Uduku Pahunokosheswa
UDUKU hwakanaka hunoenderana nokuva mubereki akanaka. Asi kuva mubereki akanaka kunosanganisirei? Pamwe wakambonzwa mamwe mazano nezvenyaya iyi. Tsaura nguva yokuva nevana vako. Vateerere. Vape nhungamiro yakanaka. Inzwa semanzwiro avo, uchifara navo pavanenge vachifara uye kuvanzwira urombo pavanenge vakasuruvara. Iva shamwari yechokwadi usingaregi chiremera chako somubereki. Zvechokwadi, nhungamiro dzinowanzodzokororwa dzakadaro dzichabatsira vabereki kuita basa ravo nomazvo. Asi kune chimwe chinhu chikuru uye chinokosha kwazvo chinofanira kuva pokutanga.
Mamiriyoni evabereki munyika yose akawana kuti kutevedzera nhungamiro dzeBhaibheri ndicho chinhu chikuru pakuva mubereki akanaka. Nei? Nokuti Munyori akachenjera weBhaibheri, Jehovha Mwari, ndiye akatanga urongwa hwemhuri. (Genesi 1:27, 28; 2:18-24; VaEfeso 3:15) Saka sezvingatarisirwa, Shoko rake rakafuridzirwa ndiro nzvimbo yakanakisisa yokutarisa nhungamiro dzokurera nadzo mwana. Zvisinei Bhaibheri bhuku rekare kudaro rinogona kutibatsira sei pamuitiro wakakurumbira mazuva ano wokusapa vana nguva youduku? Ngationei dzimwe nhungamiro dzeMagwaro dzinoshanda.
“Navana Sezvavanogona Kufamba”
Jakobho, mwanakomana waIsaka, aiva baba vevana vanopfuura gumi nevaviri. Bhaibheri rine mashoko ake ouchenjeri maererano norwendo rwemhuri yake anoti: “Vana vachiri vaduku . . . Ishe wangu [Isau, mukoma waJokobho], ngaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndichanatsozvisesedza . . . navana sezvavanogona kufamba.”—Genesi 33:13, 14.
Jakobho aiziva kuti vana vake vaisava vaduku vanogona kuita zvinoitwa nevakuru. Vaiva “vachiri vaduku”—vanana, vasina simba, uye vaida kubatsirwa kupfuura vanhu vakuru. Pane kumanikidza vana vake kufamba semafambiro ake, akafamba zvishoma achitevedzera mafambiro avo. Nenzira iyi akaratidza uchenjeri hwakaratidzwa naMwari kuvana vake vevanhu. Baba vedu vanoziva zvatisingagoni. Havatarisiri zvakawanda kwatiri kupfuura zvinonzwisisika.—Pisarema 103:13, 14.
Kunyange dzimwe mhuka dzakasikwa dzinoratidza uchenjeri hwakadaro, nokuti Mwari akadziita dz“akachenjera kwazvo.” (Zvirevo 30:24) Somuenzaniso, nyanzvi dzezvinhu zvakasikwa dzakacherechedza kuti boka rose renzou rinotevedzera mafambiro omwana wenzou anenge ari pakati paro, richifamba zvishoma kusvikira mwana wacho ava kukwanisa kufamba sedzimwe dzose.
Dzimwe nzanga dzemazuva ano dzakasiya uchenjeri hwaMwari. Asi iwe haufaniri kutevedzera izvozvo. Yeuka kuti mwana wako a“chiri muduku”—haakwanisi kutakura mitoro inorema yevakuru uye mabasa avanoita. Somuenzaniso kana uri mubereki mumwe uine chinetso chakaoma uye uchinzwa uchida kuchiudza mwana wako, rega mafungiro iwayo. Pane kudaro, tsvaka shamwari yava munhu mukuru yava noruzivo inogona kukubatsira kugadzirisa chinetso chacho—zvikurukuru iya ichakubatsira kushandisa zano reBhaibheri rouchenjeri.—Zvirevo 17:17.
Saizvozvowo, usarega upenyu hwouduku hwomwana wako huchimhanyiswa, hune purogiramu dzakawanda kwazvo dzokuita, hwakanyanya kurongerwa, zvokuti mafaro ose ouduku anenge asisipo muupenyu hwake. Ita zvinhu maererano nezera romwana wako, kwete kutevedzera nhano yenyika yanhasi. Bhaibheri rinopa zano nouchenjeri kuti: “Musarega nyika ino ichikumanikidzai muforoma yayo.”—VaRoma 12:2, Phillips.
“Chinhu Chimwe Nechimwe Chine Musi Wacho”
Imwe nhungamiro yeBhaibheri youchenjeri inoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro.” Zvechokwadi, pane nguva yokushanda. Vana vane basa rakawanda rokuita—kusanganisira basa rokuchikoro, mabasa epamusha, uye zvinhu zvokunamata. Zvisinei, ndima imwe chete iyoyo yeBhaibheri inotaura kuti panewo “nguva yokuseka” uye “nguva yokupembera.”—Muparidzi 3:1, 4.
Vana vanodawo kutamba, kuseka, kuratidza simba ravo rouduku vakati sunungukei. Kana nguva yavo yose yakarongerwa zvechikoro, zvinoitwa pashure pechikoro, uye mimwe mitoro inorema, kuda kwavo kutamba kunobva kwatadza kuzadziswa. Izvozvo zvinoita kuti vasafare, uyewo vaore mwoyo.—VaKorose 3:21.
Chimbofunga kuti ungashandisa sei nhungamiro imwe chete iyoyo yeBhaibheri mune dzimwewo nzira. Somuenzaniso, sezvo pane nguva yechinhu chose, izvozvo hazvirevi here kuti uduku inguva yokuva mwana? Ungangopindura kuti hungu, asi vana vako havangabvumi izvozvo nguva dzose. Kakawanda, vakomana vaduku nevasikana vanoda kuita zvinhu zvavanoona zvichiitwa nevakuru. Somuenzaniso, vasikana vaduku vangada kupfeka uye kuratidzika sevakadzi vakuru. Kukurumidza kuyaruka kungawedzera manzwiro avo okuda kuratidzika sevakuru.
Vabereki vakachenjera vanoona ngozi yomuitiro wakadaro. Mamwe mashoko okushambadzira uye varaidzo zviri munyika ino isina tsika zvinoratidza vana sevanoziva zvokurara kwomurume nomukadzi uye sevane unhu hwevanhu vakuru vachiri nezera duku zvikuru. Zvokupoda, zvishongo zvemabwe, uye zvitaera zvezvipfeko zvinokwezva zviri kuramba zvichiwanda pavaduku. Asi kuzviitirei kuti vana vawedzere kukwezva kuvanhu vakaipa vanotsvaka kuvachinya? Nokubatsira vana kupfeka nenzira yakakodzera zera ravo, vabereki vanenge vachishandisa imwezve nhungamiro yeBhaibheri inoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda.”—Zvirevo 27:12.
Mumwe muenzaniso: Kubvumira kuti mitambo ive chinhu chinokosha chokutanga pamwana kunogona kutungamirira kuupenyu husina kudzikama, hunenge husina nguva yechinhu chimwe nechimwe panguva yacho. Bhaibheri rinorayira nokuchenjera kuti: “Kurovedza muviri kunobetsera zvishoma; asi kuzvipira kuna Mwari kunobetsera muzvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu huno nehuchauya.”—1 Timoti 4:8.
Usarega vana vako vachiva nemafungiro okuti “kukunda ndicho chinhu chikuru.” Vabereki vakawanda vanobvisa kunakidza kwose kunowanika mumitambo nokuita kuti vana vavo vaite zvemakwikwi, vakunde zvisinei nomugumisiro unovapo. Saka vamwe vana vanonzwa vachida kubiridzira kana kuti kunyange kukuvadza vamwe vatambi kuti vakunde. Chokwadi kukunda hakukoshi kupfuura mugumisiro iwoyo unoparadza!
Kudzidza Kuzvidzora
Zvinowanzoomera vana kuti vazive kuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho. Hazvisi nyore kwavari kumirira nokushivirira pavanenge vachida chimwe chinhu. Kuti zvinhu zvitowedzera kuipa, nzanga yevanhu inoita seinoda kuzvigutsa nokukurumidza. Zvinobudisa varaidzo zvinowanzobudisa mashoko okuti, “Wana zvaunoda uye zviwane iye zvino!”
Usabvumira kukurudzirwa nezvinhu zvakadaro wotunhidza uye kujaidza vana vako. “Kukwanisa kuita kuti vaone kuti zvinotora nguva kuwana zvinogutsa chinhu chinokosha chinongwadza pfungwa,” rinodaro bhuku rinonzi The Child and the Machine. “Kuzviranga uye kuwirirana nenzanga kunoita somushonga wokurapa chisimba chiri kuwedzera chiri kuwanika pavaduku pavanenge vari kuchikoro nepavanenge vasiri.” Bhaibheri rine nhungamiro iyi inobatsira: “Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pauduku hwake, pakupedzisira uchada kuva mwanakomana.” (Zvirevo 29:21) Kunyange zvazvo ndima yacho ine chokuita zvakananga nokurera varanda vaduku, vabereki vakawanda vakawana kuti nhungamiro imwe chete iyi inobatsira vana vavo.
Pazvimwe zvinodiwa nevana, kuwana izvo Bhaibheri rinoti ‘kuranga nokutungamirira ndangariro kwaJehovha’ ndizvo zviri pokutanga-tanga. (VaEfeso 6:4) Chirango chorudo chinobatsira vana kuva nounhu hwakadai sokuzvidzora uye kushivirira. Unhu uhwu huchavabatsira kuwana mufaro uye kugutsikana muupenyu hwavo hwose.
Apo Zvose Zvinokanganisa Uduku Zvichange Zvisisipo
Zvisinei, ungashamisika kuti, ‘Mwari akachenjera, uyo akanyora nhungamiro idzi dzakafuridzirwa aida here chaizvoizvo kuti nyika yedu ive sezvairi? Aida kuti vana vakurire munyika ine ngozi pane inovaka here?’ Unganyaradzwa kuziva kuti Jehovha Mwari uye Mwanakomana wake, Kristu Jesu, vanoda vanhu zvechokwadi, kusanganisira vana vemazera ose. Nokukurumidza vachabvisa uipi hwose panyika.—Pisarema 37:10, 11.
Ungada kumboona zvichange zvakaita nguva ine rugare, ine mufaro here? Chimbofungidzira uchiona izvi sokurondedzerwa zvakanaka kwazvinoitwa muBhaibheri: “Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira.” (Isaya 11:6) Munyika inowanzoparadza kwazvo uduku noutsinye kana kuti isina tsitsi isingahupi nguva yahwo, zvinonyaradza kwazvo kuziva kuti Mwari anopikira remangwana rakajeka zvakadaro nokuda kwevanhu vari panyika! Zvakajeka kuti Musiki anoda kuti uduku hupiwe nguva yahwo uye kuti husamhanyiswe—anoda kuti hufadze uye hugutse.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Pane kuremedza mwana wako nezvinetso zvako, udza mumwe munhu mukuru
[Mifananidzo iri papeji 18, 19]
Vana vanofanira kutamba