RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 January pp. 5-8
  • Vanaamai Vari Kukunda Matambudziko Acho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanaamai Vari Kukunda Matambudziko Acho
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Varume Pavanoenda Kunze Kwenyika
  • Vanaamai Vasina Kunyatsodzidza
  • Kuramba Tsika Dzinokuvadza
  • Matambudziko Anosangana Navanaamai
    Mukai!—2005
  • Basa Raamai Rinokudzwa
    Mukai!—2005
  • Kugutsikana Nokuva Amai
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Zvipingamupinyi Zvokuva Amai
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 January pp. 5-8

Vanaamai Vari Kukunda Matambudziko Acho

DAMBUDZIKO guru riri kusangana navanaamai vakawanda nhasi nderokuenda kubasa kuti vabatsire kutarisira mhuri yavo mune zvemari. Uyezve, pamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana, vamwe vanofanirawo kurera vana vavo vasingabatsirwi nomumwe munhu.

Margarita ndiamai vasina murume muMexico vari kurera vana vaviri. “Zvave zvakaoma kuvadzidzisa tsika uye zvokunamata,” anodaro. “Nguva yakapfuura mwanakomana wangu achiri kuyaruka akauya kumba achibva kupati akati dhakwei. Ndakamuyambira kuti kana zvikaitikazve, ndaisazomubvumira kupinda mumba. Saka pazvakaitikazve, zvichindirwadza mwoyo, ndakakiya imba kuti asapinde. Zvinofadza kuti haana kuzozviitazve.”

Nguva pfupi pashure pacho, Margarita akatanga kudzidza Bhaibheri, izvi zvakamubatsira kuti adzidzise vana vake tsika dzakanaka. Iye zvino vose Zvapupu zvaJehovha zviri kushumira mubasa renguva yakazara.

Varume Pavanoenda Kunze Kwenyika

Varume vakawanda vari munyika dzisina kunyatsobudirira vanotamira kune nyika dzakabudirira kwazvo kunotsvaka basa, vachisiya madzimai avo kuti arere vana. Vamwe amai vari muNepal vanonzi Laxmi, vanoti: “Murume wangu ave ari kunze kwenyika kwemakore manomwe. Vana havanyatsonditeereri sezvavanoita baba vavo. Kudai vaiva kuno nguva dzose kuti vatungamirire, zvingadai zviri nyore.”

Pasinei nezvinetso zvacho, Laxmi ari kurarama nedambudziko racho. Nemhaka yokuti haana kunyatsodzidza, akaronga kuti varayiridzi vabatsire vana vake vati kurei nebasa ravo rechikoro. Zvisinei, anonyanya kukoshesa dzidzo yavo yokunamata nokuvadzidzisa Bhaibheri vhiki yoga yoga. Anokurukura navo rugwaro rweBhaibheri rwezuva nezuva uye anogara achienda navo kumisangano yechiKristu.

Vanaamai Vasina Kunyatsodzidza

Mune dzimwe nyika rimwe dambudziko ndere nhamba yakakwirira yevakadzi vasingagoni kunyora nokuverenga. Achiratidza zvakaipira kuva amai vasina kudzidza, Aurelia, ari kuMexico, uyo ari amai vane vana vatanhatu, anotsanangura kuti: “Amai vangu vaigara vachitaura kuti kudzidza hakusi kwevakadzi. Saka handina kumbodzidza kuverenga uye ndakanga ndisingagoni kubatsira vana vangu basa ravo rechikoro rinoitirwa kumba. Zvaindirwadza. Asi sezvo ndakanga ndisingadi kuti vatambure sezvandakaita, ndakashanda nesimba kuti vawane dzidzo.”

Kunyange amai vasina kunyatsodzidza vanogona kubatsira. Chirevo ichi ndechechokwadi chinoti: “Kana vakadzi vakadzidziswa vachakwanisa kudzidzisa vanakomana vavo.” Bishnu, wokuNepal, ndiamai vane vanakomana vatatu, vakanga vasingagoni kuverenga nokunyora, asi chido chavo chokudzidza chokwadi cheBhaibheri uye kuchidzidzisa vana vavo chakaita kuti vaite zvose zvavaikwanisa kuti vadzidze kuverenga nokunyora. Vaiva nechokwadi chokuti vana vavo vaita basa ravo rechikoro rinoitirwa kumba, uye vaigara vachienda kuzvikoro zvavo kunokurukura basa ravo nevadzidzisi vavo.

Kana iri dzidzo yavo yokunamata neyetsika, mwanakomana waBishnu anonzi Silash anotsanangura kuti: “Chinhu chandaida zvikuru kuna amai pavaitidzidzisa ndechokuti pataikanganisa, vaitiudza mienzaniso yomuBhaibheri kuti vatigadzirise. Madzidzisiro aya aishanda uye aindibatsira kuti ndigamuchire zano.” Bishnu akakwanisa kudzidzisa vanakomana vake, avo vose vari vatatu vava majaya anotya Mwari.

Antonia, ari kuMexico, ndevamwe amai vari kurera vana vaviri, anoti: “Ndakangoenda kuchikoro chepuraimari chete. Taigara mumusha waiva kure, uye chikoro chesekondari chataiti chaiva pedyo chaiva kure zvikuru. Asi ndaida kuti vana vangu vadzidze chaizvo kudarika zvandakaita, saka ndaipedza nguva yakawanda navo. Ndaivadzidzisa maABC nemanhamba. Mwanasikana wangu akakwanisa kuperetera zita rake uye kunyora mabhii earufabheti asati aenda kuchikoro. Mwanakomana wangu akanga ava kugona kunyatsoverenga panguva yaakazoenda kukireshi.”

Paakabvunzwa zvaaiita kuti avape dzidzo yokunamata neyetsika, Antonia anotsanangura kuti: “Ndaivadzidzisa nyaya dzomuBhaibheri. Mwanasikana wangu asati ava kukwanisa kutaura nomuromo, akanga ava kugona kutaura nyaya dzomuBhaibheri achishandisa dzimwe nhengo dzomuviri. Mwanakomana wangu akapa hurukuro yake yokutanga yokuverenga Bhaibheri pamisangano yedu yechiKristu aine makore mana.” Vanaamai vakawanda vane dzidzo shoma vari kukunda dambudziko racho sevadzidzisi.

Kuramba Tsika Dzinokuvadza

Imwe tsika inoitwa nevaTzotzil vokuMexico ndeyokutengesa vanasikana vavo kuti varoorwe vaine makore 12 kana 13. Kazhinji kacho vasikana vanotengeswa kumurume akura zvikuru anenge achida mudzimai wechipiri kana kuti wechitatu. Kana murume wacho asina kugutsikana nomusikana wacho, anogona kumudzosera odzorerwa mari yake. Petrona akararamira mutsika iyi paakanga achiri mwana. Amai vake vakanga vatengeswa kuti vave mudzimai, vakabereka mwana, uye vakanga varambwa—zvose izvi zvakaitika vaine makore 13! Mwana iyeye wokutanga akafa, uye amai vaPetrona vakatengeswa kaviri pashure pacho. Kana vakasanganiswa vose, vakabereka vana vasere.

Petrona akanga asingadi kuva noupenyu hwakadaro uye anotsanangura zvaakaita achiti: “Pandakapedza kudzidza kuchikoro chepuraimari, ndakaudza Amai kuti ndakanga ndisingadi kuroorwa asi kuti ndaida kuenderera mberi nechikoro. Amai vakandiudza kuti havana zvavaikwanisa kuita nezvazvo uye kuti ndaifanira kutaura nababa vangu.”

“Ndichakuroodza,” Baba vakandiudza kudaro. “Unogona kutaura chiSpanish. Unogona kuverenga. Chiizve chimwe chauchada? Kana uchida kudzidza, unofanira kuzvibhadharira chikoro.”

“Saka ndizvo zvandakaita,” anotsanangura kudaro Petrona. “Ndaisona micheka kuti ndiwane mari yangu yokushandisa.” Ndiwo manzvengero aakaita kutengeswa. Petrona akura, amai vake vakatanga kudzidza Bhaibheri, uye izvi zvakaita kuti vave noushingi hwokuroverera tsika dzinobva muBhaibheri muvanun’una vaPetrona. Kubva kune zvakaitika kuna amai vacho pachavo, vakakwanisa kuvadzidzisa zvakaipa zvinokonzerwa netsika yokutengesa vasikana vaduku kuti varoorwe.

Imwe tsika inoitwa nevakawanda ndeyokuti baba bedzi ndivo vanofanira kuranga vanakomana vanenge vari mumhuri. Petrona anotsanangura kuti: “Vakadzi vechiTzotzil vanodzidziswa kuti vanokosha zvishoma kana vachienzaniswa nevarume. Varume vacho vanodzora noutsinye. Vakomana vaduku vanotevedzera vanababa vavo, uye vanoudza vanaamai vavo kuti: ‘Hamufaniri kundiudza zvokuita. Kana baba vangu vakarega kundiudza, handiteereri.’ Saka vanaamai havagoni kudzidzisa vanakomana vavo. Asi iye zvino nemhaka yokuti amai vangu vakadzidza Bhaibheri, vakakwanisa kurayiridza hanzvadzi dzangu. Dzaiziva nomusoro mashoko anotaurwa pana VaEfeso 6:1, 2 anoti: ‘Vana, teererai vabereki venyu. . . . Kudza baba vako naamai vako.’”

Vamwe amai vari muNigeria vanonzi Mary, vanotiwo: “Kwandakakurira, tsika yevanhu veko haibvumiri amai kudzidzisa kana kuranga vakomana. Asi ndichitevedzera muenzaniso womuBhaibheri waRoisi naYunisi—ambuya vaTimoti naamai vake—ndakatsunga kusabvumira tsika dzomunharaunda dzichinditadzisa kudzidzisa vana vangu.”—2 Timoti 1:5.

