RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 October pp. 22-25
  • Zvingapedza Kusurukirwa Kwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvingapedza Kusurukirwa Kwako
  • Mukai!—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndinofanira Kuchinja Maonero Angu Here?
  • Ndinozviparadzanisa Nevamwe Here?
  • Dambudziko Rangu Nderokuzvitarisira Pasi Here?
  • Ndinozviita Zindoga Here?
  • Uri Kutsvaga Wokuroorana Naye Here?
  • Unokwanisa Kutsungirira Kusurukirwa
  • Kuwana Shamwari Dzakanaka
  • Usarega Ushoma Huchikuvadza Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Ndinogona Seiko Kuita Kuti Ushoma Hwangu Hubve?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Kuziva Zvinokonzera Kusurukirwa
    Mukai!—2010
  • Nei Ndisina Shamwari?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 October pp. 22-25

Zvingapedza Kusurukirwa Kwako

KANA uchinetseka nokusurukirwa, zvingabatsira kuzvibvunza kuti: ‘Pane zvandingaita here kuti ndinatsiridze mamiriro acho ezvinhu? Kungava kuti ndinofanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwangu here? Kana zvakadaro, zvinhu zvacho ndezvipi?’ Mibvunzo inotevera ingakubatsira kuzviongorora uye kuwana zvingagadzirisa dambudziko rako zvinogutsa.

Ndinofanira Kuchinja Maonero Angu Here?

Chero munhu upi zvake anogona kusurukirwa. Asi dambudziko rinozovapo kana kusurukirwa kwacho kukaramba kuchienderera. Kana kukaramba kuchienderera, izvozvo zvingaratidza kuti chimwe chinhu hachina kumira zvakanaka pamaonero auri kuita upenyu. Dambudziko racho ringava richibva pane zvaunoita nezvaunotaura paunenge uine vamwe. Vasingazivi, vamwe vanhu vangaita kuti zviomere vamwe kutanga ushamwari navo pamusana pezvavanoita. Dzimwe nguva chinongodiwa chete kuchinja maonero aunoita.

Funga nezvezvakaitika kuna Sabine paakatamira kuEngland. Akati, “Zvinoda nguva kuti shamwari itsva dzivimbane zvokuti munonzwa makasununguka uye muine chivimbo pamunenge muri mose. Wadii kubvunza vamwe nezvemakuriro avakaita? Ini ndakaudzwa kuti: ‘Hapana nyika inonzi ndiyo ine tsika dzakanyanya kunaka kupfuura dzimwe. Tsvaka zvakanaka mutsika dzenyika dzose.’” Ungada kutsvaka unhu hwakanaka mutsika dzedzimwe nyika, uye huchakubatsira kana ukahutevedzera, sezvakakurudzirwa Sabine.

Ndinozviparadzanisa Nevamwe Here?

Ungazvibvunza kuti: ‘Ndine katsika kekuzviparadzanisa nevamwe here? Vangava noushamwari here kana ini ndikawedzera kuva noushamwari?’ Kana zviri izvo, ita zvose zvaunogona kuti uwedzere kuva noushamwari. Roselise ane makore 30, akatamira kuEngland achibva kuGuadeloupe, akati, “Vaya vanonzwa vakasurukirwa vane katsika kekuva vana zindoga.” Saka akapa zano rokuti: “Tsvaka vaya vanoita sokuti vakasurukirwawo. Tanga iwe kutaura navo. Dzimwe nguva chinongodiwa kubvunza mubvunzo mumwe chete kuti utange ushamwari hunogara kwenguva refu.”

Zvisinei, kutanga ushamwari hwepedyo kunoda nguva uye kushanda zvakaoma. Kudzidza kuteerera ndiyo nzira yakanaka yokutanga nayo ushamwari. Kana ukanyatsoteerera, uchakwanisa kutaura nezvezvinhu zvinonakidza mumwe wako. Yeuka kuti, kunzwira vamwe tsitsi kunoita kuti pave noushamwari.

Dambudziko Rangu Nderokuzvitarisira Pasi Here?

Kuzvitarisira pasi kunogona kukutadzisa kutanga ushamwari. Zvibvunze kuti, ‘Ndine katsika kekungozvitarisira pasi here?’ Abigaïl wokuGhana ane makore 15, anobvuma kuti: “Dzimwe nguva ndaizvitarisira pasi uye izvozvo zvaiita kuti ndisurukirwe. Ndaiona sokuti handidiwe uye handibatsiri.” Unogona kuva nechokwadi chokuti kana ukatanga iwe kubatsira vamwe, havazokuoni sousingabatsiri. Vangaedzawo kuva shamwari dzako. Saka wadii kutanga iwewe?

Kusazvitarisira pasi kuchakubatsirawo kuva neshamwari dzisiri dzezera rako. Kushamwaridzana nemunhu mukuru kana muduku kwauri kunogona kukubatsira. Chinhu chakanyanya kubatsira Abigaïl kuti akunde kusurukirwa kwake ndechokuti akaedza kushamwaridzana nevanhu vakuru kwaari. Akatsanangura kuti, “Ndakabatsirwa neruzivo rwavakawana muupenyu uye zvakaitika kwavari.”

Ndinozviita Zindoga Here?

Vanhu vakawanda vakasurukirwa vanobatsirwa zvishoma nokupedza nguva yakareba vachiona TV, vachitamba mitambo yevhidhiyo, kana kuti vari pakombiyuta. Asi pavanongodzima zvinhu izvi, vanobva vasurukirwa zvakare. Elsa wokuParis ane makore 21 anobvuma kuti, “Terevhizheni nemitambo yevhidhiyo zvinogona kukanganisa munhu zvokuti anosvika pakusadazve kuva neshamwari.”

Zvakashatira kuona TV ndezvokuti hapana kukurukurirana, kupanana mazano, kana kuti mikana yokuva neshamwari. Ndizvo zvakaitawo mitambo yevhidhiyo, inoita kuti ufungidzire zvinhu zvisingaitiki izvo zvinobva zvangonyangarika paunongopedza kutamba. Kutsvaga zvinhu paindaneti usina chinangwa kunogona kuita kuti usaone zvinhu sezvazviri, asi kunogonawo kuita kuti uone zvinonyadzisira kana kuti kukurukura nevanhu vanovanza zvavari. Indaneti haisi nzvimbo yakanaka yokuti uwane shamwari dzakavimbika.

Uri Kutsvaga Wokuroorana Naye Here?

Vamwe vasati vawana kana kuti kuwanikwa vangada kuita izvozvo kuti vapedze kusurukirwa. Ichokwadi kuti murume kana kuti mudzimai ane mutsa nerudo angaita kuti munhu afare chaizvo muupenyu, asi ngwarira kusamhanyira kuita chisarudzo chinokosha chaizvo sokuroora kana kuti kuroorwa.

Wanano handiyo inopedza dambudziko rokusurukirwa. Vamwe vakawanana vane matambudziko okukurukurirana vanonzi “ndivo vanhu vakasurukirwa zvisingaiti munyika.” Zvinosuruvarisa kuti pane vanhu vakawanda chaizvo vari mumamiriro ezvinhu akadaro. Saka kana uchida kuzoroora kana kuti kuroorwa nerimwe zuva, wadii kugadzirisa dambudziko rako rokusurukirwa usati wava kudanana nemumwe munhu? Kana ukagadzirisa mafungiro ako nezvaunoita uye kutanga iwe kutsvaka shamwari usati waroora kana kuti kuroorwa, ungangove uri kugadzirira zvakanaka kuzova neimba inofara.

Unokwanisa Kutsungirira Kusurukirwa

Pangasava nechingakurumidza kupedza kusurukirwa kwako. Asi unokwanisa kutsungirira nokuita zvinokosha zvakataurwa naJesu mumharidzo yake yepaGomo. Akati: “Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Saka kana uchida kuti vamwe vave neushamwari newe, ivawo neushamwari navo. Kana uchida kuti vamwe vanzwe vakasununguka kwauri, tanga iwe kusununguka kwavari. Vamwe vangasakurumidza kuva neushamwari newe, asi nekufamba kwenguva vachadaro. Kunyange kana vakasadaro, uchafara chaizvo nokuti unenge wamboedzawo.

Jesu akataura chimwe chokwadi chinokosha chingakubatsira kuti utsungirire kusurukirwa, paakati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kana ukashandisa nguva yako kuti ubatsire vamwe, kungava kubatsira mwana kuti aite basa rake rechikoro rinoitirwa kumba kana kuti kubatsira munhu akura nokunomutengera zvaanoda kana kuti kuita kuti imba yake kana kuti chivanze zvirambe zvichitaridzika zvakanaka, uchanzwa uchifara chaizvo uye zvichida uchatanga ushamwari hwechokwadi.

Kuwana Shamwari Dzakanaka

Pane dzimwewo nzira dzinoshanda pakutsungirira kusurukirwa. Usangozvivharira mumba. Kana zvichiita, enda unofamba-famba mupaki kana kuti kumaruwa. Paunenge uri woga pamba, shandisa nguva yako kuita tunhu twakasiyana siyana tunoda kushandisa pfungwa, twakadai sokusona, mabasa epamba kana kuti kugadziridza zvinhu, kana kuti kuverenga. Mumwe murume akanyora kuti, “Hapana kunetseka kwandakambova nako kusina kupedzwa nekuverenga kweawa imwe chete.” Vakawanda vakanyaradzwa chaizvo pavaiverenga mapisarema ari muBhaibheri.

Nyanzvi dzakaona kuti kushamwaridzana nevanhu vechitendero chakafanana kunogona kubatsira munhu kukunda kusurukirwa uye kunogona kubatsirawo pautano. Ungawana kupi vanhu vanovavarira kuitira vamwe sezvavanoda kuitirwa? Mune rimwe bhuku rinotaura nezvezvitendero, mumwe murume asina divi raanotsigira akanyora kuti: ‘Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsovimbana uye hazvisarurani pose pazvinoungana.’

Jesu akataura nezvechinhu chaizoratidza chiKristu chechokwadi paakaudza vadzidzi vake kuti, “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Kuda Mwari, uyewo vamwe vanamati, ndiko kunonyanya kuratidza kuti chitendero chechokwadi ndechipi.—Mateu 22:37-39.

Kuva noushamwari naMwari ndiyo nzira yakanyanya kunaka yokutsungirira kusurukirwa. Kana Mwari ari shamwari yako, unogona kunzwa kuti hausi woga.—VaRoma 8:38, 39; VaHebheru 13:5, 6.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]

KUKUNDA KWANDINOITA KUSURUKIRWA

Anny, chirikadzi: “Ndinoedza kuita kuti pfungwa dzangu dzione zvinhu zvakanaka pamamiriro angu ezvinhu.”

Carmen, asati aroorwa: “Ndakadzidza kusaramba ndichingofunga zvakapfuura, asi kuenderera mberi neupenyu uye kuva nedzimwe shamwari.”

Fernande, chirikadzi: “Kana ukashanda zvakaoma kuti ubatsire vamwe, unokanganwa nhamo dzako.”

Jean-Pierre, asati aroora: “Ndinowanzofamba zvangu kwenguva refu uye apa ndipo pandinoudza Mwari zvose zviri kutsi kwemwoyo wangu.”

Bernard, akafirwa nemudzimai: “Ndinogara ndichitaura neshamwari dzangu pafoni, kwete kuti ndiyeuke zvinosuruvarisa zvakaitika asi kuti tinakidzwe zvedu nokukurukura.”

David, asati aroora: “Kunyange zvazvo ndichifarira kugara ndiri ndega, ndinovavarira kuti ndive munhu anotaurika naye.”

Lorenna, asati aroorwa: “Ndinotanga kutaura nevanhu ndoedza kuita ushamwari navo.”

Abigaïl, ane makore 15: “Ndinopedza nguva yakawanda ndine vanhu vakuru ndobatsirwa nezvakaitika kwavari.”

Cherry, asati aroorwa: “Ndakaona kuti kana ukaudza vanhu kuti wakasurukirwa, vanoita zvose zvavanogona kuti vashamwaridzane newe.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]

MATANHO OKUTI UKUNDE KUSURUKIRWA

● Iva nemaonero akanaka

● Usanyanya kuzvivaraidza uri woga, nezvinhu zvakadai sokuona TV

● Tsvaka shamwari dzinofarirawo zvaunokoshesa, kusanganisira vanhu vasiri vezera rako

● Chinonyanya kukosha, tsvaka ushamwari naMwari

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ita ushamwari nevanhu vasiri vezera rako

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe