Ndoupi Uri Mugariro Wavakafa?
KUTYA vakafa kwakavakirwa pamugariro mumwe—kuti mufi ane mweya kana kuti mudzimu unopfuurira kurarama pashure porufu. Kana Bhaibheri richidzidzisa zvakajeka kuti uyu murangariro ndowenhema, ipapo mubvunzo wokuti vakafa vanogona kukukuvadza here unopedzwa chose. Naizvozvo, ipapoka, chii chinotaura Bhaibheri?
Pamusoro pomugariro wavakafa, Shoko raMwari rinoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi. Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachina mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.”—Muparidzi 9:5, 6.
Nemhaka yaikoko, vakafa vanogona kukubetsera kana kuti kukukuvadza here? Aiwa, anodaro Magwaro. Vakafa havazivi uye vakanyarara. Havakwanisi kukurukura navapenyu kana kuti kuratidzira murangariro upi noupi—rudo kana kuti ruvengo—kana kuti kuita chiito chipi nechipi. Haufaniri kutongovatya.
‘Eya, hungu, ikoko kungava kwechokwadi kana uchinongedzera kurufu rwomuviri wenyama,’ vamwe vangadaro. ‘Asi rufu rwomuviri hausi mugumo woupenyu; runongosunungura zvarwo mudzimu mumuviri. Mudzimu iwoyo ungagona kubetsera kana kuti kukuvadza vapenyu.’ Mamiriyoni avanhu mupasi rose anorangarira nenzira iyoyo.
Somuenzaniso, muMadagascar upenyu hunorangarirwa kuva chinjo zvayo, naizvozvo mariro nokubudisa chitunha muguva zvinorangarirwa kuva zvinokosha zvikuru kupfuura muchato. Kunofungwa kuti munhu wacho akabva kuvakare vake uye anodzokera kwavari parufu. Nokudaro, dzimba dzavapenyu dzinovakwa nemiti nezvidhina zvakaomeswa nezuva, zvinhu zvinoora pashure penguva yakati, nepo makuva, “misha” yavakafa, achiwanzosanogadzirwa zvikuru uye achigara. Pakubudisa chitunha muguva, mhuri neshamwari vanorangarira kuti vachakomborerwa, uye vakadzi vanodavira kuti kana vakabata mapfupa ehama yokunyama yakafa, vachava vanobereka. Asi, zvakare, chii chinotaura Shoko raMwari?
Rufu Haruna Kurongerwa Rudzi Rwomunhu
Kunofadza kucherekedza kuti Jehovha Mwari akasika munhu kuti ararame, uye akataura nezvorufu bedzi somugumisiro wokusateerera. (Genesi 2:17) Nenzira inosuruvarisa, murume wokutanga nomukadzi vakatadza, uye somugumisiro, chivi chakapararira kurudzi rwose rwomunhu senhaka inourayisa. (VaRoma 5:12) Naizvozvo ungagona kutaura kuti rufu rwave rwuri chinhu chaichoicho chatinotarisana nacho muupenyu chibviro chokusateerera kwavanhu vaviri vokutanga, hungu, chinhu chaichoicho chinorwadza choupenyu. Takasikwa kuti tirarame, uko kunotsanangura murutivi chikonzero nei kwakaoma kwazvo kuti mamiriyoni asingaverengeki atarisane norufu somugumo.
Maererano nenhoroondo yeBhaibheri, Satani akaedza kunyengera vaviri vokutanga vavanhu pamusoro porufu kupfurikidza nokupokanidza nyevero yaMwari yokuti kusateerera kwaizounza rufu. (Genesi 3:4) Nokupfuura kwenguva, kunyanguvezvo, kwakava pachena nenzira yakajeka kuti vanhu vanofa seizvo chaizvo Mwari akati vaizofa. Nokudaro, mumazana amakore apfuura Satani akapindura neimwezve nhema—yokuti rutivi rwakati rwomudzimu rwunopukunyuka rufu rwomuviri. Nyengedzo yakadaro inokodzera Satani Dhiyabhorosi, uyo Jesu akarondedzera sa“baba wenhema.” (Johane 8:44, NW) Mukupesana, kuita kwaMwari kurufu chipikirwa chinokurudzira.
Chipikirwai?
Chipikirwa chorumuko nokuda kwavakawanda. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “rumuko” ndia·naʹsta·sis. Iro rinoreva chaizvoizvo “kumira zvakare,” uye rinonongedzera kukumuka murufu. Hungu, munhu anorara murufu, asi Mwari kupfurikidza nesimba rake anogona kumutsa munhu zvakare. Munhu anorasikirwa noupenyu, asi Mwari anogona kumupa upenyu zvakare. Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akataura kuti “nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda.” (Johane 5:28, 29) Muapostora Pauro akataura “tariro [yake] kuna Mwari, . . . kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Jobho, mubatiri akatendeka waMwari womunguva dzakatangira chiKristu, akazivisawo tariro yake murumuko: “Kana munhu achinge afa, ungararamazve here? Ndaimirira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika. Maizodana [Mwari], ini ndikakupindurai.”—Jobho 14:14, 15.
Chipikirwa chakajeka chorumuko hachibvumikisi kuva yenhema here pfungwa yokuti vakafa vapenyu muchimiro chomudzimu? Kudai vakafa vari vapenyu uye vachifarikanya kuvapo mudenga kana kuti nzvimbo yakati yemidzimu, chii chaizova chinangwa chorumuko? Havasati here vaizova vakatogamuchira tuso yavo kana kuti mugumo? Kufunda Shoko raMwari kunozivisa kuti vakafa vakafa chaizvoizvo, havazivi, vakavata kutozosvikira kumuka kukuru kupfurikidza norumuko munyika itsva—paradhiso—yakapikirwa naBaba vedu vane rudo, Jehovha. Asi kana rufu rusingarevi kuparadzaniswa kwomuviri nomudzimu uye kana mudzimu usingapfuuriri kurarama, zvakadiniko nezvezvinoitika zvedzinoratidzika kuva kurukurirano dzinobva kunyika yemidzimu?
Kurukurirano Dzinobva Munzvimbo Yemidzimu
Zvinoitika zvisingaverengeki zvakashumwa zvekurukurirano idzo sezvinofungidzirwa dzakagamuchirwa dzichibva kunzvimbo yemidzimu. Ndeapi chaizvoizvo ari mavambo adzo? Bhaibheri rinotinyevera kuti “Satani amene anonyengedza sengirozi yechiedza. Naizvozvo chinhu chakapfava kuti vamiriri vake vanyengedze savamiriri vezvakanaka.” (2 VaKorinte 11:14, 15, The New English Bible) Hungu, kuti anyengedze ndokutsausa vanhu zviri nyore zvikuru, madhemoni (ngirozi dzinopandukira) dzakakurukura navapenyu, pane dzimwe nguva dzichinyepedzera kuva dzinobetsera.
Muapostora Pauro anopa imwe nyevero yeiyi nhimbe yenyengedzo, achiti: “Vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa.” (1 Timotio 4:1) Naizvozvo mhinduro ipi neipi inonzi ndeyavakafa ingasanova inobva kumadhemoni anonyengedza sa“vamiriri vezvakanaka” ndokusimudzira nhema yorudzidziso, achipinza muuranda vanhu kukutenda mashura uko kunovabvisa pazvokwadi yeShoko raMwari.
Richisimbisa kuti vakafa havagoni kutaura chinhu chipi nechipi, kuita chinhu chipi nechipi, kana kuti kurangarira chinhu chipi nechipi, Pisarema 146:3, 4 rinoti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” Mweyai “unobuda”? Ndiro simba roupenyu romunhu rinotsigirwa nokufema. Naizvozvo, apo nyakufa akarega kufema, pfungwa dzake hadzina kuzoshandazve. Anopinda mumugariro wokusaziva wakakwana. Naizvozvo hakumubviriri kudzora vapenyu.
Ndokusaka Bhaibheri richienzanisa rufu rwomunhu nourwo rwemhuka, richitaura kuti zvose zviri zviviri zvinosvika kusaziva parufu ndokudzokera kuguruva razvakaitwa naro. Muparidzi 3:19, 20 inoti: “Nokuti zvinoitirwa vanakomana vavanhu ndizvo zvinoitirwawo mhuka; zvose zvinoitirwa chinhu chimwe: Mufire womunhu, ndiwo mufire wemhuka, zvose zvine mweya mumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo. Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.”
Tichiziva kuti madhemoni anoedza kunyengedza vanhu kupinda mukufunga kuti vanogona kukurukura navakafa ndokutapurwa navo, Jehovha Mwari akanyevera vanhu vake, vaIsraeri vakare, kuti: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . unovuka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga, kana unobvunza masvikiro, kana muvuki, kana unobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha.”—Dheuteronomio 18:10-12.
Nenzira yakajeka, pfungwa yokuti vakafa vanogona kutikuvadza haibvi kuna Mwari. Iye ndiMwari wezvokwadi. (Pisarema 31:5; Johane 17:17) Uye iye akachengetera nguva yemberi vadi vezvokwadi vanomunamata no“mweya nezvokwadi.”—Johane 4:23, 24.
Jehovha, Mwari Wezvokwadi Norudo
Baba vedu vari kudenga vano rudo, va“singatongorevi nhema,” vakapa shoko ravo: Mamiriyoni namamiriyoni akafa uye akaiswa mumakuva achamutswa ane kariro youpenyu husingagumi munyika itsva yokururama! (Tito 1:1, 2; Johane 5:28) Ichi chipikirwa chorudo chorumuko chinozivisa kuti Jehovha anofarira zvikuru garikano yechisiko chake chavanhu nechishuvo chomwoyo wose chokuparadza rufu, rusuruvaro, uye marwadzo. Naizvozvo hapana kudikanwa kwokutya vakafa kana kuti okuvaitira hanya zvisakafanira nekariro dzavo. (Isaya 25:8, 9; Zvakazarurwa 21:3, 4) Mwari wedu ano rudo naakarurama, Jehovha, anogona uye achavamutsa, achiparadza marwadzo orufu.
Shoko raMwari, Bhaibheri, rakazara nerondedzero yeizvo mamirire ezvinhu pasi pano achava akaita munyika itsva iyoyo yakapikirwa yokururama. (Pisarema 37:29; 2 Petro 3:13) Ichava nguva yorugare nomufarwa uye yorudo nokuda kwavanhu biyedu vose. (Pisarema 72:7; Isaya 9:7; 11:6-9; Mika 4:3, 4) Vose vachava nemisha yakachengeteka, yakaisvonaka, pamwe chete nebasa rinofarikanywa. (Isaya 65:21-23) Kuchava nezvakawanda zvezvinhu zvakanaka zvokuti vose vadye. (Pisarema 67:6; 72:16) Vose vachafarikanya utano hukuru. (Isaya 33:24; 35:5, 6) Nepo vaapostora nenhamba yokuwedzera yakaganhurwa vachatonga mudenga naJesu, Bhaibheri haridudzi mamirire ezvinhu akakomborerwa mudenga nokuda kwemweya yavamwe pashure porufu. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:6) Ikoku kwaizova kwechienzi kana mabhiriyoni aavo vakafa vachipfuurira kurarama pashure porufu.
Asi hakusi kwechienzi apo tinoziva dzidziso yakajeka yeBhaibheri, inoti: Vakafa vakarega kuvapo semweya mipenyu. Havagoni kukukuvadza. Avo vari mumakuva echirangaridzo vanongozorora zvavo, vasingazivi kutozosvikira rumuko rwavo munguva yakafanira yaMwari. (Muparidzi 9:10; Johane 11:11-14, 38-44) Tariro dzedu nekariro, ipapoka, dzinotsamira pana Mwari. “Tichafara, nokufarira ruponeso rwake.”—Isaya 25:9.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Seizvo Shoko raMwari rinoratidza zvakajeka, vakafa havashandi chose kutozosvikira parumuko