RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 9/1 pp. 16-17
  • Chii Chichaitika paZuva Rokutongwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chichaitika paZuva Rokutongwa?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Zuva Rokutongwa Rinorevei?
    Mukai!—2010
  • Zuva Rokutongwa—Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Zuva Rorutongeso—Nguva Yetariro!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 9/1 pp. 16-17

Dzidza Kubva muShoko raMwari

Chii Chichaitika paZuva Rokutongwa?

Nyaya ino inokurukura mibvunzo yaungava nayo uye inokuratidza paungawana mhinduro dzacho muBhaibheri rako. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukurukura newe mhinduro dzemibvunzo iyi.

1. Chii chinonzi Zuva Rokutongwa?

Sezviri pamufananidzo uri kurudyi, vakawanda vanofunga kuti paZuva Rokutongwa mweya yemabhiriyoni evanhu ichamira pamberi pechigaro chaMwari, votongwa zvinoenderana nezvaiitwa nemunhu wacho, vamwe vachipiwa mubayiro wokurarama kudenga, vamwe vachipiswa mugehena. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti chinangwa cheZuva Rokutongwa ndechokununura vanhu pamatambudziko avo. (Pisarema 96:13) Mwari akasarudza Jesu kuti ave Mutongi achaita kuti matambudziko evanhu apere.—Verenga Isaya 11:1-5; Mabasa 17:31.

2. Zuva Rokutongwa richagadzirisa sei matambudziko evanhu?

Munhu wokutanga Adhamu paakatadzira Mwari nemaune, akaita kuti vana vake vose vave nechivi, vatambure uye vafe. (VaRoma 5:12) Kuti Jesu agadzirise matambudziko aya, achamutsa mabhiriyoni evanhu vakafa. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti izvi zvichaitika Kristu Jesu paanenge achitonga kwemakore 1 000.—Verenga Zvakazarurwa 20:4, 11, 12.

Vanhu vanenge vamutswa havazotongerwi zvavakaita vasati vafa asi zvavachaita pachavhurwa “mipumburu” inotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 20. (VaRoma 6:7) Muapostora Pauro akati pavanhu vachamutswa vopiwa mukana wokudzidza nezvaMwari pachange paine ‘vakarurama nevasina kururama.’—Verenga Mabasa 24:15.

3. Chii chichaitika paZuva Rokutongwa?

Vanhu vakafa vasina kumbodzidza nezvaJehovha Mwari kuti vamushumire vachapiwa mukana wokuti vachinje vaite zvakanaka. Kana vakachinja, zvinoreva kuti “vachamukira upenyu.” Asiwo vamwe vanenge vamutswa vacharamba kudzidza nezvaJehovha. Ava ndivo “vachamukira kutongwa.”—Verenga Johani 5:28, 29; Isaya 26:10; 65:20.

Pachapera Zuva Rokutongwa iro rakareba makore 1 000, Jehovha achange abvisa chivi pavanhu vanoteerera voita sezvainge zvakaita vanhu pakutanga. (1 VaKorinde 15:24-28) Iyi itarisiro yakanaka chaizvo kune vose vanoteerera. Mumuedzo wokupedzisira, Mwari achabudisa Satani Dhiyabhorosi mugomba rakadzika-dzika raachange akavharirwa kwemakore 1 000. Satani achaedzazve kutsausa vanhu pana Jehovha, asi vaya vachamukunda vachanakidzwa nokurarama nokusingaperi pasi pano.—Verenga Isaya 25:8; Zvakazarurwa 20:7-9.

4. Nderipi rimwe zuva rokutongwa richabatsira vanhu?

Bhaibheri rinoshandisawo mashoko okuti “zuva rokutongwa” richireva zvichaitika pachaguma mamiriro ezvinhu epanguva ino. Zuva iri rokutongwa richangoerekana rauya sezvakaita Mafashamo emuzuva raNoa ayo akatsvaira vanhu vose vakaipa. Asi zvinofadza kuti kuparadzwa “kwevanhu vasingadi Mwari” uko kwava kuda kuitika kuchaita kuti pave nenyika itsva ichange ‘iine kururama.’—Verenga 2 Petro 3:6, 7, 13.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 213 kusvika ku215 ebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe