RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 April pp. 12-14
  • Ndingaitei Kuti Ndinakidzwe Nokuverenga Bhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaitei Kuti Ndinakidzwe Nokuverenga Bhaibheri?
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chingakubatsira Kuti Ugare Uchidzidza Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Chirongwa Chekudzidza Bhaibheri Chemunhu Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Vandudza Madzidziro Ako!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Unofarikanya Fundo Yomunhu Oga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 April pp. 12-14

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndingaitei Kuti Ndinakidzwe Nokuverenga Bhaibheri?

Nei ndichifanira kuverenga Bhaibheri? Chimbofunga izvi:

Bhaibheri rinogona kukubatsira kuwana pfuma inokosha. Bhuku iri rinotengwa chaizvo kudarika mamwe rinogona

● Kukubatsira kuronga ramangwana rako zvakanaka

● Kukuudza nezveramangwana uye zvakaitika kare zvawaisazomboziva

● Kukubatsira kuti uzive zvauri uye uve munhu akanakaa

KUDZIDZA Bhaibheri hakusi nyore asi kune mubayiro mukuru! Ungada here kuziva kuti vamwe vechiduku vari kuzvifambisa sei? Cheka uye peta peji rinotevera. Izvi zvichaita kuti zvive nyore kupota uchitarisa kuti uone kuti vezera rako vari kukunda sei matambudziko pakuverenga Bhaibheri uye kunakidzwa kwavari kuitwa.

“MuBhaibheri haushayiwi chinokunakidza. Nyaya dzirimo dzokuti uzive nezvadzo igumi nefararira!”—Valerie.b

Dzimwe nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti pawww.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uone kuti Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti uwane zvose izvi, ona Zvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara kana kuti nyorera kukero iri papeji  5 kana kuenda paIndaneti pawww.watchtower.org.

b Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 13, 14]

MAVERENGERO AUNGAITA BHAIBHERI

Dambudziko: KUSHAYA CHIDO

“Kugara pasi ndichiverenga Bhaibheri kweawa hakumbondinakidzi.”—Lena.

Zvaunofanira kuita: ZIVA CHIKONZERO CHOKURIVERENGA

Kuti unakidzwe nokuverenga Bhaibheri unofanira kupindura mubvunzo uyu: Ndikariverenga chii chandichawana? Unoda here kuti Mwari ave shamwari yako, unyatsonzwisisa kuti sei zvinhu zviri kuitika munyika zvichiitika, uye uwedzere kuva munhu akanaka? Bhaibheri rinogona kukubatsira pazvinhu izvi nezvimwewo!

“Usaona sokuti ibasa kana kuti kudzidza kwacho kwakafanana nezvaunoita kuchikoro. Asi ona kuverenga Bhaibheri senzira yokuti uve pedyo neshamwari yepamwoyo, Jehovha Mwari.”—Bethany.

“Nguva yokudzidza inguva yokumbova naJehovha Mwari. Kana uchingotandara nemumwe munhu kana vabereki vako varipo chete unofunga kuti munhu iyeye ishamwari yako here kana kuti ndeyevabereki vako? Kana ukadzidza uri woga Jehovha anogona kuva shamwari yako.”—Bianca.

Yeuka kuti: “Zvinyorwa zvinoera zvose ndiMwari akaita kuti zvinyorwe. Saka anobatsira pakudzidzisa, napakurayira, napakugadziridza zvinhu zvakakanganiswa napakuvaka tsika dzokugara kwakanaka.” (2 Timoti 3:16, Bhaibheri Rinoera) Bhaibheri rinogona kukubatsirawo pazvinhu izvozvi!

“Ndinoedza kufunga mibayiro yandinowana. Kana pane umwe unhu hwandinoda kuvandudza, ndinobva ndazviisa papurogiramu yangu yokudzidza.”—Max.

Zvokufunga nezvazvo:

Chii chinoita kuti ude kuverenga Bhaibheri?

Dambudziko: KUSANAKIDZWA

“Pashure pemaminitsi 10 ndatanga kudzidza, ndinotanga kungonzwa kuneta, panozokwana maminitsi 20 ndinenge ndava kutoita zvimwe; paanozosvika pa30, ndinenge ndisingachatodi kudzidza!”—Allison.

Zvaunofanira kuita: ITA KUTI ZVINAKIDZE

Edza kufunga zvaungadzidza, madzidziro auchaita uye nzvimbo yauchange uchidzidzira uri.

“Iva nenguva yokuongorora mibvunzo yaunenge unayo. Kana uchidzidza chimwe chinhu chaunoda, zvichaita kuti paunopedza unzwe kuti waita chinhu chinokosha uye uchanzwa uchifara.”—Richard.

“Paunenge uchiverenga imwe nyaya edza kuzvifungidzira uri munyaya yacho. Ita sokunge kuti ndiwe munhu ari kunyanya kutaurwa nezvake kana kuti souri kuona zviri kuitika.”—Steven.

“Ita kuti kudzidza kwacho kunakidze. Dzidzira panzvimbo isina ruzha uye iva nechimwe chinhu chokunwa. Kana ndichidzidza ndinoda kunge ndine zvokumbokanda mumuromo.”—Alexandra.

Yeuka kuti: Kazhinji maonero aunoita zvinhu ndiwo anoita kuti zvinhu zvisanakidza. Saka panzvimbo pokuti “kudzidza hakunakidzi,” iti “handisi kunakidzwa.” Iwe ndiwe unofanira kugadzirisa maonero aunoita nyaya yokudzidza. Kuita izvi kuchaita kuti uite zvose zvaunogona kuti unakidzwe nokudzidza.—Zvirevo 2:10, 11.

“Haufaniri kufinhwa nokudzidza. Iwe ndiwe unoita kuti kunakidze kana kuti kusanakidza.”—Vanessa.

Zvokufunga nezvazvo:

Zvii zvaungaita kuti unakidzwe nokudzidza?

Dambudziko: KUSHAYA NGUVA

“Ndinoda chaizvo kuwedzera nguva yandinodzidza Bhaibheri asi dambudziko riri panguva, handina nguva yokugara pasi kuti ndizviite!”—Maria.

Zvaunofanira kuita: ZVINHU ZVINOKOSHA

Chimwe chinhu chinoratidza kuti wava kuva munhu mukuru ‘kuva nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’—VaFiripi 1:10.

“Mai vangu vakandibatsira kuona kuti ndaitofanira kuronga zvinhu zvangu kuti ndive nenguva. Kubva pandakangowedzera chido changu chokudzidza ndakanga ndava nenguva yokudzidza.”—Natanya.

“Nokukura kwandiri kuita, ndakadzidza kuti ndinofanira kuronga kuti ndive nenguva uye kana nguva iyoyo yasvika ndotoona kuti ndadzidza.”—Yolanda.

“Kutaura chokwadi kana uchida kunakidzwa nokudzidza, kudzidza kuise panzvimbo yokutanga, kutandara panzvimbo yechipiri. Ukadaro, hauzombozvidembi kuti waenderei kunotandara.”—Diana.

Yeuka kuti: Kana ukasaronga zvinhu zvako uchapedzisira wava kungomhanyisana nenguva. Saka tanga kuronga kuti uve nenguva yokudzidza.—VaEfeso 5:15, 16.

“Zviri nyore chaizvo kuti ndishaye nguva yokudzidza nemhaka yokuti ndinoenda kuchikoro! Asi chinhu chinokosha kwandiri ndechokuti pazvinhu zvose zvandinoita, nguva yokuverenga Bhaibheri inototi iwanikwe.”—Jordan.

Zvokufunga nezvazvo:

Ipurogiramu yakaita sei yokudzidza yaungaronga?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 13]

MAZANO ANOTAURWA NEVEZERA RAKO

Zachary—Usangodzidza zvinhu nokuti zviri kuitwa nevamwe kana kuti nevabereki vako. Nyatsodzidza zvinhu zvaunoda kuziva nezvazvo.

Kaley—Tanga nokuita nguva pfupi. Unogona kutanga nokuita maminitsi 5, asi zviite mazuva ose. Nokufamba kwenguva wedzera kusvika pamaminitsi 10, wozowedzerazve kusvika pa15. Uchapedzisira waona kuti zvinonakidza!

Daniela—Kuti kudzidza kwacho kunakidze iva nechinyoreso, pokunyorera kana kushandisa kombiyuta wogadzira peji rauchati Zvandinodzidza muBhaibheri.

Jordan—Kuti nditore nguva refu ndichidzidza ndinosarudza nyaya inondinakidza. Ndinoda kudzidza pasina ruzha. Nzvimbo ine ruzha inoita kuti ndisaisa pfungwa dzangu pachinhu chimwe chete.

[Dhiagramu riri papeji 12]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Cheka

Peta

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe