Kukurukurirana Kunotungamirira Kuupenyu
PAZVISIKWA zvose zvepasi, vanhu chete ndivo vasingagutswi nokungokurukurirana. Pasinei norudzi, chinzvimbo munzanga, kuva murume kana mukadzi, kana mwero wedzidzo, vanhu vakaratidza chido chokuzvarwa nacho chokukurukura nomunhu akakwirira kwazvo, anonzi Mwari.
Ikoko kunongova kudavira mashura kwoupenzi here? Zvechokwadi kwete! Sezvataurwa munyaya yapfuura, Mwari akasika vanhu nomufananidzo wake. Akaita kuti tide zvokunamata. Izvi zvinosanganisira chido chokukurukura naye saBaba vedu vokudenga. (Genesi 1:27; Mateu 5:3) Kutaura zvazviri, Mwari anoona kukurukura naye sokunokosha kwazvo zvokuti anonzi “Vokunzwa munyengetero.”—Pisarema 65:2.
Kukudzwa kwakadini kunyengetera kune Wemasimba Ose! Vanhu vakawanda vaizozviona seropafadzo kutaura vari voga nomunhu anokosha anokudzwa, akadai sapurezidhendi wenyika kana mutungamiriri wehurumende. Asi, Jehovha Mwari munhu mukuru kupfuura zvisikwa zvose! Uye hatifaniri kutanga taronga kuti tipiwe nguva yokuzotaura naye. Tinogona kunyengetera chero nguva, chero papi. Tinogona kutotaura naMwari chinyararire mumwoyo. (1 Samueri 1:12-15) Zvisinei, Jehovha anoda kuti tive vepachokwadi uye kuti timuteerere. (Mika 6:8; Mateu 6:5-13) Pamusoro pazvo, kukurukurirana kwakanaka kunoitwa nevanhu vaviri, handizvo here?
Unoteerera Mwari Here?
Munhu anoteerera Mwari sei? Zvikurukuru nokuverenga uye kushandisa dzidziso dzinowanwa muShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri Dzvene. (2 Timoti 3:16; 2 Petro 1:20, 21) “Munhu anofanira kurarama . . . nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha,” akadaro Jesu. (Mateu 4:4) Unoteerera Mwari nokuverenga uye kushandisa Shoko rake rakanyorwa here?
Vaya vanokurukura naJehovha nguva dzose vanofarirwa naye uye vanowana “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” (VaFiripi 4:6, 7; Zvirevo 1:33) Vane tarisirowo youpenyu husingaperi panyika inenge yava paradhiso, isina kana kuzvidya mwoyo uye kutambura kwatinako nhasi. (Pisarema 37:29; Johani 17:3) Mibayiro yakanaka kwazvo yokushandisa zvakanakisisa chishamiso chatinacho chouchenjeri hwokukurukura!
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kukurukura naMwari kunosanganisira kuverenga Bhaibheri nokunyengetera