RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 October pp. 20-22
  • Kuziva Zvinokonzera Kusurukirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuziva Zvinokonzera Kusurukirwa
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Usarega Ushoma Huchikuvadza Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nei Kune Vanhu Vakawanda Zvikuru Vakasurukirwa?
    Mukai!—2004
  • Ndinogona Seiko Kuita Kuti Ushoma Hwangu Hubve?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Zvingapedza Kusurukirwa Kwako
    Mukai!—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 October pp. 20-22

Kuziva Zvinokonzera Kusurukirwa

KUSURUKIRWA hakuna kufanana nokuva woga. Kusurukirwa kunonyanya kureva kuva woga asi uine chishuwo chokuva nemumwe munhu. Kuva woga kunoreva mamiriro ezvinhu omunhu anosarudza zvake kusava nevamwe.

Saka dzimwe nguva, munhu anogona kusarudza kuva oga. Vakawanda vanosarudza kuva voga kuti vanyengetere kana kuti kufungisisa, sezvakaitwa naJesu Kristu. (Mateu 14:13; Ruka 4:42; 5:16; 6:12) Asi kusurukirwa kunorwadza chaizvo. Chii chingaita kuti munhu asurukirwe?

● Kusurukirwa Mumaguta Akazara Nevanhu

Mumaguta makuru, vanhu vanosvika zviuru kana kuti kunyange mamiriyoni vanogara pedyo napedyo zvakanyanya. Asi zvinoshamisa ndezvokuti magariro akadaro anoita kuti vanhu vakawanda vasurukirwe. Chipatapata chiri muguta chinoita kuti vakawanda vasazivana kunyange nevavakidzani vavo. Saka vagari vemuguta vanopedzisira vava kugara nevanhu vavasingatombozivi. Kakawanda kusavimba nevanhu vausingazivi uye kusada kuti vamwe vazive zvine chokuita newe zvinogona kuita kuti vanhu vakawanda vari mumaguta makuru vasurukirwe.

● Kusabatwa Zvakanaka Kwevashandi

Maitirwo ezvinhu pamakambani makuru nemaindasitiri akaita kuti vashandi vane mabasa akasiyana-siyana vasurukirwe kana kuti vanzwe sokuti havana kukodzera. Vashandi vanowanzova nezvinetso zvisingaperi uye zvinovatenderedza musoro.

Uyezve, mumakambani makuru, kutamiswa-tamiswa kunoitwa vashandi vakawanda kunoita kuti vanzwe vasina kugadzikana, vakasurukirwa uye vari kwavo vega. Rimwe pepanhau rinonzi International Herald Tribune, richitaura nezvokuzviuraya kwevashandi vakawanda vokuFrance rakati vashandi vakawanda “vanoona sokuti vari kushandiswa zvakapfurikidza nemhaka yekuchinja kwemamiriro ezveupfumi.”

● Kukurukurirana Kusingabayi Mwoyo

KuJapan, mumwe Muzvinafundo anonzi Tetsuro Saito akati: “Kukurukurirana zvakanaka kuchatodzikira sezvo pava nemaserura nemimwe michina yava kukukanganisa.” KuAustralia, pepanhau rinonzi The Sunday Telegraph rakati: “Zvinhu zvakagadzirwa neruzivo rwemazuva ano zviri . . . kuita kuti vanhu vazviparadzanise nevamwe. Vanhu . . . vanotumirana tsamba nekombiyuta kana kuti mashoko neserura panzvimbo pokukurukurirana.”

Rachel anogara kuFrance, ane makore 21, paaitsanangura chinoita kuti anzwe akasarukirwa, akagunun’una achiti: “Ndinoona sokuti vanhu havamboedzi kuuya kuzokuona, nokuti vanofunga kuti zvakakwana kutumira mashoko neserura, kutumira tsamba nekombiyuta, uye kukurukura paindaneti. Asi izvozvo zvinotoita kuti ndisurukirwe zvakanyanya.”

● Kutamira Kune Imwe Nzvimbo

Dambudziko rezvoupfumi rakaita kuti vanhu vatame chaizvo, zvichiita kuti vaende kwakasiyana-siyana kuitira kuti varambe vaine mabasa avo kana kuti vawane basa. Kuchinja kwokugara kunobvisa vanhu pedyo nevavakidzani vavo, shamwari, chikoro, uye dzimwe nguva mhuri. Saka vaya vanenge vatama vanoita sezvinoita muti unenge wadzurwa asi wosiya midzi yawo.

Francis anoyeuka zuva raakasvika kuFrance achibva kuGhana. Anotsanangura kuti, “Dambudziko romutauro, kushaya shamwari, uye kutonhora kwekunze, zvose zvakaita kuti ndinzwe ndakasurukirwa chaizvo.”

Achiyeuka paakatamira kuEngland, Behjat anoti: “Zvakanga zvakandiomera kuti ndiite maererano netsika dzaikoko. Ndaiva nevanhu vandaizivana navo asi kwete shamwari chaidzo kana vemumhuri vandaigona kukurukura navo uye kunyatsotaura manzwiro andaiita.”

● Kufirwa Nemunhu Waunoda

Rufu rwemurume kana kuti mukadzi runoita kuti anenge asara wacho asurukirwe chaizvo. Izvi ndezvechokwadi kunyanya kumunhu anenge apepa mumwe wake kwenguva yakareba. Anowanzonzwa asingabatsiri zvachose.

Fernande, chirikadzi inogara kuParis, anotsanangura kuti, “Chakanyanya kundiomera kusakwanisa kuudza shamwari yangu, iye murume wangu, zviri kutsi kwemwoyo.” Anny anoti ndinosuwa murume wangu, “kunyanya pandinenge ndichifanira kusarudza zvokuita pazvinhu zvinokosha zvine chokuita noutano kana zvimwe zvinhu.”

● Kurambana, Kuparadzana, Kushaya Wekuroorana Naye

Kurambana kana kuti kuparadzana kunowanzokonzera kuti vanhu vasurukirwe uye vanzwe sokuti vakundikana. Vana ndivo vanotonyanya kutambura, kupfuura zvaimbofungwa kare. Dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti vana vane vabereki vakarambana vane mikana yakakura yokuzosurukirwa pavanenge vakura.

Vaya vasina kuroora kana kuti kuroorwa nemhaka yokushaya munhu akakodzera wekuroorana naye, vanombonzwa vachisurukirwa. Manzwiro akadaro angawedzera vamwe pavanoita zvokupotsera mashoko nokutaura kuti, “Nanhasi hausati waroorwa? Nanhasi hausati waroora?”

Mubereki anenge ari oga anosurukirwawo. Kuva mubereki hakungoiti kuti munhu afare chete asi kunounzawo matambudziko, uye mubereki anenge ari oga anofanira kugadzirisa matambudziko acho asina wokubvunza.

● Kukwegura Uye Kusava Noruzivo Kwevaduku

Kakawanda vakwegura vangasurukirwa, kunyange pavanenge vachitarisirwa nevemumhuri. Hama kana kuti shamwari dzingashanya pano neapo, asi zvakadini nemazuva kana vhiki padzinenge dzisina kushanya?

Havasi vakwegura chete vanosurukirwa asi vaduku vanombosurukirwawo. Vakawanda vanopindwa muropa nezvinovaraidza zvavanoita vari voga, zvakadai sokuona TV, kutamba mitambo yevhidhiyo, uye kupedza maawa akawanda vari voga pakombiyuta.

Zvinoita here kuwana nzira yokugadzirisa nayo katsika aka kari kuramba kachikura? Chii chingakubatsira paunenge uchinzwa wakasurukirwa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

“Dambudziko romutauro, kushaya shamwari, uye kutonhora kwekunze, zvose zvakaita kuti ndinzwe ndakasurukirwa chaizvo”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe