RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 October pp. 4-9
  • Zvinhu Zvishanu Zvinobatsira Kuti Uwane Basa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvishanu Zvinobatsira Kuti Uwane Basa
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Akarongeka
  • Tsvaka Mabasa Asati Ashambadzwa
  • Enderana Nezviripo
  • Gadzira CV Ine Zvose
  • Nyatsogadzirira Bvunzurudzo Dzako Dzebasa
  • Zuva Romuchato—Rinofadza Asi Rinonetsa
    Mukai!—2002
  • Ndinogona Sei Kuwana (Ndokuchengeta!) Basa?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingaita Mari Sei?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndingawana Sei Mari?
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 October pp. 4-9

Zvinhu Zvishanu Zvinobatsira Kuti Uwane Basa

NDIANI anowana basa rakanaka? Nguva dzose ndeuya ane ruzivo nebasa racho here? “Aiwa,” anodaro Brian, anopa mazano pakutsvaka basa. “Basa rinowanzowanwa nomunhu uya anonyatsogona kuritsvaka.” Ungaitei kuti unyatsokwanisa kutsvaka basa? Ngatimbokurukura mazano mashanu.

Iva Akarongeka

Kana basa rako rakanaka rakapera kana kuti usisiri kushanda kwenguva yakati rebei, zviri nyore kuti uore mwoyo. “Pakutanga pakapera basa rangu, ndaitarisira kuti ndaizowana rimwe,” anodaro Katharina anosona zvipfeko muGermany. “Asi mwedzi yakawanda zvayakapfuura zvishoma nezvishoma uye ndisina kuwana basa, ndakaora mwoyo. Pakupedzisira zvakanga zvava kundiomera kutaura nezvazvo kune shamwari dzangu.”

Unogona sei kukunda kusava netariro? “Zvinokosha kuti uve nepurogiramu yako pachako ye‘basa rezuva rimwe nerimwe’ kuitira kuti utange zuva rako uchiziva zvauchaita,” rinodaro rimwe bhuku rinonzi Get a Job in 30 Days or Less. Vakanyora bhuku racho vanoti zvakanaka kuti “unyore zvaunovavarira kuita zuva nezuva uye kunyora pasi zvaunenge waita.” Uyewo vanotaura kuti “unofanira kutanga zuva rako rimwe nerimwe wakapfeka kunge uri kuenda kubasa.” Nei? “Kana wakapfeka zvakanaka uchava nechivimbo kunyange paunotaura parunhare.”

Chokwadi, riite basa rako kutsvaka basa, pasinei nokuti zvinotora nguva yakareba sei. Ndizvo zvakazoita Katharina ambotaurwa. Anoti: “Ndakanotora kero uye nhamba dzenhare dzemakambani andaitarisira kuti aizondipinza basa. Ndainyorerawo vaya vainge vashambadzira kuti vane basa. Ndaitsvaka mubhuku renhamba dzenhare ndonyora pasi mazita emakambani andaifungira kuti ane mabasa aangadaro asati ashambadzira, ndobva ndataura nawo. Ndakanyorawo CV ndokutumira kumakambani acho.” Achitsvaka nenzira yakarongeka kudaro, Katharina akawana basa rakanaka.

Tsvaka Mabasa Asati Ashambadzwa

Mubati wehove ane mambure akakura ndiye angangobata hove. Saka kuzivawo nzira yokukudza “mambure” ako kuchanatsiridza mikana yako yokuwana basa. Kana uri kutsvaka basa uchinyorera vaya vakashambadza mupepanhau kana nepaIndaneti, mabasa akawanda angave ari kunzvenga mambure ako. Mabasa anoverengeka haashambadzwi. Ungatsvaka sei mabasa asati ashambadzwa?

Kuwedzerawo pakushandisa mapepanhau, saKatharina, vhiki yoga yoga unofanira kuva nenguva yokuridzira runhare kana kuenda kumabhizimisi aunofunga kuti angave nemabasa aunogona kuita. Usamirira kuti vatange vashambadzira mabasa acho. Kana manija akati hapana basa, mubvunze kana achiziva kumwe kwaungaritsvaka uye munhu chaiye waunofanira kunotaura naye ikoko. Kana akakupa zano, rangana nekambani yacho, uchitaura zita romunhu ati utaure nekambani iyoyo.

Tony, ambotaurwa munyaya yapfuura, akawana basa nenzira iyoyi. “Ndini ndakatanga kutaura nemakambani kunyange zvazvo akanga asiri kushambadzira,” anotsanangura kudaro. “Imwe kambani yakataura kuti pakanga pasina mabasa panguva yacho asi kuti ndaifanira kuzoedzazve mumwedzi mitatu. Ndakadaro, ndikawana basa.”

Primrose, vamwe amai vokuSouth Africa vasina murume, akaitawo izvozvo. “Pandaiita kosi youkoti,” anodaro, “ndakaona chivako chitsva chaivakwa mhiri kwomugwagwa ndikaziva kuti waizova musha wokuchengetera vakwegura. Ndakaramba ndichiedza kuronga nguva yokuonana nomukuru wechivako ichi. Akazondiudza kuti panguva iyoyo pakanga pasina mabasa. Zvisinei, ndakaramba ndichingodzokera kwaari kuti ndione kana ndaizokwanisa kushanda ipapo, kunyange somuzvipiri. Pakupedzisira, ndakapinzwa basa zvisiri zvechigarire. Ndaishanda nesimba pamabasa chero api zvawo andaipiwa. Ndakaguma ndawana humwe unyanzvi ndikabva ndapinzwa basa zvechigarire ipapo.”

Unogonawo kubvunza shamwari dzako, mhuri, uye vamwe vaunoziva kuti vakubatsire kuwana mabasa anenge asati ashambadzwa. Ndiwo mawanire akaita Jacobus basa, mumwe mushandi anoona nezvokudzivirira njodzi muSouth Africa. Anoti: “Kambani yandaishandira payakabhuroka, ndakaudza shamwari dzangu nemhuri yangu kuti ndakanga ndava kutsvaka basa. Rimwe zuva shamwari yangu yakangonzwa vanhu vachikurukurirana pavaida kubhadhara mari musupamaketi. Mumwe mukadzi aibvunza mumwe wake kana aiziva mumwe munhu aitsvaka basa. Shamwari yangu yakapindira ndokuudza mukadzi wacho nezvangu. Takaronga kuzoonana, uye ndakawana basa racho.”

Enderana Nezviripo

Kuti uwedzere mikana yako yokuwana basa, unofanira kuenderana nezviripo. Jaime, ambotaurwa munyaya yapfuura, anoti: “Kashoma kuti uwane basa rine zvose zvaunotarisira. Unofanira kudzidza kugutsikana nebasa risiri chairo rawanga uchitarisira kuwana.”

Kuenderana nezviripo kungareva kukurira kusarura mabasa. Chimbofunga nezvaEricka, anogara kuMexico. Kunyange zvazvo akanga adzidzira basa rokuva munyori mukuru, pakutanga haana kuwana basa rake chairo. “Ndakadzidza kubvuma chero basa ripi zvaro rakakodzera,” anodaro. “Kwekanguva ndakashanda ndichingobatsira-batsira kutengesa. Ndaitengesawo mumugwagwa zvokudyira-dyira zvinonzi tacos uye ndaichenesa dzimba. Pakupedzisira ndakazowana basa randaiziva.”

Mary, ambotaurwa munyaya yapfuura, paakabudiswa basa rake somunyori, akaonawo achifanira kuenderana nezvaivapo. Anotsanangura kuti: “Ndakanga ndisingaomereri kutsvaka basa rakafanana nerandaimboita. Ndaiongorora mukana webasa upi noupi waimuka, kunyange webasa riya raionekwa serenhando. Ndakaguma ndawana basa raindigonesa kuchengeta vana vangu vaviri.”

Gadzira CV Ine Zvose

Kune vaya vari kutsvaka mabasa ohumanija, zvinokosha kuti vanyore uye vatumire CV inoratidza unyanzvi hwavo.a Zvisinei nokuti uri kutsvaka basa rorudzii, CV yakanyorwa zvakanaka inogona kukubatsira chaizvo. “CV haingoratidzi kuti ndiwe ani kune vauchashandira asiwo inovaudza zvawakaita uye kuti nei vachikuda,” anodaro Nigel, anopa mazano ematsvakirwo ebasa muAustralia.

Unonyora sei CV? Nyora zita rako rakazara, kero, nhamba dzorunhare, uye kero yee-mail. Nyora chinangwa chako. Nyora dzidzo yawakawana, uchijekesawo kosi nounyanzvi hupi nohupi hune chokuita nebasa rauri kutsvaka. Nyorawo mashoko ane chokuita nebasa rawakamboshanda. Usangonyora zvawakaita chete asiwo mienzaniso yezvimwe zvinhu zvawaivavarira ukazviita uye kubatsira kwazvakaita vawaishandira. Uyewo jekesa zvinhu zvawakaita kwawaimboshanda zvinoratidza kuti unokwanisa kuita basa rauri kutsvaka iye zvino. Nyorawo mashoko anoratidza zvauri, unhu hwako, zvaunofarira, uye mabasa aunofarira. Sezvo zvinodiwa nemakambani zvichisiyana-siyana, ungafanira kugadzirisa CV yaunotumira kambani imwe neimwe.

Unofanira kunyora CV here kana uchitsvaka basa kokutanga? Hungu! Ungave une zvinhu zvakawanda zvawakaita zvinganzi une ruzivo nebasa. Somuenzaniso, une mabasa aunofarira here, akadai sokuveza kana kugadzira motokari dzekare? Unogona kunyora zvose izvi. Wakamboita chero basa ripi neripi rokuzvipira here? Nyora mhando yebasa rawakaita uye zvawaivavarira ukazviita.—Ona bhokisi rinoti “CV Yokuenzanisira Kune Vaya Vasina Kumboshandira Kambani.”

Kana usina kuonana newaungangoshandira, siya kadhi diki—rine upamhi hwemasendimita 10 uye rakareba masendimita 15—rine zita rako, kero, nhamba dzorunhare, uye kero yee-mail, nemashoko mapfupi anoratidza unyanzvi hwaunahwo nezvawakaita. Kuseri kwekadhi racho, kana zvakakodzera, unganamatidza mufananidzo wako kana wemhuri yako. Ipa kadhi iri vanhu vose vangakubatsira kuwana basa, uchivakumbira kuti varipe chero munhu wavanoziva ari kuda munhu webasa rauri kutsvaka. Waungazoshandira akaona kadhi iri, angakubvunzurudza—zvichida zvoita kuti uwane basa!

Kugadzira CV kuchakubatsira kuti unzwe wakadzikama pakutsvaka kwaunenge uchiita basa. Nigel, ambotaurwa, anoti: “Kunyora CV kunokubatsira kuti uronge pfungwa nevavariro dzako. Zvinoita kuti uvewo nechivimbo sezvo zvichikubatsira kugadzirira mibvunzo yaungabvunzwa pabvunzurudzo yebasa.”—Ona bhokisi riri papeji 7.

Nyatsogadzirira Bvunzurudzo Dzako Dzebasa

Chii chinodiwa pakugadzirira bvunzurudzo yebasa? Ungafanira kutsvakurudza mashoko ane chokuita nekambani yaunotarisira kuzoshandira. Ukazivawo zvakawanda nezvekambani yacho, unobva waratidzawo chaizvo kuti unofarira kambani yacho paunenge uchibvunzurudzwa. Zvauchatsvakurudza zvichakubatsira kuona kana kambani yacho ine basa chairo rauri kuda kana kuti iri iyo kambani yauri kuda kushandira.

Zvakare, funga nezvezvauchapfeka pabvunzurudzo yacho. Kana basa rauri kuda riri resimba, pfeka zvipfeko zvinokodzerana, zvakachena. Kupfeka zvakanaka uye zvakashambidzika kunoratidza wauri kuda kushandira kuti unodada nezvauri uye kuti ungangodadawo nebasa rako. Kana uchitarisira kuzoshanda muhofisi, sarudza zvipfeko zvine mwero zvinonzi ndizvo zvakakodzera kwaunogara. Nigel anoti: “Fanosarudza zvipfeko zvako nguva refu usati wava kuda kuenda kunobvunzurudzwa kuitira kuti usanzwe sokunge waitirwa zvechivhundumukira zvowedzera kuzvidya mwoyo usati wabvunzurudzwa.”

Nigel anotiwo zvakanaka kukurumidza kusvika nemaminitsi 15 kwauchabvunzurudzirwa. Asiwo kunyanya kukurumidza kusvika hakusi kuchenjera. Asi kunonoka kusvika kungava nengozi. Nyanzvi dzinoti masekonzi matatu okutanga paunenge uchibvunzurudzwa anokosha kwazvo. Munguva pfupi pfupi iyoyo, anokubvunzurudza anoongorora chitarisiko chako uye unhu hwako, izvo zvine zvazvinoita pamaonero aanozokuita. Kana ukanonoka, unotonyanya kuita kuti akuone zvisiri izvo. Yeuka, hapana mumwezve mukana waunozogona kugadzirisa maonerwe aunenge waitwa pakutanga.

Yeuka zvakare kuti anokubvunzurudza haasi muvengi wako. Handiti naiyewo angangodaro akanyorera basa rake, saka anoziva manzwiro aunenge uchiita. Kutaura zvazviri, angave achitotyawo, sezvo angave asina kudzidziswa kana kuti akadzidziswa zvishoma nezvokubvunzurudza. Uyezve, kana ari kubvunzurudza wacho ari muridzi webasa, ane zvakawanda zvaangarasikirwa nazvo kana akasarudza munhu asina kukodzera basa racho.

Kuti utange zvakanaka, nyemwerera uye kwazisa noruoko rwakagwinya achakubvunzurudza kana iri tsika yekwaunogara. Paunenge uchibvunzurudzwa, rerekera kune zviri kudiwa neanokubvunzurudza uye zvaunokwanisa kuitira kambani yacho. Nezvezvinhu zvokusaita, Nigel anoti: “Rega kubata-bata chino nechocho kana kugara wakangoti undundu—kugara wakatwasuka kunoratidza chivimbo. Usanyanya kuratidza ushamwari kana kutaurisa, uye rega zvachose kutaura mashoko anonyadzisira. Uyewo, usataura zvakaipa nezvemakambani awakamboshandira nevawaishanda navo—kana ukataura zvakaipa nezvavo, anenge achikubvunzurudza angangofunga kuti uchazodarowo nebasa iri.”

Nezvezvinhu zvokuita kana kutaura paunenge uchibvunzurudzwa, nyanzvi dzinoti zvakanaka kuita zvinotevera: Ramba uchitarisana neari kukubvunzurudza, uchishandisa nhengo dzomuviri wako sezvaunongoita mazuva ose, uye taura zvakajeka. Taura muchidimbu uye iva akavimbika paunopindura, uye bvunza mibvunzo yakakodzera nezvekambani yacho uye basa rauri kuda. Panopera kubvunzurudzwa, kana uchiri kuda basa racho, muudze kuti unorida. Ukadaro zvinoratidza kuti unorifarira.

Nokutevedzera mazano ari pamusoro apa, ungakurumidza kuwana basa. Kana wariwana, chii chaungaita kuti urichengetedze?

[Mashoko Omuzasi]

a CV zvinoreva kuti curriculum vitae.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

CV Yokuenzanisira Kune Vaya Vasina Kumboshandira Kambani

Zita Rako:

Kero Yako:

Nhamba Dzako Dzorunhare uye Kero yeE-Mail:

Chinangwa Chako: Ndiri kutsvaka chero basa muindasitiri inogadzira zvinhu.

Dzidzo: Ndakapedza kudzidza paHometown High School, muna 2004.

Makosi: Ndinoziva mitauro iyi, masvomhu, makombiyuta, kuveza.

Unyanzvi Hwandinahwo Nezvandinokwanisa: Ndinonyatsogona kushandisa maoko angu. Ndinogara ndichigadzira motokari yemhuri yedu. Ndakagadzira macheya emapuranga uye tafura kumba kwedu. Ndinofarira kushandisa unyanzvi hwangu hwemasvomhu pandinenge ndichiveza. Ndakamisa denga remba pane chimwe chirongwa chokuvaka ndisingabhadharwi. Ndinogona kushandisa makombiyuta emhando dzakawanda uye ndinofarira kudzidza mapurogiramu matsva.

Zvandiri: Ndakatendeka—ndakarovha chikoro kaviri chete mugore rangu rokupedzisa sekondari. Ndakavimbika—ndakadzorera chikwama chakanga charasika chaiva nemari kumuridzi wacho. Ndine ushamwari—ndinogara ndichiita basa rokuzvipira munzanga yedu uye ndinofarira kubatsira vakwegura. Zvemitambo—ndinofarira kutamba basketball. Mabasa andinofarira—ndinofarira kugadzira motokari uye kuveza.

Vokubvunza: Ndinokuudzai kana mukandikumbira.b

[Mashoko Omuzasi]

b Vanhu vaunoda kuti vazobvunzwa vangasanganisira mudzidzisi wako anonyatsokuziva kana kuti shamwari yomumhuri ine bhizimisi. Nokupa wauri kuda kushandira mazita aya kana akakumbira, unogona kukurumidza kuona kuti munhu uyu angangoda kuti umushandire. Iva nechokwadi chokuti vaya vaunenge wanyora kuti vazobvunzwa nezvako vabvumirana newe.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

Mibvunzo Yaungatarisira Pakubvunzurudzwa

❑ Uri kudirei basa iri?

❑ Nei uri kuda kushandira kambani ino?

❑ Chii chaunoziva nezvebasa iri/kambani ino/indasitiri ino?

❑ Wakamboita basa iri here?

❑ Michini yorudzii yaunokwanisa kushandisa?

❑ Une ruzivo rwakadini nezvebasa iri?

❑ Unyanzvi hupi hwaunahwo hungabatsira pabasa iri?

❑ Ndiudze nezvako.

❑ Mashoko api mashanu aunoti anonyatsorondedzera zvauri.

❑ Unogona kushanda basa parinenge rakawanda uye richidiwa nokukurumidza here?

❑ Nei wakasiya basa rawaimboita?

❑ Nei wanga usiri kushanda kwenguva yakareba chaizvo kudai?

❑ Wawakapedzisira kushandira aikuona sei?

❑ Wairovha basa kakawanda sei kwawaishanda?

x❑ Zvirongwa zvako zveremangwana ndezvei?

❑ Ungada kutanga basa rini?

❑ Zvii zvaunonyatsogona?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

Zvakadii Nezvevanobatsira Kutsvaka Basa vepaIndaneti?

Imwe nzvimbo huru yepaIndaneti inobudisa mashoko ane chokuita nebasa muUnited States ine maCV anosvika mamiriyoni 17 okuti vangada vashandi vasarudze uye pane mabasa 800-000 okuti vasina mabasa vafunge nezvawo. Ongororo dzinoratidza kuti vanhu vanosvika 96 muzana vari mune dzimwe nyika vanotsvaka mabasa vachishandisa Indaneti. Zvisinei, tsvakurudzo dzakabatanidzwa pamwe chete dzenyanzvi dzomunyika 40 dzinoratidza kuti vanhu vanokwana 5 muzana bedzi ndivo vanowana basa vachishandisa Indaneti.

Kuisa CV yako paIndaneti kunowedzera nhamba yemakambani anoda vashandi angaziva nezvako kuti uri kutsvaka basa, asi zvinoda kungwarira. Zvinowedzerawo mikana yokutsotswa. Kuti uzvidzivirire, nyanzvi dzomumaindasitiri dzinopa mazano aya:

1. Verenga zvinodiwa nevanotsvakira vanhu basa vachishandisa Indaneti usati waisa CV yako kwavari. Vamwe vanobudisa mashoko ane chokuita nebasa paIndaneti vanotengesa mashoko ako kumakambani akakura kana kune vanhu vangaafarira.

2. Isa CV yako kune vashomanana bedzi vane mukurumbira wakanaka wokutsvakira vanhu basa nepaIndaneti. Zvinokosha kuti uchengetedze mashoko ane chokuita newe kuti asashandiswe zvisiri izvo. CV yako haifaniri kumbova nemashoko angadiwa nembavha kuti ibe zvose zvine chokuita newe zvozokupinza mumatambudziko asingaperi emari. Makambani angakuda zvechokwadi haadi kuziva akaundi yako yokubhengi, nhamba yekadhi rako raunotengesa naro zvinhu, kana musi chaiwo wawakaberekwa.

3. Ngwarira vanoti vane basa asi vasinganyatsobudi pachena. Pam Dixon, mumwe mutsvakurudzi anoshanda neWorld Privacy Forum, anotaura kuti kana zvisina kujeka, pamwe basa racho hapanawo. “Mashoko asina kujeka seaya, ‘Tine mabasa anosvika zviuru’ kana kuti ‘Tinoshanda nemakambani makuru’ angwarire,” anodaro, achiwedzera kuti: “Kukumbirwa kuti utumire imwe CV itsva kunogona kukupinza muna taisireva.”

Yeuka kuti kunyange vanobudisa mashoko ane chokuita nebasa vakavimbika chaivo havagoni kutarisira zvose zvingaitika kuCV yako kana yangotorwa mashoko neangada kuti umushandire kana mumwe munhu angaifarira.

[Mufananidzo uri papeji 5]

BASA

Nyatsogadzirira kubvunzurudzwa

Gadzira CV ine zvose

Enderana nezviripo

Tsvaka mabasa asati ashambadzwa

Iva akarongeka

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvinoda kutsungirira uye kutsvakurudza chaizvo kuti uwane basa

[Mufananidzo uri papeji 8]

Kuzviitawo nenzira inoratidza kuti uri kufunga nezvebasa kuchakubatsira paunobvunzurudzwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe