RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 9/1 pp. 15-19
  • Jehovha naKristu—Vakurukurirani Vakurusa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha naKristu—Vakurukurirani Vakurusa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Somukurukurirani
  • Mwanakomana waMwari Somukurukurirani
  • Vadzidzi vaKristu Vanotumwa Kuva Vakurukurirani
  • Kukurukurirana Mukati Memhuri Nomuungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kurukurirano Muushumiri hwechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Iva Munhu Anogona Kukurukura Nevamwe!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Kukurukurirana Kunotungamirira Kuupenyu
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 9/1 pp. 15-19

Jehovha naKristu—Vakurukurirani Vakurusa

“Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.”—AMOSI 3:7.

1. Mitooi yekurukurirano inoshandiswa nhasi?

NHASI kurukurirano ibhizimisi ramamirioni amadhora akawanda. Mabhuku ose ari kubudiswa, mapepanhau ose namagazini anotsikirirwa nguva dzose, mapurogiramu ose enhepfenyuro neterevhizheni ayo anotepfenyurwa, pamwe chete nemifanikiso yose inofamba nemitambo yapachikuva, inhamburiko dzekurukurirano. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadiwo nezvetsamba dzose dzinonyorwa ndokupositwa pamwe chete nokuridza runhare kwose. Zvose inhamburiko dzekurukurirano.

2. Ndeipi iri mimwe yemienzaniso yefambiro mberi idzo vanhu vakaita mumativi ounyanzvi ekurukurirano?

2 Fambiro mberi idzo vanhu vakaita mumativi ounyanzvi hwekurukurirano dzinoshamisa. Somuenzaniso, tambo dzamagetsi dzinoonekera, idzo dziri vandudziko huru kupfuura tambo dzomukore, dzinogona kutakura makumi mazhinji ezviuru ekurukurirano dzorunhare panguva imwe. Ipapo kune masatellite ekurukurirano, ayo anotenderera pasi muchadenga uye ane zvinoshandiswa zvokutumira zviratidzo zvorunhare, teregiramu, nhepfenyuro, uye terevhizheni. Satellite rimwe rakadaro rinogona kubata mashoko orunhare 30 000 panguva imwe cheteyo!

3. Chii chinoitika apo kunenge kune mikaha yekurukurirano?

3 Asi pasinei hapo neiyi mitoo yose yekurukurirano, kune rusuruvaro rwakawanda munyika nemhaka yokushaikwa kwekurukurirano pakati pavanhu. Nokudaro, tinoudzwa kuti “kune mukana uri kukura—‘mukaha wekurukurirano’ uri kufara—pakati pavatongi navanotongwa.” Uye chii chinonzi mukaha wechizvarwa kunze kwekukundikana kwavabereki navana vavo kukurukura nenzira inobudirira nomumwe nomumwe? Vapi vezano veroorano vanoshuma kuti chinetso chikurusa muroorano kukundikana kwekurukurirano pakati pomurume nomudzimai. Kushaikwa kwekurukurirano yakafanira kunogona kunyange kuparira rufu. Pakuvamba muna 1990, vanhu 73 vakarasikirwa noupenyu hwavo mukudonha kwendege, chinhu chinoparira sezviri pachena chichiva kukundikana kwekurukurirano pakati pomuchairi wendege nokudzora kwapasi. Mumwe musoro mukuru wepepanhau wakazivisa, kuti: “Mhinganidzo Yekurukurirano Yakatungamirira Kungwavaira.”

4. (a) Chii chinorehwa nokuti “kurukurirano”? (b) Chii chiri nharidzano yekurukurirano yechiKristu?

4 Chii chiri kurukurirano murevo yechiKristu? Mukuwirirana nerimwe duramashoko, “kurukurirano” inoreva “kupa mashoko, mufungo, kana kuti kunzwa kuti kugamuchirwe nenzira inogutsa kana kuti kunzwisiswa.” Rimwe duramashoko rinoirondedzera so“unyanzvi hwokutaura mifungo nenzira inobudirira.” Cherekedza, “kutaura mifungo nenzira inobudirira.” Kurukurirano yechiKristu inoda kuva inobudirira zvikuru nemhaka yokuti ine senharidzano yayo kusvikwa kwemwoyo yavanhu nezvokwadi inobva muShoko raMwari kuti, nenzira ine tariro, vagoita chiito pane chavanodzidza. Nenzira yechienzi, inosundwa nokusava noudyire, norudo.

Jehovha Somukurukurirani

5. Ndeipi iri imwe yenzira dzokutanga idzo Jehovha Mwari akakurukura nadzo nomunhu?

5 Jehovha Mwari pasina panikiro Mukurukurirani mukurusa. Nemhaka yokuti iye akatisika mumufananidzo wake norufanano, iye anokwanisa kukurukura nesu, uye kunobvira kuti isu tikurukure navamwe pamusoro pake. Chifo chokusikwa kwomunhu, Jehovha akakurukura nezvisikwa zvake zvapasi pamusoro pake amene. Imwe nzira yaakaita nayo ikoku yave iri kupfurikidza nechisiko chake chinooneka. Nokudaro, wezvamapisarema anotiudza, kuti: “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake. Musi mumwe unotaurira mumwe musi, uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere.” (Pisarema 19:1, 2) Uye VaRoma 1:20 (NW), inotizivisa kuti “mavara asingaoneki [aMwari] anoonekwa zvakajeka kubva pakusikwa kwenyika zvichienda mberi.” “Anoonekwa zvakajeka” anoratidzira kurukurirano inobudirira!

6. Chii icho Jehovha akakurukura kuzvisikwa zvake zvapasi apo zvakanga zviri mubindu reEdheni?

6 Avo vasina kutenda muna Mwari neratidzirwo yake youmwari vangaita kuti tidavire kuti munhu anofanira kutsamira pamitoo yake amene kuti awane chikonzero nei achirarama. Asi Shoko raMwari rinojekesa kuti Mwari akakurukura nomunhu kubvira pamavambo. Nokudaro, kumurume nomukadzi vokutanga Mwari akapa murairo wokubereka: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba . . . pamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.” Mwari akavabvumirawo kudya kusvikira vaguta michero yebindu—kunze kwomumwe bedzi. Ipapo, apo Adhama naEvha vasina kuteerera, Jehovha akakurukura chipikirwa chokutanga chaMesia, achipa rudzi rwomunhu tariro: “Ndichaisa ruvengo pakati pako [nyoka] nomukadzi napakati [pembeu yako nembeu yake. Iye uchakupwanya mumusoro uye iwe uchamupwanya muchitsitsinho, NW].”—Genesi 1:28; 2:16, 17; 3:15.

7. Bhuku raGenesi rinozivisei pamusoro pokukurukura kwaJehovha navabatiri vake?

7 Apo mwanakomana waAdhama Kaini akazadzwa negodo roumhondi, Jehovha Mwari akakurukura naye, achiti chaizvoizvo: ‘Ngwarira! Uri kunanga chinetso!’ Asi Kaini akaramba kuteerera nyevero iyoyo ndokuponda munun’una wake. (Genesi 4:6-8) Ipapo, apo pasi rakazadzwa namasimba masimba nouipi, Jehovha akakurukura kumunhu akarurama Noa donzo Rake rokubvisa papasi zvose izvo zvakanga zvichirisvibisa. (Genesi 6:13–7:5) Pashure peBoporodzi, apo Noa nemhuri yake vakabuda muareka, Jehovha akakurukura kwavari donzo rake pamusoro poutsvene hwoupenyu neropa, uye kupfurikidza nomuraraungu iye akapa chipikirwa chokuti aisazotongoparadzazve zvinhu zvipenyu zvose kupfurikidza namafashamo. Mazana akati amakore gare gare, Jehovha akakurukura kuna Abrahama donzo Rake rokuita kuti mhuri dzose dzorudzi rwomunhu dzizvikomborere dzimene kupfurikidza neMbeu yaAbrahama. (Genesi 9:1-17; 12:1-3; 22:11, 12, 16-18) Uye apo Mwari akaraira kuti aizoparadza vakaipa veSodhoma neGomora, iye akakurukura nenzira yorudo idi iroro kuna Abrahama, achiti: “Ndichavanzira Abrahama zvandinoita here?”—Genesi 18:17.

8. Jehovha akakurukura navabatiri vake pasi pano munzirai ina?

8 Kutanga naMosesi, Jehovha akashandisa mutsara murefu wavaporofita kukurukura naIsraeri. (VaHebheru 1:1) Pane dzimwe nguva akashandisa kutaura nomuromo, saapo akaudza Mosesi, kuti: “Zvinyorere umene mashoko aya.” (Eksodho 34:27, NW) Kazhinji kazhinji zvikuru Jehovha akakurukura navatauriri vake kupfurikidza nezviono, sezvaakanga atoita naAbrahama.a Jehovha akashandisawo zviroto kukurukura navanhu, uye kwete bedzi navabatiri vake asiwo naavo vaibata navabatiri vake. Somuenzaniso, Jehovha akaparira vaviri vavasungwa biyake vaJosefa kuva nezviroto, izvo Josefa akavadudzira. Jehovha akaparirawo Farao naNebhukadnezari kuva nezviroto, izvo vabatiri vake Josefa naDhanieri vakavadudzira. (Genesi 40:8-41:32; Dhanieri, ganhuro 2 ne 4) Mukuwedzera, panhambo zhinji Jehovha akashandisa nhume dzengirozi kukurukura navabatiri vake.—Eksodho 3:2; Vatongi 6:11; Mateo 1:20; Ruka 1:26.

9. Chii chakasunda Jehovha kukurukura navanhu vake vaIsraeri, sezvinoonekwa namashokoi ake?

9 Kurukurirano yose yakadaro yakaitwa naJehovha kupfurikidza navaporofita vake yakaratidzira rudo rwake nokuda kwavanhu vake vaIsraeri. Nokudaro, iye akataura kupfurikidza nomuporofita wake Ezekieri, kuti: “Handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsraeri?” (Ezekieri 33:11) Jehovha akanga ari Mukurukurirani ane mwoyo murefu naanoshivirira navanhu vake vekare vanopandukira, sezvinogona kuonwa muna 2 Makoronike 36:15, 16: “Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake; asi . . . vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake . . . kusvikira vasingachagoni kurapwa.”

10. Jehovha anokurukura sei navanhu vake nhasi, uye iye ndiMwari wekurukurirano kusvikira kutambanukoi?

10 Nhasi, tine Shoko rakafuridzirwa raMwari, Bhaibheri Dzvene, iro kupfurikidza naro Jehovha anokurukura kwatiri mashoko pamusoro pake amene, madonzo ake, uye kuda kwake nokuda kwedu. (2 Timotio 3:16, 17) Kutaura idi, soMukurukurirani Mukurusa, Jehovha, anozivisa, kuti: “Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.” (Amosi 3:7) Iye anozivisa kuvabatiri vake chaanoda kuita.

Mwanakomana waMwari Somukurukurirani

11. Ndiani ari chishandiswa chikurusa chaJehovha mukukurukura nomunhu, uye neiko zita rake rokuremekedza rokuti “Shoko” rakafanira?

11 Panzira dzose dzinoshandiswa naJehovha kukurukura kuda Kwake, hurusa iShoko, Logos, uyo akava Jesu Kristu. Chii chiri revo yokudanwa kwake kuti Shoko, kana kuti Logos? Kuti iye Mutauriri Mukuru waJehovha. Uye chii chiri mutauriri? Munhu anokurukura icho mumwe anofanira kutaura. Naizvozvo Logos akava mukurukurirani weshoko raJehovha Mwari kuchisiko Chake chakangwara chapasi. Basa iroro rinokosha kwazvo zvokuti iye anonzi Shoko.—Johane 1:1, 2, 14.

12. (a) Jesu akauya kupasi nokuda kwedonzoi? (b) Chii chinopupurira kuita kwake nokutendeka donzo iroro?

12 Jesu amene akaudza Pontio Pirato kuti donzo rake guru mukuuya kupasi rakanga riri rokukurukura zvokwadi kurudzi rwomunhu: “Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure zvokwadi.” (Johane 18:37) Uye chinyorwa chiri muEvhangeri chinotaura kuti akaita zvakanaka sei mugove iwoyo. Mharidzo yake yapaGomo inozivikanwa semharidzo hurusa yati yamboparidzirwa nomunhu. Akakurukura zvakanaka sei kupfurikidza nemharidzo iyoyo! “Muuyo wacho wakanga uri wokuti mapoka [vakanzwa mharidzo yacho] akashamiswa nenzira yake yokudzidzisa.” (Mateo 7:28, NW) Pamusoro peimwe nhambo, tinorava, kuti: “Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa.” (Marko 12:37) Apo vakuru vakuru vakati vakatumwa kundosunga Jesu, vakadzoka vasinaye. Neiko? Vakapindura vaFarise, kuti: “Hakuna munhu wakatongotaura nokutaura kwomunhu uyo.”—Johane 7:46.

Vadzidzi vaKristu Vanotumwa Kuva Vakurukurirani

13. Chii chinoratidza kuti Kristu akanga asingagutswi nokuva mukurukurirani ari oga?

13 Asingagutsikani nokuva mukurukurirani ari oga, Jesu akatanga kutuma vaapostora 12 uye ipapo vaevhangeri 70 kuenda savakurukurirani vamashoko akanaka oUmambo. (Ruka 9:1; 10:1) Ipapo chinguvana asati akwira kudenga, iye akatuma vadzidzi vake kundoita basa chairo. Basaiko? Sezvatinorava pana Mateo 28:19, 20, iye akavarairidza kuva vakurukurirani; uye vaifanira kudzidzisa vamwezve kuva vakurukurirani.

14. Vakurukurirani vechiKristu vapakuvamba vakanga vachibudirira sei?

14 Vadzidzi vakanga vari vakurukurirani vanobudirira here? Zvirokwazvo vakanga vari! Somuuyo wokuparidzira kwavo pazuva rePentekosta 33 N.V., mweya 3 000 yakawedzerwa kuungano yechiKristu yakanga ichangobva kuumbwa. Nokukurumidza chiverengero chakawedzera kusvikira kuvanhu 5 000. (Mabasa 2:41; 4:4) Hakushamisi kuti vavengi vavo vechiJudha vakavapomera kuzadza Jerusarema rose nokudzidzisa kwavo uye gare gare vakanyunyuta kuti vakanga vakangaidza pasi rinogarwa nokuparidzira kwavo!—Mabasa 5:28; 17:6.

15. Chishandiswai icho Jehovha akashandisa munguva dzazvino uno kukurukura navanhu?

15 Zvakadiniko nezvenguva dzazvino uno? Sezvakadeya kutaurwa pana Mateo 24:3, 45-47 (NW), Tenzi, Jesu Kristu, akagadza “muranda akatendeka naakachenjera,” akaumbwa namaKristu akazodzwa, kutarisira zvinhu zvake zvose pasi pano mukati meiri zuva rokuvapo kwake. Muranda akatendeka naakachenjera iyeyo anomirirwa nhasi noMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, uyo une Watch Tower Bible and Tract Society somumiriri wawo anozivisa. Nenzira yakakodzera zvikurusa, muranda akatendeka naakachenjera iyeyo akadanwawo kuti mukoto waMwari wekurukurirano. Iyewo, anotikurudzira kuva vakurukurirani vakanaka. Kutaura idi, chinyorwa chimene chokutanga cheZion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence chakapa zano varavi vacho: “Kana une muvakidzani kana kuti shamwari yaunofunga kuti ingafadzwa kana kuti kubetserwa nemirairidzo [yemagazini ino], ungaidanira kungwariro yavo; nokudaro uchiparidzira Shoko nokuita zvakanaka kuvanhu vose sezvaune banza racho.”

16. Chii chinoratidza kuti zvakawanda zvinodikanwa kupfuura Bhaibheri bedzi kuti Mwari akurukure nenzira inobudirira navabatiri vake vapasi?

16 Zvisinei, kungova chete neShoko raMwari nokurirava somunhu oga hakuna kukwana kuwana zivo yakarurama iyo inoisa mumwe munzira inoenda kuupenyu. Yeuka mukuru mukuru wedare weEtiopia uyo akanga achirava uporofita hwaIsaya asi akanga asinganzwisisi chaakanga achirava. Firipo muevhangeri akatsanangura uporofita hwacho kwaari, pashure pacho akanga agadzirira kubhapatidzwa somudzidzi waKristu. (Mabasa 8:27-38) Kuti zvakawanda zvinodikanwa kupfuura kungorava Bhaibheri kunoitwa nomunhu oga kunogona kuonekwa muna VaEfeso 4:11-13 (NW), umo Pauro anoratidza kuti Kristu haana kungopa bedzi vamwe savaapostora navaporofita vakafuridzirwa asi akapawo “vamwe savaevhangeri, vamwe savafudzi navadzidzisi, aine murangariro wokugadziridzwa kwavatsvene, nokuda kwebasa roushumiri, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu, kusvikira isu tose tasvika pahumwe mukutenda nomuzivo yakarurama yoMwanakomana waMwari, kumurume akakura zvikuru.”

17. Tinogona kuziva nzira iyo Jehovha ari kushandisa nhasi kukurukura madonzo ake kurudzi rwomunhu kupfurikidza nezviratidzoi zvinozivisa?

17 Tinogona sei kuziva avo Jehovha Mwari naJesu Kristu vari kushandisa kubetsera vanhu avo vaizova maKristu kusvika mugariro womurume akakura zvikuru? Mukuwirirana naJesu, chimwe chezviratidzo zvinozivisa chaizova chokuti ivava vadane sokuda kwakaita Jesu vateveri vake. (Johane 13:34, 35) Chimwe chiratidzo chinozivisa: Vaisazova rutivi rwenyika, kunyange sezvo Jesu akanga asiri rutivi rwenyika. (Johane 15:19; 17:16) Chimwezve chiratidzo chaizova chokuti vazive Shoko raMwari sezvokwadi, sezvakaita Jesu, vachifarira nguva dzose chiremera charo. (Mateo 22:29; Johane 17:17) Kuisa zita raMwari pamberi, sezvakaita Jesu, kwaizova chimwe chiratidzo. (Mateo 6:9; Johane 17:6) Uye chimwezve chiratidzo chaizova kuteverwa kwomuenzaniso waJesu mukuparidzira Umambo hwaMwari. (Mateo 4:17; 24:14) Kune boka rimwe bedzi rinowirirana neizvi zvinodikanwa, ndiko kuti vakurukurirani vamarudzi ose vanozivikanwa seZvapupu zvechiKristu zvaJehovha.

18. Inzvimboi nhatu dzekurukurirano idzo dzimwe nyaya dzichakurukura?

18 Kurukurirano, zvisinei, inoreva mutoro kuna vamwe. MaKristu ane mutoro wokukurukura naani? Zvikurukuru, kune nzvimbo nhatu umo maKristu anofanira kuva anoitira hanya kuchengeta nzira dzekurukurirano dzakazaruka: boka remhuri, ungano yechiKristu, uye ushumiri hwomumunda hwechiKristu. Nyaya dzinotevera dzichabata naaya mativi omusoro wedu.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Genesi 15:1; 46:2; Numeri 8:4; 2 Samueri 7:17; 2 Makoronike 9:29; Isaya 1:1; Ezekieri 11:24; Dhanieri 2:19; Obhadhiya 1; Nahumi 1:1; Mabasa 16:9; Zvakazarurwa 9:17.

Waizopindura Sei?

◻ Ikuvadzikoi inogona kubva mukushaikwa kwekurukurirano?

◻ Ndivanaani vari vakurukurirani vakurusa vaviri?

◻ Inzirai dzakasiana-siana idzo Mwari akashandisa kukurukurirana nomunhu?

◻ Jesu akaita zvakanaka zvikuru sei somukurukurirani?

◻ MaKristu apakuvamba akabudirira sei mukukurukurirana?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kufanana naBaba vake vokudenga, Jesu akanga ari mukurukurirani anonzwira urombo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe