Shoko raMwari Rinoita “Zvishamiso”
YAKATAURWA NATHÉRÈSE HÉON
Rimwe zuva muna 1965, ndakapinda mune imwe femu yebhizimisi ndokugovera makopi emagazini eNharireyomurindi neMukai! kuvatengesi. Sezvo ndakatendeuka kuti ndiende, ndakanzwa kurira. Bara rakarova uriri pedyo netsoka dzangu. “Ndiyo nzira yokubata nayo Zvapupu zvaJehovha,” mumwe wavatengesi akashora kudaro.
CHAKAITIKA ichocho chakandityisa—asi kwete zvakakwana kundiita kuti ndirege basa roushumiri hwenguva yakazara. Zvokwadi dzeBhaibheri dzandakanga ndadzidza dzakanga dzakakosha zvikuru zvokusagona kubvumira chinhu chipi nechipi kundiparira kurega ushumiri hwangu. Regai nditsanangure chikonzero nei ndichitaura ikoku.
Pashure pokunge ndazvarwa muna July 1918, vabereki vangu vaigara muCap-de-la-Madeleine, musha muduku uri muQuebec, Canada, unozivikanwa seThe Place of Miracles. Vashanyi vaidirana kuno kuzopa ruremekedzo nzvimbo tsvene yeMhandara Maria. Kunyange zvazvo zvishamiso zvinotaurwa kuva zvinoitwa naMaria zvisingagoni kubvumikiswa, Shoko raMwari rakaita zvinodokuva zvinoshamisa zvikuru muupenyu hwavanhu vakawanda sezvo musha wacho wakakura kuva taundi ravagari vemo vanopfuura 30 000.
Apo ndakanga ndava neanenge makore 20 okukura, baba vangu vakaona fariro yangu muzvinhu zvorudzidziso uye vakandipa Bhaibheri ravo. Apo ndakavamba kurirava, ndakakatyamadzwa kudzidza kubva muna Eksodho ganhuro 20 kuti kunamata zvifananidzo kunoshurikidzwa zvakajeka. Ndakakurumidza kurasikirwa nechivimbo mudzidziso dzeChechi yeKaturike uye ndakarega kupinda Misa. Ndakanga ndisingadi kunamata zvifananidzo. Ndichiri kugona kunzwa Baba vachiti, “Thérèse, hausi kuenda kuchechi here?” “Aiwa,” ndakapindura, “Ndiri kurava Bhaibheri.”
Kurava Bhaibheri kwakapfuurira kuva rutivi rwoupenyu hwangu kunyange pashure pokunge ndaroorwa muna September wa1938. Sezvo murume wangu, Rosaire, kazhinji kazhinji aishanda usiku, ndakakuita muitiro kurava Bhaibheri apo akanga ari kubasa. Ndakakurumidza kusvika pamhedziso yokuti Mwari anofanira kuva navanhu, uye ndakatanga kuvatsvaka.
Kutsvaka Kwangu Vanhu vaMwari
Nemhaka yezvandakanga ndadzidza muchechi, apo ndakanga ndiri muduku, ndakatya kuenda kunorara nemhaka yokutya kumuka ndiri muhero. Kuti ndirwise kutya kwakadaro, ndaigarozviudza ndimene kuti Mwari worudo aisazoita kuti chinhu chakaipa zvakadaro chiitike. Nenzira ine chivimbo, ndakaramba ndichirava Bhaibheri, ndichitsvaka zvokwadi. Ndakanga ndakaita somukuru mukuru weEtiopia uyo akarava asi asina kunzwisisa.—Mabasa 8:26-39.
Hanzvadzi yangu André nomudzimai wayo, avo vaigara mufurati pauriri hwaiva pasi pedu, vakatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha munenge muna 1957. Ndakaudza muroora wangu kuti andinyevere kupfurikidza nokugogodza padenga reimba apo Zvapupu zvaiuya kuzoparidza muchivako chacho. Nenzira iyoyo ndaizoziva kuti ndaisadavira. Rimwe zuva iye akakundikana kundinyevera.
Zuva iroro ndakazarura musuo ndokusangana naKay Munday, mumwe piyona, seizvo vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha vanodanwa. Iye akataura kwandiri pamusoro pezita raMwari, achitsanangura kuti Mwari ane zita romunhu oga, Jehovha. Pashure pokunge aenda, ndakanzvera Bhaibheri rangu kuti ndibvumikise kuti zvaakanga ataura zvirokwazvo zvaitsigirwa nemagwaro eBhaibheri. Nzvero yangu yakandifadza zvikuru.—Eksodho 6:3, Douay Version, mashoko omuzasi; Mateo 6:9, 10; Johane 17:6.
Apo Kay akashanyazve, takakurukura dzidziso yechiKaturike yoUtatu, iyo inotaura kuti Mwari vanhu vatatu muna Mwari mumwe. Gare gare ndakanzvera nokungwarira Bhaibheri rangu ndimene kuti ndizvigutse ndimene kuti iro haridzidzisi Utatu. (Mabasa 17:11) Fundo yangu yakabvumikisa kuti Jesu haana kukura saMwari. Iye akasikwa. Iye akanga ane mavambo, nepo Jehovha asina. (Pisarema 90:1, 2; Johane 14:28; VaKorose 1:15-17; Zvakazarurwa 3:14) Ndagutswa nezvandakanga ndichidzidza, ndakafara kupfuuridzira kurukurirano dzeBhaibheri.
Rimwe zuva muna 1958, mukati medutu resinou raNovember, Kay akandikoka kuti ndipinde gungano redunhu rakanga richiitwa manheru iwayo amene muhoro yakarendwa. Ndakagamuchira kokero yacho ndokufarikanya purogiramu yacho. Pashure pezvo, mukurukurirano nechimwe Chapupu chakandisvika, ndakabvunza kuti, “MuKristu wechokwadi anofanira kuparidza paimba neimba here?”
“Hungu,” iye akadaro, “mashoko akanaka anofanira kuziviswa, uye Bhaibheri rinozivisa kuti kushanyira vanhu pamisha yavo mutoo wakakosha wokuparidza nawo.”—Mabasa 20:20.
Ndakafadzwa sei nemhinduro yake! Yakandipwisa kuti ndakanga ndawana vanhu vaMwari. Kudai akanga ati, “Aiwa, hakusi madikanwa,” ndingadai ndakapanikira kuti ndakanga ndawana zvokwadi, nokuti ndaiziva icho Bhaibheri raitaura pamusoro pokuparidza paimba neimba. Kubva ipapo zvichienda mberi, ndakaita fambiro mberi yomudzimu yokukurumidza.
Pashure pegungano iroro redunhu, ndakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha iyo yakanga ichiitwa mutaundi riri pedyo reTrois-Rivières. Kay nomubiyake, Florence Bowman, vakanga vari Zvapupu bedzi zvaigara muCap-de-la-Madeleine. Rimwe zuva ndakati, “Mangwana ndichaenda nemi kunoparidza.” Ivo vakafara kuva neni ndichivaperekedza.
Kuparidza Mutaundi Romumusha Wangu
Ndaifunga kuti munhu ari wose aizogamuchira shoko reBhaibheri, asi ndakakurumidza kuziva kuti kwakanga kusina kudaro. Apo Kay naFlorence vakagoverwa kune imwe nzvimbo, ndini bedzi ndakanga ndiri mutaundi ndichiparidza zvokwadi dzeBhaibheri paimba neimba. Ndisingatyiswi, ndakapfuurira kuparidza ndiri ndoga kweanenge makore maviri kutozosvikira parubhapatidzo rwangu pana June 8, 1963. Zuva iroro rimene ndakanyoresa mubasa rainzi panguva iyoyo upiyona hwezororo.
Ndakapfuurira sapiyona wezororo kwegore rimwe. Ipapo, Delvina Saint-Laurent akavimbisa kuti aizouya kuCap-de-la-Madeleine ndokushanda neni kamwe pavhiki kana ndikava piyona wenguva dzose. Naizvozvo ndakazadza kumbiriso yangu youpiyona. Nenzira inosuruvarisa, kunyange zvakadaro, vhiki mbiri chete ndisati ndavamba ushumiri hwenguva yakazara, Delvina akafa. Ndaizoitei? Eya, ndakanga ndazadza kumbiriso uye ndakanga ndisingadi kudzokera shure. Naizvozvo muna October 1964, ndakavamba basa rangu muushumiri hwenguva yakazara. Kwamakore mana akatevera, ndakaenda paimba neimba ndiri ndoga.
VaKaturike vakazvipira veCap-de-la-Madeleine kazhinji kazhinji vakanga vane utsinye. Vamwe vakadana mapurisa mukuedza kundidzivisa kuparidza. Rimwe zuva, sezvandadudza pakuvamba, mutengesi akaedza kundityisidzira kupfurikidza nokupfura gumbo rangu. Eya, ikoku kwakaparira kutaura kwakati mutaundi racho. Nhepfenyuro yeterevhizheni yomunzvimbomo yakaidana kuti nhimbe mukurwisana neZvapupu zvaJehovha. Chiitiko chacho chose chakaguma nouchapupu hwakanaka. Sezvineiwo, makore gumi gare gare, hama yokunyama yomutengesi akanga andipfura yakava Chapupu iyo imene.
“Zvishamiso” Zvakaitwa neShoko raMwari
Mumakore akapfuura, ndakaona kukura kwechishoro kuzvokwadi dzeBhaibheri kuchipera zvishoma nezvishoma muCap-de-la-Madeleine. Munenge muna 1968, zvimwe Zvapupu zvakatamira muno, uye vagari vomuno vakavamba kugamuchira zvokwadi dzeBhaibheri. Pakuvamba muma1970, pakanga pane, chaizvoizvo, wedzero huru munhamba yefundo dzeBhaibheri. Yakasvika nguva apo ndaifanira kukumbira zvimwe Zvapupu kuti zviitise dzinoverengeka dzefundo dzeBhaibheri dzandakanga ndiri kuitisa kuti ndigogona kupfuurira kuchengeta goverano yakati muushumiri hwapaimba neimba.
Rimwe zuva mumwe mukadzi muduku akagamuchira kwandiri yamuro yefundo yeBhaibheri inonzi Zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi. Shamwari yake panguva iyoyo yakanga iri jaya rainzi André, tsotsi rairatidzika kuva rakasindimara uye rine utsinye iro rakakumbanira mukurukurirano yacho. Imwe kurukurirano naAndré yakanyandura fariro yake, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa. Nokukurumidza pashure pacho iye akavamba kutaura kushamwari dzake pamusoro pezvaakanga ari kudzidza.
Pane imwe nguva, ndakanga ndiri kufunda Bhaibheri nemagen’a mana, mumwe wavo haana kutaura zvakawanda zvikuru asi akateerera zvikuru. Zita rake rakanga riri Pierre. Mamwe mangwanani panenge pa2 kiroko, murume wangu neni takanzwa kugogodza pasuo. Fungidzira ichi chiono: Magen’a mana akanga akamirapo aine mibvunzo nokuda kwangu. Seizvineiwo, Rosaire haana kutongonyunyuta pamusoro peshanyo dzakadaro panguva isina kufanira.
Pakutanga varume vana vakapinda misangano. Zvisinei, André naPierre bedzi vakapfuurira. Vakapinza upenyu hwavo mutsinhirano nemipimo yaMwari uye vakabhapatidzwa. Kwaanopfuura makore 20 zvino, varume vose vari vaviri vakabatira Jehovha nenzira yokutendeka. Apo vakatanga kufunda, ivo vaisanozivikanwa nokuda kwomubato wavo woutsotsi uye ivo vairindwa namapurisa. Pane dzimwe nguva mapurisa akauya achivatsvaka pashure peimwe yefundo dzedu dzeBhaibheri kana kuti mukati momusangano weungano. Ndinofara kuti ndakaparidza ku“vanhu vose,” uye nokudaro ndakaona zvakananga nzira iyo Shoko raMwari rinoita nayo chinjo dzinoratidzika kuva dzinoshamisa zvirokwazvo.—1 Timotio 2:4.
Kudai pakuvamba kwoushumiri hwangu ndakanga ndaudzwa kuti paizova neHoro yoUmambo muCap-de-la-Madeleine uye kuti yaizozadzwa nevanhu vaJehovha, ndingadai ndisina kukudavira. Kumufaro wangu ungano imwe duku muguta rakavakidzana reTrois-Rivières yakakura kuva ungano nhanhatu dzinobudirira idzo dzinosangana muHoro dzoUmambo nhatu, kubatanidza imwe iri muCap-de-la-Madeleine.
Somunhu oga ndakava nomufaro wokubetsera vanhu vanenge 30 kusvika kupfundo retsauriro norubhapatidzo. Zvino, pamakore 78 ezera, zvirokwazvo ndinogona kutaura kuti ndinofara kuti ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha. Ndinofanira kubvuma, zvisinei, kuti ndakava nenhambo dzokuora mwoyo. Kuti ndikurire idzi nhambo nenzira inobudirira, nguva dzose ndinovhura Bhaibheri rangu ndokurava zvimwe zvikamu izvo zvinondizorodza zvikuru. Hakufungiki kuti ndirege zuva rimwe richipfuura ndisingaravi Shoko raMwari. Panokurudzira zvikurukuru ndipana Johane 15:7, ipo panoti: “Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda, muchazviitirwa.”
Itariro yangu kuona Rosaire munyika itsva iyo yava pedyo kwazvo. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Asati afa muna 1975, iye akanga ava kufambira mberi zvakanaka akananga kurubhapatidzo. Iko zvino, ndakatsunga kupfuurira muushumiri hwenguva yakazara uye kupfuurira kufara mubasa raJehovha.