Kunyange zvakadaro, kune imwezve tsika inowanzoitwa mune dzimwe nyika inonzi nevamwe “kudzingisa vakadzi,” iye zvino yava kunzi kucheka dzimwe nhengo dzokubereka nadzo dzevakadzi. Kucheka kwacho kunobvisa chimwe chikamu kana kuti nhengo dzose dziri panhengo dzokubereka nadzo dzomusikana. Waris Dirie, mumwe mukadzi aizivikanwa chaizvo mune zvefashoni uye aiva mumiririri mukuru weUnited Nations Population Fund ndiye akaita kuti tsika yacho izivikanwe. Maererano netsika yokuSomalia, paaiva mwana amai vake vakamucheka vachimubvisa dzimwe nhengo dzake dzokubereka nadzo. Sezvinotaurwa nomumwe mushumo, vakadzi nevasikana vari pakati pemamiriyoni masere negumi kuMiddle East uye muAfrica vari pangozi yokuchekwa vachibviswa dzimwe nhengo dzavo dzokubereka nadzo. Kunyange muUnited States, vasikana vanofungidzirwa kuti vangasvika 10 000 vari pangozi yacho.

Zvii zvinodavirwa zvinokonzera kuti tsika iyi iitwe? Vamwe vanofunga kuti nhengo dzokubereka nadzo dzomukadzi dzakaipa uye kuti dzinoita kuti musikana ave asina kuchena uye nokudaro asakodzera kuroorwa. Uyezve, kucheka kana kubvisa nhengo dzokubereka nadzo zvinobva zvaita kuti pave nechokwadi chokuti mwana wacho imhandara uye kuti akatendeka. Kana amai vakatadza kuchengeta tsika iyi zvingagumbura murume wavo kana kuti nzanga yomunzvimbo yacho.

Zvisinei, vanaamai vakawanda vasvika pakuziva kuti hapana chikonzero chaicho chepamutemo—chechitendero, choutano, kana choutsanana—chokutsigira muitiro uyu unorwadza. Rimwe bhuku rokuNigeria rinonzi Repudiating Repugnant Customs rinoratidza kuti vanaamai vakawanda vakashinga kuramba kuti vanasikana vavo vachekwe.

Chokwadi, vanaamai munyika yose vari kubudirira kudzivirira nokudzidzisa vana vavo pasinei nezvinetso zvakawanda. Zvavari kuita zviri kukosheswa here?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

“Kuongorora kwakawanda kunoratidza kuti hapana nzira inosimudzira upfumi uye nzanga isina vakadzi vanoita basa guru. Vakadzi pavanobatanidzwa zvizere, zvakanaka zvinovapo zvinokurumidza kuoneka: mhuri dzinova noutano uye dzinodya zvakanaka; mari yadzo yadzinowana, mari inochengetwa, uye mari yadzinoshandisa kuwana imwe inowedzera. Izvi hazvingoitiki kumhuri chete asiwo kunzanga, uye nokufamba kwenguva zvinozoitika munyika dzose.”—Munyori Mukuru weUN Kofi Annan, March 8, 2003.

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo weUN/DPI naMilton Grant

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 8]

Vakarega Zvimwe Zvinhu Vachiitira Isu

Rimwe jaya rokuBrazil rinonzi Juliano, rinoti: “Pandaiva nemakore mashanu, amai vangu vaiva nebasa rakanaka. Zvisinei, pavakazosununguka hanzvadzi yangu, vakasarudza kusiya basa ravo kuitira kuti vatitarisire. Vanachipangamazano vokubasa vakaedza kuvanyengetedza kuti vasarega basa ravo. Vakataura kuti kana vana vavo vakazoroora kana kuroorwa uye vakabva pamusha, zvose zvavanenge vavaitira zvinenge zvaperawo—kuti vakanga vachiita zvinhu zvaisazovabhadhara. Asi ndinogona kutaura kuti zvavaifunga handizvo; handimbokanganwi rudo rwavakatiratidza.”

[Mifananidzo]

Amai vaJuliano nevana vavo; kuruboshwe: Juliano paakanga aine makore mashanu

[Mifananidzo iri papeji 6]

Bishnu akadzidza kuverenga nokunyora ndokubva abatsira vanakomana vake kuti vawane dzidzo yakanaka

[Mifananidzo iri papeji 7]

Mwanakomana muduku waAntonia anoverenga Bhaibheri pamisangano yeungano

[Mifananidzo iri papeji 7]

Petrona muzvipiri pabazi reZvapupu zvaJehovha riri muMexico. Amai vake, vakazova Chapupu, vari kudzidzisa varumudzani vaduku kuna Petrona

[Mufananidzo uri papeji 8]

Waris Dirie ndomumwe mukadzi anozivikanwa chaizvo anomiririra vakadzi pakutsoropodza zvokucheka dzimwe nhengo dzevakadzi dzokubereka nadzo

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo neSean Gallup/ Getty Images

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe