokuona nezvokurega kana pasina chokuyera kuti iyi ndiyo yakanaka?

Chokwadi, nyaya yokuti unoona mavhidhiyo emimhanzi ndeyokuzvisarudzira pachako uye yevabereki vako, vanova ndivo vane mutoro wokusarudza kuti ndezvipi zvaungaona kana kurega. (VaEfeso 6:1, 2) Asi kana vabereki vako vachikubvumira kuona mavhidhiyo emimhanzi, unofanira kutungamirirwa nezvinopfuura zvaunofunga kuti ndizvo zvakanaka kwauri. VaHebheru 5:14 inotikurudzira ‘kurovedza masimba edu okunzwisisa’ kuti ‘tisiyanise zvakanaka nezvakaipa.’ Masimba edu okunzwisisa anorovedzwa nokudzidza nhungamiro yeBhaibheri, inoratidza kuti izvi zvakaipa uye izvi zvakanaka mukuona kwaJehovha. Nokufungisisa nhungamiro yeBhaibheri yakadaro, unogona kuona zvinokuvadza utano hwako hwomudzimu, kunyange pasina mumwe mutemo weBhaibheri wokukutungamirira.

Saka zvino, inhungamiro ipi yeBhaibheri ingakubatsira panyaya yemavhidhiyo okuona? Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]

“Munhu anotaura kuti ‘Ndinoteerera mimhanzi asi haina zvainondiita’ ibenzi kana kuti haazivi zvaari”

[Mifananidzo iri papeji 21]

Chaizvoizvo ungatarira chimwe chinhu chisina kunaka chorega kuva nezvachinoita pauri here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe