Kuparwa Kwemhosva Hakuderedzeki Here?
◼ Mumwe mudzidzi anorwara nepfungwa, akagukuchira zvombo, anouraya vamwe vake vaanodzidza navo nevadzidzisi vake pachikoro chaanodzidza.
◼ Kamwe kasikana kanopambwa, zvichiita kuti vabereki vako vashunguridzike zvikuru.
◼ Mumwe wechiduku anoreurura kuti akaponda munhu zvokungonakidzwa zvake ndokuratidza shamwari dzake chitunha chacho idzo dzisina kumboti bufu nezvazvo kwemavhiki akawanda.
◼ Munhu anoshungurudza vana mune zvepabonde anopanana mazano nevamwe vake kuti vanganyengedza sei vana paIndaneti.
IDZI dzinongova mhosva shomanana dzinotyisa dziri kugara dzichitaurwa munhau mazuva ano. Unonzwa wakachengeteka kwaunogara here, kunyanya usiku? Iwe kana mhuri yako makambovhiringidzwa nokuparwa kwemhosva here? Mamiriyoni evanhu munyika yose, kunyange vaya vari munyika dzaimbonzi dzakachengeteka, vanobvuma kuti vari kugara vachitya mhosva dzinoparwa uye chisimba. Chimboona mishumo inotevera yakabva munyika dzakasiyana-siyana.
JAPAN: Asia Times inoti: “Japan yaimbova nyika yakachengeteka zvikuru pasi pose . . . Zvisinei, iye zvino, vanhu havachanzwi vakachengeteka sezvavaimboita, uye manzwiro okuchengeteka avaimbova nawo atsiviwa nemanzwiro okuzvidya mwoyo pamusana pokuparwa kwemhosva uye ugandanga huri munyika yose.”
LATIN AMERICA: Mumwe mushumo wenhau wa2006 unoti, vanhu vane mukurumbira muBrazil vari kufungidzira kuti muguta reSão Paulo muchaitika hondo yokuhwandirana. Pamusana pokuti chisimba chakanga chava kuitwa vhiki iyo neiyo, purezidhendi wenyika yacho akarayira kuti mauto aende kunochengetedza runyararo mumigwagwa yeguta racho. MuCentral America nomuMexico, “kuvapo kwenhengo dzinenge 50 000 dzezvikwata zvevechiduku kwakaita kuti zviremera zvomunyika idzi zvingwaririre,” anodaro mamwe mashoko ari mupepanhau rinonzi Tiempos del Mundo. Pepanhau racho rinotizve, “Mugore ra2005 chete, vanhu vanenge 15 000 vakaurayiwa nezvikwata zvevechiduku muSalvador, Honduras, uye kuGuatemala.”
CANADA: “Nyanzvi dzinoongorora kuparwa kwemhosva dziri kunetseka nokuwanda kuri kuita zvikwata zvevechiduku,” yakadaro USA Today muna 2006. “Mapurisa . . . akaona kuti muToronto mune zvikwata 73 zvomumigwagwa.” Maererano nepepanhau iri, mukuru mukuru wemapurisa kuToronto akabvuma kuti hapana nzira iri nyore yokugadzirisa nayo dambudziko iri riri kukura rezvikwata izvi mumaguta.
SOUTH AFRICA: Patrick Burton, mumwe anoongorora nezvokuparwa kwemhosva, anoti muFinancial Mail: “Vechiduku vose vokuSouth Africa vanogara vachitya mhosva dzinoparwa.” Mhosva dzacho dzinosanganisira “mhosva dzinoitwa nechisimba dzakadai sedzinoitwa nematsotsi anoba nepfuti, anoba motokari uye anoba mumabhengi,” rinodaro pepanhau racho.
FRANCE: Zuva nezuva vanhu vanogara mumafurati vanogara vachitya “pavanenge vachikwira masitepisi okuenda mudzimba dzavo, pavanenge vachienda kunzvimbo dzine ngozi dzinopakwa motokari, uye pavanofamba nezvifambiso zvevoruzhinji kana kwasviba.”—Guardian Weekly.
UNITED STATES: Zvikwata zvakarongeka zvinopara mhosva ndizvo zviri kuita kuti mhosva dzirambe dzichiwedzera. Maererano nomushumo uri muThe New York Times, mune imwe nyika yokuAmerica umo mune zvikwata zvinoda kusvika 700, kuongorora kwakaitwa nemapurisa kwakaratidza kuti vechiduku vanoda kusvika 17 000, vakomana nevasikana, vari mune chimwe chezvikwata izvi. Nhamba iyi inoratidza kuti yawedzera nevanhu vanenge 10 000 mumakore mana chete.
BRITAIN: Ichitaura nezvomumwe mushumo weUNICEF pamusoro pevana uye mhosva, The Times yokuLondon yakati: “Vechiduku vakawanda kuBritain vari kufa vaita zvokupfurwa. . . . Vari kuurayiwa nepfuti uye vari kupara mhosva dzacho vari kungoramba vachiva vechiduku.” Uwandu hwevasungwa mumajeri kuEngland nokuWales hwawedzera kusvika ku80 000.
KENYA: Mumwe mushumo wenhau unoti, vamwe amai nomwanasikana wavo vakanga vachityaira vachinanaira vakapfurwa nevanoba motokari mune mumwe mugwagwa mukuru. Guta guru rokuKenya, Nairobi, rava kuzivikanwa nokuparwa kwemhosva dzakasiyana-siyana dzinosanganisira kubiwa kwemotokari, kurwisa nechinangwa chokuba, uye kukuvadza munhu nechisimba pamusha pake.
Hapana here nzira yokuderedza nayo kuparwa kwemhosva kuri kuwedzera uku? Chii chiri honzeri huru yokuparwa kwemhosva? Uye pane tariro here yokuti rimwe zuva vanhu vachakwanisa kurarama vaine rugare rwechokwadi uye vakachengeteka? Nyaya dzinotevera dzichaongorora mibvunzo iyi.