RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 January p. 15
  • Bhuku Rakasiyana Nemamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku Rakasiyana Nemamwe
  • Mukai!—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Gutenberg—Kupfumisa Kwaakaita Nyika!
    Mukai!—1998
  • Bhuku Rinofanira Kunzwisiswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Bhuku Revanhu Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Bhuku Rabatsira Vakawanda
    Mukai!—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 January p. 15

Bhuku Rakasiyana Nemamwe

“Bhaibheri ndiro bhuku rave richiparadzirwa zvikuru kupfuura mamwe kubva kare.”—The World Book Encyclopedia.

MAKORE 550 akapfuura Johannes Gutenberg nyanzvi yokuGermany, akatanga kuita basa rokudhinda mabhuku. Bhuku rinozivikanwa raakatanga kudhinda pamuchina wake raiva Bhaibheri.a Kubvira ipapo, mabhiriyoni nemabhiriyoni emabhuku enyaya dzakasiyana-siyana dzaungafunga ave achidhindwa. Zvisinei, Bhaibheri ndiro rakadhindwa kupfuura ose.

◼ Zvinofungidzirwa kuti maBhaibheri anopfuura mabhiriyoni 4,7 akazara kana kuti ari muzvikamu akadhindwa. Nhamba iyi inopeta nekashanu nhamba yebhuku rinotevera Bhaibheri pakuparadzirwa zvikuru rinonzi Quotations From Chairman Mao.

◼ MaBhaibheri akazara anopfuura mamiriyoni 50 kana kuti zvikamu zvaro akaparadzirwa mugore rimwe chete munguva pfupi yapfuura. “Gore roga roga Bhaibheri ndiro bhuku riri kutengwa zvikuru, rinodaro gwaro rakabuda mumagazini inonzi The New Yorker.

◼ Rakazara kana kuti riri muzvikamu, Bhaibheri rakashandurwa mumitauro inopfuura 2 400. Chokwadi chikamu cheBhaibheri chinowanika mumitauro inotaurwa nevanhu vanokwana 90 muzana.

◼ Vanenge hafu yevakanyora Bhaibheri, vakapedza kunyora Confucius muzivi akakurumbira wokuChina naSiddhārtha Gautama akatanga chitendero chechiBuddha vasati vaberekwa.

◼ Bhaibheri rakaita basa guru panyaya dzezvigadzirwa, kusanganisira zvinozivikanwa pasi rose mune zvemimhanzi, zvenganonyorwa uye zvokunyorwa kwemifananidzo.

◼ Bhaibheri rakaramba riripo kunyange zvazvo hurumende dzakarirambidza, rakapiswa nevaisada zvitendero, uye rakatsoropodzwa. Hapana bhuku rakapikiswa zvikuru seBhaibheri asi nanhasi richiripo.

Zvinhu zvataurwa pamusoro apa ichokwadi, hazvisi here? Zvisinei, kunyatsodonongodza, uye kutaura nhamba dzemaBhaibheri akadhindwa neakatengeswa zviri zvoga hazviratidzi kuti Bhaibheri rakavimbika. Iye zvino tava kuda kuongorora nei vanhu vakawanda vaine chokwadi chokuti Bhaibheri rakavimbika.

[Mashoko Omuzasi]

a Bhaibheri raGutenberg raive shanduro yechiLatin yakanga yapedzwa muna 1455.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Muchina waGutenberg wokudhinda nepeji yomuBhaibheri rake

[Kwazvakatorwa]

Press: Courtesy American Bible Society; page: © Image Asset Management/age fotostock

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe