RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 11/8 p. 12
  • Oiri—Ichazombopera Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Oiri—Ichazombopera Here?
  • Mukai!—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Oiri—Tinoiwana Sei?
    Mukai!—2003
  • Oiri—Kukubatsira Kwainoita
    Mukai!—2003
  • Oiri—Ine Zvayakanakira Nezvayakaipira Here?
    Mukai!—2003
Mukai!—2003
g03 11/8 p. 12

Oiri—Ichazombopera Here?

“Pasina [simba] mavhiri eindasitiri anomira . . . Hakuna motokari, marori, zvitima, ngarava kana kuti ndege zvingagadzirwa . . . Pasina simba, dzimba dzingagara dzichitonhora uye dzisina chiedza, zvokudya zvinenge zvisina kubikwa. . . . Pasina simba tinobva tadzokera munguva dzekare dzepasichigare.”—Kubva ku“U.S. Geological Survey World Petroleum Assessment 2000.”

NYANZVI dzesimba dzinodzidzisa kuti oiri ingangozopera pakupedzisira. Vamwe vanofungidzira kuti matura enyika eoiri achagara kwemamwe makore 63 kusvika ku95. Panguva ino mamwe matsime esimba ari kushandiswa, ayo mamwe acho akashandiswa kwemakumi emakore. Pakati peayo anogona kushandiswazve—kana kuti anogona kutsiviwa nokukurumidza—pane marudzi anotevera: zuva, mhepo, masaisai, magetsi, negwenya romugungwa. Asi panguva ino, pachine zvinetso zvikuru pamusoro pokuti zviitwe nokuparadzirwa.

Tariro yokupedza simba risingatsiviwi tozotanga kushandisa rinotsiviwa zvechokwadi haina kujeka. Makambani eoiri akagadzirira kushandisa nguva shoma iyo anoti oiri inofungidzirwa kuti ichagara. Sezvineiwo, zviri pachena kuti zvinetso zvenzanga zvinoparirwa neoiri zvicharamba zviripo chero bedzi iripo. Zviri pachena kuti mviromviro dzezvinetso izvi haisi oiri pachayo. Kukara kwomunhu nenyota yesimba zvakapa oiri mukurumbira wayo wakaipa.

Zvinofadza ndezvokuti nguva yemberi yeoiri—uye nezvose zvinopa simba—hazvisi musimba remarudzi. Pakupedzisira zviri musimba roMusiki wepasi noMuchengeti, Jehovha Mwari, uyo akapikira kuti zvinetso zvose zvezvakatipoteredza nezvomunzanga zvine chokuita nokushandisa nokubata zvisina kufanira kwezviwanikwa zvepasi zvichapera. (Zvakazarurwa 4:11) Seizvo Bhaibheri rinotaura, nguva yava pedyo yokuti Mwari a“paradze vanoparadza pasi.” Kutonga kwakarurama kunoitwa naMwari kuchaguma ne“denga idzva nepasi idzva,” nyika isina kubiridzira kwoudyire nokusaruramisira, apo zviwanikwa zvepasi zvichashandiswa nomazvo kuti zvibatsire vanhu vose vanoteerera.—Zvakazarurwa 11:18; 21:1-4.

[Mifananidzo iri papeji 12]

Simba rinobvawo kuma“solar panel” nemagwenya anoshanda nemhepo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe