Zvinotaura Bhaibheri
Zuva Rokutongwa Rinorevei?
Bhaibheri rinoti Mwari “akatara zuva raanoda kutonga naro nyika inogarwa.” (Mabasa 17:31) Vanhu vakawanda pavanongonzwa nyaya yokutongwa havafari. Ko iwe unofungei?
KANA kuri kuti newewo haufariri zuva iroro, unogona kunyaradzwa nokuziva kuti Zuva Rokutongwa hunotova urongwa hwakanaka huchaita kuti vanhu vakomborerwe chaizvo, kusanganisira vaya vakafa. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Nei Zuva Rokutongwa richidiwa? Chii chichanyatsoitika ‘pazuva’ racho?
Zuva Rokutongwa Nei Richidiwa?
Mwari paakaisa vanhu panyika, yakanga isiri nyaya yokuti nyika ive nzvimbo yokuti vanhu vaedzwe kuti zvionekwe kana vakakodzera kuzonorarama kune imwe nzvimbo. Akasika vanhu kuti vagare panyika nokusingaperi. Vabereki vedu vokutanga vakapandukira Mwari pasinei nokuti vakanga vakakwana. Izvozvo zvakabva zvaita kuti varasikirwe netariro yokurarama nokusingaperi uye zvakaita kuti vana vavo vose vave nechivi vakapedzisira vava kufa.—Genesisi 2:15-17; VaRoma 5:12.
Zuva Rokutongwa richange rakareba makore chiuru, apo vanhu vachava nomukana wokuwanazve zvakaraswa naAdhamu naEvha.a Cherechedza kuti Mabasa 17:31, yataurwa pamusoro apa, inoti Zuva Rokutongwa richabata-bata vaya vanenge vari ‘panyika inogarwa.’ Vaya vachatongwa zvakanaka vachararama panyika uye vachanakidzwa noupenyu husingaperi zvinhu pazvinenge zvakanaka. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Saka Zuva Rokutongwa richaita kuti chinangwa chaMwari chepakutanga nokuda kwevanhu uye pasi chizadzike.
Jesu Kristu ndiye Mutongi akagadzwa naMwari. Bhaibheri rinoti Jesu “achatonga vapenyu nevakafa.” (2 Timoti 4:1) Vari kunzi “vapenyu” vachatongwa ndivanaani? Vakafa vachaitwa sei kuti vave vapenyu zvekare ‘panyika inogarwa’?
Jesu Achatonga “Vapenyu”
Tava pedyo nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino, apo Mwari achaparadza vanhu vose vanonyengera uye vakaipa. Vachapukunyuka nyika ino ndivo “vapenyu” vachatongwa.—Zvakazarurwa 7:9-14; 19:11-16.
Panguva iyoyo yokutongwa, iyo ichange yakareba makore 1 000, Kristu Jesu pamwe chete nevarume nevakadzi 144 000 vanenge vamutswa kuti vanorarama vari kudenga vachatonga nyika. Vachange vari madzimambo uye vapristi, vachiita kuti vanhu vabatsirwe nechibayiro chorudzikinuro chaJesu, uye zvishoma nezvishoma vachiita kuti vanhu vakatendeka vave nemiviri uye pfungwa zvakakwana.—Zvakazarurwa 5:10; 14:1-4; 20:4-6.
Panguva yeZuva Rokutongwa, Satani nemadhimoni vanenge vasingachakwanisi kufurira vanhu. (Zvakazarurwa 20:1-3) Asi pachapera Zuva Rokutongwa, Satani achabvumirwa kuedza kutendeka kwevanhu vose vanenge vachirarama. Vaya vacharamba vakatendeka kuna Mwari vacharatidza kuti vakunda muedzo uyo Adhamu naEvha vakatadza kukunda. Vachanzi vakakodzera kuwana upenyu husingaperi panyika inenge yaitwazve Paradhiso. Vaya vachasarudza kupandukira Mwari vachabva vatsakatiswa zvachose, kusanganisira Satani nemadhimoni.—Zvakazarurwa 20:7-9.
Kutonga “Vakafa”
Bhaibheri rinoti munguva yeZuva Rokutongwa, vakafa “vachamuka.” (Mateu 12:41) Jesu akati “awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.” (Johani 5:28, 29) Izvi hazvisi kureva mweya yevaya vakafa yakaparadzana nomuviri. Vakafa hapana kana chavanoziva uye havana mweya unopukunyuka pavanofa. (Muparidzi 9:5; Johani 11:11-14, 23, 24) Jesu achaita kuti vaya vakarara murufu vavezve vapenyu pasi pano.
Vachamutswa vachatongerwa mhosva dzavakapara vasati vafa here? Aiwa. Bhaibheri rinodzidzisa kuti “Uya anenge afa asunungurwa pachivi chake.” (VaRoma 6:7) Saka vaya vachamutswa pasi pano vachatongwa ‘maererano nemabasa avo’ avachaita muZuva Rokutongwa sezvichangoitwawo vaya vachange vapona mamiriro ezvinhu epanguva ino. (Zvakazarurwa 20:12, 13) Saka zvavanenge vasarudza pakupedzisira ndizvo zvichazoita kuti zvinzi vamukira kuupenyu kana kuti vamukira kukuparadzwa. Vakawanda vevanhu vachamutswa vachawana mukana wokuziva nezvaJehovha Mwari kekutanga muupenyu hwavo. Vachawana mukana wokurarama maererano nokuda kwaMwari vowana upenyu husingaperi pasi pano.
Hapana Chikonzero Chokutya
Nguva yeZuva Rokutongwa inenge isingori nguva yokudzidziswa naMwari chete asiwo nguva yokuti vanenge vachirarama vashandise zvavanenge vachidzidza vonakidzwa nezvikomborero zvinenge zviripo. Chimbofungidzira mafariro auchaita pauchaonanazve nehama dzako dzakafa uye muchizopedzisira makwana!
Chimbofungidzira mafariro auchaita pauchaonanazve nehama dzako dzakafa
Pachapera Zuva Rokutongwa, Mwari achabvumira Satani kuedza vanhu kuti aone kana vachange vakatendeka kwaari. Asi hapana chikonzero chokuzvidya mwoyo kana kuti chokutya. Pachapera Zuva Rokutongwa, vapenyu vose vachange vagadzirira kutarisana nomuedzo uyu wokupedzisira. Saka Zuva Rokutongwa richazadzisa chinangwa chaMwari chokubvisa zvose zvakakonzerwa nokupandukira Mwari mumunda weEdheni.
a MuBhaibheri, shoko rokuti “zuva” rinogona kureva nguva dzakareba zvakasiyana-siyana. Somuenzaniso, ona Genesisi 2:4.