Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Munhu Uyu Ndiye Akandikodzera Here?
Wana nguva yokuzadza zviri pasi apa:
Unhu hupi hwaunotarisa parizvino pane munhu waunoda kuroorana naye? Pane zvakarongwa pasi apa, isa ✔ pamberi pounhu hwaunofunga kuti ndihwo hunonyanya kukosha.
․․․․․․․․ runako
․․․․․․․․ munhu anofunga zvokunamata
․․․․․․․․ ane ushamwari
․․․․․․․․ akavimbika
․․․․․․․․ ane mukurumbira
․․․․․․․․ ane tsika dzakanaka
․․․․․․․․ anoda zvokunakirwa
․․․․․․․․ anotevera zvinangwa
Pawaiva muduku, wakambokwezvwa nomumwe munhu wechirume kana kuti wechikadzi here? Pane zvakarongwa pamusoro apa, isa X pamberi pounhu hwawaiona huchikutora mwoyo pamunhu wacho.
Hapana chakaipa nounhu chero hupi zvahwo huri pamusoro apa. Humwe nohumwe hune zvahwakanakira. Zvisinei, haungabvumi here kuti kana uri muduku uchipengeswa norudo, kazhinji kacho unongotarisa unhu hwokunze, sohuri kuratidzwa mukoramu yokuruboshwe?
Kunyange zvakadaro, sezvaunokura unotanga kushandisa mano ako okufunga kuti uongorore unhu hunokosha, sohuri kuratidzwa mukoramu yokurudyi. Somuenzaniso, unotanga kuona kuti tsvarakadenga yekwaunogara ingave isina kuvimbika kana kuti jaya rine mukurumbira mukirasi rinenge risina tsika dzakanaka. Kana wapfuura nguva ‘yokuyaruka,’ nguva iya yaunotanga kunzwa kunyanya kuda kurara nomumwe munhu, ungangotarisa zvinopfuura unhu hwokunze kuti upindure mubvunzo uyu unoti, Munhu uyu ndiye akandikodzera here?—1 VaKorinde 7:36.
Munhu Wose Wose Anoita Here?
Nokufamba kwenguva, vanhu vakawanda vangakutora mwoyo. Asi haasi munhu wose anoita. Nokuti apa unenge uri kutsvaka munhu wauchagara naye kwoupenyu hwose, munhu achaita kuti unhu hwaunahwo huwedzere kunaka uye wauchaitirawo izvozvo. (Mateu 19:4-6) Angava ani? Usati wapindura mubvunzo uyu unofanira ‘kuzvitarisa mugirazi’ wozviongorora nokuvimbika.—Jakobho 1:23-25.
Kuti uzive zvakawanda nezvako, pindura mibvunzo inotevera:
Ndohupi unhu hwangu hwakanaka?
․․․․․
Unhu hupi hwandinoda kubatsirwa?
․․․․․
Ndezvipi zvandinokoshesa pakunamata uye mumanzwiro angu?
․․․․․
Zvakaoma kuti unyatsoziva zvauri, asi mibvunzo yakaita seiyi inogona kukubatsira kuti utange kuzviziva.a Kana ukanzwisisa unhu hwako zviri nani uchange wagadzirira kuwana munhu waunopindirana naye pane munhu waunogara uchinetsana naye. Zvisinei, zvakadini kana uchifunga kuti wawana munhu akakukodzera?
Rudo Urwu Ruchabudirira Here?
Kuti upindure mubvunzo uyu, ona mumwe wako sezvaari chaizvo. Kunyange zvakadaro, chenjera! Ungangoda kuona zvakanaka chete. Saka dzikama. Edza kuona unhu chaihwo hwomumwe wako.
Vakawanda vanofambidzana havatarisi zvinhu zvinokosha. Pane kudaro vanokurumidza kutaura zvinhu zvakafanana zvavanofarira vose vachiti: ‘Tinofarira mimhanzi yakafanana.’ ‘Tinofarira kuita zvinhu zvakafanana.’ ‘Tinobvumirana pane zvose!’ Zvisinei, sezvambotaurwa kana wabva zera, unotarisa zvinhu zvinokosha. Unofanira kuziva “munhu akavanzika womwoyo.”—1 Petro 3:4; VaEfeso 3:16.
Somuenzaniso, pane kungotarisa kuti munobvumirana pane zvakawanda zvakadini, ungaziva zvakawanda nezvomunhu wacho kana ukambotarisawo zvaanoita kana matadza kubvumirana. Nemamwe mashoko, munhu wacho anoita sei kana matadza kubvumirana? Anoomerera here kune zvaanoda iye, zvichida no“kufufutirwa nehasha” kana no“kutuka”? (VaGaratiya 5:19, 20; VaKorose 3:8) Kana kuti munhu wacho anoratidza kunzwisisa here—kuda kubvumirana kuti pave norugare kana pasina chinenge chakanganiswa?—Jakobho 3:17.
Chimwe chinhu chokufunga nezvacho ndechokuti: Munhu wacho anoda kukudzora pane zvose, kana kuti ane shanje here? Anoda kuziva zvose zvaunoita here? Mumwe mukadzi wechiduku anonzi Nicole anoti: “Munhu ane shanje uye anoda kukudzora pane zvose ane ngozi. Ndinonzwa nezvevanofambidzana vanonetsana nokuti mumwe anenge asina kufona kuti anzwe kuti mumwe ari sei—chiratidzo chine ngozi.”
Vamwe vanoona sei mukomana kana kuti musikana wako? Ungada kubvunza vamwe vava nenguva vachiziva munhu wacho, vakadai sevanhu vakuru vari muungano yake. Vachakuudza kana munhu wacho ‘achipupurirwa zvakanaka kwazvo.’—Mabasa 16:1, 2.b
Munofanira Kurambana Here?
Zvakadini kana ukaona kuti munhu wauri kufambidzana naye haana kukodzera kuti uroorane naye? Kana zvakadaro, kungava kuchenjera kuti murambane. Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.”—Zvirevo 22:3.c
Nokufamba kwenguva, ungatangazve kudanana nomumwe munhu. Kana zvadaro hapana mubvunzo kuti unenge wava nemaonero akanaka zvichikonzerwa noruzivo rwaunenge wava narwo. Zvichida panguva iyoyo uchapindura uchiti hungu mubvunzo uyu wokuti “Munhu uyu ndiye akandikodzera here?
Dzimwe nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” dzinogona kuwanika paIndaneti pakero inoti www.watchtower.org/ype
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mimwe mibvunzo yokuti uzvibvunze, ona peji 30 yeAwake! yaJanuary 2007.
b Onawo mibvunzo iri pamabhokisi ari pamapeji 30-31.
c Kana uchida mashoko akawanda anotaura zvokurambana, ona mapeji 28-30 eMukai! yaApril 8, 2001.
ZVOKUFUNGA NEZVAZVO
◼ Unhu hupi hwakanaka hwaunahwo huchaita kuti uve murume kana mukadzi akanaka?
◼ Unhu hupi hwaunotarisa pamunhu wauchada kuroorana naye?
◼ Ungadzidza sei zvakawanda nezvounhu, mufambiro, uye mukurumbira womunhu waunenge uchifambidzana naye?
[Bhokisi riri papeji 30]
Angava murume akanaka here?
ZVINOKOSHA
❑ Anoshandisa sei simba raangava naro?—Mateu 20:25, 26.
❑ Zvinangwa zvake ndezvei?—1 Timoti 4:15.
❑ Ari kushandira zvinangwa zvacho here?—1 VaKorinde 9:26, 27.
❑ Shamwari dzake ndivanaani?—Zvirevo 13:20.
❑ Maonero aanoita mari akaita sei?—VaHebheru 13:5, 6.
❑ Anofarira kuvaraidzwa nei?—Pisarema 97:10.
❑ Mapfekero ake anoratidzei?—2 VaKorinde 6:3.
❑ Anoratidza sei kuti anoda Jehovha?—1 Johani 5:3.
UNHU HWAKE
❑ Anobishaira here?—Zvirevo 6:9-11.
❑ Anoshandisa mari yake sei?—Ruka 14:28.
❑ Ane mukurumbira wakanaka here?—Mabasa 16:1, 2.
❑ Anokudza vabereki vake here?—Eksodho 20:12.
❑ Ane hanya nevamwe here?—VaFiripi 2:4.
UNHU HUNE NGOZI
❑ Haatani kutsamwa here?—Zvirevo 22:24.
❑ Anoedza kuda kuti murare mose here?—VaGaratiya 5:19.
❑ Anorova here kana kuti anotuka?—VaEfeso 4:31.
❑ Anoda kunwa doro kuti anakidzwe here?—Zvirevo 20:1.
❑ Ane godo here kana kuti ane umbimbindoga?—1 VaKorinde 13:4, 5.
Angava mudzimai akanaka here?
ZVINOKOSHA
❑ Zvinooneka sei kuti anozviisa pasi mumhuri nomuungano?—VaEfeso 5:21, 22.
❑ Mapfekero ake anoratidzei?—1 Petro 3:3, 4.
❑ Shamwari dzake ndivanaani?—Zvirevo 13:20.
❑ Maonero aanoita mari akaita sei?—1 Johani 2:15-17.
❑ Zvinangwa zvake ndezvei?—1 Timoti 4:15.
❑ Ari kushandira zvinangwa zvacho here?—1 VaKorinde 9:26, 27.
❑ Anofarira kuvaraidzwa nei?—Pisarema 97:10.
❑ Anoratidza sei kuti anoda Jehovha?—1 Johani 5:3.
UNHU HWAKE
❑ Anobishaira here?—Zvirevo 31:17, 19, 21, 22, 27.
❑ Anoshandisa mari yake sei?—Zvirevo 31:16, 18.
❑ Ane mukurumbira wakanaka here?—Rute 4:11.
❑ Anokudza vabereki vake here?—Eksodho 20:12.
❑ Ane hanya nevamwe here?—Zvirevo 31:20.
UNHU HUNE NGOZI
❑ Anokakavara here?—Zvirevo 21:19.
❑ Anoedza kuda kuti murare mose here?—VaGaratiya 5:19.
❑ Anorova here kana kuti anotuka?—VaEfeso 4:31.
❑ Anoda kunwa doro kuti anakidzwe here?—Zvirevo 20:1.
❑ Ane godo here kana kuti ane umbimbindoga?—1 VaKorinde 13:4, 5.