Zvinotaura Bhaibheri
Unogona Kubatsira Vakafa Here?
“Kubvira pakutanga Chechi yave . . . ichinyengeterera [vakafa] . . . kuitira kuti kana vatsveneswa, vazowana mufaro unobva pakuona Mwari.”—“Katekisimo yeChechi yeKaturike.”
VANHU vemarudzi ose vanonetseka pamusoro pevakafa. Zvimwe wakamborwadziwa kana kunzwa wapererwa pawakafirwa nomunhu waunoda. Unganetseka kuti vakafa vanoramba vachiziva here, kuti vari kutambura kana kuti vari murugare here, uye kana paine chimwe chinhu chaunogona kuita kuti uvabatsire.
Vanhu vakawanda vanoenda kuchechi vanodavira kuti vanogona kubatsira vakafa. Somuenzaniso, vaHindu vanodavira kuti kana vakapisa chitunha chomunhu wavanoda vari pamhenderekedzo yoRwizi Ganges vomwayira madota acho mumvura, mweya womunhu wacho uchanogara uchifara nokusingaperi. Munyika dzokumabvazuva, vaBuddha vanopisa zvinhu zvakagadzirwa nemapepa zvakaita semota, dzimba, mbatya nemari vachifunga kuti vakafa vachazoshandisa zvinhu izvozvo munyika yavanenge vaenda. MuAfrica, doro rinodururirwa pamakuva nepfungwa yokuti chipo ichi chibatsire vakafa.
VaKaturike vanodzidzisa kuti kana munhu akafa, asina kupfidza chimwe che“zvivi zvakakomba,” anenge azvibvisa pana Mwari. Mamiriro ezvinhu aya “anonzi ‘hero.’” Uyewo, inodzidzisa kuti munhu anofarirwa naMwari angava netariro “yokufara zvikuru kwazvo” naMwari kudenga, asi anofanira kutanga acheneswa zvakakwana. Kucheneswa kungada kuti apedze nguva ari mupurigatori achitsungirira “kucheneswa nomoto” sechirango chezvivi zvinogona kuregererwa. Zvisinei, munhu wacho paanenge ari mupurigatori, anogona kubatsirwa neminyengetero—kunyengeterera mweya kunoitwa kuchechi—uyewo neMisa dzaanoitirwa. Minamato yakadaro inowanzobhadharwa neshamwari nehama dzomufi.
Zviri muropa kuti ude kuita zvose zvaunokwanisa kuti uderedze marwadzo chero api zvawo evanhu vaunoda. Dai zvaiita kuvabatsira, Mwari angadai asina kutsanangura here zvakajeka kuti zvingaitwa sei? Ngatimboonai zvinodzidziswa neBhaibheri nezvokubatsira vakafa.
Mamiriro Ezvinhu Evakafa
Zvinhu zvose zvataurwa pamusoro apo zvinobva pakudavira kusafa kwomweya, kureva kuti, chikamu ichocho chomunhu chinoramba chichirarama muviri wake wenyama paunofa. Ndizvo zvinodzidziswa neBhaibheri here? Rinoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva, havasisina kana mubayiro, nokuti zvose zvingayeukwa nezvavo zvakanganwika. Uyewo, rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara, havasisinazve mugove nokusingagumi pazvose zvinofanira kuitwa pasi pezuva. Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose, nokuti muSheori, iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” (Muparidzi 9:5, 6, 10) Sheori ishoko rechiHebheru rinongoreva guva rinoenda vanhu vose.
Nezvokuti munhu anenge afa anenge achiri kuziva here munyori wepisarema akafuridzirwa akati: “Simba rake roupenyu rinobuda, iye odzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.”—Pisarema 146:4.
Mashoko ari muBhaibheri ndeechokwadi uye ane musoro. Unofungei? Baba vane rudo vangaita kuti vana vavo vatambure here nechikonzero chokuti vanotadza nokuti vakaberekwa vakadaro? (Genesisi 8:21) Chokwadika kwete. Saka Baba vedu vokudenga vaizoitirei zvinhu zvakafanana naizvozvi? Vamwe vaIsraeri vekare pavakatanga tsika yechihedheni yokupisira vana vavo kuna vanamwari venhema, Jehovha akashora tsika iyoyo yaisemesa, achiitsanangura se‘chinhu chaakanga asina kuvarayira uye chakanga chisina kumbouya mumwoyo make.’—Jeremiya 7:31.
Zvivi zvomunhu zvinoita kuti afe, kwete kuti atambure kana afa. Magwaro anoti, “Mubayiro wechivi ndirwo rufu,” uye “uya anenge afa asunungurwa pachivi chake.”—VaRoma 5:12; 6:7, 23.
Vakafa havasi kutambura. Asi zvakaita sokuti vakarara, vasingazivi—vasinganakidzwi kana kuitawo chimwe chinhu. Saka hazvingashamisi kuti, zvose zvinoedza kuitwa nevanhu kuti vabatsire vakafa zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri.
Vakafa Vane Tariro Yei?
Izvozvo hazvirevi kuti vaya vaunoda vakafa vacharamba vasina chavanoziva nokusingaperi. Asi tariro yavo yakajeka.
Asati amutsa shamwari yake yaaida zvikuru Razaro, Jesu akati akanga achienda kuti ‘anomumutsa muhope.’ (Johani 11:11) Pane imwe nguva akataura kuti “vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda.” (Johani 5:28, 29) Zvivi zvekare zvevachamutswa zvinenge zvatoregererwa uye havazotamburi nezvezvavakaita pavakanga vachiri vapenyu. Vachawana mukana wokudzidza kuti vanakidzwe noupenyu mumamiriro ezvinhu akanaka. Itariro inofadza zvikuru!
Kana tariro iyoyo ichikufadza, usazeza kunyatsoongorora kana zvakapikirwa izvi zviri zvechokwadi. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira.
WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?
◼ Vakafa vane chavanoziva here?—Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5, 6, 10.
◼ Mwari angaita kuti vakafa vatambure muhero yomoto here?2—Jeremiya 7:31.
◼ Kune tariro yevakafa here?—Johani 5:28, 29.