RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g07 October p. 8
  • Bvumai Manzwiro Emwana Wenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bvumai Manzwiro Emwana Wenyu
  • Mukai!—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Ungakurira Sei Dambudziko Rokunzwa Usina Zvaunobatsira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Betsera Vana Vako Kuti Vabudirire
    Mukai!—1997
  • Vabereki Nevana, Kurukurai Zvine Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2007
g07 October p. 8

Danho 6

Bvumai Manzwiro Emwana Wenyu

Nei izvi zvichikosha? Vana vanoda kuti vanhu vanokosha muupenyu hwavo, kureva vabereki vavo, vazive manzwiro avo. Kana vabereki vakagara vachishora vana vavo pavanotaura manzwiro avo, vana vangatadza kudurura zviri kutsi kwemwoyo yavo uye vanogona kutanga kusava nechokwadi nemanzwiro avo uye nemafungiro avo.

Nei zvakaoma? Kazhinji vana vanotaura pfungwa nemanzwiro avo vachiwedzeredza. Zvimwe zvavanotaura zvingaita kuti vabereki varohwe nehana. Somuenzaniso, mwana ari kushungurudzika angati, “Dai ndafa zvangu.”a Zviri nyore kuti mubereki ati, “Asi unopenga?” Vabereki vanganetseka kuti vakabvuma manzwiro asina kunaka omwana vangaita sokuti vari kumutunhidza.

Zvii zvichakubatsirai? Shandisai zano reBhaibheri rinoti ‘kurumidzai kunzwa, munonoke kutaura, munonoke kuva nehasha.’ (Jakobho 1:19) Onai kuti Jehovha Mwari akabvuma kutaura kwekushungurudzika kwevashumiri vake vakawanda vakatendeka nokuita kuti kunyorwe muBhaibheri. (Genesisi 27:46; Pisarema 73:12, 13) Somuenzaniso, Jobho paakanga ari mumiedzo yakaoma, akataura kuti dai afa.—Jobho 14:13.

Zviri pachena kuti mamwe mafungiro nemanzwiro aJobho aida kururamiswa. Asi pane kuramba manzwiro aJobho kana kumudzivisa kutaura, Jehovha akamuremekedza nokumushivirira achimubvumira kudurura mwoyo wake. Apedza Jehovha ndipo paakamururamisa nemutsa. Vamwe baba vari muKristu vakati, “Kana Jehovha achindibvumira kuti ndidurure mwoyo wangu kwaari mumunyengetero, ndinofunga kuti zvine musoro kuti ndibvumire vana vangu kudurura kwandiri manzwiro avo akanaka neasina kunaka.”

Rimwe zuva rauchada kuudza mwana wako kuti, “Wapindwa nei?” kana kuti “Unorwara chete,” yeuka mashoko akakurumbira aJesu okuti: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Ruka 6:31) Ngatitii waitirwa utsinye kubasa kana kuti zvimwe waodzwa mwoyo nezvawatadza kuita. Unoudza sahwira wako kushungurudzika kwako, uchiti hauchadi basa rako. Waizoda kuti sahwira wako adii? Waizoda kuti akubvunze kuti wapindwa nei kana kuti ati uri kuzvivhiringidza woga? Zvimwe waizoda here kuti ati: “Inga zvakaoma. Zvinhu hazvina kukufambira zvakanaka”?

Vana uyewo vanhu vakuru vanoitirwa nyore nokuteerera zano romunhu wavanoona kuti ari kunyattsonzwisisa uye ari kunzwisisa matambudziko acho. Shoko raMwari rinoti: “Mwoyo womunhu akachenjera unoita kuti muromo wake uratidze njere, uye unowedzera kunyengetedza pamiromo yake.”—Zvirevo 16:23.

Ungava sei nechokwadi chokuti zano raunopa ranyatsoteererwa?

[Mashoko Omuzasi]

a Usapira gotsi vana vako pavanotaura mashoko okuti dai vafa.

[Mufananidzo uri papeji 8]

“Kana munhu achipindura nyaya asati ainzwa, ihwohwo upenzi kwaari.”

—Zvirevo 18:13

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe