RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 July p. 19
  • Unogona Kunzvenga Kukwegura Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kunzvenga Kukwegura Here?
  • Mukai!—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Vakwegura Vari Kuwedzera Munyika
    Mukai!—1999
  • Nei Tichikwegura?
    Mukai!—2006
  • Vanhu Havadi Kufa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Unogona Kuva Netariro Yokurarama Nokusingaperi Here?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 July p. 19

Unogona Kunzvenga Kukwegura Here?

“Upenyu hwedu hunokwana makore ana makumi manomwe—kana takasimba, makore ana makumi masere; . . . upenyu hunokurumidza kupera, nesu tichikurumidzawo kuenda.”—PISAREMA 90:10, BHAIBHERI RINOERA.

FUNGIDZIRA zvako uchingorarama uine simba rouduku. Chimbofungidzira uine utano hwakanaka nepfungwa dzakachangamuka dzisingakweguri. Kwauri tariro iyi yakaisvonaka inoita seyokufungidzirawo zvayo here? Asi chimbofunga nezvechokwadi ichi chinoshamisa: Kunyange zvazvo dzimwe shiri dzinonzi maparoti dzichirarama makore anosvika kuzana, kashoma kuti mbeva dzirarame zvokupfuura makore matatu. Kusiyana mumakore okurarama uku kwakaita kuti dzimwe nyanzvi dzezvinhu zvipenyu dzifunge kuti kukwegura kunokonzerwa nechimwe chinhu uye kuti kana kukwegura kuine chinokukonzera, kungangova nomushonga.

Kutsvakurudza zvinonyatsorapa kukwegura kwakaita kuti makambani emishonga agadzire mishonga mitsva. Uyezve, kuvanhu vakaberekwa pashure pehondo yenyika yechipiri uye vava kusvitsa makore 60, kutsvaka nzira yokuti vanonoke kukwegura ndiyo nyaya yavanongogara vachifunga.

Kuongorora kukwegura kwava kukosheswawo nevatsvakurudzi vakawanda vezvemasero okutodza, vezvokuumbwa nokushanda kunoita makemikari ezvinhu zvipenyu, vezvemhuka, uye vezvokukwegura. Bhuku rinonzi Why We Age, rakanyorwa naSteven Austad, rinoti: “Iye zvino panosangana vanodzidza nezvokukwegura panenge paine mufaro chaizvo. Tava pedyo nokuziva zvinhu zvinokonzera kukwegura.”

Pane pfungwa dzakawanda dzinotaura kuti kukwegura kunokonzerwa nei. Imwe yacho inoti kukwegura kunokonzerwa nokukuvara kwemasero; imwewo inoti zvakangogara zvakarongwa kuti tinofanira kufa pane imwe nguva. Vamwe vanoti zvose zvakarurama. Kukwegura kunonyatsonzwisiswa zvakadii? Pane chikonzero here chokuti titarisire mushonga unonyatsorapa kukwegura?

[Mufananidzo uri papeji 19]

Dzimwe shiri dzinonzi maparoti dzinogona kurarama makore 100, asi vanhu vanorarama makore anenge 80. Vatsvakurudzi vanobvunza kuti: “Kukwegura kunokonzerwa nei?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe