Zuva Rorutongeso—Nguva Yetariro!
KANA pfungwa yezuva rorutongeso ichikutyisidzira, kuregererei kunzvera icho Bhaibheri rinotaura pamusoro paro? Somuenzaniso, ndokwechokwadi here kuti apo Mwari anoita rutongeso pavatadzi, ivo vanokandirwa muhero yomwoto?
Eya, chinoitika chokutanga chakanyorwa chorutongeso rwoumwari chakanga chiri pamavambo chaipo enhau yavanhu. Adhama naEvha vakanga vane banza rokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi. (Genesi 1:26-28; 2:7-9, 15-25) Zvisinei, ivo vakatadza, uye vakava murutongeso rwakaipa rwaMwari. Muuyo wacho? Mwari akatora chipo choupenyu. Namamwe mashoko, ivo vakafa. Mwari akavaudza, kuti: “Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.”—Genesi 3:16-19.
Urwu rwakanga rwuri rutongeso rwakakomba, asi rwakanga rwakarurama. Uye zvamazvirokwazvo haruna kubatanidza hero yomwoto. Apo Adhama naEvha vakafa, vakadzokera kuguruva. Vakarega kuvapo. Bhaibheri hapana parinokarakadza kuti rutivi rwaAdhama kana kuti rwomumwe munhu upi noupi rwakapukunyuka rufu kuti rutambudzwe kune imwe nzvimbo nokusingagumi kwose. Panzvimbo pezvo, tinorava, kuti: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva.”—Muparidzi 9:5.
Waiziva here kuti Bhaibheri rinotaura ikoku? Waizivawo here, kuti Bhaibheri haritongoshandisi kutaura kwokuti “mweya usingafi”? Panzvimbo pezvo, iro rinoti: “Mweya unotadza, iwo uchafa.” (Ezekieri 18:4, King James Version) Ikoku kuri mutsinhirano zvizere nenheyo yeBhaibheri, inoti: “Mibairo yechivi rufu.” (VaRoma 6:23, KJ) Iyi nheyo inotapura tose zvedu. Tose zvedu tiri vazukuru vaAdhama anotadza, naizvozvo tose zvedu tinotadza ndokugamuchira mibairo yechivi, rufu. Bhaibheri rinoti: “Kupfurikidza nomunhu mumwe chivi chakapinda munyika, uye rufu kupfurikidza nechivi; uye naizvozvo rufu rwakaenda kuvanhu vose, nokuda kwaikoko vose vakatadza.” (VaRoma 5:12, KJ) Zuva roRutongeso rutivi rukuru rwegadziriro yaMwari yokutiponesa mumugariro iwoyu.
Hwaro hweZuva roRutongeso
Mukuwirirana neBhaibheri, akanga ari anodokusvika makore 2 000 apfuura apo Mwari akavanzarika hwaro hwezvichaitika paZuva roRutongeso. Ipapa pakanga pari apo Jesu akauya kupasi ndokupa upenyu hwake hwakakwana hwohunhu nokuda kwedu. Jesu amene akatsanangura, kuti: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe oga, kuti ani naani unotenda kwaari arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16.
Kana tikashandisa kutenda muna Jesu, tinobetserwa nechibairo chake kunyange zvino nenzira yomudzimu. Mwari anokanganwira zvivi zvedu uye anotibvumira kumusvika. (Johane 14:6; 1 Johane 2:1, 2) Asi tichiri vasina kukwana, vatadzi, uye savakadaro, tichiri kurwara mumuviri ndokufa pakupedzisira. Tichigere kuva noupenyu husingaperi uhwo Jesu akapikira. Ihwohwu huchauya somuuyo weZuva roRutongeso.
Zuva roRutongeso
Muapostora Johane akaona chiono cheZuva roRutongeso, akachirondedzera sezvinotevera: “Ndakaona chigaro choumambo chichena chikuru, uye wakanga akagara pachiri, uyo pasi nedenga zvakatiza chiso chake; uye hakuna kuwanikwa nzvimbo yazvo. Uye ndakaona vakafa, vaduku navakuru, vakamira pamberi paMwari; uye mabhuku akazarurwa: uye rimwe bhuku rakazarurwa, iro riri bhuku roupenyu: uye vakafa vakatongwa nezvinhu izvozvo zvakanga zvakanyorwa mumabhuku, mukuwirirana namabasa avo.”—Zvakazarurwa 20:11, 12, KJ.
Hungu, mukuwirirana nechiono chaJohane, Zuva roRutongeso richatungamirirwa naMwari amene. Asi mumwe munhuzve anobatanidzwa. Muapostora Pauro akatsanangura, kuti: “[Mwari] akagadza zuva, umo achatonga nyika mukururama kupfurikidza nomurume uya waakagadza.” (Mabasa 17:31, KJ) Ndiani akanga ari murume iyeyo? Jesu, uyo amene akati: “Baba havatongi munhu, asi vakapa kutonga kwose kuMwanakomana.” (Johane 5:22, KJ) Naizvozvo Jesu achava Mutongi akagadzwa waMwari paZuva roRutongeso.
Aya mashoko akanaka nokuda kwavanhu. Evhangeri dzinozivisa Jesu kuva munhu wetsitsi huru. Iye haasati ari anozvitutumadza kana kuti anoraira asi “munyoro naanozvininipisa mumwoyo.” (Mateo 11:29, NW; Mat. 14:14; 20:34) Tinofara kuva mutarisiro yomutongi akadaro.
Ruchavako Rini?
Kunyanguvezvo, Zuva roRutongeso riri rini? Zvakazarurwa anotaura kuti richava apo “pasi nedenga [zvinenge] zvatiza, (NW).” Ikoku kunotiyeuchidza nezvamashoko omuapostora Petro, anoti: “Denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa mwoto neshoko ireri, zvinochengeterwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.” (2 Petro 3:7) Pasi chairoiro richafanira kupiswa here? Aiwa, Bhaibheri rakajeka papfundo irori. Pasi chairoiro harisati richizotongoparadzwa. “Pasi . . . [harisati] richizobviswa nokusingaperi.” (Pisarema 104:5, KJ) Mashoko akapoteredza amashoko aPetro anoratidza kuti itsika yenyika yazvino isina umwari yezvinhu ichafanira kuparadzwa. Vanhu vasina umwari, kwete Pasi, vachaparara.—Johane 12:31; 14:30; 1 Johane 5:19.
Vanhu vasina umwari ivava vachaparadzwa paicho Bhaibheri rinodana kuti hondo yeArmagedhoni—iyo, seizvo magazini ino yakaratidza kazhinji kazhinji, ichaitika nokukurumidza. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Pashure pacho, Satani amene achaiswa mugomba rakadzika-dzika ndokudziviswa kudzongonyedza vanhu kwamakore ane chiuru, uye makore ane chiuru iwaya ndiyo nhambo chaiyoiyo yeZuva roRutongeso. (Zvakazarurwa 19:17–20:3) Chii chinoitika kuvakatendeka apo vanhu vasina umwari vanoparara paArmagedhoni? Ivo vanopukunyuka ndokupinda muZuva roRutongeso chaimo. Tinorava, kuti: “Vakakwana vacharambira [pasi pano]. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika.”—Zvirevo 2:21, 22.
Richitsigira ikoku, Bhaibheri rinotaura nezve“vazhinji-zhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi” avo vaizooneka pasi pano pamberi peArmagedhoni. Ivava “vanobva kukutambudzika kukuru”; namamwe mashoko, vanopukunyuka mugumo wenyika ino isina umwari kungofanana nokupukunyuka kwakaita Noa mugumo wenyika yomuzuva rake. (Zvakazarurwa 7:9-17; 2 Petro 2:5) Waiziva here kuti iri boka guru ramarudzi ose ramaKristu anoshingaira ririko kunyange zvino? Iwaya anokarira kupukunyuka dambudziko guru ndokurarama nokusingaperi pasi pano. Kuvapo kwawo ufakazi hwechokwadi hwokuva pedyo kweZuva roRutongeso.
Ndivanaani Vachatongwa?
Boka guru irori richatongwa paZuva roRutongeso. Asi havasati vachizova vari voga. Nhauro yaJohane inopfuurira, kuti: “Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri; uye rufu nehero zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri: uye vakatongwa munhu ari wose mukuwirirana namabasa avo.” (Zvakazarurwa 20:13, KJ) Hechino chimwe chibvumikiso chokuti vanhu havatamburi nokusingaperi muhero. Kana hero ichibudisa avo vakafa vari mairi, munhu upi noupi anogona sei kuvamo nokusingagumi kwose? Kutaura idi, hero yeBhaibheri iguva ravose rorudzi rwomunhu, umo vakafa vanoramba vari vasingazivi vachimirira rumuko. PaZuva roRutongeso, hero inofanira kubviswa chose chose vakafa vayo.—Muparidzi 9:10.
Ndivanaani vachamutswa muvakafa paZuva roRutongeso? Muapostora Pauro akati: “Kuchava norumuko rwavakafa, rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15, KJ) Nokudaro, vabatiri vakatendeka vaMwari, “vakarurama,” vachamutswa. Asi ndizvo zvichaitwawo vamwe vasingaverengeki, “vasakarurama.” Sezviri pachena, rumuko ruchabatanidza vose avo vakafa uye vachiri muguva—kunze kwavapi navapi vaiva nezvivi zvakanga zvakakomba kwazvo zvokuti Mwari akatovatonga savasingafanirwi chose chose noupenyu.—Mateo 12:31.
Rutongeso
Chii, kunyanguvezvo, chinoitika kuboka guru ravapukunyuki navanhu vanomutswa paZuva roRutongeso? Bhaibheri rinoti: “Vakafa vakatongwa nezvinhu izvozvo zvakanga zvakanyorwa mumabhuku, mukuwirirana namabasa avo.” Iyi inguva yenzvero. Vose vanodisa kuita mukuwirirana ne‘zvinhu izvozvo zvakanyorwa mumabhuku’—sezviri pachena zvinodikanwa zvaMwari nokuda kworudzi rwomunhu panguva iyeyo—vachanyorwa mu“bhuku roupenyu.” (Zvakazarurwa 20:12, KJ) Ivo vachava vari munzira yokuenda kukuwana upenyu husingaperi!
Ipapo, pakupedzisira, rufu rwechibairo rwaKristu ruchaunza betsero dzomuviri! Avo vakarongwa mubhuku roupenyu panguva iyoyo havasati vachizopindazve muchirwere norufu. Panzvimbo pezvo, vachadzorerwa zvishoma nezvishoma kukukwana kwohunhu, noupenyu husingaperi hwakapikirwa kuavo vanoshandisa kutenda muna Jesu. Ikariro inoshamisa zvakadini! Kunyanguvezvo, sezviri pachena vamwe vacharamba kuteerera ‘zvinhu izvozvo zvakanyorwa mumabhuku.’ Chii chinoitika kwavari? Havawani upenyu husingagumi. Panzvimbo pezvo, rugwaro runoti: “Munhu ari wose asina kuwanwa akanyorwa mubhuku roupenyu akakandirwa mudziva romwoto.”—Zvakazarurwa 20:15, KJ.
Iyi ndiyo hero yomwoto iyo chiKristudhomu chinotaura pamusoro payo here? Aiwa, nokuti mundima inotangira iyi, tinorava, kuti: “Rufu nehero zvakakandirwa mudziva romwoto. Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” (Zvakazarurwa 20:14, KJ) Kana hero ichikandirwa mudziva romwoto, dziva harigoni iro rimene kuva hero yomwoto. Uyezve, rufu harusi chimwe chinhu chaichoicho chinogona kusimudzwa ndokukandirwa kune imwe nzvimbo. Naizvozvo dziva romwoto rinofanira kuva rokufananidzira. Kufananidzireiko? Bhaibheri rinoti: “Urwu ndirwo rufu rwechipiri.” Apo rufu neHadhesi zvinokandirwa mudziva romwoto, “zvinofa,” kurega kuvapo. Nenzira yakafanana, vanhu vanopandukira vanosvikako vanofa, kana kuti vanorega kuvako. Urwu, kunyanguvezvo, ndirwo rufu rwechipiri, rusina tariro yorumuko.
Zuva roRutongeso—Nguva Yetariro
Naizvozvo patinofunga nezveZuva roRutongeso, hatifaniri kutyiswa kana kuti kusemburwa. Zuva roRutongeso inguva yetariro, nguva yokudzorera kurudzi rwomunhu upenyu husingaperi uhwo Adhama akarasikirwa nahwo. Teerera zvikomborero zvarichaunza kuavo vanotongwa savakatendeka: “Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Pakuzosvika kwomugumo weZuva roRutongeso ramakore ane chiuru, vanhu vakatendeka vanobva mumativi ose apasi vachakwana pakupedzisira. Vachava “vasvika kuupenyu” mupfungwa yakazara zvikurusa, uye Zuva roRutongeso richave raita donzo raro. (Zvakazarurwa 20:5, NW) Ipapo, Bhaibheri rinotaura kuti, Satani achabvumirwa kusvika kurudzi rwomunhu kweimwe nguva yokupedzisira. (Zvakazarurwa 20:3, 7-10) Avo vanomudzivisa nguva ino yokupedzisira vachafarikanya zadziko yakazara yechipikirwa cheBhaibheri, chinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.
Zuva roRutongeso igadziriro inoshamisa zvakadini! Uye kunoshamisa sei kuti tinogona kugadzirira nokuda kwaro kunyange zvino, kupfurikidza nokufunda Bhaibheri, kudzidza kuda kwaMwari, uye kushandisa kuda kwoumwari ikoku muupenyu hwedu! Hakushamisi kuti wezvamapisarema akaratidzira mufaro pamufungo worutongeso rwaMwari paakanyora, kuti: “Kudenga-denga ngakufare, napasi ngapafare kwazvo; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mukati maro; sango ngarive nomufaro, nezvose zviri mukati maro, ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro; pamberi paJehovha, nokuti unouya; nokuti unouya kuzotonga pasi.”—Pisarema 96:11-13.