RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 July p. 3
  • Kutsvaka Mari Kuri Kukurwarisa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Mari Kuri Kukurwarisa Here?
  • Mukai!—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chisina Kururama Nokuita Mari?
    Mukai!—1997
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kunyanya Kuda Zvinhu Zvenyama Chii?
    Mukai!—2003
  • Kuona Mari Neziso Rakanaka
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 July p. 3

Kutsvaka Mari Kuri Kukurwarisa Here?

KUDAI mangwana waizomuka uri mbozha, waizoitei? Waizodzikama here wonakirwa noupenyu? Waizosiya basa rako here wopedza nguva yakawanda nemhuri yako neshamwari dzako? Waizotanga basa raunonyatsofarira here? Asi zvinoshamisa ndezvokuti vanhu vakawanda vanova shoroma havadaro. Pane kudaro, vanopedza nguva yakawanda muupenyu hwavo vachitsvaka kuwedzera imwe mari, zvichida kuti vabhadhare zvikwereti zvitsva kana kuti vawedzere kuva shoroma.

Zvisinei, vamwe vakaita izvi vari kuona kukuvadzwa kwakaitwa utano hwavo, upenyu hwavo hwemhuri, uye tsika dzevana vavo pamusana pokunyanya kuda zvinhu. Munguva ichangopfuura, mabhuku, magazini, purogiramu dzeterevhizheni, nemavhidhiyo akanyevera kuti vanhu vasanyanye kuda mari uye akatokurudzira kuti vade “kurarama upenyu husiri hwoumbozha.” Mashoko akawanda anoratidza kuti kunyura mukutsvaka pfuma kunogona kukurwarisa mupfungwa, mumanzwiro ako, uye kunyange utano hwako chaihwo.

Zvechokwadi, kutya ngozi dzokunyanya kuda upenyu hwoumbozha hakuna kutanga nhasi. Anenge makore 2000 akapfuura, Bhaibheri rakati: “Vaya vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose, uye vachitevera rudo irworwo, vamwe vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.”—1 Timoti 6:9, 10.

Asi ichocho ichokwadi here? Vaya vanongoraramira kuita mari yakawanda nokuunganidza zvinhu vanombotambura chaizvoizvo here? Kana kuti vane zvose—upfumi, utano hwakanaka, uye mhuri dzinofara? Ngationei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe