Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kuitei Noupenyu Hwangu?
“Pakutanga, ndaisava nehanya nezvenguva yemberi. Asi sezvandakanga ndava kunopedza chikoro, ndakaziva kuti ndakanga ndava kuenda munyika chaiyo, ine mabasa chaiwo uye zvikwereti chaizvo.”—Alex, 17.
UCHIRI mwana, wakambofungidzira zvawaizova kana wakura here? Unonzwa sei nezvido zvakadaro zvino? Unovhiringidzika here kuti uchazvitarisira sei kana wakura? Kana zvakadaro, hausi woga. “Kusarudza basa rauchazoita chinhu chakaoma zvikuru chinosangana nevanhu vaduku,” rinodaro bhuku rinonzi Career Coaching Your Kids.
Asiwo panguva ino ungave usiri kufunga nezvebasa. Zvichida unongofunga nezvokunakidzwa. Hapana chakaipa nokunakidzwa, nokuti Bhaibheri rinokuudza kuti “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako.” (Muparidzi 11:9, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kunyange zvakadaro, ino ndiyo nguva yokutanga kufunga pamusoro pokuti uchaitei noupenyu hwako. “Munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake,” ndizvo zvinotaura Zvirevo 14:15. Iwe ungafunga sei nezvoupenyu hwako?
“Ziva Kwawakananga”
Fungidzira uchironga rwendo rwauchafamba makiromita akawanda kubva pamba. Zvichida, uchatanga watarisa mepu kuti uone nzira yakanaka yokutora. Zvakangofanana nokuronga nguva yako yemberi. “Une zvinhu zvakasiyana-siyana zvaungasarudza,” anodaro Michael, rimwe jaya rinoshanda pane imwe hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Pane zvose zviripo, uchasarudza sei? “Zvine chokuita nechinangwa,” anodaro Michael.
Funga nezvechinangwa chako sokunge kuti ndiko kwauri kuenda. Haungasviki kana ukangotenderera-tenderera zvisina maturo. Tingati zvinotova nani kuti utore mepu woronga nzira yaunofanira kutora. Ukadaro unenge uchiteerera zano riri pana Zvirevo 4:26, rinoti: “Enzanisa nzira yetsoka yako.” Contemporary English Version rinorondedzera ndima iyi nenzira iyi: “Ziva kwauri kuenda.”
Mumakore ari kutevera, pane zvakawanda zvauchasarudza zvinokosha pamusoro pokunamata, basa, kuroora, mhuri uye zvimwe zvinhu zvinokosha. Zvichava nyore kusarudza nokuchenjera kana pakutanga ukaziva kwauri kuenda. Sezvaunoronga mafambiro auchaita muupenyu, pane chinhu chausingafaniri kukanganwa.
“Yeukawo Musiki Wako”
Kana uchida kufara zvechokwadi, unofanira kufungisisa mashoko aMambo akachenjera Soromoni okuti: “Yeuka Musiki wako uchiri mudiki.” (Muparidzi 12:1, Today’s English Version) Mararamiro aunosarudza muupenyu anofanira kutungamirirwa nechido chokufadza Mwari.
Nei izvozvo zvichikosha? Pana Zvakazarurwa 4:11 Bhaibheri rinoti: “Jehovha, imi Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa nokuremekedzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” Chokwadi, zvisikwa zvose kudenga nepanyika zvine chikonzero chokuonga Musiki. Unoonga kuti akakupa “upenyu nemhepo yokufema nezvinhu zvose” here? (Mabasa 17:25) Haunzwi uchida kupa Jehovha Mwari chimwe chinhu kuratidza kuonga zvose zvaakakupa here?
Vechiduku vakawanda pakati peZvapupu zvaJehovha vakasarudza kuita basa renguva yakazara, kuratidza kuti vanoyeuka Musiki wavo. Chokwadi ndechokuti, basa renguva yakazara ibasa rine chinangwa chinokudzwa, uye rinounza zvikomborero zvakawanda. (Maraki 3:10) Zvisinei, kufanofunga kunodiwa. Somuenzaniso, zvibvunze kuti, ‘Mano api uye unyanzvi hupi zvandiinazvo zvandinogona kushandisa kuti ndizvitsigire muushumiri hwenguva yakazara?’
Kelly, ava nemakore 27, akatanga nokuronga achiri muduku. Aiva nechinangwa chokupinda muushumiri hwenguva yakazara. Paakanga ava kusvika makore makumi maviri, Kelly akatanga “kusarudza nzira yake” panyaya yebasa. “Ndaifanira kusarudza basa raizoita kuti ndizvitsigire muushumiri hwangu,” anodaro.
Kelly akadzidza kuchikoro chokusekondari chinodzidzisa basa, kuti azova mubatsiri wachiremba wemazino. Akatohwina mubayiro wemakwikwi akaitiswa nehurumende. Asi kubudirira kwake hakuna kumuita kuti akanganwe chinangwa chake chokutanga. “Ushumiri hwenguva yakazara ndihwo hwandakanga ndichida kuita,” anodaro Kelly. “Zvimwe zvose zvaizova munzvimbo yechipiri.” Kelly achiri kunakidzwa noushumiri hwenguva yakazara. Iye anoti: “Ndinonzwa kuti zvandakasarudza ndizvo zvakanakisisa.”
Bvunza Nzira
Ngatiti uri kufamba munzvimbo yausingazivi, pane imwe nguva ungada kubvunza vanhu kuti ungafamba sei—kunyange ungava nemepu. Unogona kuita izvozvo pakuronga nguva yako yemberi. Tsvaka mazano kune vamwe. Zvirevo 20:18 inoti: “Zvirongwa zvinosimbiswa kwazvo nokupanana mazano.” Zvechokwadi, vabereki vako ndivo vamwe vanokwanisa kukubatsira. Unogonawo kutsvaka mazano kuvaKristu vane ruzivo mune zvokunamata vane upenyu hunoratidza uchenjeri hwaMwari. “Tarisa kune vaya vane muenzaniso wakanaka vakadai sevakura vari muungano yenyu kana munzvimbo iri pedyo,” anokurudzira kudaro Roberto. “Vangakuudza zvinhu zvausina kumbofunga nezvazvo.”
Kupfuura munhu wose, Jehovha Mwari anoda kukubatsira kuti usarudze zvinhu zvichakupa mufaro wakakura muupenyu hwako. Saka mukumbire kuti akubatsire ‘kuramba uchinzwisisa zvaanoda’ pamusoro penguva yako yemberi. (VaEfeso 5:17) Kana ukavimba naJehovha nomwoyo wako wose, “iye acharuramisa makwara ako.”—Zvirevo 3:5, 6.
Nyaya dzakawanda dzinobuda panyaya dzinotevedzana dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” dzinokwanisa kuwanika paIndaneti www.watchtower.org/ypa
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
◼ Une mano uye unyanzvi hupi?
◼ Ungafunga nezvenzira idzo unyanzvi uhwu hungashandiswa kurumbidza Jehovha here?
◼ Nderipi basa renguva yakazara rataurwa munyaya ino rinonyanya kukufadza?
[Bhokisi riri papeji 16]
NZIRA ISINA KWAINOENDA
Bhaibheri rinoti: “Vaya vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.” Nzira yokupfuma yakazara nemakomba! Chokwadi, inogona kunogumira muzvikwereti, kushushikana, uye kufa mune zvokunamata.—1 Timoti 6:9, 10.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 17, 18]
KUPAYONA
Muparidzi piyona, muKristu ane muenzaniso wakanaka, akabhabhatidzwa akaronga kupedza maawa asiri pasi pe70 mwedzi nomwedzi achiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Kubva mukudzidziswa nokuva noruzivo, mapiyona anova nounyanzvi hwokudzidzisa Shoko raMwari.
BASA REPABHETERI
Nhengo dzemhuri yeBheteri dzinoshanda muzvivako zvemapazi eZvapupu zvaJehovha, dzichibatsira mukugadzirwa, kubudiswa, uye kutumirwa kwemabhuku eBhaibheri. Mabasa ose epaBheteri iropafadzo yebasa dzvene kuna Jehovha.
KUSHANDA KUNZVIMBO INODIWA VAPARIDZI
Mamwe mapiyona anokwanisa kunoshanda kunzvimbo inodiwa vaparidzi voUmambo. Vamwe vanodzidza mumwe mutauro voshanda mune imwe nyika kana kushanda neungano inoshandisa mutauro iwoyo.
BASA RENYIKA YOSE
Vashumiri vomunyika yose vanofamba vachienda kune dzimwe nyika vachiita basa rokuvaka Dzimba dzoUmambo uye zvivako zvemapazi. Urwu ndirwo rumwe rudzi rwebasa dzvene, rakafanana nebasa revaya vakavaka temberi yaSoromoni.—1 Madzimambo 8:13-18.
CHIKORO CHOKUDZIDZISA VASHUMIRI
Kosi yevhiki sere inodzidzisa vakuru nevashumiri vanoshumira vasina kuroora vanonyatsokwanisa nezvenhau dzesangano uye kudzidzisa pamberi pevanhu. Vamwe vanenge vapedza kosi vanokumbirwa kunoshanda munyika yavo, uye vamwe vanotumirwa kune dzimwe nyika.
BASA ROUMISHINARI
Mapiyona anokodzera ane utano hwakanaka uye akasimba anodzidziswa nechinangwa chokunoita basa kune dzimwe nyika. Mamishinari anorarama upenyu hunonakidza hunogutsa.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 17]
NDICHAITEI NOUPENYU HWANGU?
Vhidhiyo iyi, iri mumutauro wechirungu yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, inobvunzurudza vechiduku vokuBrazil, Britain, Germany uye United States. Munguva pfupi ichange yava kuwanikwa mumitauro yakawanda.
[Mufananidzo uri papeji 16]
“Zvose zvine chokuita nechinangwa.”—Michael, nhengo yemhuri yeBheteri
[Mufananidzo uri papeji 17]
“Hapana chimwe chinhu chakanaka seizvi chandaigona kusarudza.”—Kelly, ave ari piyona kwemakore matanhatu
[Mufananidzo uri papeji 18]
“Tarisa vaya vari mienzaniso yakanaka.”—Roberto, nhengo yemhuri yeBheteri