RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 9/8 pp. 28-29
  • Mwari Anotikomborera Nepfuma Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anotikomborera Nepfuma Here?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukomborerwa Nechinangwa
  • Kukomborerwa Kwatinoitwa naMwari
  • Zvinokosha Kupfuura Sirivha Kana Ndarama
  • Kubudirira Kwechokwadi Munyika Itsva yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Pfuma Inobva Kuna Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kutsunga Kupfuma Mune Zvokunamata
    Mukai!—2007
  • VaKristu Vanofanira Kuva Varombo Here?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 9/8 pp. 28-29

Zvinotaura Bhaibheri

Mwari Anotikomborera Nepfuma Here?

“Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa; kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.”—ZVIREVO 10:22.

RUGWARO rweBhaibheri rwatorwa mashoko pamusoro apa runoreva kuti Mwari anokomborera vashumiri vake nepfuma yezvinhu here? Vamwe vanhu vanofunga kudaro. Funga mamwe mashoko omumwe muparidzi uye munyori wePendekosti yokuAustralia okuti: “Mubhuku [rangu] ndichakuudza kuti nei uchida mari yakawanda uye chechipiri mawaniro aunogona kuita mari yakawanda . . . Kana uchikwanisa kuchinja mafungiro ako wova nemafungiro emari akanaka, ndinodavira kuti uchawana makomborero uye kubudirira kubva kuna Mwari uye hauzombonetseki nemari zvakare.”

Zvisinei, kutaura kwakadaro, kunoita sokunoreva kuti vanhu varombo havafarirwi naMwari. Kupfuma ndicho chiratidzo chokukomborera kwaMwari here?

Kukomborerwa Nechinangwa

Zvakanyorwa muBhaibheri zvinosanganisira zviitiko apo Mwari akakomborera vashumiri vake vakatendeka nepfuma. Somuenzaniso, Jakobho, akasiya musha wake angori nezvinhu zvake asi akadzoka makore 20 gare gare ava nemakwai akawanda, mombe, uye mbongoro zvakakwana kuita misasa miviri. Maererano neBhaibheri, kubudirira kwaJakobho kwaiva chipo chakabva kuna Mwari. (Genesi 32:10) Mumwezve muenzaniso: Jobho akarasikirwa nezvinhu zvake zvose, asi Jehovha akazomukomborera ne“makwai ane zviuru zvine gumi nezvina, nemakamera ane zviuru zvitanhatu, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine churu chimwe, nemakadzi embongoro ane chiuru chimwe.” (Jobho 42:12) Jehovha akapa Mambo Soromoni pfuma yakawanda kwazvo zvokuti mukurumbira wepfuma iyi uchiripo nanhasi.—1 Madzimambo 3:13.

Ukuwo, Bhaibheri rine nhoroondo dzakawanda dzevanamati vakatendeka vaMwari, vaiteerera vaiva varombo. Zvechokwadi, Mwari akanga asiri kuranga vamwe nourombo uku achikomborera vamwe nepfuma. Saka, chii chaiva chinangwa chaMwari mukupa pfuma muzvimwe zviitiko?

Mhinduro yacho yakasiyana pachiitiko chimwe nechimwe. Kukomborerwa kwaJakobho nepfuma kwakaumba nheyo yokuti pave norudzi, kugadzirira kuuya kweMbeu yakapikirwa. (Genesi 22:17, 18) Kubudirira kwaJobho kwakabvisa kusava nechokwadi kupi nokupi kwokuti ndiani akanga akonzera nhamo yaJobho, nokudaro zvichitsvenesa zita raJehovha. (Jakobho 5:11) Uye Soromoni akashandisa yakawanda yepfuma yake yaakapiwa naMwari kuvaka temberi yakaisvonaka. (1 Madzimambo 7:47-51) Zvinofadza ndezvokuti Jehovha akashandisawo Soromoni kunyora nezvokubatsira zvishoma kwepfuma kubva pane zvaakazvionera pachake.—Muparidzi 2:3-11; 5:10; 7:12.

Kukomborerwa Kwatinoitwa naMwari

Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vave nemafungiro akakodzera emari paakavaudza kuti “musafunganya” nezvepfuma. Akavabatsira kufunga achiti kunyange naSoromoni mumbiri yake yose haana kushongedzwa semaruva esango. Asi, Jesu akati: “Zvino, kana Mwari achipfekedza kudaro zvinomera zvomusango, . . . haangatokupfekedzei zvikuru kwazvo here, imi vane kutenda kuduku?” Jesu akavimbisa vaKristu kuti kana vateveri vake vakatanga kutsvaka Umambo uye kururama kwaMwari, ipapo zvokudya, zvokupfeka, nepokugara zvaizowedzerwa kwavari. (Mateu 6:25, 28-33) Chipikirwa ichocho chinozadzika sei?

Rikateverwa, zano reBhaibheri rinoguma nezvikomborero, zvikurukuru mukunamata. (Zvirevo 10:22) Zvisinei, rinobatsirawo muzvimwe. Somuenzaniso, Shoko raMwari rinorayira vaKristu kuti: “Anoba ngaachirega kuba, asi panzvimbo paizvozvo ngaashande nesimba.” (VaEfeso 4:28) Rinotaurawo kuti “unobata noruoko rusina hanya, uchava murombo, asi ruoko rwousina usimbe runopfumisa.” (Zvirevo 10:4) VaKristu vakavimbika, vanoshanda nesimba avo vanotevera zano iri kazhinji vanova vashandi vanodiwa. Ichi chinogona kuva chikomborero.

Bhaibheri rinodzidzisawo vaKristu kusavaraidzwa nemakaro okubhejera, muitiro unosvibisa wokusvuta, uye muitiro unoparadza wokudhakwa. (1 VaKorinde 6:9, 10; 2 VaKorinde 7:1; VaEfeso 5:5) Vaya vanotevera zano iri vanowana kuti havashandisi mari yakawanda uye utano hwavo hunovandudzika.

Zvinokosha Kupfuura Sirivha Kana Ndarama

Kunyange zvakadaro, pfuma yezvinhu haigoni kuvimbwa nayo sechiratidzo bedzi chokufarirwa uye chokukomborerwa naMwari. Somuenzaniso, Jesu akafumura urombo hwomudzimu hwevamwe vaKristu vomuRaodhikiya paakavaudza kuti: “Unoti: ‘Ndakapfuma uye ndakawana pfuma uye hapana chandinomboshayiwa,’ asi hauzivi kuti unosiririsa uye unonzwisa tsitsi uye uri murombo uye uri bofu uye hauna kupfeka.” (Zvakazarurwa 3:17) Achitaura zvakasiyana, kuvaKristu varombo vokuSimina asi vainge vaine utano hwakanaka mune zvokunamata, Jesu akati: “Ndinoziva kutambudzika nourombo hwako—asi uri mupfumi.” (Zvakazarurwa 2:9) VaKristu ava vangangove vaitambura mune zvemari nokuti vaitambudzirwa kutendeseka kwavo, asi vakava nepfuma yaikosha kwazvo kudarika sirivha nendarama.—Zvirevo 22:1; VaHebheru 10:34.

Jehovha Mwari anokomborera zvinoitwa nevaya vanoedza kuita kuda kwake. (Pisarema 1:2, 3) Anovapa simba uye zvinhu zvavanoda kuti vararame nemiedzo, kuti vatarisire mhuri dzavo, uye kutanga kutsvaka Umambo hwake. (Pisarema 37:25; Mateu 6:31-33; VaFiripi 4:12, 13) Saka, pane kuona pfuma yezvinhu sechikomborero chikuru chaMwari, vaKristu vechokwadi vanoedza ‘kuva vakapfuma pamabasa akanaka kwazvo.’ Nokuumbiridza ukama hwepedyo noMusiki, vaKristu vanenge “vachizvichengetera nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi.”—1 Timoti 6:17-19; Mako 12:42-44.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe