RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 January pp. 9-11
  • Itai Kuti Mhuri Yenyu Ive Yakabatana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Itai Kuti Mhuri Yenyu Ive Yakabatana
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Shoko raMwari Nokusangana Pabonde
  • Mhuri Yakabatanidzwa Norudo
  • Dziviriro Mumusha
    Mukai!—1993
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Rudo Nekubata Vamwe Zvakanaka Munyika Ine Uipi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Kuvadziko Dzakavanzika Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana
    Mukai!—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 January pp. 9-11

Itai Kuti Mhuri Yenyu Ive Yakabatana

“VASINA rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” Nemashoko iwayo anosuruvarisa, Bhaibheri rinotsanangura vanhu vakawanda vari kurarama munguva yedu, inonzi “mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1, 3, 4) Dambudziko riri kupararira rokushungurudzwa kwevana nevomumhuri, uchapupu hunoratidza kuti uprofita hweBhaibheri ndehwechokwadi. Kutaura zvazviri, shoko rechiGiriki rokuti aʹstor·gos, rakashandurwa muchiShona kuti ‘kushaya rudo rukuru rwokuzvarwa narwo,’ rinoreva kushayikwa kworudo runofanira kuvapo mumhuri, kunyanya pakati pevabereki nevana.a Uye kazhinji vana vanoshinhwa nevanhu vomumhuri dzavo.

Vamwe vanoongorora vanoti vakawanda vanoshinha nevana pabonde vanenge vari vanababa vavo kana kuti vanababa vokurera. Dzimwe hama dzechirume dzinoshinhawo nevana. Kunyange zvazvo vasikana vari ivo vanonyanya kushinhwa navo, vakomanawo vanoshinhwa. Vakadzi vanoshinha nevana vakawanda kupfuura zvaungafungidzira. Zvichida kumwe kushinha kusingawanzotaurwa nezvako makunakuna anoitwa nevana vomumhuri, mwana mukuru paanoshusha kana kunyengera munun’una kana hanzvadzi kuti vaite zvepabonde. Somubereki, chokwadi unosemburwa nezvinhu zvakadaro.

Ungadzivisa sei zvinetso zvakadaro kuti zvisaitike mumhuri yenyu? Zviri pachena kuti munhu wose mumhuri imwe neimwe anofanira kuziva uye kukoshesa mitemo inorambidza kushungurudza vamwe. Tinowana mitemo iyoyo muShoko raMwari, Bhaibheri.

Shoko raMwari Nokusangana Pabonde

Kuti mhuri dzose dzive dzakachengeteka, dzinofanira kutevedzera tsika dzinotaurwa muBhaibheri. Bhaibheri harinyenyeredzi kana richitaura nezvepabonde. Harinyadzisiri asi rinotaura zvakajeka uye haripotereri. Rinoratidza kuti Mwari akaronga kuti bonde rive rokufadza murume nomukadzi vakaroorana. (Zvirevo 5:15-20) Zvisinei, rinorambidza kuti vanhu vasina kuroorana vaite zvepabonde. Somuenzaniso, Bhaibheri rinorambidza zviri pachena makunakuna. Muchitsauko 18 chaRevhitiko chitsauko 18, marudzi akasiyana-siyana emakunakuna anorambidzwa. Chimbocherechedza mashoko aya: “Hapana munhu wokwenyu anofanira kuswedera pedyo nehama yake yepedyo chero ipi zvayo kuti aifukure [kuti vaite zvepabonde]. Ndini Jehovha.”—Revhitiko 18:6.

Jehovha akabatanidza makunakuna ‘nezvinhu zvinosemesa’ zvine mutongo worufu. (Revhitiko 18:26, 29) Zviri pachena kuti Musiki ane tsika dzakakwirira panyaya iyi. Nhasi, hurumende dzakawanda dzine maonero akafanana, dzichirambidzawo kushinha nevana kunoitwa mumhuri. Kazhinji, mutemo unoti kana mwana akarara nomunhu mukuru zvinonzi abatwa chibharo. Nei tichitaura kuti mwana wacho abatwa chibharo asi asina kumanikidzwa?

Vamwe vakuru vakuru vakazonzwisisa zvakagara zvataurwa neBhaibheri pamusoro pevana, kuti vane pfungwa dzechiduku kwete dzechikuru. Somuenzaniso, Zvirevo 22:15 inoti: “Upenzi hwakasungirirwa pamwoyo womukomana.” Uye muapostora Pauro akafuridzirwa kunyora kuti: “Pandaiva mucheche, . . . ndaifunga somucheche, ndairangarira somucheche; asi zvino zvandava murume, ndakarega miitiro youcheche.”—1 VaKorinde 13:11.

Mwana angasanzwisisa kuti zvepabonde zvinobatanidzei uye angasazivawo kuti zvinomukanganisa sei mumakore anotevera. Saka vazhinji vanoti mwana haanganzi akabvuma kuita zvepabonde. Nemamwe mashoko, kana munhu mukuru (kana muduku ati samhukei) akaita zvepabonde nemwana, munhu mukuru iyeye haangamborambi mhosva achiti mwana wacho haana kuramba kana kuti aizvidawo. Munhu mukuru wacho anenge aine mhosva yokubata chibharo. Iyi imhosva inoendesa munhu mujeri. Mhosva inenge iri yeabata chibharo kwete anenge abatwa.

Asi zvinosuruvarisa kuti nhasi uno vakawanda vanopara mhosva dzakadaro havasi kurangwa nematare. Somuenzaniso, zvinofungidzirwa kuti muAustralia vanhu gumi chete muzana ndivo vanotongerwa mhosva idzi uye vashomanana vavo ndivo vanobatwa nemhosva. Izvi ndizvo zviri kuitwawo mune dzimwe nyika. Kunyange zvazvo hurumende dzingaita zvishoma kudzivirira mhuri, kushandisa mitemo yeBhaibheri kunotodzivirira zvikuru.

VaKristu vechokwadi vanoziva kuti Mwari akanyora mitemo iyoyo muShoko rake haana kuchinja. Anoona zvose zvatinoita kunyange zvisingaoneki kuvanhu vazhinji. Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinozvidavirira kwaari.”—VaHebheru 4:13.

Tinozvidavirira kuna Mwari kana tikaputsa mirayiro yake uye tikakuvadza vamwe. Ukuwo, anotikomborera patinoomerera kumirayiro yake inobatsira mumhuri. Ndeipi mimwe yacho?

Mhuri Yakabatanidzwa Norudo

Bhaibheri rinotiudza kuti: “Rudo, . . . chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:14) Semataurirwo azvinoitwa muBhaibheri, rudo haasi manzwiro chete. Runotsanangurwa nezvarunotuma munhu kuti aite, kureva zviito zvarunokonzera uye zvarunorambidza. (1 VaKorinde 13:4-8) Mumhuri, kuva norudo zvinoreva kuremekedza, kukudza uye kuva nehanya nenhengo imwe neimwe. Zvinoreva kuti munhu wose achararama maererano nenzira inodiwa naMwari. Mwari anopa mumwe nomumwe basa rinokudzwa nerinokosha.

Somusoro wemhuri, baba vanofanira kutungamira pakuratidza rudo. Vanonzwisisa kuti baba vechiKristu havana mvumo yokudzvinyirira, vachishandisa simba ravo zvisina kunaka pamudzimai kana pavana. Asi vanotevedzera Kristu mukutungamirira. (VaEfeso 5:23, 25) Saka vanobata mudzimai wavo nounyoro uye norudo vachishivirira vaine rupfave kuvana vavo. Vanovadzivirira nokuvimbika uye vanovaitira zvose zvavanoda kuti pasave nechinovhiringidza rugare rwavo, hana dzavo dzakanaka kana kuti chivimbo uye kunzwa vakachengeteka.

Saizvozvowo, mudzimai kana amai vane basa rinokosha uye rinoremekedzwa zvikuru. Bhaibheri rinoshandisa uchenjeri hwemhuka hwokudzivirira hwadzinoberekwa dziinahwo kuenzanisira kudzivirira kunoita Jehovha naJesu. (Mateu 23:37) Saizvozvowo amai vanofanira kuva vakasimba pakudzivirira vana vavo. Vachiratidza rudo, vanotanga vaona kuti vana vavo vakachengeteka uye vakagara zvakanaka. Vabereki havashandisirani simba zvisina kunaka, havashungurudzani, kutyisidzirana kana kudaro kuvana vavo; uye havaregi vana vachiitiranawo izvozvo.

Nhengo dzemhuri padzinokudzana uye kuremekedzana, dzinokurukurirana zvakanaka. Munyori anonzi William Prendergast anoti, “Zuva nezuva vabereki vose vanofanira kukurukurirana nevana vavo nenzira inoita kuti vadurure zviri kutsi kwemwoyo yavo.” Anowedzera kuti, “Uyu ndiwo mushonga wokugadzirisa dambudziko rokushungurudzwa kwevana.” Kutaura zvazviri, kugara muchikurukurirana norudo kwakadaro ndiko kunorumbidzwa neBhaibheri. (Dheuteronomio 6:6, 7) Murayiro iwoyo paunotevedzerwa musha unova nzvimbo yokuti nhengo imwe neimwe inogona kutaura yakasununguka kubva pamwoyo.

Chokwadi, tinorarama munyika yakaipa uye hakusi kushinha kwose kunogona kudziviswa. Kunyange zvakadaro, mhuri yakabatana inogona kubatsira zvikuru. Kana imwe nhengo yemhuri ikakuvadzwa isiri pamba inoziva kuti inganyaradzwa uye inganzwirwa tsitsi kupi. Chokwadi musha wakadaro inzvimbo yakachengeteka munyika izere nokutambura. Mwari ngaakomborere zvaunoita kuti mhuri yako ive saizvozvo!

[Mashoko Omuzasi]

a Shoko iri rekare rechiGiriki rinotsanangurwa kuti: “Munhu ane mwoyo wakaipa kuhama dzake.” Ndosaka imwe shanduro yeBhaibheri pandima iyi ichiti: “Vachange . . . vasina rudo rwokuzvarwa narwo kune vomumhuri dzavo.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

MAZANO OKUTI PAMBA PASAVE NENGOZI

Indaneti: Kana vana venyu vaine mukana wokushandisa indaneti, vanoda kudzidziswa kuti vangaishandisa sei zvisina ngozi. Paindaneti pane zvinonyadzisira zvisingaperi uyezve mukana wokutaurirana nevanhu zvinoita kuti vanoshinha nevana vawane vana vokunyengera. Zvakanaka kuisa kombiyuta painoonekwa zvokuti vabereki vanogona kuona kuti iri kushandiswa sei. Vana hafaniri kuudza vamwe vanhu zvavari kana kuronga kuonana nomunhu wavakataura naye paindaneti kana vabereki vasingazive.—Pisarema 26:4.

Hwahwa: Kazhinji vana vakashungurudzwa pabonde nomunhu akanga anwa hwahwa. Zvinoitika zvinoratidza kuti vanhu vakuru vanonwa zvakanyanyisa vanotadza kuzvibata; vamwe vanoita zvinhu zvavaisazoita vasina kudhakwa. Uyezve ngozi iyi inoita kuti tide kuteerera Bhaibheri parinotiudza kuti tisadhakwa uye tisanyanya kunwisa.—Zvirevo 20:1; 23:20, 31-33; 1 Petro 4:3.

Kuremekedzana: Mumwe mukadzi anoyeuka kuti: “Pakafa amai, imba yairara baba ndiyo chete yaiva negonhi nemaketani. Taingova pachena, kunyange pataigeza.” Murume uyu akashungurudza vanasikana vake vose pane zvepabonde. Munhu wose ari mumhuri anofanira kuziva kuti zvinokosha kuremekedza muviri womunhu. Sezvo vabereki vachifanira kumbova voga vasingaonekwi nevana, saka vanofanira kuita kuti vana vavo vasaonekwa miviri yavo sezvavanokura. Vabereki vakangwara vanoitira vamwe zvavanoda kuitirwawo ivo.—Mateu 7:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe