RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 4/8 pp. 20-22
  • Mavhidhiyo Emimhanzi—Ndingasarudza Sei Akanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mavhidhiyo Emimhanzi—Ndingasarudza Sei Akanaka?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinoita Kuti Zviome Kusarudza
  • ‘Kutaura Chokwadi Mumwoyo Wako’
  • Ndinofanira Kuona Mavhidhiyo Emimhanzi Here?
    Mukai!—2003
  • Shandisa Zvinhu Zvinooneka Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Shandisa Mavhidhiyo Paunoitisa Zvidzidzo zveBhaibheri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 4/8 pp. 20-22

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Mavhidhiyo Emimhanzi—Ndingasarudza Sei Akanaka?

“Pandinoona zita rechikwata kana kuti nziyo zvandisina chokwadi nazvo zvaratidzwa, ndipo pandinochinja chiteshi.”—Casey.

MAVHIDHIYO EMIMHANZI—anoonekwa nevaduku vakawanda seanovaraidza kwazvo. Asi sokuratidza kwakaita nyaya yakapfuura yakatevedzana neino, mavhidhiyo akawanda emimhanzi anoratidza unzenza nechisimba zvinorovesa hana.a Chokwadi, kana varaidzo ipi neipi ichisimudzira zvinovengwa naMwari, muKristu haafaniri kuona. Zvisinei, haasi mavhidhiyo ose azere nounzenza. Mamwe angave akati nakei. Mamwe angaita seasina kunyanya kuipa. Asi, mavhidhiyo akadaro anganyatsoratidza mashoko akahwanda anopesana neShoko raMwari.

Kana vabereki vako vakabvuma kuti uone mavhidhiyo emimhanzi, unofanira kusarudza uye kushandisa ‘masimba ako okunzwisisa’ akarovedzwa neBhaibheri kuitira kuti ukwanise kusiyanisa zvakakodzera kuona nezvisina. (VaHebheru 5:14) Inhungamiro dzipi dzeBhaibheri dzingakubatsira munyaya iyi? Pasi apa pane magwaro nemashoko aungawana achibatsira.

Zvirevo 4:23: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” Une mumwe mudziyo wemutambo kana wemimhanzi waunokoshesa here? Hapana mubvunzo kuti unoedza nepaunogona napo kuuchengeta wakanaka uye uri munzvimbo yakachengeteka. Chokwadi haungausiyi mumugwagwa pasina anoutarisira, kunyange nguva pfupi, nokuti unenge uchityira kuti ungakanganiswa kana kubiwa. Chokwadi, unouchengetedza. Saizvozvowo, unofanira kusarudza kuchengetedza mwoyo wako, kusauisa pangozi kunyange yenguva duku nokuuonesa varaidzo isina kunaka.

VaEfeso 2:1, 2: “Ndimi makaitwa vapenyu naMwari kunyange makanga makafa pakudarika kwenyu nomuzvivi, mamakambofamba maererano negadziriro yezvinhu yenyika ino, maererano nomutongi wesimba remhepo, mudzimu unoshanda zvino muvanakomana vokusateerera.” Mhepo mafungiro enyika, nzira yokufunga nayo kana kuti mafungiro anosimudzira unhu husingadiwi naMwari. Mafungiro aya anoratidzwa mumavhidhiyo emimhanzi akawanda uye akasiyana zvachose nemafungiro aMwari, ayo anobereka zvinhu zvakadai somufaro, rugare, uye kuzvidzora.—VaGaratiya 5:22, 23.

2 Timoti 2:22: “Tiza kuchiva kwouduku.” Kuona kuratidzwa kwevanhu vari kusangana pabonde—kunyange kuchingoratidzwa kwenguva pfupi—kuchangoita kuti uve nezvishuvo zvakakura. Vaduku vakawanda vanobvuma kuti zvinovaomera kukanganwa zvinhu zvakadaro; vangatoramba vachizvidzokorora mupfungwa dzavo. Rimwe jaya rinonzi Dave, iro rakaona vhidhiyo yaikurudzira zvisina kururama, rinobvuma kuti: “Pashure pacho, nguva yose yandainzwa nziyo iyoyo ndaifunga nezvevhidhiyo iyi.” Kuona mavhidhiyo akadaro kungaita kuti tinzwe kuda kuita unzenza.—1 VaKorinde 6:18; VaKorose 3:5.

Zvirevo 13:20: “Shamwari yamapenzi inoshatiswa.” Zvibvunze kuti, ‘Ndingakoka vanoita chisimba, zvemidzimu, zvidhakwa, kana unzenza mumba mangu here?’ Kusonganira nevakadaro kuburikidza neterevhizheni kwakangofanana nokuvakoka mumusha mako. Kuita saizvozvo ‘kungakushatisa’ here? Kimberly anoti: “Ndakaona mamwe mamiriro ezvinhu, apo vasikana, vanenge vari papati, vanotevedzera mapfekero nematambiro asina kunaka avanenge vachangobva kuona pavhidhiyo.” Ungave wakaonawo zvakafanana neizvi. Nokutevedzera vaya vasina hanya nezvinodiwa naMwari, vaduku ava vanoratidza kuti vanenge vatotanga ku“shatiswa.” Saka nepazvinobvira napo, siyana ne“songaniro dzakaipa.”—1 VaKorinde 15:33.

Pisarema 11:5: “Jehovha unoidza vakarurama; asi mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza.” Kana tichiona mavhidhiyo anosimudzira chisimba chisina musoro, chakaipisisa, hazvingavi zvichiratidza kuti ‘tinoda chisimba’ here?

Chinoita Kuti Zviome Kusarudza

Nokuti “nyika yose iri musimba rewakaipa,” zviri kubva zvaita kuti zvinyanye kuoma kuwana varaidzo isina kusvibiswa nemafungiro enyika. (1 Johani 5:19) Zvimwe zviteshi zvemavhidhiyo emimhanzi zvingaratidza varaidzo yakawanda isina kunaka. Kunyange apo zvinobudiswa zvacho zvinenge zvisina kuzara zvachose nounzenza kana chisimba, kakawanda kacho zvinenge zvichingosimudzira mafungiro enyika. Imwe nyanzvi yokuimba yakacherechedza kuti chimwe chiteshi chemavhidhiyo emimhanzi chinozivikanwa chaizvo “chakachinja kubva pakuva chiteshi chemimhanzi ndokuva ‘chiteshi chinoratidza mararamiro akati.’”

Kugadzirisa izvi kungaita sokuri nyore: Kana vhidhiyo yakaipa, chinja chiteshi chacho. Chinetso chacho chiri pakuti, unofanira kungwarira zvakare paunenge uchiona zvimwe zviteshi zveTV. Zvakawanda zvacho zvinobudisa mapurogiramu anonyatsoratidza chisimba kana unzenza kana kuti anoratidza vanhu vanenge vachiita zvinhu zvinonyadzisa patsika. Ichokwadi kuti, zvingasanakidza—zvichida zvingatofinha—kuedza kunakidzwa nevaraidzo yakati asi panguva imwe chete wakagadzirira kuchinja chiteshi. Uye dzimwe nguva, paunozochinja chiteshi, unenge watokuvara. Mifananidzo younzenza inenge yatonyorwa mupfungwa. Asi, unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha Mwari achakomborera kuedza kwako kwomwoyo wose kuchengetedza mwoyo wako.—2 Samueri 22:21.

Pane mamwe matanho angabatsirawo. Casey, ambotaurwa, anotsanangura zvaanoona zvichibatsira achiti: “Zita rechikwata chacho uye musoro wenziyo zvinowanzoratidzwa panotanga vhidhiyo yacho. Zvikwata zvinoridza mimhanzi zvine mukurumbira, saka inenge nguva yose unoziva kuti zvikwata zvipi uye inziyo dzipi dzingangova dzakaipa. Saka pandinoona zita rechikwata kana nziyo zvandisina chokwadi nazvo zvaratidzwa, ndipo pandinochinja chiteshi. Pakutanga chaipo.”

‘Kutaura Chokwadi Mumwoyo Wako’

Kunyange uchiziva zvinotaurwa neBhaibheri, unogona kutanga kuona zvakaipa sezvisina. Sei? Nokuzviruramisa. (Jakobho 1:22) Bhaibheri rinotiudza kuti shamwari yaJehovha ndeiya ‘inotaura chokwadi mumwoyo mayo.’ (Pisarema 15:2) Saka iva akavimbika. Usazvinyengera. Kana ukawana uchizviruramisa paunenge uchiona chimwe chinhu chisina kunaka, zvibvunze kuti, ‘Jehovha anganditendera kuona izvi here?’ Yeuka kuti kazhinji chinetso chacho hachisi pakuziva chakarurama kana kuti chisina asi kusarudza kuti uchaita zvakarurama! Unofanira kuona ukama hwako naJehovha sohunokosha kwazvo kudarika varaidzo ipi neipi.—2 VaKorinde 6:17, 18.

Kazhinji hazvina kukwana kungofunga kuti uchanyatsosarudza zvokuona iwe usinganyatsoshinga kuita kudaro. Pasina nguva unogona kutadza kuomerera pane zvawakasarudza kana wanga usina kuzviita nomwoyo wose. Bhaibheri rinotiudza kuti munhu waMwari ainzi Jobho akasarudza sei kuramba akatendeka kumudzimai wake. Akati: “Ndakaita sungano nemeso angu; zvino ndingatarira musikana seiko?” (Jobho 31:1) Chimbofungidzira zvako! Jobho akazviitira sungano, kana kuti chibvumirano chakasimba, kuti asaone zvose zvose nemeso ake. Iwewo unogona kuita saizvozvo. Nyatsotsunga—kuzvivimbisa zvakakwana—kuti usatarira zvinhu zvakaipa. Ronga kuti zvinhu zvipi chaizvo zvaunofanira kuona. Nyengetera. Zvadaro iva akatendeka kune zvaunenge wasarudza, kunyange kutonyora pasi kana izvozvo zvichibatsira. Kana uchida kubatsirwa zvishoma, wadii kukurukura nyaya yacho nomumwe munhu mukuru waunovimba—ngatitii, vabereki vako, somuenzaniso?

Pamusana pengozi dziripo, vamwe vaKristu vechiduku vakasarudza kusaona mavhidhiyo emimhanzi zvachose. Chero zvaunenge wasarudza munyaya iyi, shandisa masimba ako okunzwisisa. Ramba une hana yakachena. Nokuramba uchiona varaidzo yakanaka uye inozorodza, unogona kusazvikuvadza uyewo kuramba uine ukama hwakanaka naJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti. . . Ndinofanira Kuona Mavhidhiyo Emimhanzi Here?” iri mumagazini yedu yaMarch 8, 2003.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Mamwe mavhidhiyo asina zvounzenza zvoga zvoga anongosimudzira pfungwa dzinokuvadza

[Mufananidzo uri papeji 22]

Tsunga kuti hauzooni zvinhu zvisingatenderwi naMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe