Zuva Romuchato—Rinofadza Asi Rinonetsa
BHAIBHERI rinoratidza kuti ndiJehovha Mwari—uyo anoziva vanhu zviri nani kukunda ani naani zvake—akatungamirira pamuchato wokutanga. Akaita kuti kuroorana kuve chinhu chikuru munzanga yevanhu. (Genesi 2:18-24) Uye muShoko raMwari rakafuridzirwa, tinowana mashoko akawanda anogona kutibatsira patinenge tichigadzirira muchato.
Somuenzaniso, Jesu akati vaKristu vanofanira ‘kudzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari.’ (Mateu 22:21) Saka vanofanira kuteerera mutemo womunyika mavo. Muchato unotevera zvinodiwa nemitemo unodzivirira vari kuroorana vacho munzira dzakawanda, zvakadai sokutaura zvavanofanira kuitira vana (kusanganisira kuvariritira uye kuvaendesa kuchikoro) uye kodzero dzenhaka. Panewo mitemo yakanangana nokudzivirira nhengo dzemhuri kuti dzisabatwa zvisina kunaka kana kudzvinyirirwa.a
Kugadzirira
Kana mukomana nomusikana vangobvumirana chete kuti vari kuda kuroorana uye kuti muchato wacho uchawirirana nezvinotaurwa nemitemo yeBhaibheri nemitemo yenyika, ndezvipi zvinhu zvinoda kufungwa nezvazvo? Izvi zvinosanganisira zuva uye rudzi rwomuchato unodiwa.
“Zvingava kuti zviri kufungwa nevanoda kuchata hazvinyatsowirirana nezviri kudiwa nevabereki, uye vangashaya kuti zvino voita sei, zvavanoda here kana kuti zviri kudiwa netsika yemhuri dzavo,” rinodaro rimwe bhuku nezvenyaya iyi. Chii chingaitwa? “Hapana mhinduro dziri nyore, kunze kwokuteerera zvakanakanaka, kukurukura zvinetso, uye kubvumirana pane chinhu chimwe chete. Inguva inonetsa munhu wose mupfungwa, uye kumboti fungei uye kunzwisisa zvinobatsira chaizvo mune remangwana kuita kuti kugadzirira kwacho kwose kufambe zvakanaka.”—The Complete Wedding Organiser and Record.
Kunyange zvazvo vabereki vanoda vana vavo vachikwanisa kuita zvakawanda kuti muchato wacho ufambe zvakanaka, vanofanira kurega kumanikidza zvavanoda pavana vavo. Kune rimwe divi, kunyange zvazvo zvisarudzo zvokupedzisira zvichiitwa nomukomana nomusikana vari kuda kuchata, vanofanira kuteerera mazano anokwanisa kuvabatsira. Pavanenge vachisarudza kuti voteerera zvipi, vaviri ava vanoita zvakanaka kuyeuka zano reBhaibheri rokuti: “Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinobetsera. Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinovaka. Mumwe nomumwe ngaarambe achitsvaka, kwete zvake oga, asi zvomumwe munhu.”—1 VaKorinde 10:23, 24.
Kugadzirira kunobatanidza zvinhu zvakawanda, kubva pakutumira makadhi kusvika pakugadzirira mabiko. “Kana kugadzirira uku kukava kwakarongeka, kunyatsofunga uye kuronga kunodiwa, uye izvi zvichaderedza mikana yokuva nezvinetso uye kuneta kwakanyanya,” anodaro H. Bowman mubhuku rake rinonzi Marriage for Moderns. Anoyambira achiti, “Kunyange apo zvinhu zvinenge zvarongwa nenzira yakanakisisa iripo, pangava nokuneta kwakati, uye zvine musoro kuedza kuita zvose zvinobvira kuderedza kuneta kwakadaro.”
Pachava nemabasa okuita uye kutandadza vaenzi. Shamwari nenhengo dzemhuri vangabatsirawo here? Zvinhu izvo vachati vasingafaniri havo kuita ivo pachavo zvingapiwa kune vamwe vanhu vanokwanisa kuti vaite here?
Mari Yokushandisa
Zvakanaka kusanyanya kushandisa mari yakawanda. Hazvina musoro uye hakusi kuratidza rudo kutarisira kuti vanoda kuchata kana kuti vabereki vavo vasare vaine chikwereti kuti pave nomuchato wavasingakwanisi kubhadhara. Kunyange vamwe vane mari yokuita muchato wemaoresa vanosarudza kuita muchato une mwero. Chero zvazviri, vamwe vachati vakaona zvakanaka kunyora pasi mari yavanofungidzira kuti ingada kushandiswa uye mari yacho chaiyo inoshandiswa. Zvingabatsirawo kuva nepepa rakanyorwa misi inofanira kunge ichiitwa zvimwe zvinhu zvinofanira kurongwa. Kuedza kuyeuka mazuva aya nomusoro kunogona kuva kunonetesa.
Muchato uchadya marii? Mitengo yezvinhu inosiyana nzvimbo nenzvimbo, asi chero kwaunogara, zvingava zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Tinokwanisa kubhadhara mari yezvinhu zvose zvataronga here? Zvinokosha zvechokwadi here?’ Tina, mumwe mudzimai achangobva kuchata, akati: “Zvimwe zvinhu zvataifunga kuti zvinofanira ‘kuvapo’ panguva iyoyo zvakazoonekwa kuti zvakanga zvisina basa.” Funga zano rakapiwa naJesu rokuti: “Ndiani wenyu anoti kana achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi overenga zvinodiwa, kuti aone kana ane zvakakwana zvokuipedza nayo?” (Ruka 14:28) Kana musingakwanisi kubhadhara mari yezvose zvamunoda, bvisai chimwe chinhu. Kunyange kana muine mari yakawanda, mungada kuita zvinhu zviri nyore.
MuItaly, imwe shoo yakaitwa yokuda kuti vanhu vazive nezvokuti muchato muItaly ungadya marii pazvinhu zvomwenga chete. Kupoda-poda uye kugadzirwa musoro, US$450 (Z$24 750); kuhaya motokari yemberi, $300 (Z$16 500); kutorwa vhidhiyo musi wacho, $600 (Z$33 000); arubhamu yokuisa mifananidzo yomuchato (mifananidzo haisanganisirwi apa), $125 500 (Z$6 875-27 500); maruva, kubvira pa$600 (Z$33 000); machikichori, $45-90 (Z$2 475 4 950) pamunhu; gauni, inodarika $1 200 (Z$66 000). Pachifungwa nezvokukosha kwechiitiko chacho, kuda kuita chimwe chinhu chakanaka kunonzwisisika. Asi zvose zvinoitwa zvinofanira kuitwa zviine mwero.
Kunyange zvazvo vamwe vachishandisa mari yakawanda chaizvo, vamwe vanofara kushandisa mari shoma—kana kuti vanodaro nokuti havana zvimwe zvokuita. “Tose takanga tiri mapiyona [vaevhangeri venguva yakazara], uye takanga tisina mari, asi zvakanga zvisina basa,” akadaro mumwe mudzimai. “Vamwene vangu vakatenga jira rokusona dhirezi, uye imwe shamwari yakarisona chikava chipo chake chomuchato. Murume wangu akanyora noruoko makadhi okukoka vanhu, uye imwe shamwari yatinonamata nayo yakatibatsira nemotokari. Kana ari mabiko, takatenga zvinokosha, uye mumwe munhu akatipa waini. Zvakanga zvisiri zvokushamisira, asi zvakanga zvakakwana.” Maererano nomumwe murume, kana mhuri uye shamwari dzikabatsira, “mari inoshandiswa inoderedzwa chaizvo.”
Zvisinei kuti vane mari yakawanda zvakadini, vaKristu vanoedza kusaita zvinhu zvinopfuuridza mwero, kufanana nenyika, kana kuda kuonererwa. (1 Johani 2:15-17) Zvinosuruvarisa chaizvo kudai chinhu chinofadza chakadai somuchato chikaita kuti mumwe munhu atadze kuita zvinodiwa neMagwaro zvine mwero. Magwaro anonyevera nezvokunyanya kudyisa, kunwisa, kana chinhu chipi nechipi chingavhiringa munhu kuti azonzi haana “chaanopomerwa.”—Zvirevo 23:20, 21; 1 Timoti 3:2.
Usaita zvinoitwa nevakawanda zvokuda kuita michato mikuru uye yakanaka kukunda yevamwe. Funga nezvemaveil (jira rinopfekwa mumusoro nomwenga) emaoresa akapfekwa nevamwe vasikana vaviri mune imwe nyika—rimwe veil rakanga rakafara mamita 13 uye rairema makirogiramu 220; rimwe rakanga rakareba mamita 300, richida kuti vaperekedzi vomusikana 100 varisimudze. Izvi zvingava zvinowirirana nezvinotaurwa neBhaibheri nezvokuva nomwero here kana munhu akatevedzera zvakadaro?—VaFiripi 4:5.
Tsika Dzinofanira Kutevedzerwa Here?
Tsika dzepamuchato dzinosiyana munyika nenyika, saka zvakaoma kuti titaure dzose pano. Pavanosarudza kuti vachatevera tsika dzakati kuti here kana kuti kwete, vachati vangaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Dzinorevei? Dzine kudavira mashura kune chokuita nokuunza rombo rakanaka kana kuti kuita kuti tizvare vana vakawanda here—zvakadai sokumwaya mupunga kuvachangobva kuchata? Zvakabatana nokunamata kwenhema kana kuti dzimwe tsika dzinoshorwa neBhaibheri here? Hadzina musoro here kana kuti hadziratidzi rudo here? Dzinganyadzisa kana kugumbura vamwe here? Dzingamutsa mibvunzo nezvevavariro dzevachati here? Hadzina kunaka here?’ Kana paine kusava nechokwadi nezveimwe yepfungwa idzi, zvingava zvakanaka kurega kutevera tsika iyoyo, uye kana zvichiita, itai kuti vachavapo vazive zvamasarudza pachine nguva.
Kufara Nokusuwa
Zuva romuchato rinogona kuva rinofadza uye rinochemedza. “Mufaro wacho wakanga wakanyanya, zvaiita sokuti chinhu chandaida zvikuru chakanga chaitika,” anodaro mumwe mudzimai. Mumwe murume anoti: “Rakanga riri zuva rakaipa zvikuru uye rakanaka zvikuru muupenyu hwangu. Vanatezvara vangu vakanga vachichema nokuti ndakanga ndiri kuvatorera dangwe ravo, mudzimai wangu akanga achichema nemhaka yokuti aiona vabereki vake vachichema uye, pakupedzisira ndakatangawo kuchema nokuti ndakanga ndisingachakwanisi kuzvidzora.”
Zvinoitika zvakaita seizvi hazvifaniri kukunetsa—zvinokonzerwa nokunetseka. Uye hazvifaniri kukushamisai kana mhuri dzenyu, kunyange imi muri kuchata, mukambotadza kuwirirana pane chimwe chinhu. Handiti kanenge kari kokutanga kuronga zuva rakaita seiri muri pamwe chete here, uye mufaro wacho unoita kuti zvimwe zvamunoita zvive zvisina kunaka pamwe pacho,” rinodaro bhuku rinonzi The Complete Wedding Organiser and Record. “Hazvibatsiri kutsamwa nokuti zvinhu hazvisi kufamba semarongerwo azvanga zvakaitwa; kubvunza vamwe panguva yakaita seiyi kunobatsira zvokuti.”
Mumwe murume akati: “Zvandingadai ndakaita, zvandisina kuita, kuva nomumwe munhu anondipa mazano wokuti ndiudze zvinenge zviri pasi pomwoyo wangu.” Ndiani angakwanisa kuita basa iroro kunze kweshamwari kana hama ine ruzivo yomuungano yechiKristu?
Vabereki pavanoona mwana wavo achibva pamba, vangafara, kudada, kutya uye kuvhunduka panguva imwe chete. Zvisinei, vanofanira kuziva kuti nguva yasvika yokuti mwana wavo “asiye baba vake naamai vake” onamatira mudzimai wake vova “nyama imwe” sezvakanga zvichidiwa noMusiki. (Genesi 2:24) Vachitaura zvavakaita pachavo apo mwanakomana wavo wedangwe akaroora, vamwe amai vanoti: “Pakanga pane misodzi, asi kuwedzera pane yokusuwa, paiva nemisodzi yokufara kuti takanga tava nomuroora akaisvonaka.”
Kuita kuti chiitiko chacho chifadze uye chivake, vabereki—kufanana nevari kuchata—vanofanira kuratidza kushandira pamwe, kudzikama, kusava noudyire uye kushivirira kunoitwa nevaKristu.—1 VaKorinde 13:4-8; VaGaratiya 5:22-24; VaFiripi 2:2-4.
Vamwe vasikana vanotyira kuti chimwe chinhu chichakanganisika chaizvo pazuva ravo romuchato—kuti zvichida motokari ichaponja vhiri vononoka kusvika kunzvimbo yomuchato, kuti kunze kuchange kusina kumira zvakanaka, kana kuti gauni romuchato richabvaruka zvisingagadziriki muchato wava kuda kutoitwa. Zvichida hapana kana chimwe chete cheizvi chichaitika. Zvisinei, ona zvinhu sezvazviri. Hazvisi zvinhu zvose zvinofamba zvakanaka. Tinofanira kutarisira zvipingamupinyi. (Muparidzi 9:11) Edzai kuramba muchifara kunyange zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka, uye rambai muchitarira kuti zvichaita zvakanaka. Kana paine chinenge chakanganisika, yeukai kuti mumakore ari kutevera, mungaseka nezvazvo pamunenge mava kuudza vamwe nyaya yacho. Musarega zvinhu zviduku zvinenge zvakanganisika zvichidzongonyedza mufaro womuchato.
[Mashoko Omuzasi]
a Panyaya iyi, nyika dzinoverengeka dzinorambidza barika, makunakuna, chitsotsi, kurovana mudzimba, uye kuroora kwevaduku.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
“Zvimwe zvinhu zvataifunga kuti zvinofanira ‘kuvapo’ panguva iyoyo zvakazoonekwa kuti zvakanga zvisina basa.”—TINA, MUMWE MUDZIMAI AKACHATA
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 25]
MUENZANISO WOKUGADZIRIRA KWAMUNGAITAb
Pachine mwedzi 6 kana kuti inopfuura
❑ Kurukura zvirongwa neachazova murume kana mudzimai wako, hama dzenyu dzepedyo uye vabereki
❑ Sarudzai muchato wamunoda kuita
❑ Rongai bhajeti
❑ Onai zvinodiwa nemitemo yokwenyu
❑ Tsvakai nzvimbo yomuchato
❑ Tsvakai munhu achatora mifananidzo
Pachine mwedzi 4
❑ Sarudzai mbatya (kubva pane dziripo), kutenga, kana kusona mbatya dzokupfeka pamuchato
❑ Odhai maruva
❑ Sarudzai uye gadzirisai makadhi omuchato
Pachine mwedzi 2
❑ Tumirai makadhi omuchato
❑ Tengai marin’i
❑ Tsvakai mapepa anodiwa
Pachine mwedzi 1
❑ Edzai mbatya dzomuchato
❑ Yeuchidzai vanhu vemaodha nevaya vamakaita zvibvumirano navo
❑ Nyorai tsamba dzokutenda kune vose vakatotumira zvipo
Pachine mavhiki 2
❑ Tangai kuendesa mbatya nezvinhu kuimba itsva
Pachine vhiki 1
❑ Ivai nechokwadi chokuti vose vachabatsira vanoziva zvavanenge vachiita
❑ Rongai kuti zvinhu zvose zvichahayiwa kana kukweretwa zvizodzoserwa
❑ Ipai vamwe mabasa api neapi angavapo
[Mashoko Omuzasi]
b Izvi zvinogona kugadziridzwa kuti zviwirirane nezvinodiwa nemitemo yomunzvimbo yenyu uye zvamunoda pachenyu.
[Mufananidzo uri papeji 26]
“Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe pajoko naMwari”