RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 November p. 31
  • Chii Chingakubatsira Kuti Ugare Uchidzidza Bhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chingakubatsira Kuti Ugare Uchidzidza Bhaibheri?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingaitei Kuti Ndinakidzwe Nokuverenga Bhaibheri?
    Mukai!—2012
  • Purogiramu Yemhuri—Kudzidza Semhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Fundo Inotusa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Usatyira Kure—Zvaungaita Kana Une Zvakawanda Zvokuita
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 November p. 31
Hanzvadzi iri kudzidza Bhaibheri iri yega ichishandisa laptop, Bhaibheri, nebhuku rekunyora manotsi. Iri kushandisa chati yakanzi “Nyika Dzakataurwa naDhanieri Kuti Dzaizova Nesimba” iri muMashoko Ekuwedzera B9 eBhaibheri​—⁠Shanduro yeNyika Itsva

Chii Chingakubatsira Kuti Ugare Uchidzidza Bhaibheri?

ZVINOKUOMERA here kugara uchidzidza Bhaibheri uye uchinakidzwa nekudzidza kwacho? Tese tinogona kumboomerwa. Asi chimbofunga nezvezvinhu zvatinogara tichiita zvakadai sekugeza. Kugeza kunotoda kushanda nesimba uye kunotora nguva, asi patinopedza tinonzwa zvakanaka! Kudzidza Bhaibheri kunoitawo kuti tinzwe zvakanaka. (VaEf. 5:26) Ona mamwe mazano anogona kukubatsira:

  • Iva nepurogiramu. Kudzidza Bhaibheri kuri pakati pezvinhu “zvinokosha kupfuura zvimwe” izvo zvinofanira kuitwa nemuKristu. (VaF. 1:10) Kuti ukwanise kutevedzera purogiramu yako, unogona kuiisa paunokurumidza kuiona pakadai sepadhoo refiriji. Unogona kuisa aramu pafoni yako kuti ikuyeuchidze kana nguva yako yekudzidza yava kukwana.

  • Ita zvinoenderana nezvaunokwanisa. Unokwanisa kudzidza zvese zvauri kuda panguva imwe chete here kana kuti unoda kuzvidzidza panguva pfupi dzakasiyana-siyana? Ndiwe unoziva zvaunokwanisa. Saka ronga kuti urefu hwenguva yaunodzidza huenderane nezvaunokwanisa. Kana uchinzwa sekuti hausi kuda kudzidza kana nguva yawakaronga yasvika, wadii kungoedza kudzidza kwemaminitsi 10 chete? Kudzidza kwenguva pfupi kuri nani pane kurega kudzidza zvachose. Uye kana wangotanga kudzidza unogona kutozoda kuramba uchienderera mberi.—VaF. 2:13.

  • Sarudza zvaunoda kuzodzidza pachine nguva. Kana ukazotanga kufunga zvauri kuda kudzidza nguva yako yekudzidza yasvika, unogona kunge usiri ‘kushandisa nguva yako nekuchenjera.’ (VaEf. 5:16) Unogona kugara wanyora zvinhu zvaunoda kuzodzidza nezvazvo. Kana uine mubvunzo pane imwe nyaya yausiri kunzwisisa, unyore pasi. Pese paunopedza kudzidza, unogona kunyora zvimwe zvauchada kuzodzidza nezvazvo.

  • Chinja zvimwe zvinhu pazvinenge zvichidiwa. Kana zvichidiwa, chinja zuva nenguva yaunodzidza, urefu hwenguva yacho, uye zvauchadzidza zvacho. Chinonyanya kukosha ndechekuti uri kugara uchidzidza, kwete kuti wadzidza riini, kwenguva yakareba sei, uye kuti wadzidza nezvei.

Tinobatsirwa chaizvo kana tikagara tichidzidza Bhaibheri. Tinova neushamwari hwakasimba naJehovha, tinoita zvisarudzo zvine uchenjeri, uye tinonzwa tazorodzwa.—Josh. 1:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe