Nokukurumidza Kuparwa Kwemhosva Haku“zovipozve”
“Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve.”—PISAREMA 37:10.
MUSIKI wedu, Jehovha Mwari, anofarira zvikuru vanhu vaakasika; haasi munhu asina hanya sezvinofunga vamwe. (Pisarema 11:4, 5) Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti ari kuona vose vari kupara mhosva uye kusaruramisira kwose, kusanganisira zviya zvisingaoneki nevanhu. “Maziso aJehovha ari pose pose, achiramba akatarira vakaipa nevakanaka.” (Zvirevo 15:3) Saka iva nechivimbo chokuti zvechokwadi vakaipa vari “panzvimbo inotsvedza.”—Pisarema 73:12, 18.
Zvisinei, kunyange zvazvo vangava varombo uye vachitodzvinyirirwa, vanhu vasina mhosva uye vane tsika dzakanaka vane tariro yakanaka kwazvo. Munyori wepisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Cherechedza munhu asina chaanopomerwa, urambe uchiona munhu akarurama. Nokuti nguva yemberi yomunhu iyeye ichava norugare.” (Pisarema 37:37) Mashoko iwayo anogona kutinyaradza nhasi, nokuti tine tariro yokuona achizadzika pasi pose munguva pfupi iri pedyo.
Tiri Kurarama Mumazuva Okupedzisira
Makore 2 000 akapfuura, vadzidzi vaJesu Kristu vakamubvunza mubvunzo une chokuita nezvaizoitika munguva yemberi. “Tiudzei,” vakadaro, “chii chichava chiratidzo . . . chokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mateu 24:3) Mhinduro yaJesu inonyatsotsanangurwa muBhaibheri muchitsauko 24 chaMateu chitsauko 24, chitsauko 13 chaMako chitsauko 13, uye chitsauko 21 chaRuka chitsauko 21. Nhoroondo idzi dzeEvhangeri dzinorondedzera mazuva okupedzisira enyika ino anozivikanwa nehondo, nzara, zvirwere, kudengenyeka kwenyika kwakakura, uye kuwedzera kukuru kwokusateerera mutemo.
Mamiriro ezvinhu akaoma akafanotaurwa naJesu akatanga muna 1914. Sokutaura kwakaita munyori wenhau dzakaitika Eric Hobsbawm mubhuku rake rinonzi Age of Extremes, ‘hapana mubvunzo kuti muzana remakore rechi20 ndimo makapondwa vanhu zvikuru kupfuura mamwe makore ose.’
Nezvokuwedzera kuri kuita uipi kuripo mazuva ano, Bhaibheri rinoti: “Vakaipa pavanomera sezvinomera uye vanhu vose vanoita zvinhu zvinokuvadza pavanotumbuka, zvinoitirwa kuti vatsakatiswe nokusingaperi.” (Pisarema 92:7) Chokwadi, uchapupu hwacho hwakajeka: Kuwedzera kwokusateerera mutemo kwakazara nhasi, sokupfumvutira kunoita zvinhu zvinomera mumwaka wazvo, chaizvoizvo zvinoratidza kuti kuparadzwa kwevakaipa kwava pedyo! Aya haasi mashoko anofadza here?—2 Petro 3:7.
“Vakarurama . . . Vachagara Mairi Nokusingaperi”
Pisarema 37:29 rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” Kuparwa kwemhosva uye kusaruramisira zvichange zvapera. Saka chinhu chose chine chokuita nokuparwa kwemhosva chichange chisisipo: maaramu, maroko, matare, magweta, mapurisa nemajeri. Bhaibheri rinopikira kuti: “Zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”—Isaya 65:17.
Chokwadi, nyika nevanhu zvichachinja zvikuru kwazvo zvisati zvamboitika. (Isaya 11:9; 2 Petro 3:13) Iyi ndiyo tariro inokosha ine Zvapupu zvaJehovha uye zvinokukumbira kuti uzozvionera kuti nokukurumidza izvi zvichazadzika. Yeuka kuti munhu akafuridzira Magwaro Matsvene haa“mborevi nhema.”—Tito 1:2.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 17]
KUBATSIRA VASUNGWA MUNE ZVOKUNAMATA
Kwemakore, Bazi reZvapupu zvaJehovha rokuUnited States rave richitambira tsamba kubva kuvanhu vari munzvimbo 4 169 dzakadai semajeri, zvipatara, uye mumasangano anobatsira vanhu kuti vasiye zvinodhaka. Vamwe vanokumbira mabhuku eBhaibheri; vamwe vanokumbira kudzidziswa Bhaibheri vasingabhadhari. Zvapupu zvine unyanzvi zvinoenda kunoona vanhu ava. Kutaura zvazviri, pasi pose Zvapupu zvinogara zvichishanyira majeri kuti zvidzidzise vasungwa Bhaibheri, varume nevakadzi, vakakumbira kubatsirwa mune zvokunamata. Vakawanda vavo vave vachichinja unhu hwavo zvinoshamisa, vave vachibhabhatidzwa kuti vave vaKristu, uye vari kurarama upenyu hunoenderana nomutemo.